
TBC Employment Solution🇿🇼
February 8, 2025 at 06:29 PM
*Bhozhongora updates* ✅
*Trending News and Celebrity gossips* ✅
*Confessions* ✅
*Zvirimudzimba* ✅🔥
https://whatsapp.com/channel/0029VaHThvuATRShrLntno1U
*Nhasi ndine nyaya yeumwe mukadzi akafirwa nemurume ,afirwa nemurume akabva atora kiti ndokuudza wani kuti "kubva nhasi ava ndobaba venyu mukaona kiti iyi munofanira kuombera muchiimhoresa".* *Pakudya vanhu vainge vakutodya same plate neKiti iyi.*
Zvakazoitika ndozvandauya nazvo
https://whatsapp.com/channel/0029VaHThvuATRShrLntno1U
*Zimbabwe! Zimbabwe! Nhasi ndine nyaya yakaitika kuSanyati.* *KuSanyati kune pamwe pamusha panaBaba vakafa , baba ava vafa mukadzi wemufi aka bva aunza kiti ndokuudza vana vake kuti "Iyi Kiti ndoyava Baba wenyu yavakunzi Sinyoro (mutupo wemufi) ,kubva nhasi mukaiona munofanira kuombera".* *Mhuri yeZimbabwe zveshuwa vana ava vaiti vakaona kiti iyi vaitoombera senge vakuona baba vavo.* *Pavana vemufi pane umwe mwanasikana ainge ane mwana wakewo(muzukuru wemufi) , anoti iye mwana wake uyu aimanikidzwa kudya same plate nekiti achinzi adye nasekuru wake muplate 1.* *Zimbabwe ndiri kuti ini mwana uyu aitonzi adye chikafu chinenge chasiiwa nekiti zvichinzi usaseme chikafu chasiiwa naSekuru wako(Sinyoro.* *Vanhu vepamba apa vaitoti vakaona kiti iyi vaitoti "Mamukasei sinyoro / Maswera sei Sinyoro" ,vachiudza kiti.* *Muzukuru uya wekudyiswa same plate nekiti akazotorwa naBaba vake , mbuya(mudzimai wemufi) vakatsamwa vachiti mandipumha huroyi.* *Mwana waMai ava paakaudzwa kunzi wandipumha huroyi akapindura iye kuti "Amai tese tinoziwa kuti Baba vakafa kana muchiti tideedze kiti kuti sinyoro munenge muchiedza kudii ,mwana handina kuita ndega baba wemwana havana kufara pavakanzwa kuti mwana akudyiswa same plate nekiti saka wakati wakuda mwana vavo.* *Zimbabwe ndibatei zvakanaka, mukwasha ndiye akatora mwana wake kumba kwamai wemukadzi mushure mekunge anzwa kuti amai wemukadzi vari kudyisa mwana wake same plate nekiti.* *Mazuva azoti fambei kiti iya yainzi Sinyoro yakazofa ,kiti yafa mhuri yeZimbabwe mukadzi uya wekuudza vanhu kuti kiti inonzi Sinyoro (Mukadzi waSinyoro) , akatanga kuenda kumaraini achiudza vanhu kuti "murume wangu afa" , Mukadzi uyu akatosvika kwaSabhuku asi vanhu vaishamisika nekuti murume wemukadzi uyu anga ane nguva atofa.* *Kiti iya yakazochererwa pasi ikavigwa asi chakashamisa vanhu ndechekuti mukadzi aigara nekiti iyi akamuka akarara pamusoro pegomba raive rachererwa kiti iya ,ainge akapfeka pitikoti chete.* _Mhuri yeZimbabwe ndikuda kuti munzwisise kubva patangira nyaya iyi ndirikuti , Mukadzi uyu aiva nemurume wake ane mutupo wekuti Sinyoro , Sinyoro paakafa mukadzi uya akabva atsvaga kiti ndokuudza vana vake kuti "Kiti iyi ndoyave Baba venyu ,mukaona kiti maona Baba venyu munofanira kutoombera._ *After kiti yafa mukadzi uyu haana kuzorarama kwenguva refu , vana vemukadzi uyu vakaramba kuenda kunhamo ,vana ndivo vaifanira kufambira nyaya dzekuti mutumbi ubve kuMortuary asi vana vaiti havasi kukwanisa kuuya kufambira nyaya idzi.