
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 5, 2025 at 06:32 PM
Channel link
https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709
Group link
https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho
Facebook page link
https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL
INCESTUOUS
By Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322.
C 05.
Rufaro.
"Apa takutokumbira kuti mumbomutengera ma crutches ekuti ambofambisa, gumbo rake harisati rakuda zvekutsikiswa pasi" doctor vakatsanangura kumukadzi waChris wandakanzwa achiti, "it's ok doctor, I'll surely do that" ndiye ega wandaiva ndakungonzwa kutaura ndikatoshaya kuti ko Chris wacho aiva amboenda kupi. Kumunzwa asiri kana kutaura zvakandiita ndifunge kuti pamwe aiva atoenda hake. Ndaitoshaya kuti nei aiva andinyepera kuti haana mukadzi, ko kutozoramba kuti usanditi mukoma manje munhu aiva nemukadzi? Vakataurirana zvavakataurirana mukadzi waChris naDoctor ndikatozopihwa ma crutches aiva ataurwa nezvawo and I guess aiva mukadzi wa Christopher aiva aita zvese izvozvo. Zvaiva zvakangooma kuti inini wacho pachezvangu ndaitoda walking stick kuti ndifambe apa manje ndakanga ndakutofamba nema crutches. Life yagara yakanga isiri fair kwandiri kubva ndichikura but apa ndakaona kuti it was getting worse nekukura kwandaiitawo.
"This way please" akadaro mukadzi wa Chris akandibata ndiye akandibatsira kufamba. Ndakatura mafemo ndichinzwa kuti zvinhu zvakanga zvawedzera kuoma. "ita soo upinde mumota" akadaro ndikaita zvekutozobatiranwa nevamwe ndikaiswa mumota macho kwakutura mafemo. Ndakanzwa mumota macho muchinhuwirira cologne yakandiitira familiar but ndaisatoziva kuti yaiva yemukadzi waChris here but pfungwa dzangu dzaindiudza kuti ndakamboifema long long time ago. Ndakangoti maybe yaiva yemukadzi waChris but zvaisava izvo zvega zvandainzwa, even voice remukadzi waChris racho raitova familiar kwandiri but inyaya yekuti ndaitadza kuziva kuti ndakarinzwa kupi. Ndakatura mafemo ndichinzwa madoors achivharwa ikamutswa mota.
"So unogara muChinhoyi papi?" Akatanga conversation mukadzi waChris tichiratidza kuti taingova two mumota imomo ndikati, "kuRuvimbo" ndakadaro zvikanzi, "saka kumba unogara nani?" Akadaro ndikati, "namama chete" ndakadaira zvikanzi, "Vega? Ko dad vako varikupi?" I sighed first ndikati, "I don't know" ndakadaro nekuti ndaisatozivawo sure. Even mama vacho ndaisatovaziva, ndaiva ndisina wandaiziva pakati pavo kunze kwamama vandaigara navo ndichiti mama ivava ndivo vandaiziva. "saka tikasvika uku varikukwanisa here kundipa mari yangu?" Ndakashama muromo kuda kudaira ndikazonyarara ndashaya zvekudaira zvacho.
"Mari yandabhadara mabills, Mari yema crutches yese itori $400 USD" akadaro mukadzi waChris ndikati, "mama havaende kubasa ava, tinotongorarama nekupemha kwandinoita. Ivo mama vanotoenda kumusika but hatikwanise kumbounganidza mari yakawanda kudaro" ndakatsanangurawo zvaivapo akabva atoseka achiti, "saka urikuti mari yangu hakuna here kumberi uko nhaiwe Rufaro? Ndirikukupa free ride, pamusoro pazvo woti hamuwane mari?" She asked sarcastically zvakaita ndingomedze mate. Zvandaitofungira sandizvo, ndaitofunga kuti pamwe aiva akangofananawo na Chris aiva aratidza kuti arikuda kungondibatsira hake.
"Apa uri kudanana nemurume wangu woda futi kuti ndikubatsire mahara? Asikana muri kurarama nyika ipiko imimi?" Ndakaitwa kudaro ndikatadza kudaira futi nekuti mashoko aiva atondiperera, ndaiva ndakutoona kamari kandaiva ndambofungira kuti haichashande kuchipatara ndakatoona yazoenda. "munondipa shoma iripo imwe yacho munenge muchindipa ishoma-shoma kusvika yakwana $400" akadaro and aitoratidza kuti akanga asiri kudzokera hake kumashure. Ndakanzwa kutoda kuchema ndakufunga kuti ko kuchipatara kwandainzi ndaifana kupota ndichidzokera kuchipatara yaizobva kupi.
