Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 3, 2025 at 11:07 AM
https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL Channel link https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709 Group link https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho INCESTUOUS Tinah Munyengeni. O786192322, O787336898. C 01. "Bus rauya, iri rinenge reHarare rinobva kumapurazi uko richidarika nepa Lions den riya, handiti zvese watakura?" Asked my Shania vaiva vaita kumukira kuzonditora kumba ivo vachiendawo mutown kunova kwaiva nomusika wavo. Ndakasimudza musoro wangu kunge ndine chandaiona vakaseka vachiti, "wasiya chii?" Ndakamedza mate ndikati, "nhasi handina kumbouya nekalunch kekuisira ma backed foods ini Mai Shania. Ndakaudzai kuti nhasi ndanga ndisiri kuda hangu kuuya" ndakadaro vakati, "Rufaro ka! Ko wakasiirei? Nhasi hausi kusvika kutollgate here manje zvawasiya lunch?" Again, i swallowed mate zvese nechigodo chaiva chatogara pahuro cheshungu. Ndaitorarama ndichiita zvekukwira mumabus ndichipemha rubatsiro kuvanhu vanenge vari mubus because of my condition, I had lost my eyesight ndiri form 3. Ndaiva ndakamboenda kubasa kwevamwe mother vaigara kuHarare ku borrowdale as a maid. Vakanga vane room yavo yavaiti handide munhu apinde inini nehudiki ndakaita nharo kwakupinda ndikabva ndatotadza kuona from there. "Pinda Rufaro bus ramira" Mai Shania sahwira wamama akazoita zvekundizunguza vaona ndisiri kuita action ndakanga ndatova hangu mudziva rendangariro. "Ndokubatai ndadzoka" ndakadaro kwavari vakati, "iriboe" ndakapinda mubus iro raitoridzwa song yaBlessing shumba yandaifarira chaiyo yaitova pakati pekuti, "ishe ndakaona kuti, moyo wemunhu une ndangariro zhinji. Uye hatingagone kuronga makwara edu, asi Jehovah munoraira kufamba kwedu, hona zvamunotema ndizvo zvinotiwira. Nhasi tofamba musatikanganwa musatisiya, ah ishe tigonesei baba" ndayiida song iyoyo nekuti yainasotaura nemweya wangu. Ndakafamba nepa passage semazuva ese kusvika ndanosvika kuseat rekupedzisira. Musi iwoyu ndaiva ndatongouya nekuda kwamai Shania vaiva vaita kundimanikidza asi inini moyo wangu waisatoda. Ndakambomira kwekanguva ndisati ndatanga kutaura zvandaisiita mazuva ese pfungwa dzangu dzitori kumba kuna mama. Vaiva vakarara husiku hwese vachikosora zvisingaite hameno kuti yakanga iri flue here asi zvaitoshungurudza mweya wangu. "Mamukasei hama nemutsa, dzamuka seiwo mhuri kudzimba uko? Ndisati ndataura changu chifambirwa muno ndinoda kuti ndimbotanga ndanamata kuti mwari afambe nemi mose kusvika kwamuri kuenda zvakanaka. Sezvamunoziva mumigwagwa umu mashata, dzimotikari dzirikubvira moto dzichifamba, dzimwe dzirikungobudawo munzira zvichitevera kurasika kweropa. Naizvozvo ndinoda kukumbira musiki kuti ani nani arimuno asvike kwaari kuenda ari mutano" ndakabva ndautanga munamato wangu wemubus imomo radio yemubus yaiva yambodzimiwa. Ndichipedza kunamata ndipo payakazobatidzwa ndikatanga rwiyo rwangu rwemazuva ese. "hama dzadiwa inini ndinoitwawo Rufaro, kundiona muno mubus kudai kutsvagawo rubatsiro rwenyu. Kurarama kwangu kuri kune avo vanenge vatambanudza maoko, kurarama kwangu kuri mumaoko enyu hama dzadiwa. Kuti kumba kudyike ndimi munenge matambanudza maoko, handina hangu chandinosarudza ingava mari kana chekudya zvacho ndinotora nekuti zvose zvakandikoshera. Zvinonzi akakomborerwa uyo anopa nemoyo unoda, kupa kune mufaro kunokunda kugamuchira veduwe" kutaura kwese ikoko ndaitofamba nemu passage up and down kuri kutsvaga zvandingapiwe. Zvakaita sezvaiva neshura musi iwoyu nekuti hapana kana akandipa kana banana zvaro. Handina kuora moyo ndikaramba ndichidetemba asi vanhu vaitoita sevaiva vasina kana havo chavainacho. Ndakazoti ndiri mukufamba kudaro ndikanzwa