Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
January 31, 2025 at 10:47 AM
Join my Whatsapp group
https://chat.whatsapp.com/DTWYfAd4dxz9uQps8PSFGi
Follow my Whatsapp channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709
*Redemption*
Written by
Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322.
Chapter 16.
Bartholomew.
"Nhaiwe Bart?" Charlene akazocomplainer ndakutomudzokorodza kechitwo kwakuzochifema manje ndichinzwa kuti ndapedza shungu. "ndanga ndakusuwa shaa" ndakadaro ndichifemereka nekugadzirisa zvandaiva ndakapfeka akati, "aihwa you need to stop this, sure sure muoffice mangu mekuti Rick aigona kungodzoka anytime. Dai adzoka uripamusoro pangu unofunga kuti chii chaikutadzisa kufa?" Akadaro ndikasekerera ndichiti, "ndaitangira ipapo shaa" ndakadaro akati, "hazvina kumbon...." Akabva amira kutaura tanzwa knock padoor tevere mwana wacho akati, "mama vhurai ndakanganwa laptop yangu" ndakabva ndajambira kuseri kwesofa raiva mu office maCharlie imomo ndikahwanda. "ko wadii kusiya ndazouya nayo?" Vakadaro mai vacho vanovhura door akati, "ah, ko ndatombofona ka ipapa ndichida tisangane kunze kwegate uko. Ndirikuda kunoishandisa pane zvandirikuda" akadaro ndokubva atoti, "ndakuenda, ndokuonai kumba"
"Bye" akadaro Michonne ndikasara ndichibuda kuseri kwesofa ndikanokiya futi door. "zvaurikuita zviri risk Bart, unombozviziva izvozvo?" Akadaro Charlene ndikati, "sha we both like each other. You're my first saka zvimwe zvese hazvisi kunasondiitira hangu. Zvekuzoti ndofana kuita move on ndakatoita hangu asi iwewe pandawanira mukana unofana kutondipa. Kwete kuti nekuda kwekudii kana kudii but we both like this" ndakadaro akati, "Bartholomew you don't understand, the deal was done and what's all this for? I gave you your money. I might like this as much as you do but hazvisi boe. Ndosaka ndakati tisayane nazvo nekuti now i got what i wanted and i payed for it. So stop doing this, you're harassing me because you know i like you? No Bartholomew that's not right"
"Saka urikuti kudii?" Ndakadaro akati, "you need to move on Bart. Urikufunga kuti wakaita move on but hauna" akadaro ndikati, "because I'm stuck with you. I think kuti zvinhu zvingotifambira tese hatifanirwe kumira zvatiri kuita. Haa zvekuzoti the deal was done ndozviziva but ndiwe wakatanga nazvo zvinhu izvi. Dai waida kuti zvisazonetsa ungadai wakati tingoita zvema sperms without getting intimate. Waitondinzwira sugar iwewe ndosaka uchiti ukandiona unototesa pant, we need to keep doing this"
"Kusvika zvaita sei?" Akadaro ndikati, "kusvika ndozokwanisa futi kuita move on. Handisi kutomboda kuudzwa nezva Rick nekuti i know kuti ariko and handina basa naye. Iwewe urimunhu mukuru Charlene unongoita zvawayiita kuti nyaya dzacho dzitifambire zvakanaka tese" ndakadaro akati, "and zvakaoma, ndinenge ndakuita hangu zvepolice ka kuti usiyane neni?" Akadaro ndikaseka ndichiti, "once did that mazuva awainditsoma aye, so i guess it's your turn this time. Ita zvemapurisa zvacho tione kuti zvinoperawo sei because I'm ready for everything" ndakadaro akati, "nhaiwe?" Akadaro ndikaseka ndichiti, "wanga uchindikuza apa hazvina kana nguva Charlene. Wadii kungodeedzera ipapo kuti urikurapwa? Wozoda kuita zvemapurisa? Haa shaas inini handina kana fear nazvo zvepolice izvo. Ndobuda sei munomu ndine nguruve dzangu dzandaendesa kumba" ndakadaro akati, "watanga kuva rude" akadaro ndikati, "haa ndiwe urikutondiitisa hako rude otherwise handisi rude ini. Kana murume wako angobuda chete musi iwoyo ndinofana kutosara ndiri panyanga"
"Chibuda" akadaro ndikaseka ndichiti, "nekupi?" Ndakadaro akati, "neipapa pawapinda napo, ndaudza musikana arikuuya kuzokutora" akadaro ndokubva ndaenda kumashure kwake ndikati, "wawedzera kunaka mazuvano shaa, undi unblocke hako nekuti handisi kuda kuzodzoka futi pano" ndakadaro ndokumurova garo ndikafamba hangu kunovhura door. Ndakasangana nemusikana wacho uyo akanondisiya kugate ndikaenda hangu kumota yangu ndikabva ndadriver kuenda kumba. Handina kukanganwa kutengera munhu wangu tunonaka ndikasvika ndikamupa. "ko nhasi makafarisa kudai nei?" Akazondidaro Rukudzo ndikati, "hapana, kutongonzwa hangu mufaro usingaite" ndakadaro and manheru handina kana kumboda kumunetsa nekuti ndaitova boe. Ndakatomboenda pafacebook ndikatanga kutarisa mapost emwana waZinyama uyo akanga atobva kuisa pic rake akamira payard yaiva yakanaka.
