
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 24, 2025 at 05:00 PM
*RINAMANYANGA*
🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴
Nganonyorwa yechinyakare
*Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
NaVee💘
Virginia Chambati
🇿🇼773⁶⁵¹524
https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a
*Uchida kupa miono yako baya ringi riripazasi apa👇*
https://chat.whatsapp.com/C98g8juBv40Dy87mWGl40t
*Tevera chanero yandinoota ndichiisa zvinyorwa zvekare*
https://whatsapp.com/channel/0029VaflYk96xCSMg8lUQ620
Like my Facebook pages👇
1
.https://www.facebook.com/Vee-Stories-100577472665445/
2
https://www.facebook.com/Virgie-Writes-110160491788454/
Join others on FB👇l
/https://www.facebook.com/groups/768733003775752/
💘5
Chakwesha achingosvika paruvanze sekuru vake Chirongo vakabva vabudikirawo nerimwe rutivi vakatakura nhava yavo kureva kuti vainge vasiri pamusha apa pese apa. Vakamhanyirana ndokumbundirana nemufaro chaiwo. "Ndiwe zvako muzukuru wauya? Ndanga ndoti hauchazivi nzira yekuno ka ini," vakabatana maoko ndokunogara padare paive nebvute rainyatsotonhorera. "Pano parikutonhorera sekuru panoda nemukombe wezviyo unotonhorera uchipedza nyota wakakorerera ndinoziva kuti munogara muinawo muberere memba umo," Chakwesha akadaro achinotora pfuko yaive nemupeta uyo waaifarira.
"Muzukuru chiita uwane anokubikira zvose zvaunoda izvi, wakuzonyanyira hanzvadzi yangu Mandinetsa," Chirongo akadaro Chakwesha achigadzira kachigaro kemuti kaive padare ipapo kuti anyatsogara. "Sekuru maita kunge mune kamuti mukanwa," paakadaro Mandinetsa uyo ainge apihwa zita natete vake hanzvadzi yababa vake Chirongo, akabva abuda mumba achiita zvekudongorera achibva azonyatsodzikamisa chiso paakaona baba vake vaina Chakwesha chete.
"Iwe Mandi unoreva kuti nguva yose urimo zvako munhanga mako umo, hauna kunzwa kuti pano pane vaenzi? Hunhui hwakadaro? Ini chaiye ndadzoka nhasi murwendo hauna kuuya kuzonzwa kuti ndakafamba sei." Mandinetsa akadonhedza chiso ndokupfugama pamberi pababa vake naChakwesha.
"Ndine urombo baba, ndinokumbirawo ruregerero, hazvirevi kuti handina kuona kusvika kwemuyeni wedu Chakwesha, zvakare nekusvika kwenyu ndakunzwa. Nhau iripo ndeyekuti ndanga ndinehari yanga yotorasikira muchoto yandanga ndichimbopedzisa kubika. Titambire Nechinanga," akazodaro Mandinetsa achisimudza musoro uye kuseka seka semunhu aive nechaaiviga.
"Ndinofara amai vangu, imiwo makadiiko?" Mandinetsa akakwazisana naChakwesha ndokuzochingamidza baba vake.
"Titambire baba, makafamba zvakanaka here?"
"Ndoita zvekutanga ndakumbira kubvunzwa here, varipi amai vako?"
"Amai vakafambawo, vari kwamainini havasi kunzwa zvakanaka," Chirongo akaratidza kunetseka zvikuru ndokuti, "kureva kuti uriwega pano? Eh chienda unogadzirira mwana wako kudya kunopisa abva kure."
Mandinetsa haana kuzogara apa akabva atosimuka ndokumbonorova arimo mumba yekubikira.
"Unoziva Chakwesha, ambuya vako ndinogara ndichivaudza kuti pavanofamba vafambe naye Mandinetsa uyu. Hunhu hwake hwekutamba handihufarire, anozoonekwa semunhu asina chiremerera hauzvioniwo here?" Chirongo akataura achitambira mukombe wehwahwa hwaaitambidzwa naChakwesha.
