Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 4, 2025 at 11:16 AM
Follow channel, click on the link below
https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709
Follow and like my Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL
Group link
https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho
INCESTUOUS.
Tinah Munyengeni.
O787336898, O786192322
C 03.
Christopher.
I forced a laugh ndikati, "wow, so Sandra ndiye ava in charge wezvinhu zvedu? Zvakaitwa nadad vangu? Anoita makeys emari akamira sani nhaimi mama?" Ndakadaro vakati, "kana uchida kuzoona kuti ndiye ava in charge ramba uchiita hako mukonyo iwoyo, inini handina mari yandinopa munhu asinganditerere. Kana wakuvara bvaa chizvirapisa" vakadaro mama and vaitoratidza kuti vari serious nenyaya ya Sandy iyoyo. Ugoona ndaiva ndatongoti pamwe ndaizongozviramba easy easy zvotopera but seems like mama vaiva vasiri kumbochinja havo pfungwa. "Urikuchipatara kupi kwacho anouyako mangwana Sandra" vakadaro mama vanzwa ndazongoti zii paphone pacho ndikati, "ndichazomupa location mangwana" ndakadaro ndatoona kuti ndaigona kutoshaya kana mari yekuti Rufaro azoiswa plaster. "Horaiti" vakadaro kwakutadza kana kubvunza kuti saka urisei ndokukata havo.
Ndakasimudzira tsiye dzangu ndichibva ndati, "eh hameno, dad vacho vakafa vakamboiswa kupi? Dai varipo pasitomborina zvese izvi" ndakadaro ndikati futi, "ndizvo zvinobhowera kuberekwawo uri one, handina kana wekuudzawo zvacho zvirikunetsa, kana wekubvunza kuti dad vakafa zvesure here handina. Nhamo dzacho" ndakataura ndega zvakatonzwika naRufaro uyo akanditi, "nhamo dzei futi?" Ndaiva ndisina kuzviona kuti ndakanga ndatova muward maaiva. I laughed ndikati, "iwe usade makuhwa soo, life is funny, full of drama, sometimes inorwadza" ndakadaro ndichigara hangu pachair akati, "I hope handina zvandakonzeresa nekusaenda kumba kwawaita, ndakuudza kuti enda kumba Chris hona ma....."
"Iwe siyana nezvauri kutaura izvo, handisi kumboona chauri kuzvinetsera. Ndini ndazvidira kurara muno ndega, handina kukumbirwa ini. And hapana kana chawakonzeresa apa, wanga uchitaura zveku relaxer apa rara tone" ndakadaro ndichiseka kuti akasike aona sepasina chirikunetsa akati, "rega ndirare kwacho handiti wakundimhanyisa" takaseka tese ndikati, "unenge unodawo zvekutaurisa mupfanha iwe, ndati imbozorora tone" ndakadaro ndokubva ati, "sure, but ndirikufunga mama vangu hako Chris. Ndavasiya vachikosora, apa havasi kuziva kuti ndiripi BP inotokwira, kuvaudza futi kuti ndaita accident BP inokwira worse, ndodiiko?" Akadaro ndikati, "don't worry about mama, kana uchiona kuti kuvaudza hakuite vanozokuona mangwana wadzokera kumba"
"Ndirikudzokera mangwana?" Akadaro akatarisa mudenga ndikati, "ukaiswa plaster unogona kumbodzokera kumba, unenge uchipota uchienda kuchipatara kunotariswa"i explained akati, "Mari yacho inenge ichabva kupi nhai Chris? Ndinenge ndakuiwana kupi?" Akadaro ndikati, "zvese izvozvo itosiira inini, uyu watova mutoro wangu mafana. I'm going to make sure kuti wapora wakukwanisa kufamba wega, ndinenge ndichiita zvese izvozvo ndini" ndakadaro ndakutozviudza kuti dzangu nhamo ndaizotangana nadzo ndamboita zvekuti gumbo rake ripore. "ndinenge ndisingade kuita burden kumunhu henyu mukoma Chris, ipapa ndiri...
