Eragon Mindset
February 11, 2025 at 03:24 PM
*Changu Chipondamoyo*
Chigororo chakaba wangu moyo nerunako,
Tsika hunhu ndipo pamusha pazvo,
Zvipfeko zvinoti tsepete, zvinofadza meso,
Ndinaye nguva dzese moyo unozara nerufaro,
Anondidakadza nenyemwerero kunge nhetembo dzaMambo Guramutunhu,
Chitori chidokwa dokwa kurakidza vabereki wavo muroora akazara hunhu,
Manakiro ake anoita dzimwe nguva ndide kumuzadza nhumbu,
Mukati ahasi riye ega here anerunako rwatemesa musoro muneuno mutunhu.
Changu Chipondamoyo, chimudya ndakasungwa,
Kunge Freeman ndingamupindira muhusungwa,
Rudo rwake rwondininipisa semuranda,
Paanondibata ndodedera serutsanga,
Rwuri pakati pedziva kana mvura inemhepo yana,
Arimukati kunge mongo mukati memapfupa.
Kumufunga nguva nenguva,
Kuti dai yachikwana zvayo nguva,
Zviripamutemo ndamupikira rudo runosvika muguva,
Nekuti nerufaro pese pandomuona moyo wangu unotamba senhova,
Anondida ndega ahana rubukira sehohwa,
Zvinyoro nyoro achitsika pasi sepanobaya,
Anezwi rinonyevenutsa sengirozi yanyadenga,
Chimiro chake chakaurungana zvinoyevedza,
Minyatso yakati twi zvekuti pandomumbundikira ndinotekenyedzwa,
Ndinochida icho changu Chipondamoyo
Anofamba akamisa chipfuva setsvarakadenga yakadengezera chirongo,
Pakutanga waiti ukamubata aipupa semhuka yakabatwa pamusungo,
Asi iye zvino wonditi dzikama nekuti wangu muviri ndiwo wako rutsago,
Kwandiri musha asi kunevamwe ichazezesa mutunhu unemago,
Aiwa wakaba wangu moyo iwe chipondamoyo,
Anoda kukubata wese ndomuti hokoyo,
Usavade vangakutamba semuchongoyo,
Vakakusiya wochema senherera inochengetwa naamai vanerushusho,
Aiwa Chipondamoyo ndiwe yangu pundutso,
Ndokuda newangu wese moyo
NaAbbie #ghettopoet
❤️
🙏
3