Chakwesha akamedza doro ndokugadzirisa pahuro achibva apukuta muromo wake nekuseri kweruoko ndokuzoti, "ndinoona sekuti kutamba hakuna mhosva, hunhu ndihwo hunoverengwa pamunhu. Iwe munhu ukasazvibata unoita uya anonzi wabata wabata, nekuti vakomana tinovada vanhu vanoratidza kuti varinyore uyu havayeresi miviri yavo. Amai vangu ava ndinoona sevakadzikama vachatoroorwawo zvakaita vana mainini vangu Rumbidzo naDadisai. Munoti vangazofana aniwo kuita hunhu husina kukwana? Musatye sekuru," akadaro achitambira zvakare mukombe waibva kuna sekuru vake.
"Ndiri ini zvangu zvekutamba ndakagara ndazviramba zvino ambuya vako aChihera vanobva vazvitunhidza chaizvo hanzi siyai mwana ashandise chipo chake chaakapihwa nevadzimu. Kumwe kumuyemedza kwacho kunozonyanya hameno kuti ndihwo hugotwe hwacho here? Iwe ungamuda here mukadzi anotamba pajekerere pakazara vanhu muzukuru, taura chokwadi?" Pakarepo Mandinetsa akabva auya nezvekudya.
"Dai shamwari yako iya iine hunhu husvinu ndaiiti aroorwe zvake nemuzukuru wangu uyu," Chirongo akataura achiseka hake akatarisa Chakwesha.
"Baba ndinoziva zvamusingamudire Farai, inyaya yekuti anotamba chete hapana chimwe. Ko zvaakazvinakira wani? Ipapo matondipa dzimwe pfungwa, mwanangu kana wazozorora uzouya titaure," Mandinetsa akabva atsonya Chakwesha vese ndokuseka iye ndokubva pane vaviri ava.
"Inzwa kana zita racho, hanzi Farai, hakusi kupa mwana zita rekuti aite zvese zvese here uko, haa iyeye muzukuru rega zvako. Hauna kuzondiudza maererano nenyaya yangu yandambotaura yekuti uwane. Tisuka anasekuru tinoshorwa ukachemberera mugota. Chiri kunetsa chii apa, inguva here ndikutsvagire ndiri ini? Ndinozivaka iwe haugari pamba unenge ungori nawo masango uchidzimba zvako."
"Musazvinetsa sekuru, ndiyo nyaya yandatofambira kuno iyoyo..." Asati ataura nyaya yaakange afambira sekuru vake vakange vakutotaura kare vaine mufaro mukuru," ndosaka tiripano muzukuru haubve kuno usina wako iwe. Ndinokuvimbisa mhandara inobva kuvanhu zvekuti unofa uchinditenda iwe. Ndinombonzi aniko ini?" Chakwesha akaseka kwenguva refu ndokumbodembura mudzonga wenyama yenhoro yakanga yakagotya kwakutsenga akatarisa sekuru vake vaive vakawaridza chiso chavo nenyemwerero.
"Musazvinetsa sekuru vangu mukaona muzukuru wenyu ariko uko mega muchataura kuti muzukuru unogona kusarudza. Kana ndakatarisa Wiriranai ndinoona hunyanzvi hwaMusikavanhu sekuru. Muchamuona henyu zvisi zvitatu zviri kutevera," Chirongo akambosiya zvekudya ndokumbosimuka akatanga kudzana rwiyo rwainzwikwa mumoyo make chete. "Zvichireva kuti uri kundikoka kumarooro here muzukuru?"
"Sekuru mandinakidza nhasi, rwendo rwangu rwamukira mumakumbo ndingadai ndazouya nenyama yenhoro yamunofarira iyi, kungoti apa handina kupihwa mukana naamai vakati ndiuye kuno nekukasika musati maita rwendo rwenyu rwakakosha?"
"Rwendo rwupi nhai muzukuru, rwekwatakaberekwa here uko muzukuru? Inga Mandinetsa aizviziva kuti ndakatoenda, ndokwandiri kutobva izvozvi. Dai pasina kufarisa nekuona nzvimbo ndakatodzoka mazuva mana adarika. Kukanganwa here kana kuti kwakuchembera amai vako?"