"Usati wataura zvakawanda imbobvisa kaMukoma kauri kuisa pazita rangu ako, my name is Christopher Jorge" ndakadaro akabva asekerera zvakaita ndione saka rake. Zvaiva paari zvaiyedza nekuyemurika zvaiva zvakawanda zvekuti I enjoyed looking at her achismiler kudaro. Ndakatongoti mama vaiva vatogona havo kundinyima mota zvimwe ndaidai ndisina kumbosangana nemunhu anenge Rufaro. "nhai amana ndirikurambidzwa kukupa respect here?" Akadaro achisekerera hake Rufaro wacho ndikati, "aihwa inini ndingori Christopher chete, zvekuti mukoma izvo imbozvichengetera vamwe"
"Munobirira imimi" akadaro ndikaseka ndichiti, "handibirire ini, ndataura zviri fair wani?" Ndakadaro ndichisekerera kwakunasozembera chair ndikati, "vanhu vanongoti ndine straight face, iri innocent zvekuti neni ndakutoziva kuti handibirire" ndakadaro akasekerera ndokuti, "dai ndaiona ndaonawo face yacho, can I touch it?" Akadaro ndokuti, "aihwa I didn't mean it that way, it's fine" akadaro ndikaseka ndichibva pachair ndikati, "you can touch it hako usambotye. Ndine innocent face iwe" ndakadaro ndichitopfugama paside mebed akati, "aihwa mukoma Chris..."
"Ndinongonzi Chris chete, kwete mukoma" ndakadaro zvakaita aseke ndikabata maoko ake ndichiisa kumeso kwangu ndakavhara maziso. "Wayiona here face yangu? Wazviona kuti iri straight?" Ndakadaro ndakanasoterera maoko ake ayo aifamba-famba kumeso kwangu. "Uhumm" akadaro abata mumusoro mangu makanga mune madreadlocks ndikati, "I prefer these pane kugerwa, kubva kare" ndakadaro akati, "akanaka, ndirikuzvinzwa mumaoko mangu" I smiled ndikati, "ko inini wacho? Wabata face yangu handina kumbokunzwa uchiisa comment. Tanga tichitaura zvekuti face yangu iri innocent apa, what do you say?" ndakadaro akaseka achiti, "handizive, chibvai apa" ndakaseka ndichisimuka ndikati, "watondivhara ka apa? Ndandichida kuzivawo ka kuti inini ndiri sei, but anyways iwewe you look beautiful hako"
"Thank you muko...ah Chris" ndakaseka ndokuti, "rega ndichirara manje, handiti takufana kurara?" Akagutsirira musoro wake ndikati, "goodnight" ndakafuga bhachi radoc randaiva ndasiirwa kwakugonyesa maoko angu. Kwaisambotonhora hako saka ndaitova boe ndine jacket iroro. Hope dzakanonoka kuuya nyangwe zvangu ndaitozama kurelaxer ndichiti dzingauye. Pfungwa dzaizongoerekana dzava kufunga kuti asi dad vaiva vakambofa sei? Ndaiva ndisina kana kuudzwa nezverufu rwavo kana kuudzwa pacho pavaiva varwara. Ndakashaya kuti zvaiva zvii zvakamboitika, dad was a well known business man zvekuti zvaifana kunge zvaitozivikanwa nevakawanda kuti Mr Jorge vakafa. "Havana kumbofa saka" i said to myself ndichizviudza kuti dad vaivako. Chaindinetsa kuti vaiva vamboenda kupi vachisiya mama vachirunner company zvese nema feeling stations aiva around the country. Ndakazongotanga kunyangirwa nehope ndiri mukufunga matsvagiro andingaite dad vacho nekuti ndaitoona kuti ndivo vaigona kundibatsira panyaya ya Sandy yandaiva ndakatarisana nayo. Inini wacho zvekuti nditsvage basa ndaisada nekuti ndaiva ndakangokura ndichiziva kuti ndikapedza chikoro ndirikuita take over from my father. Hope dzacho dzakazongondibvuta ndikazomuka the next day Douglas atouya achitaura zvekuendesa Rufaro ku theatre. Iye aiva asati amuka Rufaro wacho time idzodzo ndikati, "she's still sleeping"
"Ndirikutoda tingoende naye akadaro nekuti tirikutoda timufendese kuti tikwanise kugadzira gumbo racho. Kana zvangopera she'll wake up atova neplaster" akatsanangura ndikanzwisisawo nyaya yacho ndokubva vatoenda naye. Ndakabva ndachizosara ndagara ndega ndakufunga kuti mari yekubhadhara mishonga nemapiritsi ndaiva ndiri kuzoiwana kupi. Ndakatora phone yangu kwakutsvaga number dzaMatunga aiva manager wekuma feeling stations aiva kuMagunje. Ndiye wandaitozivana naye iyeye pama employees ese adad. "Chris" akadaira achidaro ndikati, "mamuka here elder? Ndakaita accident nezuro ndichibva ikoko ka paye, saka ndirikukumbirawo mundiisirewo $200 mu account mangu ndibhadhare zvirikudiwa" ndakadaro nekuti ndiye munhu aiva atombondipa yandaiva ndabva nayo ndikazoshandisa kubhdhara zvaidiwa.