"Michonne" ndakadaro ndega ndokubva ndasiyana nephone ndikambundira munhu wangu tikarara. Ndakanga ndakuda kumbomira zvekuchata saka ndakabva ndaudza tete kuti ndichamboita postpone madays andaiva ndakumbira emuchato. Ndaida kumachinja andaiva ndaronga nekuti ndakanga ndine zvandirikuda kuita. Ndakanga ndakuda kutanga kushanda nezve company yangu saka nguva zhinji ndakatanga kuswera kutown ndichitsvaga nzvimbo ingaite. Ndakazowana rimwe building rakanga rakanaka but raida paint new one nekugadzirwa mukati. Ndakaita nyaya dzekuritenga pakabva patanga kutorohwa ma renovations acho. Rakanga riri upstairs kusvika pathird floor chete saka ndakabva ndazvitira office yangu upstairs. Pakanga pasara mari shoma zvekuti ndaisakwanisa kuita zvandaida saka ndakaudza Charlene kuti andikwerete. Akamboda kuramba but akangozotuma munhu nemari yacho ndikabva ndapedzisa zvinhu zvangu zvandaida kuita. Ndakabva ndatovhura company yacho ndikatanga nema employee mashoma. Ndakatsvaga vamwe vaiva specialized kugadzira mishonga yemutoilet. Yekusuka matub masink and stuff ndikabva ndato register company yacho.
"Saka hauchatonamate nekuda kwebasa?" Ndakabvunzwa kudaro namama vandaiva ndanotora kumusha naRukudzo kuti vazoona pabasa pangu. "kunamata ndichanamata mama, ndoregerei?" Ndakadaro vakati, "aihwa hauchasi serious nenyaya yekunamata Bart, kana nguva nemukadzi hauna uchingoti ndirikubasa" Vakadaro mama ndikati, "ndatopedza ka zvebasa zvacho? Chakutongodiwa apa kutsvaga imba chaiyo yangu tinenge takugara kuno ndichiita zvebasa" ndakadaro vakati, "ndiri kufara nekubudirira kwako but namata mwanangu, kunamata kwakangonaka" Vakadaro mama ndikati, "haisi nyaya yekunyepa hayo. Kuchurch ndichatoti nditange kuenda hangu. And kana ndatanga kuenda muchatoona kuti handina kumbosiya kunamata nekuti munondiziva ka paye" ndakadaro ndokubva ndazodzokera navo kumba. Chakanga chasara kutsvaga imba iyo yandaida kutsvaga nehalf price ndozopedzisa imwe yacho. It took me one week kuti ndiwane imba yacho. Yandakawana yaiva yakanaka ndikabva ndatanga kumbotenga mabasics ndichiisa mumba macho. Musi wandakazonotora Rukudzo ndakaenda naye ndakaita wekuvhara maziso ndikazomuvhura tasvika pamba pedu.
"Bart this is beautiful, ndepedu panapa? Aihwa pakanaka" akadaro ndokubva andipa hug ndikati, "muchato ndatombokanzura for the meantime. Mari yacho yapera manje saka tinozochata kana ndaita bounce back" ndakadaro akangobvumira hake but ndakaona kuti akanga asina kunasofara nazvo. Chakanga chakatonyanya kukosha kuti tàiva tese and achigara neni saka zvemuchato zvacho handina kuda kuita basa nazvo hangu. Ndakatanga kuenda kubasa daily manje ndichitoona kuti zvinhu zvirikufamba negwara kwaro. Ndaiva ndisati ndanyanya kuva mazviri zvekuva CEO saka ndaitongobvunzawo Charleen nezvazvo uyo akanga atovawo nekadumbu kakanga kakuoneka. Everytime pandaimuona ndaenda kunomubvisa brugwa ndaiti ndikatarisana nekatumbu kake ikako ndaiyenda kumba kwangu ndine shuviro yekuudzwawo naRukudzo kuti takanga tavawo nemimba asi hazvina kumbodaro hazvo nekuti kana iye munhu wacho akanga asiri kutomboratidza kuti anayo mimba zvakazoita ndimuti, "asi urikushandisa family planning?"
