🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 21, 2025 at 04:47 PM
*RINAMANYANGA* 🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴 Nganonyorwa yechinyakare https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a NaVee💘 Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 *Usatomborega zvako kupinda muchannel kuti unzwe zvakawanda, ndaramba anozoda kupihwa kubva payakatangira* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H *Uchida kupa miono yako baya ringi riripazasi apa👇* https://chat.whatsapp.com/IzhpxnAtABW39I1bdzYhep *Tevera chanero yandinoota ndichiisa zvinyorwa zvekare* https://whatsapp.com/channel/0029VaflYk96xCSMg8lUQ620 Like my Facebook pages👇 1 .https://www.facebook.com/Vee-Stories-100577472665445/ 2 https://www.facebook.com/Virgie-Writes-110160491788454/ Join others on FB👇l /https://www.facebook.com/groups/768733003775752/ 💘2 Chakwesha akapinduka apindukazve musi uyu. Aiita sekunge ainge atanga kudiwa naWirirana zuva iroro. Nyemwerero yaingoerekana yanaya pachiso chake. Chiitiko chakange chatora nzvimbo ichi akange asina kuchitenda. Ainge Ave nenguva achidanana nemumwe wake, asi kungofunga kuti akange ave kuzoda kubuda mugota pachinguva chidiki diki chaitevera zvaingodyara nyemwerero pachiso chake. Dai paine aizomuona murima imomomo aizoti dhii pasi nekuseka. Aiti akambomuka osvetuka svetuka arimo mugota make oona akambundirana naWiriranai vachipanana rudo rwemandorokwati. Ainge asina tarisiro yekubatwa nehope husiku uhu nekuda kwendangariro dzainakidza dzaaive nadzo, aingotya kunzi airota. Akazonyatsodzikamisa pfungwa ndangariro dzake dzodzokera kuhurukuro dzavo dzavaisweroita muzarima resango kazhinji kacho. Kuvhima akambosendeka kure mazuva aya achipa nguva yake kune mudiwa wake. "Ini hangu Nechinanga, ndakaomera handidi kusiirana mudiwa wangu nemumwe munhukadzi akaita seni. Ndakaita so ndinomirira vakadzi gumi pane zvese. Ndinoziva murihombarume munoda musha mukuru neniwo ndiri mukadzi akakwana. Kana muchida kuti ndikuzvarirei vana makumi nemakumi ndinozvara ini musanetseke henyu," akadaro zvake Wiriranai mumwe musi vari vaviri zvavo akarara pamakumbo emudiwa wake Chakwesha. "Amai imi musade kuomera kudaro, mumwe mukadzi anenge achikubatsirai basaka nhai. Ini kazhinji ndinenge ndiri musango unowanawo anokuvaraidza mumwe wangu," Chakwesha aitaura achipuruzira matama aWiriranai. "Muvaraidzi wangu ndiwe mudiwa wangu, dai kuri kunzi mumwe munhukadzi anondirwira kumbavha kana zvikara musipo ndaibvuma, zvino tinenge takangofanana. Kunenge kuri kungoverenga mbeva nemiswe uko. Pabasa unoziva wani kuti mbeva zhinji hadzina mashe." "Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru." "Kana zvanyatsorema zvitori nani kuti nditore wangu wandakasiira zamu kuti agare pano. Uyo ndinoziva kuti haambofi akandiitira hutsinye kwete mutorwa anouya neshaisano. Unonzwa nekubatirwa midzi mudiwa wangu kanganwa hako zvegura," Chakwesha akabva atoona paive nepfungwa nemudiwa wake. Iye pachezvake akange asina kumbobvira afunga pfungwa dzekuisa Wiriranai paguru, chaaingoda rufaro rwake newaakapa moyo