
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
January 31, 2025 at 04:54 PM
*RINAMANYANGA*
🌹🦴🌹🦴🌹🦴🌹🦴
Nganonyorwa yechinyakare
https://chat.whatsapp.com/IObbLKRrRur8C5QY6vIg1a
NaVee💘
Virginia Chambati
🇿🇼773⁶⁵¹524
*Kana usati watevera channel yaVee wakamirirei nhai. Baya link riri pazasi wobva wati follow uchazvionera hako mitakunzva yakasiyana-siyana kubva kune munyori wako anonyora zvinotapira nguva dzose.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
💘10
"Amai vangu sei musingadi rufaro rwangu? Wiriranai haasati aputika, mave kutoronga zvimwe mambofungawo kuti ini ndiri kunzwa sei here?" Chakwesha ainge akamira akatarisana naamai vake apo vainge vatorana naChikerema vachiti vataure iye Chakwesha asipo.
"Ndiri amai vako Chakwesha, ndave kuda kuti ubude mugota nekuti ndave kudawo vazukuru. Tarira wakasiiwa uri zai regondo, ndikagutsikana kuti ndiwe wandapihwa naMusikavanhu. Dai maive makawanda ndaitevedzera nguva yako iwewe, zvino iwe ndiwe uchandiitira vazukuru vandinoda. Kana zvakaramba panaWiriranai Rerekai uyo aripo. Kana wazofunga kutsvaga vamwe ndizvozvo handikurambidzi nekuti kukura kwedzinza ndiko kwandiri kuda kuti kuitike. Vakadzi vakangofanana, iwe unoramba uchitaura zvaWiriranai anga ari hama yako kana mukadzi wako here, waungatoti hee haasati aputika hee kudii kudii? Ita semurume Chakwesha watokura zvaunoona kudai!" Mandinetsa akazenge otaura sekunge ave kutopopota.
"Vahanzvadzi hamuoni kuti mazvikurumidza here zvamunoda kuita izvi? Madini marega muzukuru wangu acheme mumwe wake kwenguva yaanoda, tozotaura zvimwe kana moyo wadzikama?" Chikerema akayedza kuda kuti hanzvadzi yake inzwisise, asi zvaiita kunge shoko rose rataurwa raitonokuchidzira moto wainge uri muna Mandinetsa. Mandinetsa achinzwa mashoko ehanzvadzi yake Chikerema, akaombera maoko ndokuti, "hanzvadzi une hutsinye iwewe, sei kuda kuitira ini hutsinye mwana wababa vako chaiye? Izvozvi iwe une vana vaviri, makanyanyosiyanei naChakwesha uyu? Hamuma kuenzana pazera here imi? Izvozvi mumamana umu ndini ndinenge ndichipihwa mazita akasiyana siyana vachindipomera mhosva isiyo. Haisi nyore kunzwa vanhu vachikuti ndiwe wakaroorera mwana chikwambo izvo zvaita kuti asafunge kutora mukadzi. Uri iwe uri kuzviudzwa unonzwa sei Chikerema? Chakwesha ndapota zvangu, ndati handisi kuda kunyadziswa ini. Rerekai ndewe matongo uyu, hapana chausingazive paari nekuti wakakura uchimuona pano. Chaunongoda kunonditsvagira tunzenza twekure utwo, zvino hatwuuyi pano, oooh ndaramba ini," akadaro Mandinetsa achinanzwa mumwe ndokunongedzera kudenga.
"Sekuru Chikerema taurai naamai ini ndave kunozorodza nyama, ndikada kutaura ndingazonzi ndavatuka. Ndimi munondinzwisisa imi, taurai nehanzvadzi yenyu iyi," Chakwesha akataura akadzikama, asi mashoko ake akaataura akaita kushatisa pameso. Akafamba ndokunopinda mugota kwakurara zvake nemanhede. Pfungwa dzaamai vake dzekuda kumupa mumwe mukadzi achiri kuchema dzakamushaisa hope kunyange iye ainge akaneta nerwendo. Achiri mukushushikana kudaro akanzwa kugogodzwa kwegonhi akatoshaya kuti ndiani ainge amutevere. Asati aona kuti ndiani munhu uya akabva apinda achinyemwerera. "Shumba ndanzi naamai ndiuye nekudya kwenyu nekuti mangouya kuzorara musina kudya."
