🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 28, 2025 at 04:01 PM
*RINAMANYANGA* 🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴 Nganonyorwa yechinyakare *Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H NaVee💘 Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a 💘7 "Nhau iripo ndeye kuti muzukuru wangu Wiriranai hakuchisina," Chikerema akadaro achibata bendekete raChakwesha uyo akangoramba akatarisa sekuru vake ava. Mandinetsa akasvika ndokugarawo pedyo nemwanakomana wake, pasina kana shoko rakakwanisa kubuda mumukanwa make. Matauriro akaita sekuru vake Chakwesha haana kuanzwisisa zvekuti akambotora nguva achiti pada vachataura mamwe mashoko, zvino ivo vakangoramba vakamutarisawo. "Munoziva sekuru mamhanyiro andanga ndichiita ndichiti ndisvike zuva riripo ndonoona muzukuru wenyu apa ndipo pomoti haapo, akashanyepi, uye anodzoka riinhi?" Chikerema akatarisana nehanzvadzi yake Mandinetsa ndokutura mafemo. Akatoona kuti kugara atsanangura zvakaitika chaizvo ndiko kwaitobatsira kuti muzukuru wake anzwisise. Akatora mukombe wemvura ndokungodzvuta nekuti zvaiita kunge pahuro pake painge pakavharwa nechimwe chinhu zvekuti chero mvura chaiyo yaisakwanisa kufamba. "Chakwesha muzukuru ndinoda kuti unyatsoteya nzeve dzako unzwe zvandinoda kukuudza, chandinongoda kuti uite ndechekuti ushinge semurume usimbise hana yako. Nyaya iri pano ndeyekuti musi wawabuda uchienda kudunhu rekwaGomoguru takasara tichitambira shoko rinorwadza kubva kumusha kwavatezvara vako Gwezvo. Eehm nhume yakauya yakataura kuti Wiriranai ainge arwara zvikuru nemudumbu usiku akatadza kuzoona zuva rakatevera. Kureva kuti mumwe wako Wiriranai hakuchisina muzukuru, akatungamira kunyikadzimu," achipedza kutaura mashoko aya Chikerema akabva avhara maziso ake nerimwe ruoko achiratidza kurwadziwa kukuru. Chakwesha akaita seabaiwa pamoyo nebakatwa achinzwa mashoko aya. Akambovhara maziso kwechinguva achinyatsodzeya izwi rimwe nerimwe raakange anzwa kubva kuna sekuru vake. Akambofunga kuti ari kurota ndokuvhura maziso ake zvishoma nezvishoma. Akatarisa sekuru vake akaona zvechokwadi kuti vainetseka akazotarisa amai vake akaona vachiita kuzvikuvadza nekuchema vagere mujinga make. "Muri kutaura kuti... Kureva kuti... Wiriranai." Chakwesha akangosimuka ndokutanga kumhanya akananga rutivi rwekumana kwaana Wiriranai. Akamhanya kusvika ave kunzwa kuti makumbo haachade nekuti munhu ainge abva parwendo rwurefu. Akasvika pedyo nepavaimbotandarira nemudiwa wake ipapa ainge angosarirwa nekuvambuka rwizi kuti asvike kumana kwaana Wiriranai. Akapinda muchisango ichocho ndokugara padombo ravaiwanzorezvana vari. Akagarapo ndokutanga kudonhedza misodzi semwanana chaiye. "Ko zvawakavimbisa wani takagara pano Wiriranai, wakati uchave mai vevana vangu ukati hapana mumwe achatora moyo wako zvakare. Abvepiko mukomana wawapa moyo wako nekutotizira musi mumwe chete. Akakupeiko rufu wawatendera kuita zvaanoda newe kudai? Wadarireiko chido chemoyo, kundisiya ndichirwadziwa nemoyo