🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 27, 2025 at 04:06 PM
*RINAMANYANGA* 🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴 Nganonyorwa yechinyakare https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a NaVee💘 Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 *Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H *Uchida kupa miono yako baya ringi riripazasi apa👇* https://chat.whatsapp.com/IzhpxnAtABW39I1bdzYhep *Tevera chanero yandinoota ndichiisa zvinyorwa zvekare* https://whatsapp.com/channel/0029VaflYk96xCSMg8lUQ620 Like my Facebook pages👇 1 .https://www.facebook.com/Vee-Stories-100577472665445/ 2 https://www.facebook.com/Virgie-Writes-110160491788454/ Join others on FB👇l /https://www.facebook.com/groups/768733003775752/ 💘6 Chakwesha akambogara kudunhu rasekuru vake Chirongo, achimirira ambuya vake aChihera avo vainge vashanyira munin'ina wavo uyo aisanzwa zvakanaka. Ainge ariko hake panyama, asi moyo wake waive neshungu dzekudzokera kudunhu rekwake raitongwa naishe Mupazvose panguva iyi onoona mudiwa wake Wiriranai. Ari pamba kudaro akambofunga kunoona sahwira wake Tinodanyika kumuzinda. Akarwadziwa achisvika zvichinzi  Tinodanyika ainge abuda asina kutaura kwaakange achienda. Akazongosiya audza rimwe jinda kuti iye Tinodanyika azouya kuzomuona kumba kwasekuru vake. Zuva iri ndiro rakasvikawo ambuya vaChakwesha avo vakaratidza kufara zvikuru vachinzwa nyaya yewanano yaChakwesha nemusikana wake. "Ita zvekukasika muzukuru wangu, ndakarwadziwa neimwe nyaya yandakanzwa yemusikana akashaya asarirwa nezvisi zvitatu kuti awanikwe. Apa zvinonzi mukomana wacho akange atofamba zvake sezvawaita izvi," pfungwa idzi dzakambonetsa Chakwesha uyo akazobvunza ambuya vake achiti, "ndewekudunhu ripi musikana uyu ambuya?" "Ndakangonzwawo zvichitaurwa handina kuzonzwa kuti ndewekupi. Wanga wafunga kuti haranga yako ndiyo yaitaurwa here? Usatye zvako muzukuru, muzukurusikana wangu unomuwana ariko. Dai kuri kunzi ainge ashaika waimuona kuhope." Hana yaChakwesha yakamboti bhaa apo akafunga hope dzaainge arota zuva raasimuka kubva kumusha kwavo. Izvi zvakazongopera nematarisirwo akaitwa Mandinetsa naamai vake achipinda mumba zvekuti Chakweshagi akangosara padiki diki kubvunza kuti pane chainge chichiitika here? Chakwesha akazodaidzwa nasekuru vake Chirongo ndokunogara zvavo panze vachikurukura. "Ndanga ndatojaira muzukuru kuve newe pano, apa ndipo powotaura zvekudzokera. Wadii wamboti garei tozongosimuka tese?" Izvo ndizvo zvaisadiwa naChakwesha nekuti mazuva aanga agara uku aiona akawandisa zvikuru. "Moyo wangu wave kumberi sekuru regai ndiende, ndinokuvimbisai kuti ndichashanya ndisina chandiri kumhanyira. Ndinoda kuti tizopinda tese musango tozoita zvedu zviya," Chirongo akaseka zvake ndokuti, "kana uchinge waroora uchaona kuti kufamba kuchakunetsa kunyanya muchiri kutanga kudai. Nematauriro awaita ekuda kudzokera zvichanetsa kuti udzoke kuno, kana kuvhima kuchambokunetsa muzukuru," vaviri vakaseka zvavo vakambosvika nguva yekurairidzana nezvemumba. Vakamboti zii vachinzwa  kunge Mandinetsa naamai vake vaisawirirana. Pavakanyararawo kutaura kuti vanzwe zvaitika mumba mhere mhere yakabva yanyararwawo vaviri ndokusiyana nazvo. Vakatozviona kuti vaive mumba vaisada kuti Chirongo naChakwesha vanzwe kuti vaisawirirana. Chakwesha akakurumidza kurara musi uyu achiitira kuti paaizotanga rwendo rwake asakurumidze kukanganiswa nehope. Asati amuka akanzwa sekuru naambuya vake vachiita kunge vaisawirirana. Akazamura zvake ndokufamba zvishoma zvishoma achibuda mugota maairara kana ari kwasekuru vake ava. Akamira pamusiwo nekuti ainge ave kuona nekunzwa zvese zvaiitika. "Ndiwe