
Em~Jay 😍 Novels
January 27, 2025 at 04:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaZHYGr2f3EOKRm86e46
*For comments join👇*
https://chat.whatsapp.com/FIe5qA2Pz1x3yID3nt9uBV
*FREE BOOK!!!*
*Read, Comment and Share!!!*
*🍁🍁HAPP¥ AT LAST🍁🍁*
*Book written by €m~Ja¥*😍
*Chapter 28*
Mambo akabva ati mwana wenyu mskana kaaa wechi2. Ini semunhu aiva akahwanda ndaiva nepandaivaona napo apa ndaiona hasha pameso aSean asi aizvidzora hake. Ndakaona maiguru nabamkuru vachitarisana vakabva vati mwana wedu wechi2 akabva kutizira vhiki rapera ende pamba pacho muraini medu vanhu vatoziva asi ava ativazivi asi dai mati mskana mkuru ari Harare zvainzwika nekuti ndiye akangomitiswa atitozivi kuti nani. Mambo vakaseka vachirova rova pasi netsvimbo yavo, vakabva vati aaah pamwe ndiye asi ndokumbira kubvunza??? Bamkuru vakabva vati bvunzai henyu ishe ini muranda wenyu ndakaterera apa he looked so innocent zvekuti ndakanzwa hasha dzisingaiti. Mambo akamboita nguva akanyarara ndokuzoti saka mwana wemunin'ina wako wakazomushaya here? Ndakaona vachitarisana nemkadzi wavo ndokubva vati haaa ndakamushaya mambo ndakatsvaka pese pandaifunga kuti angave akaenda asi kana kumuona ndoona sekunge akatizira kunze kwerino dunhu nekuti mwna uya aisanzwa zvachose ndaiva ndatomukonewawo. Moziva pane paunoona wega kuti munhu uyu anondivenga kusvika mubhonzo, bamkuru vakandibvisa humhandara ende havana kumbobvira vandiona nemkomana not even 1 day asi vavo vana ndovairura nechihure. Ndakaerekana ndanzwa mambo vokuma zita renjinda ravo guru. Akabva auya achimanya, ndobva mambo abvunza kechipiri kuna bamkuru akati mwana uya anonzi Chiedza mukanzwa kuti mupenyu moita sei? Maiguru ndovakadaira vakati ndingafara ndaimuda semwana wangu, andina mufaro kubva paakaenda, murume wacho akadaira akati chokwadi. Mambo vakaseka vakati ok mskana huya kuno, vabereki vako vari kukuda. Andina kunonoka ndakabuda mandaiva ndakavanda ndakaona bamkuru vachishama muromo nekushamisika vari samaiguru vakabva vatofenda chaiko.
Mambo akabva vati aaah kufenda komufaro here uku? Koimi baba amusi kufara wani sekutaura kwenyu kuti mwana maimuda? Vakada kuswedera pandiri ndakaswedera shure ndobva ndaridza mhere ndikati vakuda kundi raper. Sean akasimuka paiva ari ndokuuya pandaiva akabva andimbundira akati shhh babe its ok, apana zvavanokuita ava nhasi ndomagumo avo. Stop crying unokuvadza mwana wedu. Ndakatadza kunyarara ndikati he destroyed me kani Sean how can someone sleep with his own daughter? Zvekuti pane vanhu ndaiva ndambotsveta paside ini, mambo ndiye akazoti kwandiri taura zvakaitika mwanangu tione kuti nyaya toitonga sei. Ndakataura zvese kubva kusvika pakundibata chibharo nekuzoda kundiuraya vakandirasa ndikazobatsirwa naSean. Bamkuru vakabva vanzi mune chekutaura here? vakbva vati anondinyepera this and that, mambo akabva ati hamusati mamborohwa nevakomana imi motaura shuwa baba. Vakabva vatoti machinda avo avavharire kwakamirirwa mapurisa kuti auye, vari samai Addy apana kana akavatarisa vakadzamara vakamuka vega kkkk. Murume wavo vakashamisika vasasamuoni, vakaridza mhere zvikanzi murume wangu aripi? Mambo vakabva vati mai imi musatinyangadza mutori nemhosvawo tokusungai zvataita murume wenyu mukaita sedzisimo apa, ndakaona voti ziiii kunyarara vakandipa ziso ini nechemumoyo ndakabva ndangoti hanya nani. Mama ndivo vakazoti saka mambo atizivi kuti nyaya yedu ichafamba sei sezvo mkomana akuda kuroora apa zvinhu zvakamira kudai akuna here dzimwe hama dzingatibatsira dzemuroora wangu? Mai Addy vakaseka zvekusvotwa zvikanzi kuti muzoona zvave Chiedza uyu ndini saka kwamoda kumuroodza ndekupi ndini mai vake uyu. Ndakasekawo zvekusvotwa ndikati hama dzamai vangu ndakadziwana kare sorry henyu and andidi kunzwa nezvenyu imi ndimi makauya pamusha wangu. Vakada kupopota mambo akavanyaradza ndobva ati baba vemwana uyu was my son's friend kubva vachiri kuchikoro, vasati vaenda kuchisoja vakaita musikanzwa nemwana wasisi vangu wandaigara naye pano and she got pregnant akaita mwana mkomana anonzi Tendai. Mongoziva zvevana aisachengeta mwana wake sisi vngu vakazvichengetera mai vemwana vakazowanikwa neumwe murume vakayambuka ndokwavari. Ndaknzwa kahana kurova nemufaro kuti nditoriwo nehanzvadzi? Ndakabva ndati saka aripi mkoma wangu Tendai wacho? Mambo vakatora mafemo zvikanzi ari kuGermany kuna mai vake asi anotoziva nezvako aida kuzokutora ndopakanzwa kuti hauchisiko. Ndakachema nemfaro mambo vakazotaura kuti kuchaitwa dare muvhiki raizotevera kana Tendai wacho auya. Takazooneka ndokuenda mushure mekunge bamkuru vatorwa nemapurisa vakanovharirwa. Tiri munzira ndaiva ndingori ziii hangu pfungwa dziri kure, mama naSean ndovaitaura vari 2 kusvika ndabiwa nehope. Ndakazopepuka ndakumutswa naSean achiti babe tasvika apa kwaiva kwatova husiku.
