🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 30, 2025 at 04:17 PM
*RINAMANYANGA*
🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴
Nganonyorwa yechinyakare
*Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
NaVee💘
Virginia Chambati
🇿🇼773⁶⁵¹524
https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a
💘9
Chikerema akamira paainge ari ndokutarisa Gwezvo aine kushamisika kukuru. Gwezvo akazviona kuti vainge vasina kunzwisisisana zvichikonzerwa nekuti iye ainge asina kutsanangurira mumwe wake zvizere. "Chikerema huya ugare pasi tinyatsotaura tichinzwisisana." Gwezvo akatora Chikerema neruoko ndokugara zvavo padare. "Wiriranai naTeererai vainge vabarwa vakasiyana nemakore angasvika mqnomwe. Ndofunga iwe Chikerema uri kungomuona Teererai kuti achiri mwana mudikisa kana kububudza haana nguva atanga. Taikurukura pamusoro pezvakaitika kune mukuwasha wedu madeko naamai Wiriranai. Takataura zvakawanda tose tikaona kuti kuwana kwaida kuitwa naChakwesha kwaisave kungoda kuita gudzamudungwe. Zviya zvekuti vamwe vane vavo vakadzi regai ndiwanewo. Ava vanhu vainzwanana zvakadzama. Dai taive nesimba taimudzosa Wiriranai, asi zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro. Zvose izvi takazviona tikaona kuti mukuwasha wedu akasiiwa neronda guru pamoyo. Mukuyedza kurerutsa marwadzo eronda iri tave kusiira nyaya kwamuri imi madzisekuru aChakwesha. Isu sevabereki vemufi tave kuti ngaachitora uyu aive pedyo naWiriranai, iye Teererai. Imi kana mataurirana sevana sekuru vemunhu ndimi muchaona zvinoita. Mukapedza mwinyimwinyi dzenyu mouya motiudza kuti tave kuchengeta mukadzi wemunhu here kana kuti kwete, kana nguva yake yekuti awanikwe tomuroodza zvedu. Kana mazvitambira munenge momira kwemakore mashanu kana manomwe kuti mozouya muchitora mwenga wenyu. Panga pakadii apo?" Gwezvo akabva atora mukombe wehwahwa hwezviyo ndokudutira zvake.
"Baba nyaya yamataura ndaona pasina dema ose machena mazai e..... Chinhu chichanetsa mwaka iyo yamataura ichatorwa naChakwesha takamirira Teererai. Tarisai zera rine mukuwasha wenyu. Munhu aitofanira kunge akawana kare pamwe atove nevana vaviri. Haazoiti seabatirwa here kupihwa nyana iye achifanira kuwana sheche yave kutokwanisa kukandira mazai?" Vaviri vaitaura vachitambidzana mukombe wemupeta zvavo. "Chinhu chandisiri kuda kusungirira mukuwasha wangu. Akasununguka zvake kuwana mumwe kana vamwe vakadzi kuno mwana wedu achikura. Teererai anozongouya kuzotsiva nzvimbo yakasiiwa irivende nemukoma wake mumoyo." Vaviri vakataura vakaita sungawirirano yekuti Chikerema aizonotaura naChirongo mukoma wake mazuva mashoma aitevera sezvo ainge akokwa kare naChakwesha kumarooro. Chikerema ndiye aive nechitsvambe chekuzodzoka nemhinduro kunaGwezvo nemhuri yake.
Chakwesha akapedza misi yakawanda achingoti paaida kunozvibatsira chete ndipo paaibuda panze. Kudya chaiko kwaimunetsa zvekuti dzimwe nguva aitozomanikidzwa naChikerema aona kuti zvanyanya. Muviri wake wakatombodzikira zvekuti ainge oita kunge murwere chaiye. Chaainyanyodira mumba maairara aiona ari pedyo nemudiwa wake Wiriranai nekuti ndimo maairara achiri panyika. Kubva zuva raasvika pamusha paGwezvo akatembedzanwa haana kuzombobvira asangana naWiriranai kuhope zvakare. Ainge apedzisira kumuona musi wapindira baba vake pakati achida kupinda mubako raigara Wiriranai. Mumwe musi akati akarara ndokuona munhu ainge akamupira gotsi. Mumba maakange akarara mainge matodzimwa mwenje kare, asi apa makanyatsochena kunge kwaive nemwedzi muchena. Paakacherechedza chimiro chemunhu aive pamberi pake akabva atodeedzera kuti, "Wiriranai!" Akati kwanyanu paainge avete achida kuenda kune munhu uyu ainge akamupira gotsi. Akati nhanho yekutanga ndokuti yechipiri ndokunzwa simba rainge chamupupuri rakamudzosa paakange akarara.