wake. "Ndakunzwai amai Nechinanga, musha ndewenyu muri moga kudai makatondikwanira. Ndimi moga mavimbisa kuti muchandizvarira majaya makumi maviri nemhandara shanu," Chakwesha angopedza kudaro Wiriranai akati kwanyanu paakange akazendama ndokutarisana naChakwesha uyo aiinge atotyoka mbabvu nekuseka. "Unorevesa here mudiwa?" Wiriranai haana kukwanisa kuseka panyaya iyi. Chakwesha akakosorera ndokutarisana nemumwe wake maziso akati ndee mumboni dzemumwe wake kwakuzoti, "vana havasiri ivo vatiri kuda kuwananirana. Tirikuzviitira rudo rwedu. Kuhwanda kwavo kana kushomeka kuda kwevadzimu vedu. Chirega kuramba uchizvinetsa nenyaya iyoyo tsvarakadenga yangu." Chakwesha akafunga nhaurirano iyi akatsamira maoko ake arere zvake musikiro make uku avete padehwe rembada. Hope dzagara dzinongouya sembavha dzoba chero mukwesha werume saChakwesha. Iye haana kuziva kuti dzakabudawo sei. Akakaruka ofamba musango rairura. Mhuka dzemhando nechando dzaivemo, dzinokambaira, dzinogwesha uye dzinoburuka zvaitovevsaruraude. Hana yake hauna kurova nekuti aisangana nemhuka idzi nguva nenguva apo anopinda musango kunodzimba. Aitoziva kuti chero mhuka yakadii ikauya anomirisana nayo sei. Chakamuvhundutsa kuona Wiriranai achisvika panzvimbo iyi ari kunerumwe rutivi rwaive kure naye. Pakati pavo ndipo paive nemhuka idzi. Iye musikana aifambisa zvekuti akangotarisa atove pakati padzo. Kuti Chakwesha audze Wiriranai kuti asapira gotsi kune chero mhuka izwi rake akaona risingasviki kwaaive. Vachiri kufunga kuti odii Wiriranai akapira gotsi ndokutanga kutiza. Hakuna kure kwaakasvika nekuti akanga akoborwa padumbu nenyoka yaibva kwaaienda. Chakanetsa Chakwesha Wiriranai paakangokoborwa mhuka dzose dzakabva dzanyangadika kuita sepakange pasina chinhu. Chakwesha akakanda nhanho akasvika mudiwa wake achiita kuyuwira akabata mudumbu. Paakada kutarisana naye akatoona mudiwa wake Ave kubuda ropa nemumukanwa. Musikana akasvika ropa riya ndokunyemwerera. "Haasiwo magumo aya mudiwa wangu, rudo rwedu rwakadzama semadziva uye rwunopfuura makomo kukura. Bata pamoyo pako ndipo pandiri." Chakwesha akatevedzera zvaainge audzwa ndokutarisazve mumwe wake aivavarira kunyemwerera. "Usazvidya moyo wangu wepamoyo, rudo ucharuwana rwemandorokwati, paucharuwana hauzodi kuudzirwa hana yako ndiyo ichataura yega. Zvaitika izvi uchazviziva wega, iyewe ndiwe uchaziva zvekuita. Ramba uchinyemwerera ukatsamwa ndinorwadziwa kwandiri kuenda." Wiriranai akasimuka Chakwesha ndokuramba akabata rumwe ruoko rwemumwe wake. Mhandara yakatakanura ruoko rwaChakwesha iye ndokuuya kunge anamirira panzvimbo imwe-chete. "Usatye mudiwa wangu ndinewe pese pauri, uye tichave tose kana nguva yakwana," nemashoko iwayo Wiriranai akabva atonyangadika. Chakwesha akangoti kwaku, paainge akarara ndokugara paanga akarara ipapo. Ziya raiti teu teu kubva mativi ose. Uku hana yake yairovera mumukanwa chaimo. Zvaainge zvaitika kuhope dzake akatadza kuzvitsanangura. Mashoko ose ainge ataurwa naWiriranai akada kufunga nezvawo akaona achimuudza chinhu chimwechete. Akamboda kusimuka ipapo ipapo kuti aende kumana kwaana