FEELING MOTIVATED
February 10, 2025 at 05:17 PM
Follow this link to view our item on WhatsApp: https://wa.me/p/7720758328013007/263783822621
HONDO HURU PAKATI PEMUPOROFITA WAMWARI NEMULAND BARRON 🔥🔥🔥🔥🔥🔥asi zvepasi pano zvandikandisa MAPFUMO pasi MUTUKUDZI MUDENGA🤣🤣🤣
Paita chisiwonekwi muguta reharare kuChitungwiza apo mumwe mudzimai akadyirwa mari yake nevaya vanotengesa nzvimbo dzekuvakira dzimba zvisiripamutemo zvazokonzera kuti mukadzi uyu ainde kuDARE GURU kwaMadzibaba Lamboo (ISHE)0783822621/0783873319.
Ndazozviona kuti namadzibaba Lamboo tinosvika kure kkkkkkk zvinonzi murume wekutengesa ivhu uyu akazofonerwa nemuporofita achinzi chidzosa mari yemuridzi sezvo wakundikana kupa amai ava pekugara sekuvimbisa kwako kubva pakutanga, uyu murume ndipo paakati achavadzorera nenguva ake , iyi nyaya yange yave nemakore matatu amai ava vachitenderedzwa negevha iri.
Zvino muporofita akati kuti unzwisise kuti DENGA ravekuda mari iyoyo kutanga nhasi uchaitira tsvina mumagumbezi somwana mudiki uye mudzimai wako achakusiya ndizvo kuti unzwisise kuti DENGA ratsamwa🔥🔥Piiisaaaaa
Iyi hondo yaveneMwedzi mitatu muporofita ataudzana nemurume uyu anozikanwa nezita rekuti Mapuranga uyo anotengesa ivhu zvisiri pamutemo muchitungwiza kunobata KwaSeke uko.
Zvinonzi kubva zuva ravataudzana nemuporofita ndipo pazvakatanga kuitika murume mukuru arikuitira tsvina mumachira avete.
Tamubvunza akati zvandiremera ndaifunga kuti BABA LAMBOO varikutamba 😭😭😭asi uuuuuu ndazozviona kuti Jeso idombo zvechokwadi.
Kwanzi ndinorota mumwe murume anenge akapfeka nguvo tsvuku mumusoro make anendebvu refu achindirova netsvimbo asi paanondirova kuhope ikoko ndinoita tsvina pandinozopepuka ndinenge ndatoita tsvina zvechokwadi mumachira
😭😭😭mudzimai akatoenda zvechokwadi uye zvinorwadza kuti ndakanogarwa dare kwandakaroora ndichitongwa nyaya yekuti ndirikumesa mumachira uye vedzinza rangu vose vakazviziva kutaura kuno ndrikunyara hangu uye dambudziko rangu harisati rapera nekuti handisati ndadzorera munhu wacho US$6 000 yake uye ndinobvuma kuti ndakavadyira mari mai ava.
Tazobata muporofita MAMBO LAMBOO vakati yes ndini ndakaita dare iri nechikonzero chekuti murume uyu arikurwadzisa mukadzi uyu pamusoro pekurwadziwa nekuti mukadzi uyu ishirikadzi yakasiiwa nemurume vanevana vanoda pekugara nekuriritirwa , mukadzi uyu murume wake akafa netsaona ndokubva mukadzi uyu atengesa dzimwe Mota mbiri achiri awane pekugara saizvozvowo uyu murume anonzi Mapuranga oti dzawira mutswanda saka hatidaro sevanhu vatema.
Muporofita aenderera mberi achiti ndiyo nyaya yandakatovinga panyika iyyo uye dai Mwari vasina kudaira munamato uyu ndingadai ndakabvarura nguvo zvekare ndakamupa 4 months chete kuti ndiwedzere kusunga nechipanera kana akanonoka ndichambovhara nzeve dzake padambudziko rechipiri.
Muporofita anoti ndini ndakapiwa tsvimbo yaMoses ndini ndichaparadza vana vaFarao vagere munyika ino😫.
Prophet Lamboo vanoti iro gore rino satan anonyura chete uye vanoti huyai tinamate Mwari wechokwadi🔥🔥anodaira nemoto.
❤️
2