PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼 WhatsApp Channel

PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼

10.0K subscribers

Verified Channel

About PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼

PRECIOUS a.k.a MANYONI OFFICIAL CHANNEL.WE WELCOME YOU ALL FOLLOWERS OUR BOOKS ARE AS FOLLOWS *FREE BOOKS* EVIL MINDS AGONY LOVE'S REDEMPTION SEASON ONE BENEATH THE RAGS ECHOES CONFIDENTIAL BROKEN REPUDIATION *THEY ARE ALSO AVAILABLE ON PDFS* *ONSALE BOOKS* BLEEDING HEART HAMUNYARI SEASON ONE AND TWO BESTY (THEORY OF LOVE) CHARM OF HATRED WONDED LIONESS CONT OF CHARM OF HATRED ARMOUR MUFAROWASHE JUDGE'S SECRET HEART MAFADZWA (WHISPERS OF SWEET DEVOTION) DARK CLOUDS REGRETTED CONT OF DARK CLOUDS BEYOND THE FACADE CONT OF LOVE'S REDEMPTION THE INVISIBLE THREAD RELENTLESS PURSUIT *LETS DIVE INTO REPUDIATION BY PRECIOUS a.k.a MANYONI.WE WILL BE SHARING ONE CHAPTER AT A TIME ACCORDING TO YOUR REACTIONS MUKAITAWO 1K REACTIONS TOUNZA TWO CHAPTERS MUNO BOOK RINOUYA NEMA REACTIONS ENYU.STAY TUNED FOR DAILY UPDATES.LET US KNOW YOUR THOUGHTS AND FEEDBACK AS WE GO ALONG JOIN THE COMMENTS GROUP AND LETS EXPLORE THIS STORY TOGETHER* FOR ADVERTISEMENTS CONTACT ME ONE +263716307914 kutsamwa kune labor❤❤👑

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 9:42:07 AM

1k guyz ngatiise tudhori

❤️ 🙏 😂 😢 👍 😮 47
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 4:48:45 AM

Manyoni anotokwanisa kukupai 2chapters per dae react gyz zviite

❤️ 👍 😂 🙏 😢 53
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 5:25:05 PM

Mukuimprover pakuliker rambai makadaro

❤️ 🙏 👍 😂 😢 34
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 11:40:05 AM

*Maswera sei book manheru im very busy*

❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 60
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/12/2025, 5:39:26 PM