werudo. Zvawakatakura kudya kwese kwemoyo ndichararama nei nhai? Nhai wepamoyo chidairawoka mibvunzo yangu ndirerukirwe. Kubva wangoenda usina kundioneka here? Dai wakandipawo chenjedzo ndakakugumbatira mumaoko angu usati waenda. Zvino wongotsvedza pasina nhumba yeruonekedzano here? Ndichapukutwa nani misodzi yerudo nhai moyo wangu? Ronda rawasiya pamoyo ndicharirapwa nani zvawafuratira miridzi werufaro rwangu. Varikutaura chokwadi here pavari kuti wakatungamira kuenda kunyikadzimu, wakadini wakandimirira nhai? Tingadai takafambidzana rwendo rworega kurema. Ndiri kurwadziwa amai Nechinanga. Ramba hako wakanyarara Wiriranai ndiri kuuyawo ikoko ndikutore mumaoko ewako iyeye wawakasarudza, ndiri kuuya ikoko izvozvi." Achipedza kutaura mashoko aya akabva atotanga kumhanya akananga kurwizi rwaive kumberi kwake. Akasviko zviwisira mumvura, kunze kwekuti ashambire akangoita zvekurara ndokusiya mvura ichimumedza. Zvekuti rwizi rwainyudza haana kuita hany'a nazvo, izvozvo ndizvo zvaaitoda. Akanyatsonzwa achisvika pasi pasi pemvura. Aikwanisa kushambira achibuda, asi apa akazviudza kuti aifarira kutevera mumwe wake kunyikadzimu kwaakange aenda. Akambotanga achirwisana nekufema akazongopedzisira asiya mvura ichiita zvainoda naye. Akanyatsonzwa mweya uchibuda zvishoma nezvishoma maari akatoona zvaaida kuona chaizvo. Wiriranai akange akamira kumhiri kwerwizi achisekerera uku ruoko rwakatambanudzwa kuna Chakwesha rwuchimushevedza kuti, 'huya.' Chakwesha akaita seachabhururuka akananga kwaive naWiriranai. Achisvika kumahombekombe kwerwizi akatowana Wiriranai ave kutofamba. Akamhanya akanomubata ruoko ndokutanga kufamba vese, asi Wiriranai akaramba akangotarisa kwavaienda. Nzvimbo yavaienda Chakwesha akange asati amboiona. Yaive nzvimbo ine miti yakasvibira kusviba kwacho kwaiita kakutyisa, asi Chakwesha haana kuzvitarisa mumoyo make maive nemufaro wakawedzerwa. "Ndiudze Wiriranai kuti sei wakandisiya uchiuya wega kuno?" Vakasvika pairatidza kuti paive pabako. "Washinga kuve neni kwandave kugara here Chakwesha?" Chakwesha akanyemwerera ndokutarisa mudiwa wake uyo ainge akapfeka chiso chaisaratidza kufara zvachose. "Chero tikanogara mumuti pauri ndipo pandinenge ndiri mudiwa wemoyo wangu," Chakwesha akabva ada kupinda nepasuwo rebako riya akanzwa simba rakamudzosera kumashure. Pakarepo pakasvikawo murume akanomira pamusiwo webako akaita kushatisa chiso. Chakwesha akarohwa nehana achiona munhu waakange apedzisira kuona achiri mwana mudiki. "Baba?" "Uri kuitei kuno heee!" Izwi rababa vake rainge rakasimba uye richiita maungira zvekuti akatombovhunduka akashaya kana mashoko ekutaura. "Ndiani achasimudzira zita rangu kana waratidza kusave murume? Ini ndakasiya iwe ndokusaka madzitateguru angu akanditambira, iwe ukauyawo kuno unondipinza panguva yakaoma. Munhurume haatongwe nemoyo! Ndakasarudza moyo ndikapedzisira ndatorerwa hupenyu hwangu nemakunguwo. Chakwesha dzokera kwawabva, handidi kukuona kuno. Nguva yako haisati yakwana, ndati dzokera!" "Baba ndafara ndakuonai, ndinoda