Baba Tanya Miti Kurapwa Kwezvirwere
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                February 3, 2025 at 05:21 PM
                               
                            
                        
                            Riripo zuva randichasiya nyika ino
Baba ndiyambutsei rwizi
urwu rwizi Jordan
kana ini ndarwara
ndashaiwa mubatsiri
hama dzangu dzatiza
ini ndasara ndega
Baba ndiyambutsei rwizi
urwu rwizi jordan
kana mazuva aperawo andakatarirwa panyika
Baba ndiyambutsei rwizi
urwu rwizi jordan
nyika yandiremera
fambai neni baba
nhamo nematambudzo zvakandikomba
baba ndiyambutsei rwizi
Urwu rwizi jordan
ndoshuva uyo musha usina kuchema
baba ndipei simba ndigone kukurira
Baba ndiyambutsei
urwu rwizi Jordan
kana ndasika parwizi
pazambuko rwunonzi rufu
Baba ndiyambutsei rwizi
Urwu rwizi Jordan
🎤🎤🎤🎤🎤🎤🎤🎤
*Jehovah rwizi ruri kumberi kwangu rwakura , ndiyambutsei rwizi urwu , marriage yangu yanetsa Jehovah ndiyambutsei rwizi urwu ndikwanise kukunda mumarriage yangu , ringava basa Charo ,kungava kusemwa mumarelations hips Jehovah ndanzwa nekubuda ndichipinda mune dzimwe baba , ndiyambutsei rwizi urwu baba , ndinouya kwamuri manheru ano ndakazvinipisa ini Jehovah , kana zvichiita kumedzwa nehove zvakaitwa Jonah ndimedzei baba kut ndigokwanisa kuyambuka rwizi urwu baba*
*Mazuva ose yangova misodzi pamatama , kana ingava nyama tava kutonzwa kunhuwirira kwayo Kuma next door Jehovah , tiyambutsei rwizi urwu baba , urwere wakomba mukati memuviri Jehovah ndisunungurei mukati mezuva ranhasi ndigokwanisa kupupura zviri kuita vamwe*
*Jehovah ndi Mwari akatendeka , Namata wakazvizvinipisa mukati mezuva ranhasi ,uchikumbira zvose zvamunoda kubva Kuna Jehovah*
*Kana 7:50 pm imba kasong kanokuswededza  Pana Jehovah kana 8pm dzakwana wotanga kunamata kusvika na 8 30 pm*
*Remember kubata phone to your right side then mvura kuleft hand side 500 ml wozonwa yose na 8 30 pm half*
🙏🏿🙏🏿🙏🏿🙏🏿🙏🏿🙏🏿🙏🏿
Be connected
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                    
                                        45