🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 29, 2025 at 04:19 PM
*RINAMANYANGA* 🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴 Nganonyorwa yechinyakare https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a NaVee💘 Virginia Chambati 🇿🇼773⁶⁵¹524 *Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H 💘8 "Handioni pachine hupenyu pahama yenyu iyi," sekuru vaya vakataura vachibata pahuro nemaoko aChakwesha. "Chimiro chine muviri wemurume uyu chinongoratidza choga kuti mweya hamusisina." Chikerema akatarisa Chakwesha uyo ainge akarara pasi pasina chinoratidza kuti angararama. Akatenderera akabata musoro achifunga zvese zvavaiita naye achiri mupenyu. Chakwesha aive muzukururu zvake, asi aimutora semunin'ina zvese nasahwira wake. Nekuda kwehushingi hwake aimurwira panguva dzakawanda. Akaerekana afunga yake hanzvadzi Mandinetsa, aizonzwa sei achinzwa kuti mwanakomana wake iye oga ainge ashaika. Chikerema akagara pasi ndokutanga kubvisa majecha ainge ari pamuviri waChakwesha, "nhai Shumba zvamunenge ndimi mairumwa nenyoka mumasango umu muviri wenyu worwisa huturu hwacho. Paya mairwisana nezvikara zvesango pazvainge zvoda kutora zvamunenge madzimba. Ko ndimi maindirwira wani kana ndapindawo musango zvekungoteverawo. Ishe wemhuka dzesango ndimi wani? Ko izvi zvamafunga kuita ndezvipi izvi? Mungada kuenda musina kurwara here? Ko amai venyu mafunga kuvasiya nani murume zvavakafushira? Achauya nenyama yemhuka ndianiko? Ngano yacho tichitaura sei kuvanhu, toti chokwadi muvhimi mukuru akakundwa nerwizi here? Hamuoni kuti tinenge tanyanyotunhidza rwizi here? Ko irwo rudo vanhu vakazvinzwa kuti rwunourayisa pane acharwuda here? Muzukuru wangu wandirwadzisa, wanga usingafaniri kuenda zvakadai. Kana iye Wiriranai haambokugamuchiri wakadai. Hushingi hwako hwaendepiko nhasi Nechinanga, watadza kurwisa mhuka inonzi rufu iyo here udzoke kwatiri?" Sekuru vaive naChikerema vakabata bendekete rake ndokuti, "chirega kudaro muzukuru ndiyo nzira yedu tose chero ichirwadza, chienda unoudza dzimwe hama muuye kuzotakura mumwe wenyu uyu, tarira ini ndangove hari yofanzirofa simba hamuchina mumapfupa umu. Chikerema akaona zvakanaka kuti anoudza Gwezvo nemhuri yake nekuti ndivo vaive pedyo. Akasiya sekuru vaya vaine mutumbi waChakwesha iye ndokuita hushamwari nemhepo zvekuti akasvika kwaGwezvo achiita kufemera padenga. " Titambire vaChikerema, kwakanaka here kwamauya muchiita kumhanya kudai, chionai hamuchakwanisi kumira nemaneto. Svikai mugare pasi padare apo, " Gwezvo akadaro achinongedzera chigaro chaive padare achiita kuti Chikerema amutevere. "Handisi kugara baba, ndangouya kuti ndikuudzei mashura aitika pamhiri perwizi Dzvootsvoo apo," Chikerema akadaro akaita kubata mabvi achiita kufemera padenga. "Chii chanyanyoitika nhai Chikerema, paneiko?" "Zvakaoma baba, Chakwesha asvika nhasi uno kubva kwaanga ashanya kwaishe Gomoguru. Ndamuudza nezvekupfuura kwakaita mumwe wake Wiriranai. Pandapedza kumutsanangurira angosimuka akatanga