"Makamboona pandakaradzikwa here nhai Nechinanga?" Kungonzwa matauriro aya moyo waChakwesha wakabaikana nekuti ndiwo madanirwo aaigaro itwa naWiriranai wake achiri mupenyu. Chainge changosiyana ndechekuti mazwi aya akataura nemunhu aitoratidza kuti aisafara zvachose. Chakwesha haana kupindura nekuti aiziva kuti ainge asina kuenda kunoona painge paradzikwa mumwe wake nenyaya yekusada kuzvitambira kuti mumwe wake ainge asiya nyika. "Ndinoda kuti zvauri kuita zvekurara munhanga muno zvibva zvatopera nhasi nekuti nguva haisati yakwana. Kana uchida kufadza moyo wangu nditevere izvozvi ugutsikane kuti handisisipo. Kana wadaro ndinoda kuti udzokere kumusha kwenyu uenderere mberi nehupenyu hwako!"
"Ndinoenderera mberi seiko nehupenyu iwe usisipo nhai amai Nechinanga?" Chakwesha Akabvunza misodzi ichiti mokoto mokoto pasi. Zviya zvekuti murume haachemi hazvina kushanda kuna Chakwesha.
"Tave nyika dzakasiyana Shumba, nguva yedu yakatopesana. Mubvunzo yawakandibvunza ugere padombo redu riya ndakainzwa. Mumwe musi uchawana mhinduro kwairi. Ikozvino changosara kutambira zviripo. Ndakakuudzai musi wandakusiyai kuti mutevere moyo wenyu. Pamuchamuona achanditsiva hana yenyu icharova zvekuti kana imi muchatadza kuzvinzwisisa. Mukangotora nekuti murikufanira kutora mukadzi muchazviunzira jambwa mumusha nemumoyo. Chikumbiro changu Nechinanga ndechekuti ndisunungurei, mukaramba makabatirira pandiri handiiti zororo." Wiriranai akataura achitobuda panze Chakwesha ndokutevera mumashure. Musikana akasvikokwira pamusoro peguva rake ndokutendeuka achitarisa kwaive naChakwesha. Chaida kuonekwa naChakwesha chiso chaWiriranai, asi kumeso kwemumwe wake kwaisatarisika nekupenya chete. Akamboyedza kuramba akatarisa akapedzisira asisatooni nekutosvorwa izvo zvakazoita kuti angogumisira atarisa pasi. "Chindiudzawo Wiriranai kuti sei wakazondisiya tisina kuwirirana?"
"Ndataura kare kuti mibvunzo yako ichapindurwa yose mumwe musi, chidzokera unorara!" Paakadaro Wiriranai akabva atongonyangadika Chakwesha akazongoona yave nzvimbo. Paakaedza kuda kufamba kuenda paguva paya akabva apepuka akabva atoita zvekugara paakange akarara apa. Mumwe moyo wakafara kuti ainge akwanisa kutaura nemudiwa wake kunyange kwaive kuhope. Chido chekuve naye ndicho chakazomusvibisa moyo.