Chakwesha akamboramba akanyarara akatarisa Rerekai achiisa mbiya dzaaive nadzo pasi. Iye Rerekai akabva atanga kunyaririra akapfugama pasi achiita seachaboora pasi netugunwe.
"Ehmn Rerekai wakamuonepi munhukadzi kana kuti toti musikana asingazezi kupinda mumba memunhurume ari oga? Unoona zvichipa chimiro chakaita sei? Ukati une chokwadi chekuti uchiri mhandara iyewe? Zvivindi zvako ndazvitya ini." Rerekai akasimudza musoro zvekukasika ndokuti, "ndichiri musikana ini Shumba, kana mukada kuona zvenyu, handina kana munhurume wandinoziva ini." Chakwesha akaseka zvake kuita kunge Rerekai aitaura nyaya inonakidza.
"Wati ndikutarise? Ndinokutarisa ndiri chii chako, ambuya kana tete?" Rerekai akanyaririra ndokuti, "semurume wangu Shumba."
"Rega ndikutaurire chinhu chandisiri kuda kuzodzokorora zvakare. Ini handina kana musi mumwe chete kwandakauya nababa kana sekuru vangu tikabvisa pfuma kumba kwenyu. Usada kushandiswa naamai vangu nevako uchiita hunhu hwakafumuka kudai. Ukaramba wakadai uchasangana navana mutemarege, avo vanoita mutemarege sewembada mhedzisiro unosara uine mwana asingazivikanwe dzinza rake."
"Ndakangokura ndichingoziva kuti ndine murume kare." Rerekai akataura maziso aita zvekutsvuka izwi richiita seremunhu ari kuda kuchema.
"Kubva nhasi ndinoda kuti uende unovaudza vanhu ivavo vakakuudza kuti une murume kuti zvanzi neni Chakwesha handisi murume wako. Enda zvako nekudya kwako unopa amai vaise pedyo nemoto ndichazodya kana ndambozorora." Chakwesha akabva atodzokera kurara zvake.
Rerekai akakwesvaira achipinda mumba yekubikira umo akaona Mandinetsa achitoda kubudawo. "Chiso icho chakadonhedzerwei nhai muroora, adya here murume wako?" Rerekai akangoisa zvaakange akabata pasi ndokufambisa achibuda achibva atotora nzira inoenda kumana kwavo. Amai vake vachimuona nechekure vakatoona kuti zvinhu zvainge zvisina kumira zvakanaka. Vakamusiya achisvika vachida kunzwa kuti kwainge kwaipei kwainge kwamukirwa kuendwa nemwanasikana wavo. Kunze kwekuti ataure zvaimudya moyo, Rerekai akangosvikopinda munhanga make ndokuita gonhi rekurovera kwave kuti zii arimo. Amai vacho vakasvikopinda vakaona munhu akatorara nedumbu akatarisa rumwe rutivi. Vakaedza kumunyengerera, asi hapana kana izwi rimwe chete rakabuda mumukanwa make. Vakasiyana nazvo vakamirira kuti iye azotaura oga.
Mandinetsawo paakasara akabva atonopinda mugota maChakwesha asina kana kugogodza. Chakwesha akatombofunga kuti aive Rerekai ainge adzoka zvakare. "Waita sei mwana wevaridzi iwe Chakwesha, abuda akasuruvara sei?" Chakwesha akademba chaakange adzokera kumba kwavo. Akademba runyararo rwaive kumba kwaana Wiriranai. "Ndambokutaurira paya kuti handisi kuda zvekunyadziswa, izvozvi mwana wevaridzi aenda asina mufaro. Chimiro chipi chauri kuda kuti chinobuditswa nekusuruvara kwake? Izvezvi ndinoda kuti utevere unotaura naye munzwisisane adzoke pano!"
