PEEE   WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
January 23, 2025 at 06:36 AM
Vanoda book from chapter one please follow channel. https://whatsapp.com/channel/0029VaSVy4v2UPBBILNWyt3i Vanoda aplication yedu yekuverenga boom ivo vasina join group hakuna phone isingaite boom reader. https://chat.whatsapp.com/IxpY1W18mvt6me6wWWg7O5 ZVANYADZA. STORY CREATED AND WRITTEN BY.. TETE MASIBANDA@VACHIVI MAMA KIMBERLEY AKA PEE WEKWASHUMBA.. CHAPTER 15 ( LAST FREE CHAPTER. Mambo Svosvera zvavakanzwa mwanakomana wavo achiti ane munhu waakafananidza na Tonhorai vakazvibvunza kuti kana ari Tonhorai nemhakayei asina kupinda mumuzinda kuti ndiye akamubvisa umhandara here Zvanyadza kwaingova kuzvibvunza asi anopindura pasina vakazozvisimbisa mumoyo mavo kana dai ari Tonhorai akabvisa ZVanyadza umhanhara ingadai svikiro rakazviona moyo wavo wainge uchinzwa kuda kubvunza Zvanyadza nezve nhau ya Tonhorai asi vakazongosiyana nazvo sezvo ainge akazvitakura vaimutyira chaizvo chakavakazongoita kuti Zvanyadza asabuda mumuzinda uye Marujata vaivimba naye vaiziva kuti hapana Tonhorai paangapinda mumuzinda akaona Zvanyadza iye akarega kutaura vakazenge vasosa muzinda wavo nevarindi . " Kana kuri kuti Tonhorai anezvaanoita nemudzimai wangu ndomubata chete", vakadaro vachitaura voga Mambo Svosvera chokwadi ndechekuti Zvanyadza vainge vatomuda nemoyo wese kudzoka kuita mwana mudiki chaiye rimwe zuva Zvanyadza aive akagara hake na Marujata achidya mhunzi dzemamhanga dzakangiwa dzikaiswa munyu ndicho chikafu chaida kudya ichocho Mambo vakambotanga vachiita madanha ekutsvakira mudzimai wavo nyama asi vakapedzisira vasiyana nazvo nekuda kwekuti aisadya kungodya nyama kurutsa vakazongosiyana nazvo vainge vajaira nhumbu dzaitakurwa nemudzimai wavo wekufa aiti kana azvitakura anenge achingoda nyama chete zvino ya Zvanyadza yakavakandisa mapfumo pasi . " Nhai Mambokadzi ndingabvunzawo here", ? akadaro Marujata achicheuka cheuka kuti aone hapana varikunzwa nhaurirano dzavo here vainge vakagara pamumvuri . " Bvunza hako", akapindura Zvanyadza Marujata akamboita nguva akanyarara achishaiwa kuti otangira pai akamedza mate ake ndokuzotii. " Munechokwadi kuti nhumbu ndeya Mambo", akadaro nezeve zeve". Zvanyadza ainge ava kutoona Marujata sa sisi vake izvo zvakamupa kuti ataure chokwadii. " Chokwadi ndechekuti handizive nhumbu ndeyani nekuti ndakaroorwa na Mambo ndisina kukwana umhandara hwangu hwainge hwatorwa na Tonhorai", akadaro hana ya Marujata yakarova umwe moyo wakambomuti anoudza Mambo nhau ya Tonhorai asi akaona naiye rwaive rufu rwake dai aida kutaura chokwadii ingadai akataura zuva rekutanga chimwe chinhu aitya kuti zvikasvika munzeve dza Tonhorai kwaiva kufa zvakare naizvozvo akazongoona kuti kunyarara kwaive nani akabva atura mafemo. " Ndinovimba achabuda ari mwana wemumuzinda Uno imiwo munofambidzana na Tonhorai here"? " Zvambodii nhai Marujata ngatisiyane nazvo", akadaro asi kutaura chokwadi Marujata ainge ava kunzwa godo nemhakayei Zvanyadza ainyanya kudiwa neve imba ye umbambo Marujata ainge akura atova nemakore makumi maviri nemasere moyo wake wakarwadza kuti Mambo vaizonoroora nhapwa yekune umwe muzinda sei iye aivapo yaingova mhandara yakakwana akazosiyana nazvo hake chokwadii ainge akanonoka kuchitaura dai aida kutaura chokwadi akataura zuva rapinda Tonhorai mumuzinda. " Ruregerero Mambokadzi", akadaro Zvanyadza hana kupindura akapedzisa kudya mhonzi dzake ndokunwa mvura hake ndokusimuka ava kuenda muhozi achibva asvika ndokurara akatarisa mudenga pfungwa dzake dzaive barawamhanya munerake dehenya. " Ndinovimba mwana uyu ndewe mumuzinda muno vadzimu vangu zvikasadaro ndinofa", akadaro ainge ava kuona Tonhorai akangoti zii kubva zvaakauya kamwe chete hana kuzombodzokera zvakare akazobviswa mundangariro dzake anzwa kuvhurwa kwemusuwo ndokumuka ndokuona vari Mambo . " Mambokadzi hazvina kunaka kurara makatarisa mudenga kana muchinge makazvitakura", vakadaro vachienda paari ndokubata dumbu rake iro rakazenge rakura zvaro. " Ndikabata dumbu Shumba havatambi wani"? Vakadaro Mambo Zvanyadza akabva