kurira kwebus kuita seraiva rakwesherana neimwe mota. Vanhu vakaita noise yakarovesa hana yangu ndinzwe bus rakudubuka ndikanorovera nemusoro kumadziro ndikabva ndati zii ndakadaro. Ndakazopepuka ndiri maitorira zvimushini-shini ndega ndikaziva kuti makanga muri muchipatara. Ndakanzwa misodzi yangu kujenga mumaziso ndakufunga kuti saka mama yekuzobhadhara mabills vakanga varikuzoiwana kupi. Kumba kwakanga kungori ne $300 yataiva tatoita nguva tichisaver mama vachida kuzowedzera kumusika wavo toita zvetuckshop. Kungofunga kuti mari iyoyo ndiyo yaiva yatotarisana nebill remuchipatara chete zvakaita misodzi yangu ibude zvine mutsindo. "Anenge amuka doctor, ndirikuona misodzi irikuyerera" ndakanzwa voice raiva riri rechirume richidaro ndikatoshaya kuti ndiani. "Oh thank God, mati anonzi ani?" Vakadaro vanenge vaiva doctor vacho. "Rufaro, ndanzwa achiti Rufaro" the guy replied doc vakati, "Rufaro? Rufaro? Urikundinzwa here?" Ndakatadza kudaira neshungu kwakungofambisa musoro wangu zvekuti yes. "Oh ha amuka, thanks Mr Christopher, munogona henyu kuchienda nekuti nemiwo makuvara ka?" Vakadaro doctor vakundibata-bata pamhanza Chris wacho akati, "I'm sorry doc, but can I sleep here? Ndozoenda kumba mangwana? Like, I can't leave her like this ndisina kuona kuti avasei? Please ndokumbirawo doc honai kwatodoka uku" akadaro Chris wacho ndikanzwa kutya ndichifunga kuti ko akada kuzondirapper. "Doctor please ndakuvara zvakanyanya here? Ndirikuda kuenda hangu kumba kana ndisina kunyanya kukuvara. Handina mari yekuzobhadhara bill remuno" ndakadaro ndichizama kumuka but muviri wangu wakandirwadza zvisingaite ipapo zvekuti handina kumboda kutumwa kuti rara ndakadzokera pakurara ndega. "Imbonwa pain eaze iyi Rufaro, don't worry about the bills someone already paid. Hapasi pa general hospital pano but it's a private hospital saka usatye hako you're safe" vakadaro doctor ndikati, "please imbomirai kuudza mama vangu, who paid for my bills?" Ndakabvunza ndichiita kushinyira nemarwadzo vakabva vandiisa piritsi mumuromo Chris wandaiva ndangonzwa anenge ndiye ayiita zvese izvozvo akabva aita kakusimudzira musoro wangu zvishoma kuti ndiwane kunwa mvura . Ndakamedza piritsi vakabva vati, "you'll be fine Rufaro, in god we trust. Nothing is impossible mwana wangu" vakadaro doctor ndikati, "doctor ndakuvara zvakadii?" Havana kundidaira zvakaita hana yangu iwedzere kurova misodzi ikawedzera kubuda. Christopher. "Mama I told you kuti we had an accident ndirikuchipatara and you want me to come home this time of the night? Ndimi makandinyima mota yangu nezuro ndingadai ndisina kumboita accident" ndakapindura mama vaingosender ma messages none stop vachibvunza kwandaiva ndakabva ndadzima data rangu. "doc please ndokumbirawo hangu kurara muna Rufaro, ndirikutokumbirawo ndomuka hangu ndichienda mangwana" ndakadaro kuna doctor ndatevera muoffice mavo vakati, "ko chando Christopher? At least handei kumba kwangu Rufaro unouya hako womuona mangwana?" Vakadaro ndikati, "doc ndirikuda kutorara ndakamutarisa to make sure she's ok" ndakadaro nekuti pataiva taita accident pacho inini ndaiva ndangomarika paruoko chete saka ndaitova boe zvekuti chero dai ndaida kuenda kumba zvaitoita. Ndaiva ndatongonzwa kuda kumubatsira Rufaro time dzaiva apinda mubus asi ndaiva ndine aim yekuzomupa mari paanenge akuda kuburuka. Manje takabva taita accident takutosvika patollgate bus rikarara neside.Zvaiva zvakangobvawo namama vaiva vakandinyima mota yangu the previous day, ndaitova ndaenda kuMagunje kwaiva ne two mafilling stations andaiva ndaenda kunoona. Ndaiva ndakanorara ikoko kwakuzomuka ndichidzoka ipapa kwakusangana naRufararo zvese netsaona. Bus racho paraiva rarara neside munhu wandakatotanga kutarisa ndiRufaro