Chakwesha akakwanyanuka paaive akarara ndokuunganidza zvombo zvake zvaaishandisa pakuvhima.
"Ndazviona kuti hamusi kuda kuti ndizorore amai, sekuru Chikerema vaenda here kumba kwavo?"
"Hatisi kutaura nezva Chikerema, ndiri kutaura nezva Rerekai uyo wawagumburisa. Chikerema haana kufanana newe usina mhuri, atoenda kumba kwake karesa uyo. Chimbomira zvekubata bata miseve yako haisi nguva yekufunga zvekuvhima iyi, musi wekuti iwe naRerekai muwanane watosvika, ndinoda munhu anoshandisa pfungwa Chakwesha."
"Pfungwa dzangu hadzisi kushanda izvozvi amai, ndinozvinetserei zvangu kuedza kukutsanangurirai. Ndinoona sekuti kunyange baba vangu hamuna kubvira makavada imi, dai makaroorwa nekuda kwerufu maizondinzwawo pandinotaura nezvekuti moyo wangu uri kurwadza." Mandinetsa akambomira achidzamisa pfungwa kwenguva diki diki ndokuzotanga kutaura, Chakwesha akubuda mugota make akatakura zvombo zvaaishandisa kuvhima. "Ita semurume Chakwesha, enda unotaura nemuroora wangu izvozvi, pasina izvozvo usadzoka hako!" Vakadaro vakaita kubata muchiuno vakatarisa Chakwesha achibuda paruvanze. Vakadaidzira zvakawanda Chakwesha achiita kunge asiri kuzvinzwa zvake.
Akasvika kwasekuru vake Chikerema ndokuudza sekuru vake kuti achambopinda musango. "Chakwesha dzokera kumba unoda kunozviurayira musango musina vanhuka?" Chikerema aitaura achitobata ruoko rwaChakwesha uyo aitofamba akananga mumasango aive pedyo. Iye akacheuka ndokuti, "zvakatopera zviya sekuru, ndikatogara pamba ndingatoputika musoro nekufunga. Ndinoda kumbonovaraidza zvangu nguva ndichiita zvandinofarira kuita, ndinodzoka sekuru," akabva atanga zvake kufamba Chikerema akasara akayeva nzira yaaienda nayo kusvika adyiwa nezarima resango. Akatura mafemo ndokunogara zvake pasi ndokutanga kurezva rusvava rwake rwainge rwusina nguva rwazvarwa.
Musango Chakwesha akatanga avaka pekugara mumuti waakaona wakasimba. Umu akaona muine runyararo rwese rwaaitsvaga. Zuva rekutanga nerechipiri akaripedza akarara zvake achipona netsambatsi, tsombori, tsubvu neimwe michero vakasiyana siyana. Akazofunga kudya kunovavira ndokuzotanga kutsvaga mhuka dzainge dzakarasa muswe. Akaita rombo rakanaka kusangana nemhembwe iyo yaakanyangira kusvika yasiya hupenyu ndiko kutanga kwake kuzodya chinhu chine musoro kubva musi waabva kwaana Wiriranai. Kuve ari oga kwakamupa kufunga zvakawanda zvose nekutambira zvainge zvaitika kune mumwe wake . Kuvhima chaiko haana kuzoita kwaingovewo kugara.
Akazorangarira vaenzi vaakange akoka kuwananano yake naWiriranai. Aida kunoona sekuru vake Chirongo ombodzokera navo kudunhu ravo nekuti pamusha pababa vake painge pasisaiti kugara nekuda kwaamai vake vaimumanikidza kuita zvaisave mumoyo kana mupfungwa dzake panguva iyi. Achisvika kumamisha kwavo akatambirwa nasekuru vake avo vakatanga nekumupopotera. "Ko nhai Chakwesha wainge washayei kuzobata chibharo Rerekai?"
Magumo echikamu 10
❤️
👍
🙏
😮
😢
🔥
😂
31