*🍓REPUDIATION🍓* FOLLOW OUR CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaEFcd017Emn8kF5X63N Comments group https://chat.whatsapp.com/IRkAgpYqqEBLre1KGaLRQ0 Handei tinofollower munyori wedu kufb https://www.facebook.com/share/1Hq74jNayz/ FACEBOOK GROUP https://facebook.com/groups/560179280000560/?mibextid=rS40aB7S9Ucbxw6v WRITTEN BY PRECIOUS a.k.a MANYONI PARENTAL DISCRETION IS ADVISED C 9 Ndakazviwisira pasi ndichichema hupenyu hwangu hwaive husina order ndaitoshaya kuti chandaive ndakatadza pasi pezuva chii chaizvo.Ndakahwihwidza ndakagarapo paroad ipapo ndaive ndatove nowhere ndekupi chaizvo kwandainangisa tsoka dzangu ndichiti ndirikuenda.Apa mashoko aive abuda mumuromo mamai vangu munhu wandaitotemba kuti achamira neni.Even dai ndaida kuzama kutsanangura ndaizatererwa nekuti ndaigara ndaingonzi ndiri benzi uye munhu wacho aito beleiver mashoko angu ainge atotsamwawo , ndakasimuka kwakudzokera kumba ndaiita kunzwa kurwadziwa zvekuti ndakapedzisira ndati "Mwari ndizorodzei hangu handingazvikwanise zvekurarama ndiri munhu wekuchema everyday pandinotiwo zvaita mhepo dzosimuka" ndakapinda mumba nekuzviwisira pasi , iye Kissmore wacho ndaishaya kuti airwei muhupenyu hwangu , ndaive ndakamutuka asi revenge yacho aive akuinyanya kuita moyo waSatan wakadaro.Ko iko kuzoita zvivindi zvekutora phone yangu oisa whatsapp ndakademba chandairegerera kuisa password.Ndakachema zvekuchema zviya mbabvu dzangu dzaive dzakutorwadza nekuchema.Phone yangu yakabva yaringer ndakatarisa ndokuona vari sisi Sheila handina kuidaira ndaisada kuramba ndonzwa mashoko avo vanhu vacho andanga ndaudzwa namukoma namama ainge akwana.Yakasvikira pakukata ndakaitarisa ndakazviudza kuti handisi kuzobva pano kana vachindiuraya vaindiuraya havo nekuti kwekuenda kwacho ndaive ndisina ndainanga kupi kwandaienda kwaani uye ndichiti ndirikuendepi.Ivo ndivo vaive vakandizvara vaindiuraya havo zvaive zvisina mhosva.Simba rekuenda kunorara muspare ndakarishaya ndaingochema ndakagara musitting musoro waive wakurwadza nekuchema.Zuva rakatevera ndakakwanisa kubuda kunodziya zuva.Simba ndaive ndisina hangu phone yakaswera ichiringer ndisadaira nekuti ndainzwa kuremerwa nemashoko andaive ndakaudzwa.Aive akandigara pamoyo chaipo kana mai vangu vakusvikira pakunditi ibva ndiani aizondida.Yakave mibvunzo yandaive ndozvibvunza asi aikwanisa kundipindura hapana.Handina kana kugeza kana kudya chaiko , nguva yandaive ndiri kana kudya ndaisakwanisa.Ndakaswera ndichiterera zuva ndakazopinda mumba zuva ranyura ndakanogara mudinning ndichingoyeredza misodzi. Ndakatozonzwa kutaura kwevanhu panze ndakakasika kusimuka pandaive ndakarara ndichibva ndamhanya kuspare.Ndakanzwa izwi ratete richiti "Aripiko musikana wechihure uyu?" Ndakaziva kuti vauya vanhu vaye , ndakanzwa daddy vakuti "Anoendepiko handiti kutoona gate rakavhurwa zvoreva kuti chirimo mudanei tipedze nyaya dzacho." Tete vakati "Anozviuraya ka uyu mamukanganwa zvichida atofa" vakadaro vachibata handle redoor rakabva ravhurwa.Ndaive ndakarara ndakatarisa kudoor.Vakati "Veporno" ndakati "Makadii?" Vakati "Unonyadzisa iwe kupotsa waurayisa mai apa vanokuvhukirira pane zvakawanda iwe woswera uchiita zvevarume haunyari here?" Ndakati "Sorry" ndaingove low hameno zvandaitonzwa munyama dzangu.Vakati "Pwori kudiikowo huya kuno tione" vakadaro vachitofamba kubuda hana yangu yakarova asi ndizvo zvaitovepo kwaive kutongorohwa uku nekudzingwa straight.Ndakasimuka kubuda ndokunanga kudinning ndakaona vana mukoma vese varimo pamwe namama natete nabamukuru naivo vaizviti baba vangu.Vaive vakaita kusunga chiso zvandakatya ,vakati "Gara pasi hure iwe , unonyadzisa wanzwa?Kuita kunonzi kunyadzisa dai kuri kunzi zvaonekwa nesu chete