Wiriranai, asi akazozvidzora aona kuti kunze kwainge kuchakasviba. Akazongozvimanikidzira kurara zvakare, asi chokwadi chaicho kwainge kungori kuzendama. Hapana hope dzakazombobata kusvika kuyedze. Kusati kwanyatsochena jaya rakati kwanyanu kubva parainge rirere ndokutora zvombo zvaro kwakutobuda panze nekukasika. "Ah Chakwesha watomuka? Ndanga ndichitoona kugota kwako uko," vakadaro amai vake vachiswedera pedyo naye. "Ko zvawatobata zvombo zvako, wafunga kunovhima here?" "Zvipiko amai, ndafunga kushanyira muroora wenyu Wiriranai, zvombo ndangoitira munzira umu unogona kusangana nezvikara zvakasiyana- siyana." Amai vake vakaombera maoko ndokuseka vachiti, "wati kunoona ani? Haasiye wawanga unaye mauro anezuro here? Ukati hapana chaakakupa here musikana uya?" "Hapana amai kungoti pane hope dzandarota pamusoro pake, ndiri kungoda kunomuona chete." Chakwesha akataura achitofamba kubva paive namai vake. "Eh eh Chakwesha mwanangu, haunaka kuzonzwa kuti ndanga ndichivingei kugota kwako. Mira unzwe ndine shoko rakakosha randinoda kukuudza." Chakwesha akange amira negumbo rimwe zvekuti zvese zvainge zvotaurwa naamai vake aiona kuri kutambisa nguva. "Taurai amai ndiri mumashure menguva." "Sekuru vako Chirongo varikufanira kuenda kumusha kwedu kune zviriko zvirikuda kugadziriswa. Ivo ndivo varikunomirira isu tose. Ukasasimuka izvozvi uchinovaudza nezvekurohwa hwako hwekuwana Wiriranai unowana vasisiko. Ndofunga unoziva kuti ndivo sekuru vakuru, vana Chikerema vose ava vanotozoudzwa zvekuita naivo sekuru vako Chirongo." "Nhai amai handikwanise kuzozviita ndadzoka kwandiri kuda kuenda here? Uku kwakandikoshera handina kutorar..." Akagurisirwa zvaaida kutaura naamai vake avo vakabva vati, "Wiriranai unozomuona wadzoka, ukasaenda nguva dzino unonovashaya sekuru vako. Inzwa ini amai vako." Chakwesha akamboda kupikisana nemashoko aamai achifunga hope dzaainge arota. Akazoona kuti mashoko evakuru aisafanira kupikiswa ndokutora nzira yaienda kwasekuru vake Chirongo vaive dangwe mumhuri yaamai vake. Akazviudza kuti aifanira kufambisa okasika kudzoka. Rwendo rwekwasekuru vake rwaitoda mazuva maviri kuenda ukaksikawo rwaiita zuva nechidimbu. Zvaireva kuti wake mudiwa aizomuona kwapera mazuva anenge matatu kana mana. Akati afamba chidimbu chezuva akanzwa makumbo orema semunhu aiita kufamba achimhanya. Akabuditsa mbuva yake ndokugara pabvute akatanga kudya. Apedza akatora guchu raive nemvura ndokudutira zvake. Mukuzorora imomo hope dzakabva dzatobata. Haana kuziva kuti muti waanga akazembera waive wakatoremberawo ino nyoka yaitozvizororewo. Payakaona Chakwesha akazorora yakatanga kudzika zvishoma zvishoma yakamunanga nhongonya chaiyo. Nyoka iya yave kuda kusvika Chakwesha akangokwakuka paakange akarara nekutodembura musoro wayo nebakatwa rake. Akamira akatarisa musoro wenyoka uchidonhera uko muviri uchisarawo uchitevera. Akarangarira chainge chamumutsa kuhope dzake. Zvakamunetsa kuti sei vadzimu vake vainge vashandisa Wiriranai kuti auye nemazwi echenjedzo aya. Magumo echitsauko 2
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 25

Comments