Chakwesha akanyatsorangarira kurevesa kwaive muizwi raamai vake vachitaura. Amai vake vainge vasiri munhu anokanganwa zvekukasika kudaro. Kana kuri kukanganwa akaona kuti kwainge kwave kukura zvechokwadi. Akazonyatsoudza sekuru vake zvose zvavakange varonga nasekuru vake vadiki Chikerema Chirongo akagutsikana.
"Wagona muzukuru wauya, dai kuri kunzi pane mumwe mumashure mako ndaigona kungoti Chikerema abate basa ikoko. Zvino ndiwe wega muzukuru zvawauya iyewe mbune ndave kutouya ikoko handiregi." Vakakurukura nyaya dzakasiyana siyana dzimwe dzaisanganisira dzemusha dzimwe dzekuvhima. Vakazoti vaneta nekutaura Chakwesha ndipo paakazonotsvaga amainini vake Mandinetsa akavaona vagere pamatombo aive kunze kwemusha. Akatoita zvekusvika pedyo Mandinetsa ndipo paakaita zvekuvhunduka chaiko. "Kwave nababa here kuzovarairwa kudaro?" Mandinetsa akaseka ndokuzoti, "izvo zvo hazviudzwi mwana kunyange zvadii."
Mandinetsa akanyatsogara ndokunongedzera rimwe dombo kuti Chakwesha agare. Unoziva kuti ndiri amai vako handikurase. Nyaya iripano ndeyekuti ini muroora wangu ndatove naye. Ukamuona Farai hauzotarisi rumwe rutivi iwe."
"Vanhu imi hamuchade kuti ndirarame ndiri ndega ndazviona, sekuru vanga vachitaura nyaya imwe nemiwo here amai vangu? Zvino zvamuri kutaura ndine hurombo kuti ndakukurambirai, hazviiti amai," Chakwesha akataura achiita kunge asiri kufara achida kuona kuti amai vake ava vaizodii.
"Hazviiti Chakwesha uyu ndiye achakuburitsa mugota wave kuzoroora zvino, unoda kufira mugota here?" Mandinetsa ainge asisafare zvakare. Chakwesha akamusairira zvishoma zviya zvekutamba ndokuzoti, "makadya manonoko, hapachina nguva amai vangu, zvisi zvitatu zvisati zvakwana ndinenge ndave kutogara naye muroora wenyu uyo atoriko kare Wiriranai." Chakwesha aifunga kuti Mandinetsa achafarira nyaya iyi, asi iye akamboramba akanyarara achiratidza kubatikana.
"Une chokwadi chekuti ndiye chaiye here mwanangu, wandanga ndichida kuti uone iyeye haumbomusiye. Ndinoda kuti muonane chete wotobva watotizisa, ndinoziva kuti wauri kutaura anonokunzwisisa. Vanobva vatotanga kugara vese vakatojairana zvekuti havazonetsane kumberi."
Chakwesha akarangarira mashoko ainge ambotaurwa naWiriranai pamusoro peguru akaona nyaya yaitaurwa naMandinetsa isingatoite zvachose. Kwaitiwo iye mukomana ainge asina pfungwa dzacho dzekuita barika. Kana aizozviita zvake aizozviita makore ambofamba. "Amai vangu mamuda muroora uyo ndazviona, asi haangamboiti wangu. Chindiudzai nezvababa vangu." Chakwesha ndiye ainge ongotaura achiseka nekuti ava amai vake vairatidza kunge vainge vave nezvaivanetsa. Akaona nyaya yekuramba muroora waakange atsvagirwa iri imwe yenyaya yainge yavatsamwisa. Hazvina kumutyisa nekuti akange ambozviitirwa zvakare naamai vake nyakubereka vainge vasimbirira mwana wasahwira wavo Rerekai uyo akazomira kuuya kumba vanhu pavakaziva kuti Chakwesha ainge ofambidzana naWiriranai.
Magumo echitsauko 5
❤️
👍
🙏
😢
🇿🇼
🖕
😂
32