zvaive nani zvatenderera kwese wandibvisa chimiro Eliana?" Handina kudaira , uye kudaira hunge uine simba racho.Ba Allaine vakati "I supported you ndichiti ndirikuitira munhu kwaye kusaziva kuti uri sasikamu ndiyo reason yawakarambira kuenda kumuchato waitoziva kuti une dzauri kuda kusara uchitsikisa ndirikukunzwira hasha" vakadaro vatofutisa matama chiso chasungwa.Handina kudaira nguva yacho yandaive yaive yakaoma nekuti munhu wese aive akapfeka face yembada chaiyo.Mukoma Wilson vakati "Uyu iloss uyu chaiyo ane hunhu hwakafumuka hunosemesa chaihwo" mama vakati "Wandirwadzisa Eliana pamwe pese waiita hako zvawaiita ndichikuregerera this time wanyatsondibaya panyama nhete chaipo.Ndirikuti ndikakutarisa ndirikunzwa kusemeswa chaiko" vakaridza tsamwa vachitarisa kurutivi.Misodzi yangu yakatanga kuyerera ndichiona vanhu vese vari against me.Kwekutizira chaiko ndaive ndisina killing myself was the only option yandaive nayo nekuti handina kwandaienda.Daddy vakati "Usachema nhando hauna kuzviita here?" Ndakaramba ndiri zii zvikanzi "Handisi kutaura nematsi ndati hauna kuzviita here?" Ndakati "Handina" mukoma Harmony vakaerekana vandipa mbama ndakarwadziwa asi nguva yacho yaisave yekuterera marwadzo vakati "Sandiwe here apa?" Vakadaro vachindipa phone yavo ndakati "Ndini" zvikanzi "Saka unoramba kuti hauna kuzviita iwe urikubuda" ndakati "Ndakarepwa akandi drugger mukoma ndingaite benzi here rekuita zvinhu zvakafumuka kudaro phone yangu yacho yanga isina kana whatsapp ndakatoshamisika muchitaura pamakafona" ndakataura mashoko iwayo ndichiyeredza misodzi.Ba Allaine vakati "Wakanga wakazvironga usade kundiita kunge bharanzi wazvinzwa?" Ndakati "Chero manzwa divi rangu zvakanaka" ndakataura ndakazvininipisa hangu.Wilson akati "Iwewe ka?" Akandinongedza.Tete vakati "Chiregai kuramba morebesa nyaya taurai nyaya yatafambira" daddy vakati "Musikana uchiona tadzoka kudai tadzokera iwe nyaya iripo ndeyekudai taona kuti iwe unoda varume stereki zvino babamukuru vako ava navatete vako vaona zvakakodzera havo kuti vagare newe ubarire bamukuru vana vaviri kana uchinge wabara vana vakura wochisiya hako wonoita chipfambi chako" ndakati "Zviri nani ndigare mustreet pane kunozvarira chembere iko kuda vana vei chembere yakura kudai handidi inga makandiramba kare wani uye dai mandiwana ndisipo maidii?" Ndakataura mashoko iwayo ndiine marwadzo asingaite moyo wangu wakaita kuremerwa chaiko. Vakati "Ndaitoziva kuti hauna kwaunoenda ini zvandataura ndizvozvo uye bamukuru vako ava ndaive ndakavavimbisa kare kuti iwe ndiwe uchava barira vana saka handione paine need yekuti urambe vakatiitira mafavours akawanda uye kuti ini ndive zvandiri nhasi ndivo.Vana mukoma wako kuti vasvike pavari nhasi ndivo" ndakavatarisa ndakashama muromo mama vakati "Ungadai wakaenda kare asi ndaikuvhikirira kuti utange wanyora form 4 zvino ndave kutoona kuti dai ndakakusiya hangu wakaenda pane zvauri kutiitira izvi kuita kundibvisa chimiro ndinonyarirepiko" ndakatadza kutaura zvikanzi natete "Mave kuziva varume amainini hapana chekuti mungade kuchema kana kuramba apa kutongo rongedza mabag enyu tonanga Harare baba venyu vangotadza kuenda pane nyaya havo vakatopihwa mari nemombe nekupihwa basa kwaitove kuroora ikoko.Ini ndainge ndabvumirana nazvo ndakaramba kuunzirwa umwe mukadzi asiri weropa rangu ndakaona kuti zviri nani mwana wehanzvadzi yangu auye hake." I chuckled zvino kakurwadziwa mukati ndakati "Vana Sheila vaisavepo here nana Letty vana mukoma ava ndakazvarwa vatove majaya ini ndini ndainge ndadii kuti nditorwe navo?" Ndakabvunza zvine shungu mukati vakati "Vakada iwe saka imhosva here?Panzvimbo yekuti ufare wave kuda kutotaurisa haufanire kuchema fara" vakataura zvisina kugaya