kumhanya akananga kuno. Ini ndazosara ndotevera iye atouya kare. Pandasvika parwizi apo ndati nditsvage pane mvura yakachena kuti ndinwe ndipo pandaona matsimba ake achiratidza kuti apinda mumvura. Ndamutsvaga mumvura imomo ndikamuwana, hazvina zvazvabatsira nekuti ndaedza zvose zvekuti arutse mvura amuke zvikaramba. Mukuwasha wenyu hakuchina uko. Izvozvi ndamusiya mumaoko evamwe baba kuti ndiuye kuno mundibatsirewo kumutakura nekuti kwedu kwaita kure." Gwezvo akambobata musoro apererwa nezvaakange anzwa. "Mukuwasha wangu azviuraya kauyu?" Vakadaro amai Gwezvo vamire muberere memba yekubikira. Hapana akakwanisa kuvadaira, Gwezvo akambotanga kufamba achitevedzana naChikerema. Vachingobva pamba vakasangana nevarume vaviri vakavakumbirisa kuti vanovabatsira kutakura mutumbi waChakwesha. Kukurukura hunge wapotswa, varume vana ava vakafamba vakanyarara uchingonzwa kutura mafemo pano neapo. Vakasvika painge pasiiwa mutumbi waChakwesha vose vakamboramba vakamira kuri kupererwa. "Varume chiregai kuita sevanhukadzi takurai mumwe wenyu uyu aende panotonhorera, agara musango kwenguva refu. Chandinongokuudzai ndechekuti chimugadzirirai nzvimbo yakanaka kunze kwemusha muchironga kuti modii. Munhu azviuraya haatenderwi zvachose kupinzwa mumusha, ndinofunga kuti iwe Gwezvo unozviziva," sekuru vainge vasara nemutumbi waChakwesha vakataurira varume vaive apa vakagutsurira misoro. Chakwesha akatembedzanwa akatanga kufambwa naye kuenda kumana kwaana Wiriranai. Vasvika pamunda wekuda kusvika pamba apa Chakwesha akangokosora kamwe chete ndokutaurira pasi asi achiita seaivhumuka achiti, "Wiriranai!" Vainge vakamutembedzana vakasara padiki diki kumuregera achidonha pasi. "Chakwesha!" Chikerema akaita kumhanya kumberi kwevarume vaya pavainge vomuisa pasi, "Chakwesha wadzoka?" Akabvunza achibata bata chiso chaChakwesha, asi iye Chakwesha akabva atovhara maziso. Sekuru vaya vakabata pahuro nepamhino paChakwesha ndokuti, "ndomashura chaiwo aya, mukomana adzoswa nevadzimu vake uyu nekuti panga pasisina hupenyu apa. Chikurimidzai munomuradzika panotonhorerra motsvaga mashizha aya anoita kuti arutse nekuti muviri wake uzere mvura," varume vakaita kunzwa nekuita. Nhanho dzavo dzainge dzawedzera nekuda kwe kufarira hupenyu hwaChakwesha. Gwezvo akagadzira padare pake ndokurwaridza dehwe rakakura vamwe varume ndokuradzika Chakwesha ipapo. Akapinda musango ndokuuya nemashizha ainge ataurwa nasekuru Chitsa kwakuaisa muhari akakwata. Ave kudziya Chikerema ndiye akanzi anwise Chakwesha zvishoma nezvishoma. Mumba yekubikira amai Gwezvo vaikurungawo husvusvu kuitira kuzopa mukuwasha wavo kuti awane simba. Paakabuditsa mvura nekurutsa Chakwesha akabva aiswa munhanga maana Wiriranai nekuti ndimo mainge makatambanuka kudarika mugota mehanzvadzi dzaWiriranai. Mumwe munhu ainge abatikana nechimiro chaive maChakwesha ndiTeererai munin'ina waWiriranai. Kuona Chakwesha achirwadziwa kwakamurangaridza marwadzo aive nemukoma wake asati ashaika. Akakumbira amai vake