adzungudza musoro wake ndokutii. " Ànoswera achitamba pamunozobata dumbu anenge anetawo", havana havo kutaura zvakawanda vakangogutsirira musoro ndokutii. " Nhasi ngatimboita zvishoma ndagarisa", kubvawo zvabata nhumbu iyi bonde Mambo kwanga kusisina Zvanyadza akadzungudza musoro ndokutii. " Ndine mabayo ishe wangu", akadaro izvo ainyepa hake chaisada kukwirwa nemutana uyu ainge atowana pekuhwanda napo . " Kana muchinzwa nyama dzenyu kurwadza aiwa ngaisiye matambo handide kukanganisa mwana chirarai musina kutarisa mudenga zvino munoda kudyei? Vaitambura Mambo nhumbu ya Zvanyadza vaida uye vaikoshesa chaizvo . " Nhasi ndinonzwa kuda sadza rezviyo nembeva", akadaro Mambo ndokudzungudza musoro vachibva vabuda muimba yavo ndokutuma umwe mukomana kuti atsvake zvaidiwa na Mambokadzi Tongai zvose izvi zvaiva mumaziso ake ainzwa chigodo chisingaite aiti akafunga zvainge akaona pana Zvanyadza obva afunga kuti harahwa yakaita sababa vake ndiyo irikudya ipapo moyo wake wairwadza akazvivimbisa kuti akangowana mukana chete aitozorara naye Zvanyadza mazuva akafamba zvawo dumbu ra Zvanyadza rainge rakura rimwe zuva akangomuka achirwadziwa nemusana Mambo vakabva vatuma munhu kunodaidza svikiro ravo harina haro kunonoka kusvika. " Mazuva a Mambokadzi asvika daidzai vana mbuya nyamukuta”,, rakadaro Svikiro vana mbuya Nyamukuta vakadaidzwa ndokuuya airwadziwa Zvanyadza kwete zvekutamba zvekuti akazviudxa kuti akabara mwana uyu aisazoita umwe mwana zvakare Mambo vaive parutivi rwake vachimusimbisa. " Shingai Mambokadzi mwana mukomana ndiye anorwadza kudaro", vakadaro Mambo hameno kuti vaizviwana kupi sevakambotakura nhumbu..... Kumuzinda kwana Tonhorai mudzimai wake akangotanga kurwara rwara asi Tonhorai ainge asina hanya nazvo pfungwa dzake dzaingofunga Zvanyadza asi zano rekuti achanomutora rini kwa Svosvera ainge asina.. " Tonhorai wakangotarisa mudzimai wako achirwara", vakadaro mai vacho ndipo paakazotuma munhu kusvikiro. " Tinoti makorokoto Mambokadzi vazvitakura", rakadaro mudzimai wa Tonhorai akabva anyemwerera ainge ava negore achigarisana na Tonhorai asi vainge vasina mwana Tonhorai paakanzwa kuti mudzimai wake ava nenhumbu hana chero kufara vamwe ndivo vakafara mumusoro make aifunga Zvanyadza zvekuti akangoti svikiro richibuda akambosara akagara hake ndokubva azotevera aida kunyatso kuziva kuti nhumbu ndeyake achisvika pamba pesvikiro rakabva ramugamuchira nemhinduro dzaida . " Dzokerai Mambo munogara Mambokadzi vazvitakura Mhukahuru mudumbu ravo", rakadaro svikiro Tonhorai ndokuramba akamira hameno aida kuziva kuti chii iye ariye muridzi wemukadzi . " Dzokerai munoronga kuti hondo yamakatanga kwa Svosvera inopera sei makatogara makarivara henyu", nemashoko iwayo rakabva rafamba richienda. STAY TUNED 🩷. Tokumbirawo ma adimin mubvunze tete Masibanda kuti hakuna promotion 😂😂😂Chichemo zve promotion tazvinzwa heyo promotion ndokumbirawo tibate mazuva e promotion iyi promotion inopera musiwa 26 January ne Sunday ZVANYADZA now on sale kureva rakuwanikwa ku group iro rinonzi sub group kunoiswa anenge atenga promotion price. Book roverengwa neboom reader $1 eco 60zig . Moisa apa +263779315918 B Mukanda please kana maisa mari musaise ma prof ka ecocash number haina book torai screen shot nezita raisa mari moisa apa +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣7️⃣0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣1️⃣ ndipo pamunoisa prof of payment of payment ne key yr boom pazasi . Vema etym ingori $2 scratch card moisa pa number dzungu idzo dzema prof musaise etym ku number dze rco. SA 20r voucher . Ott voucher .blue voucher. One voucher. Motora pic moisa apa. +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣7️⃣0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣1️⃣. Kana uchinadawo nerimwe full copy. $1.50. 80zig. $3 etym. 20r voucher. Book ari full copy. CHIRANGARIDZO. SVODAI. RUNYARARO. Promotion and 26/ 01/ 2025 Ukasara apa uchazotenga papi huyai musapote munyori wenyu zvoita ndiwane simba yekudzoka ne free book.Book rinotanga kuuya kusub nemugovera.
❤️ 🙏 😢 👍 😮 😂 28

Comments