
PEEE WEKWA SHUMBA ONLINE NOVEL
January 31, 2025 at 02:32 PM
Banned yadzoka zvakare uchiverenga book iri pleas view channel and follow nekuti ndika bhaniwa ndotadza kuwana ma group
https://whatsapp.com/channel/0029VaSVy4v2UPBBILNWyt3i
RUMBIDZAI .
STORY CREATED AND WRITTEN BY.
TETE MASIBANDA@VACHIVI MAMA KIMBERLEY AKA PEE WEKWASHUMBA..
CHAPTER 4
Handina chero kuvata zuvà iri ndaingopinduka pinduka ndàitonzwa kunonokerwa nekuti kunze kwaçho kuedze ndaiti gare gare ndotarisa time pafon ya Shantie ndainzwa kufara kuti ndakubva pamba ava.
" Ummmm ungabva waita kunge munhu asina kumbokwira bhazi hre? ,akadaro Shantie.
" Wy
" Ummmm chinguva watarisa time Chokwadi!
" Kungoti hauzive mufaro wandinawo Chete ndakunoshanda woo ndowana marii ndopota ndichikutumiraiwo
" Ummmm but ungabva watadza kurara here? Wakutoita kunge munhu anoda kuenda ku America sure
Handina kuzopindura hangu sezvo Shantie aisanzwisisa mufaro wacho ndaingoti vate vate ndotopepuka pandakaona kunze kwakuchena ñdakabva ndatomuka ndokuita basa rangu ndaida kusiya ndabetsera Gogo vañgu basa sezvo Mai Tariro vàinge vati taizosimuka zvekuma 8 by 7 ndainge ndatopedza basa rangu
" Yowe inga wamukira mwana wemwana wangu,vakadaro Gogo vañgu
" Ndati ndisiye ndakubatsirai Gogo
" Ndizvozvo watogona muzukuru wangu ,chiita ugeze", vakadaro vaitaridza mufaro nekuwana basa kwangu
" Ok ,ndakapindura ndichitoisa mvura mu bucket ndokuenda ku change house ndokugeza ndakanyatso kukwesha muviri wangu semunhu aienda kuguta zvee ndichipedza ñdakabva ndatoenda kunopfeka
Ndakanyatso kupfeka dress rangu ndokupfeka pant rangu randainge ndapiwa na Gogo vangu
" Usakangamwa pant randakupa muzukuru ,unozondionera ipapowo".
" Ndiro randatopfeka Gogo ,ndakaona vachinyemwerera ndikatso kuona kuti vainge vandipa vachida ndakazviudza kuti ndaizoripfeka kusvika ridambuke chete ,Ndichipedza kupfeka ndakabvq ndanomwa tea ndokuenda kwainge kunasekuru vañgu sezvo vasati vabuda kuenda kudoro asi vainge vatopedza kugeza ,koo vaingoti mushana uchibuda vanenge vakutogadzirira kuenda kudoro kwàvo ikko zvekuti kunorimiwa vainge vasina basa nazvo chavo kunwa doro chete mbuya ndivo vaitoona kuti tadyei kwete sekuru
" Sekuru ini ndakuenda kubasa!
" Zvakanaka muzukuru wangu wonoshanda zvakanaka ndofunga ikozvino unondiwanira muzukuru rume,he said vachiseka vachibudisa mazino anenge mangai epa nhamo ndisati ndapindura Gogo ndivo vakadaira
" Musape mwana pressure sekuru va Rumbie , vakadaro mbuya sekuru ndokuti
" Mwana ndiàni zvakaipei kuti akawana wekufambidzana naye aroorwe nhai?
" Usanzwa muzukuru wangu usanyengetedzwa nevakomana vekuchirungu uko ,unoti nekushata kwako uko ungadiwa nemukoma wekuchirungu here? Anenge achingoda kukutambisa chete
" Ok Gogo ndazvinzwa, ndakadaro ndakutofamba kubva patainge takamira chokwadi Munhu angataure kuti ndakashata ,hongu ndainge ndakashata zvangu but kungoudziwa kuti wakashata zvinosvota especially nehama yako ,ndakatobviswa mundangariro naivo Gogo vakuti
" Usatevedzera zva sekuru vako muzukuru ivo chavanongofunga indari vanenge vakutoti ukaroorwa vowona kwekuwana marii yedoro
" Ok Gogo .