Takananga mumba ini ndikanogeza semunhu aiva aswera achitsva nezuva kumusha. Ndakazobiwa nehope ndapedza kupfeka ko kufamba rwendo kunonetesa kaa chero unenge uri mumota. Ndakapepuka ndakukiswa kiswa naSean. Ndakaita hasha ndikati ko chii iwe? Akabva ati babe iwe unoda kurara usina kudya sei unoda kuuraya mwana wangu nenzara here? Ndakatora mafemo ndikati ndodya mangwana kani ndakaneta ini. Akabva ati babe hazviiti chero wakaneta sei idya hako andidi kunetsana newe ipapo aiva arova srs hake mwana wavamwene kkkk. Ndakazodya ndobva ndapedza naiye akabva apinda mumachira akandirarisa pachest andina kuita nharo naidzo hope adzina kunonoka kuuya hadzo ndakabva ndangorara sekacheche. Days passed tikaudzwa date rekuCourt yabamkuru, takaenda imiwe vaiva vatoonda nemazuva mashoma shoma, nyaya yakaiswa mudariro ivo kana kuramba ndega ndakaona kuti mambo airevesa paiti vanenge vasati varohwa kana vachiramba. Maiguru vakada kureverera murume wavo asi zvakashaya basa coz mawitness ndaiva nawo hobho. Ivo vaida kutosungwawo asi ndini ndakazoramba. Bmkuru vakabva vapiwa 25 years mujeri ndobva dare rapera. Kana neni ndakanzwa kusununguka mumoyo mangu haa zvetsitsi ndakamboisa padivi. All thanks kuna Sean namama vake vakamira neni haa vanhu vakadaro avawaniki kaviri. Pakanngoita mazuva mashoma Tendai wacho tikafonerwa kunzi auya, takadzokera kwaMambo, haaaa imiwe baba vangu ndaiita vekuonera pama photo asi apa ndakavaona live. Ndati kune vanhu vanofanana panyika kana mazogara, akati achindiona takambundirana nokuchema ipapo, akanditarisa mumaziso zvikanzi zuva randaishuvira razosvika manje. Takambundirana zvakare haaa takava nemfaro wakapamhidzwa kasingaperi. Tapedza takazogara pasi ndobva mambo vati vakwasha vakuda kuroora saka wotaura navo, akagutsirira msoro zvikanzi kuna Sean ndiwe wada kuba hanzvadzi yangu haaa make sure womubata bhoo nekuti i heard she suffered a lot now its her time to be happy. Sean akanyemwerera akanditarisa zvikanzi tsano i love your sister so much i cant live without her, saka musatya. Vakabva vatorana vakaenda panze ameno kuti vakanotaura chii, vakadzoka zvikanzi naTendai saka weekend vakwasha vakuzoroora kumba kwangu kuHarare zvekuno bodo. Mambo vakabva vati aiwa apana chakaipa ndiwe wave baba vacho ini ndichazouya kumuchato. Takaseka hedu ndokuzoti garei zvishoma ndokuoneka hedu, my brother promised me kuti vachada kuzoitawo kana 2 days neni busy yadarika. Takapesa navo mutown ivo voenda kwavo isu kwedu. Sean aiita kufara zvikanzi babe wakuzova wangu zvisina mubvunzo apa i cant wait to hold our baby. Ndakasekerera ndikati me too i love you Sean and thanks nezvese zvamanditira namama dai musiri imi ndisina hama, ndakataura ndakuda kuchema akabva ati shh babe unondirwadzisa andidi kuona misodzi yako. Ndakabva ndaipukuta ndokunyarara hangu kkkk. Days passed, kwasara 2 days kuti ndiroorwe ndakaenda kwamkoma wangu, vaiva nemba yakanakisa zvisingaiti. He was still single hanzi now ndakuzoroora andingatangirwi nemwana kkk. Takava nenguva yakanaka nemwana wababa vangu but aitaridza kuva strict zvandainzwa kuti ndozvaiva baba vangu. Zuva remarooro rakasvika paiva nehama dzamama nedzaSean haaa paiva pakachenewa kani kana isu vana Chiedza maizotida here taitwa make up. Ndakatarisana mumaziso newangu murume ari kure haaaa munhu ndaimuda mhani uyu. Ndakaiswa mune imwe room mandaiva navainzi ndivo tete kkk ameno kuti pakudi aaah imi ameno. Zvinhu zvese zvakafamba mushe ndobva ndazodanwa haaaa kana mazogara ndakabvisirwa zvakadadisa mongonzwa imi. Tendai akabva ati ini ndotora shoma yababa imwe yese akapa gogo asi vairamba asi paiva pasina choice. Vanhu vakadzokera kudzimba iniwo ndichienda kumba kwangu nemurume wangu nagogo vachinoona pandaigara. Vakafara nokudadisa kwandaiva ndaita vakabva vati ndafunga mai vako haaa mwana wangu aiva akaroorwa kani nababa vako vasina kana chikwereti, dai zvaibvira wamboenda kuguva ramai baba vako unovazivisa kuti kwave nemkwasha. Ndakaona iri pfungwa yakanaka plaz ndaiva ndoda kuvaisirawo matomb stone...........
*End of chapter 28*
❤️
🙏
👍
😂
😢
233