unomutunhidza mwana wako, wakamboonawo kupi mwana musikana anorara asipo pamba pababa vake? Izvozvi enda unotora mwana wako uuye naye pano!" Chirongo aiita kuvira nehasha akaita kunongedzera chihera pahuma chaipo. "Zvino ndinomuona kupi tadii tamumirira adzoka ega, iyezvino makumuti mwana wangu nekuti atadza, dai anga aita chakanaka apa maita kupfumbura mhute mhapa neshashiko zvichisvika kumusana nekutamba. Musadaro Samanyanga," Chihera akataura akaita kuzvirereka, asi hazvina kudzora hasha dzaChirongo uyo ainge ongofamba famba akabata muchiuno achitarisa kwese kwese. "Tisvikewo pano!" Vanhu vese vakabva vacheuka kutarisa kwaibva izwi iri. Vaive ambuya vaMandinetsa mudzimai wehanzvadzi yaChihera. "Svikai zvenyu amai Mhofu," amai vaMandinetsa vakakasika kubva pedyo nemurume wavo vakatenda kusvika kwemuroora wavo uyu nekuti vaimuziva murume wavo kuti aidya marasha kana paine chinenge chisina kumufadza. Iye muroora wavo masvikiro aakaita pamba apa aitoratidzawo kuti ainge asina kugadzikana mupfungwa. "Muchitambireiko Samanyanga?" Vakadaro vachinozvikandira muberere memba vachibva vatozvipeta varipo. Vakakwazisa Chirongo uyo akamboyedza kufara fara zvichiramba, vakazokwazisawo Chakwesha natete vavo aChihera. Munhu aitaurisa, asi musi uyu akangomwinyimwidza natete vake iye ndokutooneka. Nyaya yakasara yakazvimbira Chihera zvekuti Chakwesha nasekuru vake havana kuda kuudzirwa kunzi pane chinorema chainge chasiiwa chakandwa munzeve dzavo naamai Mhofu ivo vakatadza kuchisimudza. "Hakuna kumira mushe baba," aChihera vakadaro vachitambisa minwe yavo vagere pasi pavainge vasiiwa vazogara naamai Mhofu. Chirongo akangotarisa mudzimai wake zviya zvekuti, "taura nhau yako." "Amai Mhofu vari kuti vakaperekedza Mandinetsa kwaishe Gomoguru madeko," Chirongo akaswedera pedyo nemudzimai wake ndokuti, "wati kudii? Dzokorora nyaya yako!" Chihera waizomuziva here kuti ndiye uya aisapererwa nemashoko, "haaa... hanzi Mandi anga akatyorwa gumbo naTinodanyika ndizvo zvaita kuti atizi..." "Ndiwo mashura andisiri kuda kunzwa pamusha pangu iwayo! Izvozvi enda unoperekedzana nemuroora wako mudzoke nemwana wangu pano!" Apa ndipo pakazofambawo Chakwesha achiswedera pedyo nevaviri ava. "Sekuru handifungi kuti zvamuri kutaura zvichagadzirisa nyaya iyi, iyi yatove mvura yemuguchu yatodeuka kupedza nguva kuda kuidyorera. Kana ndisina kukanganisa kunzwa ambuya vati amainini vangu vakatotyorwa gumbo naTinodanyika. Kutoenda kwavakaita wakatogona, kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru apa matowedzerwa mwana mukomana. Kutambirwa kwavo ndiko kwakakosha chete, zvichireva kuti vaviri vakatoita sunga wirirano vakaita izvi vachiwirirana. Chimirirai vauye kuzoita zviri pamurau chete. Ndinoziva kuti zvinongofadza kuti mwana akumbirwe, asi rangarirai kuti mutsika dzedu dzechivanhu kutizira inzira yekuwanana iri pamurau." Chakwesha akadaro akabata sekuru vake mapendekete avo akatarisana navo. "Akamujaidza mhani mukadzi uyu, akaregerera mwana uyu! Anomurega achinopfichuka kwese kwaitika mutambo wengoma apa haambotarisi kuti zviri kuitwa nguvai, ndiwoka magumo azvo aya!" Chirongo akadaro achizvibvisa pana Chakwesha ndokunomira ari nechekure achipukuta musoro nekungotenderera semudzimu wasvikira pambeveve. "Dzikamisai hana Samanyanga ndiko kukura kwacho vazukuru vari kuwanda, zvaita zvakanaka kuti amai vangu vasarudzwa neweimba huru. Irombo rakanaka iro sekuru, pane asingadi kukudzwa naishe wedunhu rake here, rangarirai kuti Tinodanyika ndiye achagara chigaro chakagarwa nababa vake izvozvi zvichireva kuti imi matove tezvara vaishe Tinodanyika Gomoguru," Chakwesha akataura achisekerera kunyange aiona kuti