Ndakangotenda kuñgoti zvindibve plus tainge tazosvika pamba pa Mai Tariro ndokukwazisana hedu
" Watogona wakasira kusvika nekuti mukomana wacho anga achiti atova kuma shops uko añoda kutosvika achidzokera
" Munoti ndakamborara here? ,i said she laughed ndokutii.
Unopenga chete uchitadza nei kurara"?
" Kutonzwa kufarira kuenda kubasa henyu ndombosiya woo zve mu village muno kuda ndikageza mvura ine soda ndochinja woo rukanda zvee kushata kukapera , ndakadaro ndakatarisa mbuya vañgu Mai Tariro ndokuti
" Kusviba sandiko kushata Rumbie ukawana mafuta ekuzora anoenderana neganda rako uchidya chikafu chinovaka you are beautiful usatombofa wakafunga kuzora mafuta akutsvikisa hako , ndakaseka chàiko Mai Tariro vanganditi you are beautiful ndakabvq ndati
" Pakuti beautiful manyepa ndega ndoziva kuti ndakashata hangu hamuoni ndichisiwa nevarume here?
" Haaaa Rumbie unoda kuonekera iwe uchizora mafuta ekumagaro evana here? Ndoda kuti Kana wazowana mari wotenga mafuta ako wobva wasanganisa ne tesue oil uchaona zvino zoita sikn yacho ino glow zvekuti Haa uchapa kutenda iwe vakomana vanoita kukurwira chete ,she said vachiseka zvawo mbuya ndokuti
" Mai Tariro usada kufurira mwana iwe akatonaka akadaro unoda muzukuru wangu amitiswe here
" Handina kufurira but i tell her kuti hana kushata chete,vanhu munedambudziko rekuti mukaona munhu mutema munenge muchiti akashata ,you think kuti kutsvuka ndiko kunaka here munhu mutema akangoziva futa rekuzora chete anenge akangonaka chimwe chinoshatisa inhamo!
Pakataurwa zvakawanda ndainge ndakudziwa zvakawanda aiwa ndega ndaitoona kuti Mai Tariro vanovaka vangu mbuya vangu kwaingova kudzikisira takataura zvakawanda ,takazoona ino mota ine mutupo ichipinda pagate yainge iri ROLLY ROYCE yainge yakanaka shem iri ye silver ndakaramba ndakatarisa munyika mune vanhu vanezvinhu zvawo shem ndakaona muchiburuka uno mukomana ainge ari mupfupi zviripakati nepakati ari mutsvuku akubva ati dimp ummm ndatombofunga kuti haasi munhu cz since ndainge ndisati ndakamboona munhu akanaka kudaro ndainge ndajaira vana Jim vanemazino e yellow
ndakazonzwa akuti
" Moms murikuramba makagara asi hamusi kufarira kuti ndauya he said achinyemwerera Mai Tariro vakabva vati
" No my son but manyira Mai vako zvee ,ini ndainge ndangotarisa hangu vakazomhoresana havo Mai nemwana ndainge ndangotarisa akazotimhoresa Gogo vangu ndokubva vadzokera Mai Tariro vakazoti
" Ok Junior uyu anonzie Rumbie ndiye wawauya kuzotora then Rumbie uyu ndi Junior ,akaramba akanditarisa ndokubva ati
" I told you mama kuti toda musikana not Mukadzi wemunhu
" Junior ndati anonzie Rumbie zvekuti mukadzi wemunhu wazviwana kupi
" Musikana,? He asked zvekutoti munonyepa.
" Yes , vakadaro Mai Tariro achibva aseka zvake".
" Moms be serious chembere iyi ndiyo yamurikuti musikana here?
" Junior,? Vakadaro Mai Tariro zvehasha ini ndainge ndakutonzwa kunyara chaiko kudawo yaive nhau yemapfero angu ndaingova nedress netuma tennis tunobudisa zvigumwe panze.