Husiku uhu kurara kwakamunetsa kunyange aidisa chaizvo kurara kuti arote achitaura naWiriranai. Akarangarira zvaakange akumbirwa kuhope ikoko akaona zvakakodzera kuzadzisa zvido zvemumwe wake kuti iye azorore kwaakange aenda. Chaakazviudza mumoyo kugara ari oga zvehupenyu hwake hose. Ainge azvipira kudaidzwa nezita rekunzi tsvimborume asingakendengi. Wiriranai akange asiya vanga rakadzika pamoyo rikave vende muhupenyu hwake hwaakange agadzira mumoyo. Chakwesha akafumira kunoona painge paradzikwa Wiriranai. Akasvikowira ipapo misodzi pamoyo ikatanga kuchururuka. Zvechokwadi ainge avigwa pasi pevhu risina tsitsi iri Wiriranai. "Hausi kutonhorwa here nhai Wiriranai paunorara wega pamhene kudai? Dai zvaibvira ndakuvakira yako imba ipapo pauri kuitira kuti kunze kukaipa unenge wakachengetedzwa."
"Izvozvo hazvisisina basa muzukuru, chiri pasi pevhu yangove nyama yake chete, mweya ndiwo watinoda kuti uzorore murugare. Iwe chirega kuramba uchizvidya moyo afarewo kunyikadzimu kwaari. Hochekoche yenyu iyi ichaita kuti kunyange usisamuone iye anenge achikurwira kumhandu kunyange kumhuka dzesango." Chakwesha akatarisa sekuru vake Chikerema ndokupukuta maziso ake kubvisa misodzi yainge yajenga mumaziso ake ndokubva asimuka paainge akapfugama. "Musazvinetse zvenyu sekuru chandinoda mufaro wake Wiriranai, chandakuita kutevera zvido zvake chete. Tinofanira kudzokera kumana kwedu nhasi sekuru, amai vanofanira vasina kugadzikana nekuda kwenguva yatagara kuno." Chikerema akasekerera ndokurova Chakwesha pabendekete achibva ati, "makutaura saChakwesha wandinoziva Nechinanga. Handei zvedu kumba kunevamwe tinogara padare parasiya vamwe vari totaura nababa kuti tiri kufanira kudzokera kwedu nhasi." Vakafamba vose ndokunogara zvavo padare. Gwezvo akazouya zvake padare patoveswa moto nemwanakomana wake wekutanga Tirivanhu.
"Mwanangu Chakwesha dai zvaibvira ndaikumanikidza kuti mumbogara kuno nasekuru vako, asi ndinenge ndichirwadzisa mumwe munhu asiri kuziva kuti kune chimiro chakaita sei. Amai vako moyo hauna kugadzikana izvozvi maziso anenge akangoringa nzira siku nesikati vachingoshuwira kuti musvike nasekuru vako ava. Chimirai muende madya, ndatoudza amai kuti vakugadzirirei zvekudya pano nembuva yerwendo."
"Ndinoda kukutendai baba nekutitambira sezvamakandiita. Moyo wenyu urambe wakadaro narinhi narinhi Moyo," varume vatatu ava vakazokurukura zvakasiyana siyana kudya kukauya vakadya murufaro. Vakaonekana zvakanaka, Chikerema naChakwesha ndokuruvamba rwekumana kwavo. Chikerema haana kuda kuudza Chakwesha nezvekupiwa kwake Teererai nevabereki vaWiriranai nekuti aisaziva zvaive mupfungwa dzake. Vakasvika ndokutambirwa naMandinetsa. Vagere pabvute vakashamisika kuona Rerekai mwana wasahwira waMandinetsa achiuya nezvekudya. Akasvika akazvityora akakwazisa vanhu vose nerukudzo. Chikerema ainge ambomuona musikana uyu achida kupiwa Chakwesha iye Chakwesha akasamubvuma. Pakangobva Rerekai apa Chikerema akatora hanzvadzi yake ndokuenda naye parutivi. "Nhai aChihoro zviri kurevei zviri kuitika pano izvi?"
"Ndiri kuzviitira kuti ndisanyadziswe pano Samanyanga, vanhu vose vakakokwa varikuziva kuti Chakwesha angosarirwa nechisi chimwe kuti abude mugota, izvi zvirikutoreva kuti hapana chashanduka. Chakwesha achabuditswa mugota naRerekai uyu."
Magumo echikamu 9
❤️
🙏
👍
😢
💃
🔥
😂
😮
31