"Tiri tese here Rufaro" akadaro futi mukadzi waChris ndikagutsirira musoro. "Heee?" Akadaro atonzwa ndisina kudaira, aiva asina kuona kugutsirira kwangu nekuti ndaiva kumashure iye arikumberi. "ndazvinzwa" ndakadaro with a shacking voice zvikanzi, "hatingambobatsirane tichidaro mumwe wangu, Mari urikufana kutondipa hako nekuti yawakapihwa nemurume wangu ndisipo haina hayo basa. Ndirikutoshaya kuti wakamudyisei chakabva chamuita kuti arare akakurindira kudaro"
"Handidanane naye henyu imi, sorry henyu" ndakadaro ndatoona kuti vaiva varikutondifungira. "Zviri pachena Rufaro, urikuda kurambei?" Akadaro ndikaramba ndakanyarara. "I'm warning you to stay away from him, handide hangu kuti tizoitaura nyaya iyoyi ndakuona naye murume wangu, ndiri munhu akashata when it comes to my husband" ndakaudzwa kudaro ndikatongoti, "sorry, handidanane navo henyu. Hatitozivane, takangosanganawo ndaita accident ndikatozovazivira pachipatara" I explained zvikanzi, "haa vasikana inini handide kuitwa benzi nezvinhu zvandiri kungoona, ndinogona kungokuburutsai mukasara henyu pano mokwira lift, handiti hamubatsirike?" Ndakanzwa kupererwa nazvo ndikangoti tuzu.
"I can't keep on going, ndirikunokusiya hangu panotengeswa hove apo wozotsvaga malifts ekuendawo kumba. But mari yangu ndirikuida, ndirikuzouya kumba kwenyu ikoko. Uudze mama vako kudaro, mari yangu ndichaitevera" ndakanzwa maziso kutozara misodzi, ndaiva ndirikuzoiwanepi yekukwira lift yacho? Ndakamboda kukumbira kuti vangondisvitse kumba ndikakasika ndaikandira kure pfungwa iyoyo. Ndakatozonzwa mota yamiswa sure and panenge paiva ipo paitengeswa hove nema worms paye nekuti ndaingonzwa zvaitaurwa ipapo. Akadaidza vamwe vanhu vakandibatsira kuburuka mumota vakandigadzika pasi akauya padhuze neni ndokuti, "ma crutches angu ndadzokera nawo, unonotengerwa kumba kwenyu ikoko" akadaro achiita kakuzevezera kwakunzwa achiti, "mumukwidzewo mota please, arikuenda kuChinhoyi, ndaidai ndasvika naye but ndakutomhanyira kubasa kune meeting" akadaro akuudza vanhu vacho vaivapo akatomutsa mota yake kudzokera ndikasara misodzi ichiyerera. Ndaiva ndaita kusiiwa pamhene, macrutches acho ndaiva ndiri kuzomuwana kupi?
Christopher.
"Watosvika kuChinhoyi iwewe?" Ndakadaro kuna Sandra wandakaona achitopinda pagate ndaiva ndatoenda kunomuvhurira gate ndichiti pamwe ndimama vaiva vauya nekuti pandaiva ndabva kuchipatara naCharmaine ndaiva ndasvika kusina munhu kumba kwacho. "ehe ndasvika" akadaro achiburuka mumota yangu yandaiva ndakanyimwa namama ndikati, "Sandra watadzawo kungosvitsa munhu kumba kwavo? Newewo hauna kutombonzwa tsitsi?" Ndakadaro akati, "Iii iwe, iwewe wamutiza wani? Ndomuzivira kupi inini munhu wako?" Akadaro ndikati, "ndipooka makeys emota"
"Urikuda kudii?" Akadaro achimaisa muhomwe ndikati, "mota iyi haisi yangu here?" Ndakadaro ndichimuvinga akati, "ndakanzi ndisakupe ka?" Akadaro achida kutotiza ndikamubata nekukasika ndikati, "handisikuda zvekunetsana newe, ndipo makeys angu" ndakamatora zvenharo akati, "chero ukamutevera unomuwanira kupi? Ndanomusiya kuMazowe uko, ungaita basa rekutohura nebofu iwewe" akadaro ndikati, "wanomusiya kuMazowe? Nhaiwe Sandra une moyo here iwewe?" Ndakadaro akatoseka hake kwakufamba kuenda mumba ndikatevera ndichiti, "iwe wanomusiya kuMazowe kupi?" Haana kundidaira atarisana naCharmaine uyo aiva apindawo mu dining anenge aiva abuda muroom mangu akunditevera. "and who's she?" Akadaro Sandra ndikabata Charmaine ruoko ndichiti, "handei"