mukati.Ndakatadza kuziva kuti chimisikidzo chacho chaive cheiko , ko ini ndainzi ndivazvarire vana sei ivo vaive nevana wani.Ndakati "Ndirambei henyu mundidzinge handina basa nazvo ndonoita hangu street kid it doesn't matter handidi kuita mukadzi wavo" ndakataura ndakashinga , ndosaka tete vaisada kutaura uye ndosaka vaive vakanditi ndinogezera mubedroom mavo.Ndakabatanidza tunyaya twese twaitaurika ndikabva ndatongoona paive nenyaya yacho ndipo pazvainanga.Uye vana mukoma nana sisi vaitoziva nyaya dzese.Daddy vakati "Wasarudza kuita street kid nekusada kunoita mukadzi wemunhu?" Ndakati "Handina basa nazvo i would rather die pane kuita mukadzi wababa ava never" ndakadaro ndichitarisa mama avo vaive vakatorova serious.Ndakatarisa munhu wese aivemo mumba vaive vakapfeka maface eshumba ende hapana airatidzira kuda kuseka.Bamukuru vakati "Mainini ingonzwisisai handione paine need yekuti mungaite nharo apa" ndakati "Imi siyanai neni inga ndataura wani kuti zviri nani kuti ndife hangu" ndakadaro ndichisimuka ndaive ndanzwa neshungu ndakabuda ndichichema ndikanogara kunze kugate chaiko.Ndaiita kunzwa moyo wangu uchiita kurema chaiko.Ndiripakati pekuchema ndakanzwa izwi raRujeko richiti "Chii Elly?" Achindibata mashoulders angu ndakati "Ndaitoti wakandirasawo?" Akati "No friend ndaida kuti uone mamistakes ako ndanga nditori munzira kuuya kukuona just saw your video na Kissmore waona zvandaikuudza handiti , ndakazama kukuudza asi hauna kuterera now chiona kwazvaave hapana asina kuriona video iroro ndirikunzwa kukurwadzirwa hangu" ndakati "Newewo urikuona sekunge zvaitika ndichida here?" Akadzungudza musoro ndokuti "No , Kissmore agara ane hutsinye ndakambomuona achiitira umwe mukomana weti mumukanwa he is like that anotoenda extreme kuti akaurise munhu that guy ari heartless he is abusive" ndakaerekana ndamumbundira akamira kudaro ndakati "Ndiwe wega wandinzwisisa family yangu yaramba kunditerera handizive kuti ndichararama sei?" Akati "Don't worry vachirine bitterness asi trust me ikapera vachakunzwisisa" ndakati "Haungambondinzwisise hako Rue my life is a mess I wish to die ndoda kufa hangu Rue" Akati "Iwe usataure kudaro kani Elly kufa hakuna zvakunobatsira please usataure kuti unoda kufa hako unenge wafadza Kissmore ukadaro.vanhu vagara vanotaura uye vanotaura vachinyarara iwewe ingozviudza kuti mashoko haandiuraye mashoko anopfuura" dai aive mutsoka dzangu aisataura kudaro nayewo aitotaura zvekufa.Ndakati "Rue ndirikurwadziwa" ndakadaro ndichibata moyo wangu akagwadama paside pangu ndokuti "Kana paine zvirikukudya moyo ndiudze Elly" ndakati "Ndakaremerwa ndikakuudzawo unozosarawo uri witness ndafa" akati "Haufi Elly taura neni?" Gate rakabva ravhurwa ndakanzwa Wilson akuti "Husiku huno urikuitei pano pinda mugate umu" ndakati "Handidi lockai gate renyu henyu" ndakataura kudaro ndakashinga Rue akati "Pinda mugate Elly" ndakati "Ndonobatei mugate imomu" zvikanzi "Nhai hanzvadzi yangu chiiko?" Handina kudaira kutaura kudaro ungati rudo , Rue akatozondimanikidza asi ndaisada ndakapinda ndichizvuva makumbo angu tave padoor zvikanzi "Watoudza chishamwari chako?" Ndakati "Kumuudza kuti chiiko?"zvikanzi "Ndiye bestie wawaida kutumira sex tape?" Ndakati "Handiti ndanga ndati ndobva hangu pano ndimi ka mave kutondinetsa muchindideedza chiiko chirikunetsa?" Baba vacho vakabva vati "Huya kuno iwe ndatoziva kuti hauna kwawaenda" handina kudaira vakati "Usade kuzviita wakapenga Elliana?" Ndakafamba kuenda kudinning ndakasvikogara pafloor kudhuze nekudoor zvikanzi "Zvatataura ndizvozvo zviri kutozoitwa zvako zvetwunharo twako izvo hatinei nazvo isu wanzwa.Uchingopedza kunyora tete vako varikubva vatouya kukutora wanzwa?" Ndakati "Handisvikeko