kukuratidzai muroora wenyu uyu," paakanongedzera kuna Wiriranai akawana panzvimbo yaakange akamira pasisina munhu. "Pane kwaaenda muchamuona, kwamuri kuda kuti ndidzokere hakuchisina changu. Wangu akauya kuno, ndave kugara kuno naWiriranai." "Ndakuudza kuti dzokera haunzwe Chakwesha, usada kudenha hasha dzangu ndinokutema nematombo, izvozvi dzokera!" Chakwesha akatanga kudzokera kumashure nekuti baba vake vainge vanhonga matombo. "Uri kunonoka mhani, ndati mhanya udzokere pachine mukana!" Baba vaChakwesha vakatanga kumumhanyira vachikanda matombo zvekuti akapedzisira adonha. Chakwesha zvaakabva kumba achimhanya Chikerema nehanzvadzi yake Mandinetsa vakasara vakatarisa nzira yaakange aenda nayo. "Dai paive neimwe nzira ndingadai ndisina kumuudza zvangu, zvino izvi anga achitofanira kuzozviziva chete semunhu waakange ave pedyo kuzobuditsa munhanga. Nazvino ndiri kushaya kuti muzukurusikana wangu akanyanyodyei chakaita kuti apedzisira oita tsvina ineropa, kuita sekunge akapihwa muchetura? Dai kwaive kudya chete aingofanira kuchaya zvopera, zvino izvi ummm hameno," Chikerema akataura achizunza musoro zvichiita sekunge aida kudzinga pfungwa dzaaifunga idzi. "Samanyanga chisiyanai nenyaya iyoyo, madii kutevera muzukuru wenyu abva pano achimhanya uyu." "Munoti anoitwa neiko ave munhu mukuru uyo, ari kungoda kunozvibatira chokwadi chete chekuti mumwe wake akafa zvechokwadi here, muchamuona achidzoka. Zvagara varume haachemi zvinoenda kure," Chikerema akadaro achinwa mvura. "Chikerema tevera kwaenda mwana wangu, hana yangu haina kugadzikana kubva zvandaona marwadzo anga ari mumaziso ake, chingotevera hapana chaunobva hanzvadzi," Chikerema akazongoteverawo nenzira yaienda kwana Wiriranai kuri kungoda kufadza hanzvadzi yake Mandinetsa. Chikerema paakasvika parwizi ainge aoma pahuro nenyota. Akakwidza kumusoro kwerwizi kuti aone paive nemvura yakachena yekuti anwe. Achitevedza rwizi kudaro akaona paive pakatsokodzerwa huswa hwemumupendero merwizi hwakangorara kuratidza kuti pane chainge chahurarisa chichipinda mumvura umu. Akanyatsotarisisa painge patsikwa akaona ari matsimba emunhu. Paakangoziva mwene wematsimna aya haana kufunga kaviri, akabva angosvetukira mumvura umu. Akanyurira mumvura uku achifambisa maoko ake kusvika azosvikobata tambo yairatidza kuti yaibva pazvipfeko zvemunhu. Akaramba achitevedza tambo iyoyo kusvika azobata ruoko akaziva kuti ainge azosvika paive naChakwesha. Semunhu waaiziva kuti aive nemuviri wakakura akambozeza kumutakura, asi paakaedza kumusimudza, muviri wake hauna kunonoka kusimuka kubva pasi. Hana yake yakarova nekuti akabva aziva zvazvaireva. Akazongomuzvuva akabuda naye kunze kwerwizi. Akamurarisa akatarisa mudenga akatsvaga jecha ndokutanga kumurova naro pachipfuva kuti mvura ibude, asi zvaaida zvakaramba. Achiri mukupererwa kudaro akavhundutswa neizwi remunhu aive wechikuru uyo akataura ari kumashure kwake achiti, "handioni pachine hupenyu pahama yenyu iyi." Magumo echitsauko 7 Vee
❤️ 👍 🙏 😢 🔥 😂 😭 😮 38

Comments