kuti anopaka Chakwesha husvusvu hwavainge vakurunga. Pekutanga zvakambonetsa nekuti munhu wacho aitoratidza kusakwanisa kushama muromo zvake. Pakurara musi uyu Teererai akarara zvake muimba yekubikira nekuti maairara makanga mazorara bamukuru vake Chakwesha. Zuva richingobuda Teererai akabva atomhanya nehusvusvu kuna bamukuru vake. Akatanga nekuvakwazisa, asi havana kuvhura maziso. Akatanga kuvapaka kusvika husvusvu hwese hwapera. Ave kubuda akanzwa munhu oti, "Wiriranai!" Akakasika kucheuka akaona Chakwesha achitogara akatarisa kwaaive. "Bamukuru mamuka?" Teererai akafambisa achinogara pedyo naChakwesha. "Mave kunzwa sei bamukuru?" Chakwesha akatarisa Teererai ndokutarisa maaive ndokuzoti, "Teererai ndirikupi?" Pakarepo Chikerema akabva apinda achinyemwerera. "Chakwesha, ndiwe zvako?" Chakwesha akaramba akanyarara asina kana mufaro kwakuzoti, "ndanga ndiinaye Wiriranai dai pasina ivo baba vandidzinga." Chikerema akaramba achitarisa Chakwesha achida kuona paive nepfungwa dzake , asi iye haana kuzotaura zvakare. "Wave kunzwa sei nhai muzukuru?" Chakwesha akabva atodzokera kurara zvake ndokutarisa rutivi rwaisave nevanhu. Chikerema naTeererai vakazobuda pave paye vatoona kuti munhu wacho aisada kutaura nevanhu. Amai Gwezvo pavakanzwa kuti Chakwesha amuka vakabva vatotanga kutambisa hadyana netsaiya kugadzirira mukuwasha wavo zvekudya zvinonaka. "Teererai ngatitakurei kudya uku tinopa bamukuru vako," vakazodaro pave paya mushure mekunge vapedza kubika. Vakafambidzana havo Teererai ndokutanga kupinda. "Bamukuru mukai mudye," Chakwesha akakurumidza kumuka ndokuti, "Wiriranai ndiwe?" Teererai akamboramba akamira paaive ndokuzoti, "ndini Teererai bamukuru, asi hamuchaoni. Ndauya nezvekudya, uye amai varipo panze apo vanoda kukukwazisai." "Hoo ndimi mainini?" Paakange oda kudzokera kurara ndipo pakapinda amai Gwezvo nekumwe kudya vakamhorosana. Amai Gwezvo vakatozviona kuti mukuwasha wavo ainge asina mufaro kunyange ainyebera kufara. Chikerema naGwezvo vaingunomwinyimwidza vagere zvavo padare. Vakatenderana kuti Chakwesha achipedza kudya aifanira kunoona painge pakaradzikwa Wiriranai. Pavakaona Teererai achibuda munhanga mavo nemidziyo vakabva vatoenda vose imomo. Chakwesha akamhoresa Gwezvo semukuwasha ndokunyarara hake. "Muzukuru taona zvakakodzera kuti unoona pakarara mumwe wako," Chikerema akadaro achisekera hake. Hapana chaimufadza sekuona Chakwesha ari pakati pavo achiratidza kuti hupenyu hwainge hwakazara maari. Akazoshamisika nezvakazotaurwa naChakwesha. "Munoreveiko sekuru? Wiriranai haasisiko kuno ndamusiya kwandakange ndayenda. Ndakamuvimbisa kuti ndichagara naye paanoda kuti tigare. Musazvinetsa zvenyu sekuru nemi tezvara." Chikerema naGwezvo vakatarisana vachishaya kuti vomutii nekuti munhu wacho ainge ataura zvinoshamisa. Havana kuzotaura nezvenyaya iyoyo zvakare naye. Vave panze Gwezvo akabva audza Chikerema kuti, "ndanga ndafunga kuti Chakwesha atore zvake Teererai." Magumo echikamu 8
❤️ 🙏 👍 🔥 😢 😮 30

Comments