* *Zimbabwe mukadzi uyu aiva nevanasikana vese vari 2 hapana akauya kunhamo kana kufambira nyaya dzekuti mutumbi ubve kuMortuary.* *Kubva pakafa mai ava kusvika January uno panga pane 3 months mai ava vafa asi mutumbi uchiri kuMortuary chete.*
*Hanzvadzi dzemukadzi uyu ndodzakazouya kwaSabhuku dzichitaura kuti kwavari kufamba vari kusangana nehanzvadzi (mufi) yavo ende haisi kufara , sabhuku achibva avapindura kuti "itai zvinhu zvenyu nekukasika nekuti 3 months musina kuviga munhu zvikutoreva kuti muVillage mangu mane 3 months mune nhamo ,imhosva kaa iyi inoda kuripwa fambirai nyaya dzenyu dzipere".* *Hanzvadzi dzisati dzabva apa dzakabva dzanzi naSabhuku "kumba kwehanzvadzi yenyu kurikunzi imba yakabooka kumashure dai mambopfuura manotarisa kuti chii chakaitika sezvo pasisina munhu akugarapo".* *Zimbabwe hanzvadzi idzi kwadzakafamba dzainge dzakanzi dzisasvike pamba paMai ava (pamba pehanzvadzi yavo) , asi apa vakada havo kusvika.* *Vakaenda mumba kwemufi kuya (kwehanzvadzi yavo) vachingosvika paYard paburi painge pakatsemuka paya pakabuda kiti ichivamhanyisa zvekuti hapana akamira vese vakatiza.* *Mhuri yeZimbabwe pamba paive pakangoti vanhu vakasvikapo , kungotsika muYard chete vaitoona kiti yakuuya ichimhanya.* *Izvi zvakaitika ka3 zvevanhu vakamhanyiswa nekiti dzamara vanhu vazotsvaga vamwe madzimai vanozivikanwa nekubatsira.* *Ndisati ndataura zvakaitika pakauya madzimai ndoda kungoti hama kana muchiziva hamuna kusimba musatange mabasa amusingazopedze , nyaya dzemushonga idzi dzoda vanhu vakasimba.* *Mhuri madzimai vauya, vainge vakapfeka gemenzi asi vakazosungirira zambiya kunze kwegemenzi , hapana akaziwa vakazviitirei.* *Madzimai (mubatsiri) vakatofamba zvakanaka naka kupinda muYard , vainge vakabata muteuro vavo mumaoko , vakuda kunosvika kudhuze kune imba yakabooka kiti yakabva yabuda ndokutanga kumhanyisa madzimai, mhuri yeZimbabwe kiti yakasvika ika.............* Full story yaiswa kuZim Elites Official nhasi na12:42 endai munoverenga and don't forget to follow for more Bhozhongora latest updates
Ndofunga vaenda kuChannel kwedu nyaya madziona ✅🔥
*Nyaya yataurwa pamusoro apo yaiswa kuZim Elites Official na12:42 full story yacho* Follow for more
*Don't forget to follow for more Bhozhongora latest updates*
> Pfooo rikiti rikiti bvuuu, kutsutsudzunura nyaya dzinotyisa nedzinoshamisa dzirikuitika muZimbabwe 🔥🔥👏🏽
Thank you 80K followers
*Nyaya dzese dzehurombwa, dzehuroyi*
*Nyaya dzengozi*
Check post yanhas na12:42 *follow for more updates*
*mukaishaya unouya inbox ndokupai*