
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
February 3, 2025 at 07:15 AM
*Take a Bow*🙄🙄
https://chat.whatsapp.com/FhowM8oa5WfLnjyS8h0Nx6
*For previous chapters and more books from Vee 💘 follow this channel 👇🏼*
https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H
Written by
Vee 💘aka Virginia Chambati
💘3
Namatai
Romania aive mukomana wangu, handaikwanisa kumusiya
achiendaka nhai. Takadanana kubva tichiri kuchikoro naRomania.
Zvinhu zvakatanga kumuomera pakashaika baba vake. Amai vake
vaigara vachirwara rwara zvekuti kuita maricho chaiko kwaitonetsa.
Romania munhu aigona chikoro zvekuti chero mateachers aitoshaya kuti odii paaitadza kubhadhara fees. Akazonzi apote achishanda pachikoro kuti awane yekubhadhara fees. Chainge chasara ndezvekushandisa nezvekudya. Kwedu kumba kwaive nani zvekuti yakasvika nguva yandaiti ndikati ndirikuda mabhuku ndongoudza mhamha ari times 2 ndichida kunopa mamwe Romania.
Kazhinji kacho ndaitoba even chibage mudura ndichiendesa
kwana Roma. Amai vake vaisagona neni. Sipo yekuwachisa
chaiyo ndaikamura ndoendesa nekuti ndaisada atambure ndiripo.
Paakanyora akapedza ndakambosarawo kuchikoro nekuti tainge takasiyana maclasses nemakore maviri. Paakazobva kumusha achiuya kuHarare ndaingomutyira kuti aizowana mumwe asiri ini. Ndakaramba ndichichengeta amai vake. Akazouya rimwe zuva achinzi ainge awana basa tikafara tese namai vake.
Paakazodzoka kechitwo ndaitove namai vake kumba kwavo.
Akasvika nemota naMati. Ndaisada kuudzirwa zvakawanda
ndakabva ndaona kuti vanhu ava vaidanana. Ndakangobva pamba
apa ndokuenda kumba kwedu.
Ndakazoona kuti mota yavo
yaenda ndokuuya kumba kwavo.
Amai vake vakandiudza kuti Mati ndiye anga apa Romania basa
ndokumupfimba. Vakati semunhu aida kuramba aripabasa
akangobvumirawo chirango. Ndakatambidzwa plastic bag raive
nehembe dzakati ooh. Mai vacho vakabva vanditambidza zvakare
mari vakati hanzi titevere ini ndoita semusikana webasa. Mumwe
moyo wakafara asi umwe waisave panzvimbo kufunga kuti
ndaizonzwa sei iye achirara pairara Mati. Takazoenda imwe Saturday mushure mekunge ndakumbira amai
nababa kuenda. Vakamboda kuramba vachiziva kuti ndaienda
kumunhu wandaidanana naye asi ndakavaudza kuti ndiye ainge
andipa mari kuti ndiuye. Takasvika ndokuona Mati wacho,
ndainge ndisina kumutarisisa pekutanga asi zvese zvake
zvaingotaura zvega kuti aive ngirozi. Ndakabatwa nejealous
risingaiti. Romania akazviona akandinyengerera kuti taizogara
apa kwenguva diki diki iye achigadzirisa zvinhu zvake.
Ndakazozvipira kushanda ndichibhadharwa naMati, iye aitove
murima zvake. Takazongopedzisira takupanana rudo naRomania
chero nguva yatawana. Ndaibva ndafara nekuti akatoti aisada
mwana naMati. Chokwadi Mati hapana paakanzi amboita nhumbu
ikabva, zvinova zvakandifadza. Romania aindinonokera zvekuti
ndakatoona kuti ndikapusa ndini ndaizosara ndakabata pasi.
Ndakasiya mafamily planning pills. Sezvineiwo nhumbu yakabva
yabata.
Zuva ratawanikidzwa naMati ndini ndainge ndatomufonera kuti
titaure. Mati achichema ndakafara kuti zvangu zvainge zvaita.
Paakaenda kubasa takasara tikarongedza bag rangu. Ndimomakaiswa zvese naRomania zvaive zvakatikoshera.
Patakaenda kwaMarcus, Romania akandikumbira kuti
ambodzokera kuna Mati achinyengerera kuita kuti madeals edu asazoita obvious.
Takaswera tichitsvaga imba navamwene vangu ndokuwana 2
rooms. Izvi Roma akandiudza kuti it was only temporary,
taizogara imba yakakura.
Mati
Ndakawana Romania akagara pamabenches aive kunze
kweoffice yangu. Ndakambomira zvishoma ndichifunga zvekuita.
Ndakazomupfuura kunge ndisiri kumuona zvangu. "Babie,"
akadaro arimugotsi mangu ndichifamba kupinda muoffice mangu. Ndakavhura door ndokurivhara rikapotsa rarova face yake.
Handina kupedza nguva ndakabva ndatokiya door.
Akagogodza achideedzera ndikatoisa maearphones pafone yangu
kwakutanga kunzwa music. Yaimboteererwa naniko music yacho,
ndaive ndichiri mumarwadzo, kumuona futi kwakawedzera
marwadzo pamoyo pangu.
Ndakazoona mapinda message kubva kunew number, "babie I'm
sorry, I don't think I can live without you in my life. All I'm asking
for is a second chance."
Ndakangoramba ndakaitarisa, aifunga kuti ndiri munhu wake here
uyu waanoti jump ndobvunza kuti, "how high?"
Vanhu vekumba kwedu vaingondibvunza kuti ndaive sei,
ndaingovaudza kuti ndaive right.
Ndakuenda kumba ndakawana Roma akamira pamota yangu.
Anga akuda kundibhowa munhu uyu, "Romania chimbomira
kunditeverera, next time ndirikudaidza police!" Ndakadaro
ndakarova serious yekuti kana neni ndakashaya kuti ndakaigona
sei. I guess malife experiences anokudzidzisa zvakawanda.
"Mati usandivharire panze please ndakafuririka nezvinhu zvidiki
diki, ndipewo second chance please, I swear ndichakubata
samambokadzi," akadaro achipfugama pasi. Ndakabva ndapinda
mumota ndokutaura nepawindow kuti, "enda unopa mukadzi
wako maruva ayo." Ndakabva ndatomutsa mota ndakananga
kumba. Ndakatenga take away nekuti zvekubika zvaisave mandiri
zuva iri. Ndichisvika kumba ndakasvikawo kuine mimwe miyedzo inonzi Marcus. Ainge akamira pagedhi akatsamhira mota. "Marcus
neshamwari yako chimbondisiya ndifeme," ndakadaro ndichivhura
gedhi nekupinda nemota yangu. Iye akabva atevera akapinda
asina mota ndisati ndavhara gedhi.
_End of Chapter 3_
Stay tuned
Vee💘
❤️
😂
👍
😢
😰
🙏
19