sekuru vake vainge vakadumbirwa zvakanyanya. Akavabata ruoko ndokunogara padare. "Zvaisafanira kudai muzukuru kunyange zvake ari nevanji atora mwana wangu. Chirikundinetsa ndechekuti pane runyerekupe rwandakambonzwa rwekuti iye Tinodanyika aifambidzana nasahwira waiye Mandinetsa Farai, ko sei azotora Mandinetsa?" Chirongo akataura achiratidza kufunga kukuru. "Pada iye Farai ndiye aive nhume pavaviri aya, vanhu vanoona zvisiri izvo votopa mutongo kunyange zvisiri izvo zvinenge zviri kuitika. Ndatorwadziwa nekuenda kumusha ndaida kuzoona mutambo wekuwanikwa kwaamai vangu Mandinetsa," vakatanga kukurukura zvavo Chakwesha akatoona kuti moyo wasekuru vake wainge wadzikama ndokuzooneka zvake mushure mekusvusvura. Akarongedzerwa mbuva yerwendo naambuya vake ndokurwutanga rwekumusha kwavo kwaishe Mupazvose. Jaha rakafamba mitunhu risingakendengi kuti kunze kunei. Kwaanga azotarisa ndiko kwaive nemufaro wake wose. Akafunga sahwira wake Tinodanyika uyo ainge abuda mugota sekutamba sekuseka. Akamboseka zvake ega achifunga hunhu hweshamwari yake akaona kuti amainini vake Mandinetsa vainge vamudzikamisa mukomana ainge asina pfungwa dzekugarawo nemukadzi. Chidokwa dokwa chake chekuve naWiriranai chakabva chatowedzera. Aingonyemwerera achizviona achipanana rudo newake wepamoyo waakawirirana naye pasina zvekumanikidzira. Rwendo rwaive rwakareba, asi nemufaro wainge uri mumoyo maChakwesha akaona kunge angovidza zuva rimwechete chete ndokutosvika kumana kwavo. Akati ari nechekure akaona amai vake aChihoro vakamutarisa vakabata muchiuno akatoona vaita kupera maoko ave paditi ravo. Akaona vachidaidza mumwe mwana aidarika vakamuudza zvimwe zvinhu iye ndokubva apa achimhanya. "Hamusi kufarawo here amai kuona mwanakomana wenyu mumwe chete ega achisvika?" Chakwesha akataura achitoratidza kufara kwakapetwa. "Titambire Nechinanga," aChihoro vakazofamba vachinotambira zvaive mumaoko emwana wavo. Akamboda kupinda mugota make kuti aise zvombo zvake zvaainge aenda nazvo akazofunga zvimwe zvinhu. "Regai ndizviise apa ndikazorora ndozoenda kwana Wiriranai," akadaro achiudza amai vake avo vakabva vabata kumeso zviya zvekunetseka ivo ndokukasika kuvanza zvainge zvichivadya moyo. "Vakange vakadiiko sekuru vako Chirongo, asi makatombopinda musango kani kunonoka kudzoka kudaro?" Achihoro vakadaro vachinotora mukombe wemvura wekuti vape Chakwesha. Pese apa vaingotarisa kune imwe nzira kuita kunge pane wavaitarisira. "Kupiko amai hapana musango makambopindwa ndaitoona zvangu nharaunda munongozivawo kuti ndainge ndagarisa ndisati ndasvika kwana sekuru." Amai vake vakapinda mumba ndokumbotora kanguva varimo vachigadzirira Chakwesha zvekudya. Vachipedza ndipo pakasvikawo Chikerema hanzvadzi yavo uyo ainzwanana zvikuru naChakwesha. "Sekuru munenge munorotswa, zvaita zvakanaka kuti mauya, ndinoda kuti muzondperekedzawo kunoona muzukuru wenyu Wiriranai mazuva awanda ndisina kuonana nemumwe wangu," akadaro achitambira kudya kwainge kwaita naamai vake. Paakataura izvi Chikerema akatarisana naaChihoro vakawirirana kuti vamusiye ambodya. Iyewo Chakwesha nyaya dzacho dzese dzaaitaura musi uyu dzaingove dzaWiriranai. Chikerema akabatikana akatarisa muzukuru wake. Akazoti aona kuti muzukuru wake apedza kudya akabva agadzirisa pahuro. "Muzukuru wangu ndinoda kuti udzikamise hana uzvitambire kuti zvose zvinenge zvaitwa nemusikavanhu anenge azviitira nechinangwa," vakambotura mafemo ndokupukuta kumeso kwaisave nedikita. Chiso chaChikerema chakatotyisa naiye Chakwesha uyo akangoramba akavatarisa achida kunzwa kwaisvika nyaya. "Nhau iripo ndeyekuti muzukuru wangu Wiriranai hakuchisina." Magumo echitsauko 6
❤️ 👍 😢 🙏 😮 31

Comments