uyo aiva atyoka gumbo. Ma ambulance paakauya kuzotakura vanhu inini I had suggested kuti tiendeswe pa private hospital inini naRufaro chete since ndaiva ndine kamari kandaiva ndabva nako kuMagunje ndichitori nemaplans ekuzonopa musikana wangu. Takasiiwa pa private hospital yaiva pa Westgate inini ndikangosukwa wound rangu rikaiswa mushonga nebandage kwaiva kwasara Rufaro uyo akanga ari unconscious. X-ray yakaitwa ndikabhadhara mari yacho yandaiva nayo yese ikabva yapera ndikasara ndangova inini Chris neka $5 chete. Kwakanga kwatosvika pakudoka ari unconscious Rufaro ndokuzomuka pandakaona misodzi yake kwaiva kwatodoka. Zvekuti ndiende kumba ndaiva ndakutoda hangu kuzozviita the next day ndosaka ndaitonyengerera doctor kuti ndirare muchipatara. "handingafungire kuti une zvaungaite murwere anenge Rufaro Chris, ndini mukuru pathis hospital saka usazondiitire zvimwe pamwana uyo" doctor vakazodaro ndaramba ndichinyengerera ndikati, "ndingaitei nhai doctor? Please ndirikutokumbirawo" "It's fine, saka ndokupa jacket rangu iri. I hope you'll be fine nekurara pachair. But hey, you'll strain yourself manje, wanga uchitomboda kurara panhu pari comfortable iwewe" vakadaro ndikati, "don't worry about me doctor, I have $5 bucks with me here let me rush kunotsvaga food I'll be back shortly" ndakataura ndichitobuda ndikamhanya kunotenga madrinks ne chicken inn kwakuzowedzera nema apples nemabananas pamusoro ndikadzokera pachipatara. "thanks, wotobatsirawo Rufaro kudya. Inini ndirikuda kuenda kumba, paduty pachange pane mwana wangu anonzi Douglas, ndichamuudza zvese" vakadaro doctor ndikati, "thank you" vakandipa Jacket ndikadzokera kuward yaiva ina Rufaro uyo aiva achiri kungochema silently. Moyo wangu wakarwadza ndichimuona achingochema ndikagadzika ma plastic echikafu pachair akati, "who's there? Chris? Please don't try to rape me" akadaro achiratidza kutya ndikati, "hey come down, just come down. I'm here to protect you not to rape you, ndirikuda kurara ndichikuona kuti urisei?" Ndakadaro akati, "so you paid my bills? Why?" Akadaro achipukuta kumeso kwake zvishoma nezvishoma ndikati, "can I help?" Ndakadaro ndichitomupukuta nehembe yangu. "Excuse me, let me take this one" ndakadaro ndichienda mutoilet phone yangu yarira. "Nhaiwe Chris hausvike? Urikumboziva ndichiri mutown?" Akadaro musikana wangu wandaiva ndati andimirire mutown ndikati, "nhai Charmaine? Watadza kuenda kumba here pawaona kwadoka? Inini ndiri kuchipatara ndaita accident" ndakadaro akati, "what? Chris and you didn't bother to tell me? Urikupi ndiuye kuzokuona? Are you ok?" Akadaro ndikati, "a little bit, but don't worry unouya mangwana. Sorry babe ndatadza kukuudza, my mind got disturbed nekuda kwe accident yandaita. I would like to rest babe goodbye" I dropped the call ndiri inini kwakudzokera back maiva muna Rufaro ndikati, "I want you to eat something, you haven't ate anything since morning" ndakadaro akati, "no I'm ok, ndakuvara zvakanyanya here Chris?" Akadaro akatarisa kwandaiva shungu dziri dzekuda kuudzwa chokwadi asi ndakanga ndisiri kumbomuudza kuti watyoka gumbo. "Oky let's do this, at least eat something then ndokuudza zviripo? Deal?" Ndakadaro ndichingoda kuti adye chete akabva aramba akatarisa kwandiri ndikatomboti pamwe arikundiona. "Chris why are you doing all this? I mean, handisi ndega ndaita accident. I don't know you, you don't know me why are you helping me?" Akadaro ndikati, "vawanga uchikumbira mubus vaye unovaziva? Rufaro please eat something, it's simple. You know why I'm helping you, do I have to tell you in details? No. Ndirikungoda kukuona uriboe Rufaro please ndokumbirawo udye" Stay tuned. End of chapter 01.
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 93

Comments