Mai Tariro vakazopa mukomana wacho chikafu ndokudya hake achingonditarisa ofinyamisa çhiso
" Usazvitevedzera Rumbie Junior mwana mudiki soo iii pane basa chairo ,she said
" Hooo asi anemakore mangani nhai
" 26 years
Ndakatoona kuti ndainge ñdiri muhombe kwaari regai andione sechembere 29 years zvoti nhamo yekumusha Aiwa unonyatso kubva waita magogo chaivo ,hatina kumbogarisa zvedu takabva taruvamba rwendo rwe Harare
Muroad mese hapana aitaura neumwe takazoti paye ndikanzwa akuti
" I am tired soo ngatimbopindai mu chicken in ndonzwa nzara mother", he said ndakabva ndatii
" Ok ,huku yechurungu here"? I asked him but akangoramba ari zii ndakaburuka kwakumutevera kumashure mukuverenga kwandakaita ma building ndakaona kuti tainge tava pamvuma ,ndakamutevera ndokuona takupinda paneimwe building apa mainhuwirira sei ndakabvisa zvima tennis zvangu sezvo mainge makanaka zvaisaita ndipende nezvima tennis zvadambuka kudaro but Junior hana kubvisa tichipinda ndakataridzwa pekugara ,ndakamboita chinguva ndakagara Junior ndokuzouya ne chicken in first time kudya Zvisinei takadya ndokupedza hedu but chakandinetsa ndechekutii vanhu vaingodya vachisiya tsvina pasi ndakatoona kuti vàmwe vanhu vainge varichapa kumba kwàvo ndakasimuka ndokutanga kunhonga zvima card box zvose ndokuda kuenda kunorasa ndakànzwa kudaidziwa aive Junior
" Hy ndochii chauri kuita?
" Kurongedza hantie ndapedza kudya here?
" Iwe muno mu Chicken in mune vanhu vanoita ,he said zvehasha ndakatarisa vanhu ndokuona vakanditarisa vachiita kuseka munoziva ndakanyara sei
" Handei ,akadaro Junior achifamba kubuda
Ndakangotevera kundodai wanike zvima tennis zvangu zvandainge ndasiya padoor hapachina zvapo ndakapererwa aaa i am sure pane ainge atora akarasa hake"
" Nxaaaa watokwana hre iwe wanga uchisiya butsu uchipinda mu chicken in unoti mumba hre"?
" Sorry
" Don't tell me kuti nekukura kwako hausati wambopinda mu chicken in
Ndakashaiwa zvekupindura ndainge ndazonyadzisawo eish ndainge ndisina kumbozvitarisa kuti vàmwe varikupinda ñadzo takazodzokera kumota ndokusimudzira nerwendo rwedu ratakasvika usiku chaihwo vanhu vainge vatorara
" For today chimborara muno zvimwe muchaudziwa zvekuita mangwana namama ,he said achitobuda
Ndakasara ndakamira ndakatarisa room yandaive yaa munyika mune vanhu varikurarama life yakanaka veduwe bed randainge ndakatarisana naro ungati ndera Queen chete ndakafamba ndokuenda pabed ndokuzviwisira ndakatanga kunyemwerera since I was born ndainge ndisina kumborara pabed hangu saka zuva iri ndakanyatso kurara zvakanaka chaiko
The next following ndakamuka kuma 7 sezvo ndaisaziva nezvepamba apa saka zvaisaita kuti ndimukure
" Mom ndiye muñhu wenyu ndakauya naye , akadaro Junior achindiratidza kune Mai
" Ok my son thanks , anywhere ndoitwa Mai Shumba
" Rumbie, ndakadaro vakabvq vasekerera ndokuti
" Ok ndofunga nyaya yangu wakainzwa ini ndoda kuenda Ku UK mangwana soo maid wangu akaroorwa that's why ndakatsvaka iwe
Ndakaudziwa zvakawanda vakàti ndimbozorora basa ndaizoita mangwana sezvo apa yange ir weekend soo vana vacho vainge varipo ummm Mai vainge vakazvara ivavo 9 vana thought vàmwe vainge vari out of the Country
" Ndakumbira woo pekugeza , ndakadaro ndainge ndakapedzisira kugeza nezuro wacho
" Ok , kubedroom mako mune bathroom hande ndinokutaridza
Ndakatevera ndokutaridzwa bathroom yacho vachibva vabuda ndakasara ndakungomira ini mainge musina chero bucket rekugezera even sipo maingova ne sunlight yendiro ndakabvq ndaona pamwe painge paneka batan ndakabaya woooo ndakafara mvura payainge yakubuda uchipinda munechimwe chinhu chakaita chidish soo hameno ndakabvq ndarega ichipinda kusvika yazara ndakabaya paye ndokumira kubuda ndakabvq ndabvisa hembe dzangu ndaitoda kupinda mukadziva ikako pandakanoti gumbo rangu haaaa ndakatsva zvekuti I can't hold my pain ndakaridza mhere yakavharira imba yose
STAY TUNED
Shem chembere yedu😂😂😂 gumbo redu
😂
❤️
🙏
😮
😢
👍
49