kwese ikoko musazvinetse" zvikanzi "Urikuvhundutsira aniko netuma suicide threaths twako getaway mhani iwe" vakadaro izwi ratove pamusoro mukoma Harmony vaitoita sekunge vasingandizive havo.Ndakangoti zvakaoma nechemumoyo ndakazongobvumirana nemashoko avo asi ini ndaive ndatofunga hangu kuzvipfuudza.Mai vangu vainge vakaita havo dzungu pakutanga vakandirapisa dai vakandisiya ndakazorora hangu.Ndakazobuda ndokunonwa mvura ndichibva ndanorara asi handina kurara hope svinu ndainzwa zibundu nekuremerwa chaiko kuti chiiko chandaizama kuitirwa nevanhu vaizviti vabereki vangu.Zuva rakatevera ndakamuka ndichinzwa kupera simba nekuda kwenzara ndakangoisa cup yetea ndichibva ndaenda kuchikoro.Uye handina kutonyora zvakanaka exam racho maziso evanhu aitaura zvakawanda.After tapedza kunyora ndaiita kunzwa kuzeza kufamba muvanhu nekuti pese pandaifamba pakaungana vanhu ndaitanga kusekwa.Ndaive ndakutoshaya kuti ndodii ndakachema kuita kuyeredza misodzi ndakamira pagate Sharon akabva angosvikawo from nowhere achindipa chibhakera mudumbu ndokuti "Hure kutoburitsa porno yako nemurume wangu haunyare here ndoda kukumamisa" ndakanzwa hasha dzichisimuka mandiri apa ndainge ndagara ndiinadzo kare hasha dzezvandaive ndaitwa.Ndakamupa bhutsu mudumbu achinowira uko zvekuti aive nemimba handina kuzvitsvaga hangu.Ndakanomugarira padumbu apa ainge ochema "Handisi sahwira wako wazvinzwa ehe ndakarara naye murume wako saka urikuda kundiuraya here?" Ndakadaro ndichimuboloncha.Ndakazongonzwa ndobatiranwa naRujeko neumwewo mukadzi kundibvisa pamusoro pake.Aive ongochema akabata dumbu rake "Ndakufaaaaaaa kani maihweeee ndibatsireiwo mwana wangu" Rujeko akati "Waitei nhai Elliana?" Ndakati "Ndaneta Rue ndoda kuzorora ini" ndakadaro ndichiwedzera kuchema.Akabatiranwa nevamwe vakadzi vachimisa mota mukadzi aive andibata na Rue akati "Uchenjere kusungwa chero hazvo ariye akudenha dai wamusiya akadaro ikabva mimba iyi urikusungwa iwe?" Ndakati "Kana vachisunga chitunha vanosunga" Rue akati "Elly kaniii?" Ndakamutarisa aive otoyeredza misodzi ndakati "Ndafunga kutevera sekuru vangu Rue pamwe ndiye munhu angandinzwisise nekuti ini ndinoshooresa dzinza" akati "Kuzviuraya haisi solution" ndakamubvisa ruoko rwake rwaive rwakandibata ndokufamba kuenda akanditevera akandibatira kuroad yekuenda kumba.Akati "Taura neni Elly please ndinzwewo usazviuraye kani inga ndakataura wani kuti hama dzako dzichakunzwisisa" ndakati "Unofunga kuti vane care neni here?" Akati "Why wadaro?" Ndakatura mafemo kwakutanga kumutsanangurira nyaya yaivepo akangobata muromo ndokuti "Hiiiiii nhaiwe vabereki vako chaivo kukudaro here Elly?" Ndakati "Yah ivo vaya mukadzi nemurume" akati "I feel for you , hey zvakaoma veduwee ndinogoita zvekunzwa nyaya dzakadaro dzaiwanzoitika kare chaiko saka zvichiko?" Ndakati "Yah kwandiri zvirikuda kutoitika" akati "Ungazviurayire izvozvo here everything happens for a reason usapuse zvekupererwa Elliana ndokuziva wakamgwara iwe handiti vakati wapedza kunyora iwe musi watinopedza buda nephone yako ne passport wakatotiza unonotsvaga basa kana remumba kuHarare uko pane kuda kuzvigurisira hupenyu hwako" ndakati "Ndonangepi?" Akati "Ndina maiguru vangu vanogara ku Harare ndichataura navo vakutsvagire basa ndovaudza situation yako" ndakati "Iwe handidi nyaya dzangu dzinozivikanwa nevanhu thanks ne advice ndichaita plan" akati "Promise me kuti hauzviuraye?" Ndakati "I promise" ndakanga ndagona nekushare akanga andibatsira. Takananaidzana kuenda kumba ndakasvika Wilson akagara panze handina kumumhoresa ende handina chandaive ndichanyengerera nekuti ndaive ndakuda kutobvapo.Ndakaenda kunochinja ndapedza ndakanotsvaga chikafu ndakaona muine chingwa ndakabika tea.Ndapedza