Nhau DzeShona, Confessions & Secrets.🇿🇼
February 13, 2025 at 08:33 PM
Mai Chisamba makadii I'm a truck driver saka ndaingoti kana ndakunoita mazuva kunemumwe mukadzi ndaingonyepa kuti I'm going kuDRC .... Same same kana ndakuendawo kwemumwe . Tsoro dzangu dzaifamba zvakanaka until ndakazoita accident paKrismas Pass apoo. Truck rakadonha rikapwanyika kuita beyond . Inini I only lost consciousness ndobva ndaendeswa kuchipatara .... After 2 days ndakapepuka so , nditarise vanhu vakakomba bed yangu ndione pana Madam nemaSmell House angu matatu ipapo .... Ndichingosvinura zvikanzi naMadam "RIGHT , IWEWE UKUITA BASA REKUHURAKA IWE ... WAITA ZVAKANAKA WAMUKA , ZIBENZI REMUNHU!" 😠
Haaaa inini nekuziva marovero anoita Madhuve, ndakaona kuti ndikadaira ndainyadziswa muchipatara imomo, saka ndakabva ndangopindurudza maziso bvandagwinha gwinha katatu zvinepower , bvandavhura exhaust uku, ndiye ziii zvangu . Everyone panicked vakutanga kutukana kuti honai mauraya munhu anga azvimukira zvakanakanaka. Nurse akabva avadzinga imomo bvaatondiendesa kumochari , ndakazoti mati ziii mumochari muya bvandamuka .... Budei nepahwindo haaaa ini Joni stret !!! Nanhasi handisati ndadzokera kumba , ndakatoona nyaya yangu mubepa zvichinzi chitunha chakashaikwa wat wat ndikatoseka hangu.... Imi Madhuve anorova 🥺🥺🥺
https://whatsapp.com/channel/0029VaaCUE11NCrYGxAHbf0P
☛ ᵖˡᵉᵃˢᵉ ʳᵉᵃᶜᵗ ⇆ˢʰᵃʳᵉ
😂
🙏
🎉
👍
👏
😮
54