PEEE   WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
January 25, 2025 at 07:13 AM
Huya ku channel yava Chivi uchida kunakirwa. https://whatsapp.com/channel/0029VaSVy4v2UPBBILNWyt3i ZVANYADZA 🪺🪺 STORY CREATED AND WRITTEN BY. TETE MASIBANDA@VACHIVI MAMA KIMBERLEY AKA PEE WEKWASHUMBA 🤍🌷. CHAPTER 16. " Nguva dzafamba idzi kubva rungwanani mudzimai wangu achingorwadziwa", vakadaro Mambo Svosvera vasisina kugadzikana umwe wana mbuya nyamukuta akabva atii. " Ndizvo zvazvinoita Mambo rupfimbira sezvo Mambokadzi aisaita mubato wemaoko makazvitakura zvinotodaro rwendo runotevera ndinovakurudzira kana vachinge vazvitakura vanofanirwa kuita mabasa zvinoita vakurumidze", vakadaro zvino Mambo Svosvera vainge vakungokwira nekudzika vainge vachitoita sekuti ndivo vakatakura nhumbu yacho Zvanyadza ainge achingofamba neimba yose akatanga achataura dzamara anyarara . " Shinga mudzimai wangu ndinovimba va dzimu vekwa Shumba vanokutungamirira chete", vakadaro Chimusimbisa nguva dzakafamba zuva rainge ratova kunopinda muna mai varo shupa ndipo payakabva yaputika. " Vhurai makumbo Makambokadzi", akadaro umwe wana mbuya Nyamukuta anobva aita sekudaro Zvanyadza kwainge kwangova kushinga asi nyama yake yainge yaneta semunhu ainge arwadziwa nguva yakati rebei. " Musoro wemwana wava pamukova gomerai Mambokadzi akadaro mbuya Nyamukuta. " Ndaneta", akadaro Zvanyadza achinzwa kuti nyama dzake dzaneta simba chairo ainge asina. " Mhanyai mutore musika muimba yekubikira", vakamhanyidzana musika ndokutorwa vachibva vaisa mumuromo ma Zvanyadza. " Gomerai Mambokadzi"; ashingirira kushandisa simba rake Zvanyadza ndokugomera mwana achibva abuda umwe wana Mbuya Nyamukuta anotora mwana ava kumupfekedza umwe achipukuta Zvanyadza uyo ainge asisina simba ainzwa kuti nyama dzake dzakarukutika chaizvo achipedza kupukutwa. " Makorokoto Mambokadzi mabatsirwa mwana mukomana varidzi vedunhu Shumbamurambwi", vakadaro mbuya Nyamukuta zvino mwana wacho ainge ava kutochema. " Chimukayi muvayamwise Shumba vanotaridza vabuda mudumbu vachitoda kudya ishumba zvemachokwadi Zvanyadza akatambira mwana ndokutanga kuyamwisa aisagona sezvo yaive nguva yekutanga kuyamwisa asiwo vana Mbùya Nyamukuta vakashingirira kumudzidzisa munguva dzaiyamwisa Zvanyadza mwana Mambo vakabva vapinda nyemwero iri kugotsi mumaoko vakabata ndiro yedanda yaive nyama yakagochewa vainge vatogara vabaira muzvere wavo nyama. " Ndanzwa nemhere mhere ndikaziva Shumba vasvika panyika", vakadaro vachigadzika ndiro yaive nenyama pedyo na Mambokadzai mwana akazenge apedza kuyamwa vanobva vatora mwana ndokumubata vana mbuya Nyamukuta havana kuzogarisa vakabva vabuda uku Mambo vachibata mwana wavo chavakatanga kutarisa kamufanidzo kamwe kaiwanikwa kuvanhu vemumhuri mavo nechemuhuro umu vakarohwa nehana vachiona mwana asina kamufanidzo wacho vakambofunga kuti zvimwe varikuresva kuona havana chavakataura vakangoradzikidza mwana pedyo na Mambokadzi avo vaitotya nyama zvawo vanofamba vachibuda hana yavo isina kugadzikana zvekuti kunze kwainge kwasviba vakamboiisa padivi vaitoda svikiro ritsanangure hazvaigona kuti mwana uyu azvarwe asina rupawo rwaive nemadzikoma ake vana Tongai . " Kwakana here Mambo"? Rakabvunza jinda guru ra Mambo. " Chimbidza kundiperekedza kumba kwesvikiro ndoda kutsanangurirwa sei mwana azvarwa mumba umo asina rupawo rwekwashumba", vakadaro vasina kugadzikana vanobva vafamba vachibuda mumuzinda pavakataurirana nejinda ravo Marujata akazvinzwa akanzwa mudumbu kurira akaziva kuti kana zvikazova chokwadi kuti mwana haasi wemumuzinda naiye aizobatanidzirwa rwaive rufu rwake anobva akanda nhano achienda kuimba yaive na Zvanyadza akatowana akarara hake semunhu ainge achangobva kubatsirwa. " Mambokadzi mukai". " Chii Marujata"? , akadaro achimuka. " Mambo vaenda kunodaidza svikiro mwana hana rupao zviripachena haasi wemuno"?hana ya Zvanyadza yakarova zvakasimba akaona rufu rwake. " Ndourawa Marujata", akadaro misodzi yava kuyerera". " Chero neni ndinourawa mukai titize vasati vadzoka", akadaro Marujata achibva asumudza mwana Zvanyadza zvekuti muviri yairwadza akamboisa padivi akamuka ndokutevera kumashure kwa Marujata vachibuda ukuwo mvura yainge yatomisa kuda kunaya. " Machinda ariku gocha nyama handei izvezvi", akadaro ndokufambisa vachibuda mumuzinda hapana akavaona vakafamba chinhambwe vakabva vanzwa mutsindo kumashure kwavo kwaiva nevanhu vaitevera umwe akabva atii. " Vabuda nguvai dzatisina kuvaona", vachinzwa izvi makumbo a Marujata weti yakatanga kuyerera ainge ava kuona rufu rwake Zvanyadza ainge ava kubvunda serushanga ipapo mvura yakabva yapenya . " Ndaita sendaona vanhu apo", akadaro manzwi aye achiwedzera kuswedera kwaive na Marujata na Zvanyadza.. Haaa nhaimi kutokangamwa kuti ZVANYADZA anoda support yenyu imi musaomere akachipa musikana uyu huyai kusub tizonzwa kuti zvichadii mwana asina rupawo geeee regai ndiseke hangu usara apa huda PROMOTION ICHIPO. ZIM SIDE . $1eco. 60zig eco moisa apa +263779315918 B Mukanda please musaise ma voice etym handisi ku Zimbambwe ini etym $2 etym buddie chete book roverengwa neboom reader ma prof moisa apa not pa ecocash +2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣7️⃣0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣7️⃣1️⃣ SA 20r voucher . Ott voucher blue voucher voucher motora pic moisa pa number dzangu ne key yeboom reader pazasi2️⃣7️⃣6️⃣5️⃣7️⃣0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣7️⃣1️⃣ Mhanya kusub usafungidzire aaa support munyori wenyu 🔥🔥
❤️ 🙏 😢 👍 😂 😮 23

Comments