Rukudzo.
"Why" ndakadaro ndichimutarisa akaseka achiti, "why? You know why I'm asking that. Hapana kana chinhu ka apa?" Akadaro achibata dumbu rangu ndikati, "handisi kutozivawo kuti chii?" Ndakadaro nekuti ndaitovawo ne BP nenyaya iyoyo. Pfungwa dzangu dzaingofunga zvakawanda wanda asi chainyanya kundityisa inyaya yemushonga wekudzora humhandara wandaiva ndakashandisa. Humhandara hwacho hwaiva hwakaenda hawo kubasa kwandaishanda ndiri teacher na headmaster vaiva vazoita ndiwane basa. Zvakaitika ndichitodanana naBart but ndakazviita after ndawana mushonga wekudzosa humhandara iwoyo. Pandaiva ndambonyepera Bart zvekuti handisi mhandara ndakabviswa na elder vekuchurch ndaitoda kuti kana azondiwana ndisiri agare achiziva nekuti i wasn't sure kuti mushonga iwoyo waiva wakashanda. Pandakazoona kuti waiva wakashanda ndipo pandakachinja hangu manyepo angu ndichiti ndaida kungoona kuti anoita sei and zvakashanda nekuti munhu akabva azonopedzisa kuroora. Saka kuzoona mimba isiri kubata ndakatanga kungofunga kuti maybe yakanga iri side effect yemushonga uya nekuti ndiwo wega wandaiva ndakashandisa. "nhaiwe Rukudzo ndiri kutaura ndega futi?" Akadaro Bart zvakazoita ndiite kakuvhundukira ndikati, "Humm watii?" Ndakadaro akati, "ko ndirikutaura nyaya yemimba pano wani urikuramba wakanyarara?" Akadaro ndikabva ndatanga kutochema ndikati, "saka urikuda kuti ndiitewo sei nhai Bart? Handina kana mapiritsi andinonwa ini ko ndinenge ndichizviitirei inini ndichitodawo mwana?" Ndakadaro akabva ati, "Amana ko ndokwatasvika here? Sorry babe, we just need to be patient vana zvipo zvinobva kuna mwari ava" akadaro ndikabva ndatanga kunyararidzwa. Aiva akanzura hake muchato but kundida aindida Bartholomew. Nyaya yekusaita mimba iyoyo ndakazoibvunza musikana aiva akandipa maherbs iwayo the next day Bart ayenda kubasa ndikasara pamba ndega akanditi, "ah ndiwe wega watotanga kusangana nedambudziko iroro shaa. Vamwe vandinopa zvirikuvaitira, besides herb redu haritomborina kana side effect iri"
Ndakabva ndasara nepfungwa one yekuti pamwe Bart aisabereka. Mimba ya headmaster ndaiva ndakaibvisa ine one month ka ini saka kureva kuti Bart anogona ariiye aiva nedambudziko. Ndakangoti tichamirira kuita kwashe timboona, Bart wacho musi iwoyo akabva anonoka hake kuuya ndokuzopinda mumba kuma nine achinhuwa wine. "matorara here?" Akadaro akanditarisa ndikati, "Bart wanwa wine?" Ndakadaro akati, "ehe, ndarambiwa ka na Michonne saka ndanga ndichida kumbozorodza pfungwa. Ndiye one munhukadzi atanga kunditi no inini and ndirikuda kudealer naye manje" akadaro ndikati, "Michonne ndianiko iwe? Urikuti kudii?" Ndakadaro akati, "mom's yake manje ichazvimba paichazvibata, haa zvinombonetsa here?" Ndaitoita kunge ndayitaura ndega nekuti the more yandaida kunzwisisa nyaya yake the more yaaiwedzera kutaura zvimwe. Akatosvika pakurara and the next day kuzomubvunza akabva atanga hake kutoramba kuti akanga asina kumbouya achitaura zvana Michonne.
Akatogadzirira kuenda kubasa ndikasara ndichitoshaya kuti akanga arikuvhevha vamwe vakadzi here Bart kana kuti yaiva nyaya yekudhakwa. Ndakasara ndikaudza mama nezvekudhakwa kwaiva kwakuita mwana wavo vakati vaiva varikuuya kutown.
Stay tuned.
End of chapter 16.
❤️
😂
🙏
👍
😮
😢
268