"Eish, I'm sorry man. Mama vakatuma vanhu nezuro kunoku vachinzi ndeimwe management new one. Vakangosara vachisvika iwewe uchangobva, handisisiri kubasa ini" akadaro ndikati, "what? Are you kidding me? You mean she employed vamwe?" ndakadaro ndatoshamisika nazvo zvikanzi, "serious, ndinganyepe nezvakadaro? Sorry hako ne accident but kune maworkers mamwe kuno" akadaro zvakaita ndiseke kutopererwa chaiko ndikati, "I'm sorry mudara, handina kuziva kuti ndozvakaitika. I promise basa renyu haripere, regai ndingotanga ndarapiwa ndipore" ndakadaro zvikanzi, "haaa uchiti pane zvichachinja here young man, ndinowana rimwe" he said with a broken voice ndikanzwa tsitsi. Haaimbotadza kuda kuchema nekuti munhu iyeye aiva akabva kure nadad vachishanda vese zvekuti mama vaisafanira kungomumisa basa zvisina order.
"Zvanyanya" ndakadaro ndichitsvaga number dzamama after i dropped the call with Matunga. "nhaimi mama?" Ndakadaro vangodaira zvikanzi, "hesi, uriboe?" Vakadaro ndikati,"mama zvamava kuita hamusi makuzvinyanya? Mungamise munhu anenge Matunga basa murikuda kuzama kudii?" Ndakadaro zvikanzi, "I'm the CEO saka I decide kuti ndobvisa ani ndichiisa ani, iwewe zvinei newe? Ita utumire Sandra location auye kuzokutora hatina mari yekuti urambe uchigara muchipatara isu usingashande" vakadaro kwakukata havo phone yangu ndikangosara ndakashama muromo.
Ndaiva ndaita kusiiwa ndisina kana option kunze kwekutopa Sandra wacho location yepa hospital pandaiva. Ndakatura mafemo ndichimusendera location yacho Sandy ndokubva ndatsikitsira ndichifemereka. Ndaiva ndisina kumbotarisira kuti pandaizodzoka kuZim life ingave tough kudaro. Ugoona ndiri kuNamibia ndaitowana zvese mama vachindipa. Hameno pamwe kwaiva kuda kundiredza kuti ndisazorambe nyaya yavo yaSandy. Ndakasimudza musoro wangu phone yangu yakuringer ndikatarisa kwakuona ari Charmaine aiva arikufona ndikashaya kuti ndomudaira ndotii ndaiva ndisirikutoda zvekuti asangane na Sandy.
Yakakata kwakufonwa futi ndikatozongopedzisira ndadaira akati, "urikupi Chris ndatova mulift kubva kumba" akadaro ndikamedza mate ndokuzoti, "ndokuudza kana wakufana kuuya, wakasika kuuya babe" ndakadaro akati, "ko ingondiudzaka pauri pacho ndiuyeka. Ndirikuda kuzoswera ikoko"
Stay tuned.
End of chapter 03.
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
67