🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
🇿🇼Vee Stories Zim 🇿🇼
February 3, 2025 at 07:15 AM
*Take a Bow*🙄🙄 https://chat.whatsapp.com/FhowM8oa5WfLnjyS8h0Nx6 *For previous chapters and more books from Vee 💘 follow this channel 👇🏼* https://whatsapp.com/channel/0029VaFUMTz3LdQP9KFcYL3H Written by Vee 💘aka Virginia Chambati 💘3 Namatai Romania aive mukomana wangu, handaikwanisa kumusiya achiendaka nhai. Takadanana kubva tichiri kuchikoro naRomania. Zvinhu zvakatanga kumuomera pakashaika baba vake. Amai vake vaigara vachirwara rwara zvekuti kuita maricho chaiko kwaitonetsa. Romania munhu aigona chikoro zvekuti chero mateachers aitoshaya kuti odii paaitadza kubhadhara fees. Akazonzi apote achishanda pachikoro kuti awane yekubhadhara fees. Chainge chasara ndezvekushandisa nezvekudya. Kwedu kumba kwaive nani zvekuti yakasvika nguva yandaiti ndikati ndirikuda mabhuku ndongoudza mhamha ari times 2 ndichida kunopa mamwe Romania. Kazhinji kacho ndaitoba even chibage mudura ndichiendesa kwana Roma. Amai vake vaisagona neni. Sipo yekuwachisa chaiyo ndaikamura ndoendesa nekuti ndaisada atambure ndiripo. Paakanyora akapedza ndakambosarawo kuchikoro nekuti tainge takasiyana maclasses nemakore maviri. Paakazobva kumusha achiuya kuHarare ndaingomutyira kuti aizowana mumwe asiri ini. Ndakaramba ndichichengeta amai vake. Akazouya rimwe zuva achinzi ainge awana basa tikafara tese namai vake. Paakazodzoka kechitwo ndaitove namai vake kumba kwavo. Akasvika nemota naMati. Ndaisada kuudzirwa zvakawanda ndakabva ndaona kuti vanhu ava vaidanana. Ndakangobva pamba apa ndokuenda kumba kwedu. Ndakazoona kuti mota yavo yaenda ndokuuya kumba kwavo. Amai vake vakandiudza kuti Mati ndiye anga apa Romania basa ndokumupfimba. Vakati semunhu aida kuramba aripabasa akangobvumirawo chirango. Ndakatambidzwa plastic bag raive nehembe dzakati ooh. Mai vacho vakabva vanditambidza zvakare mari vakati hanzi titevere ini ndoita semusikana webasa. Mumwe moyo wakafara asi umwe waisave panzvimbo kufunga kuti ndaizonzwa sei iye achirara pairara Mati. Takazoenda imwe Saturday mushure mekunge ndakumbira amai nababa kuenda. Vakamboda kuramba vachiziva kuti ndaienda kumunhu wandaidanana naye asi ndakavaudza kuti ndiye ainge andipa mari kuti ndiuye. Takasvika ndokuona Mati wacho, ndainge ndisina kumutarisisa pekutanga asi zvese zvake zvaingotaura zvega kuti aive ngirozi. Ndakabatwa nejealous risingaiti. Romania akazviona akandinyengerera kuti taizogara apa kwenguva diki diki iye achigadzirisa zvinhu zvake. Ndakazozvipira kushanda ndichibhadharwa naMati, iye aitove murima zvake. Takazongopedzisira takupanana rudo naRomania chero nguva yatawana. Ndaibva ndafara nekuti akatoti aisada mwana naMati. Chokwadi Mati hapana paakanzi amboita nhumbu ikabva, zvinova zvakandifadza. Romania aindinonokera zvekuti ndakatoona kuti ndikapusa ndini ndaizosara ndakabata pasi. Ndakasiya mafamily planning pills. Sezvineiwo nhumbu yakabva yabata. Zuva ratawanikidzwa naMati ndini ndainge ndatomufonera kuti titaure. Mati achichema ndakafara kuti zvangu zvainge zvaita. Paakaenda kubasa takasara tikarongedza bag rangu. Ndimomakaiswa zvese naRomania zvaive zvakatikoshera. Patakaenda kwaMarcus, Romania akandikumbira kuti ambodzokera kuna Mati achinyengerera kuita kuti madeals edu asazoita obvious. Takaswera tichitsvaga imba navamwene vangu ndokuwana 2 rooms. Izvi Roma akandiudza kuti it was only temporary, taizogara imba yakakura. Mati Ndakawana Romania akagara pamabenches aive kunze kweoffice yangu. Ndakambomira zvishoma ndichifunga zvekuita. Ndakazomupfuura kunge ndisiri kumuona zvangu. "Babie," akadaro arimugotsi mangu ndichifamba kupinda muoffice mangu. Ndakavhura door ndokurivhara rikapotsa rarova face yake. Handina kupedza nguva ndakabva ndatokiya door. Akagogodza achideedzera ndikatoisa maearphones pafone yangu kwakutanga kunzwa music. Yaimboteererwa naniko music yacho, ndaive ndichiri mumarwadzo, kumuona futi kwakawedzera marwadzo pamoyo pangu. Ndakazoona mapinda message kubva kunew number, "babie I'm sorry, I don't think I can live without you in my life. All I'm asking for is a second chance." Ndakangoramba ndakaitarisa, aifunga kuti ndiri munhu wake here uyu waanoti jump ndobvunza kuti, "how high?" Vanhu vekumba kwedu vaingondibvunza kuti ndaive sei, ndaingovaudza kuti ndaive right. Ndakuenda kumba ndakawana Roma akamira pamota yangu. Anga akuda kundibhowa munhu uyu, "Romania chimbomira kunditeverera, next time ndirikudaidza police!" Ndakadaro ndakarova serious yekuti kana neni ndakashaya kuti ndakaigona sei. I guess malife experiences anokudzidzisa zvakawanda. "Mati usandivharire panze please ndakafuririka nezvinhu zvidiki diki, ndipewo second chance please, I swear ndichakubata samambokadzi," akadaro achipfugama pasi. Ndakabva ndapinda mumota ndokutaura nepawindow kuti, "enda unopa mukadzi wako maruva ayo." Ndakabva ndatomutsa mota ndakananga kumba. Ndakatenga take away nekuti zvekubika zvaisave mandiri zuva iri. Ndichisvika kumba ndakasvikawo kuine mimwe miyedzo inonzi Marcus. Ainge akamira pagedhi akatsamhira mota. "Marcus neshamwari yako chimbondisiya ndifeme," ndakadaro ndichivhura gedhi nekupinda nemota yangu. Iye akabva atevera akapinda asina mota ndisati ndavhara gedhi. _End of Chapter 3_ Stay tuned Vee💘
❤️ 😂 👍 😢 😰 🙏 19

Comments