kunwa ndakawacha ma uniform angu kwakutora book rangu ndaida kunoita revision na Rue vana mama vaivasepo uye zvaive pachena kuti vainge vadzokera vese nekuti mota dzavo ba Royco na Harmony neya daddy dzaisavepo.Ndave kubuda zvikanzi "Ukasike kudzoka ugobika" handina kudaira zvikanzi "Ndinokurova Elliana?" Ndakati "Horaiti" ndakabuda kuenda kwaana Rue ndakamuona pagate akati "Handei kumba kwenyu pano pane vanhu vanga vachitombotaura nezve video rako zvino vakakuona vanozotaura zvisizvo" ndakati 'Boe' takadzokera kumba kwedu lucky Wilson ainge asisipo panze takapinda muspare.Nekutotanga kuita revision tapedza akabva atanga kundibvunza nezvaive zvaitika musi wandakarepwa na Kissmore ndakatanga kutsanangurira door rakabva ravhurwa ndichangopedza kutaura "Anoiwanepi mari yekutenga pill rinodhura kudaro usade kuvhara vanhu iwe , musikana chibuda uende" aidaro Wilson ndakada kupindura asi Rue akandibata ruoko achibva atoti "Ndakuenda Elly" ndakati "Boe" ndakatarisa Wilson neziso reruvengo.Paakabuda Rujeko zvikanzi "Haunyare here kunyepa?" Ndakati "Totoudzwa nemi kuti inhema maivepo muchiokera achiita zvaaita" ndakanzi "Ndotya kukurova unofa iwe" vakabva vabuda ndakasara ndoita zvekurongedza mabook angu.Ndakazobuda kunobika , nyaya taive tisina zuva rakatevera ndakaenda kuchikoro asi Sharon haana kuuya tapedza kunyora ndakanzwa Victoria akuti "Woti kubva kuratidza vanhu porno wopara imwe mhosva izvozvi mwana wevanhu akaita miscarriage arikutonyorera muchipatara vamwe vanhu muri mhondi" hana yangu yakarova ndakatanga kudemba uye kuzibvunza kuti ndakaitei ndakazongozviudza kuti kunyepa kuda kundivhundutsa.Takuenda kumba naRue zvikanzi "Sharon akaita miscarriage wakaitei Elly?" Ndakati "Kuda kundivhundutsira" akati "Tombodaro hedu asi handifungi kuti ndizvo" takananaidzana kuenda kumba.Ndichisvika ndakaona mota yamudhara yavepo ndikaziva kuti kwadzokewa.Ndakapinda mumba mama vachibva vati "Huya hako kuno musikana wakamirirwa" hana yakarova ndakafamba kuendako ndakapinda ndokuona Mai va Sharon nababa vake.Mama vakati "Uyu munhu wenyu taurai nyaya yenyu muudzei?" Mai vacho vakati "Musikana uchitiona tauya pano kudai hazvina kumira mushe ndini mai va Sharon ndati ndiuye ndikuudze kuti munhu wawaka kika akaita miscarriage nhasi amuka ari nani asi pataenda kunomuona tashamisika tichinzwa kuti haachatauri ndangouya pano kuti ndikuudze kuti pakawana chinoitika pamwana wangu ndouya naye pano ipo pano nekuti ndiwe honzeri handina mashoko mazhinji andingataure newe akawanda ndizvo zvega zvandiinazvo ndati ndikuudze mai vako vachinzwa ava" ... End of chapter kutsamwa kune labour🖤Stay tuned

❤️ 🙏 😢 👍 😂 😮 785
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 5:14:18 PM

Maswerasey malikes ngaawande veduwe

❤️ 👍 🙏 😢 😂 29
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/14/2025, 6:41:20 AM

Morning ngatingopindei mu1K reactions tipe munyori manyukunyuku tipihwe 2 chapters💃💃💃

❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 37
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 6:29:50 PM

*I'm sorry mufunge ndatadza kunyora C 10 moiona mangwana*

😢 ❤️ 👍 😮 🙏 😂 73
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/13/2025, 2:32:56 AM

Haaaa mng toziva chando chiriko asi ngatingoisai malikes anhuwoye 🤗🤗

❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 49
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
PRECIOUS a.k.a MANYONI NOVELS 🇿🇼
6/12/2025, 9:13:32 AM

Maswera sei mafans aManyoni ngatipushei malikes takamirira book ngatichovhei guys we know kt munogona kutosvika 1k so vasati valiker isaiwo zvidhori zvenyu kt panouyawo book Manyoni anosekerera achiona mafans ake adadisa

❤️ 🙏 😂 👍 😢 😮 50
Link copied to clipboard!