"Chris!" Akakwamarara Sandra ndikafambisa naCharmaine kuenda kumota. "what is going on? Wanga uchiti tirikuswera pano wani?" Akadaro Charmaine wo ndikati, "vhura gate" ndakadaro akati, "ko takuda kuendepi? Tete vacho handisi kumbotaura navo?" Ndakaburuka ndikanovhura ndega gate racho ndikadzoka ndichifambisa kwakupinda mumota. "nhaiwe Chris chiiko chirikuitika?" Akadaro Charmaine ndikaburitsa mota panze kwakuvhara futi gate ndikarova mota ndakananga mutown. Ndaida kungonosiya Charmaine mutown ndotoenda kuMazowe kwacho kunotsvaga Rufaro. Ndaita kunzwa kutsva ndichishaya kuti aizozvifambisa sei kwaaiva asiiwa kwaasingazive ikoko Rufaro wacho. Ndipo pandakatanga kuzviblamer manje ndakuona kuti ndaiva ndatoresva pakumusiira Sandra kwandaiva ndaita. Ndaiva ndazama kuchengetedza relationship yangu but ipapa ndaitoona kuti hupenyu hwemunhu hwaiva hwakakoshesa. Charmaine wacho aingotaurisa ega inini ndiri busy kufunga kuti ndaizonomutsvaga papi Rufaro wacho kuMazowe kwaaiva anosiwa ikoko. Ndakanomusiya mutown Charmaine ndikati, "ndokufonera" ndakadaro kwakutomusiya ndikatopinda munzira. Shungu dzangu ndaingoti dai ndamuwana muside menzira Rufaro wacho asati anyanya hake kusurukirwa. Ndakamhanya nemota zvekuti pandakasvika pa tollgate ndakatopotsa ndarova mota yaiva pamberi pangu. Ndakatura mafemo ndichitarisa vanhu vaiva vavhunduka vakaungana. "Nhaimi sisi mota iyi yambopinda pa tollgate pano here nhasi? Ndingangoti hazvina kana 20 minutes" ndakadaro ndichiita kukwizanisa maoko munhu wacho akaitarisa ndokuzoti, "no, nhasi haina kumbopinda pano mota iyi, ichienda uku here?" I nodded zvikanzi, "haina" I nodded ndichitonzwa kuva confused kuti saka aiva anyepa here Sandra.
"Kana muchidarikira darikai mukoma vamwe varikuda kupinda" akadaro musikana wacho ndikati, "eish sorry, let me reverse" ndakadaro ndikabva ndatoisa mu reverse macho ndikatokwesha mota yaiva kumashure kwangu but handina kuzvitsvaga. Ndakarova U-turn ndichitoenda kulane rekudzokera kuHarare ndikadzvanya mafuta. Ndaiva ndakutoda kunotaura naSandra wacho kuti andiudze hake chokwadi, ndaiva ndirikutozonomunyengerera kana zvirizvo zvaiva arikuda Sandra wacho. Ndakanga ndasara ndisina kana option kunze kwekutononyengerera Sandra wacho nekuti Rufaro aitova akandikoshera hake, situation yaaiva yakanga iri kutondituma kumbokanganwa nhamo dzangu dzese.
Ndakasvika kumba kwacho ndikasiya mota kunze kwegate chaiko ndikapinda nekagate kadiki. Ndakafambisa kuenda kunopinda mumba ndikasvika Sandra wacho asimo mu dining, ndakananga kuroom yangu kwandaimunzwa achitaura panenge paphone achiti, "anenge ndiye mama imi, ndazongosiya ndamudumper munzira ini. But anenge ndiye Rufaro mama ndamutora photo ndokutumirai" ndakabva ndatombomira ndichida kuterera conversation racho but anenge aiva atonyumwa nekuti akabva abudawo achiti, "ah mwana wenyu haasi kutogona kugadzikana, ipapa ndatorerwa mota anenge atoenda kuMazowe" akabva andiona ndokuseka akati, "adzoka" akaseka achiisa phone muhomwe ndikati, "usadaro Sandra, ndokumbirawo undiudze kwawamusiya" ndakadaro akati, "urikutofana kundinyengerera Chris, kana uchitoda izvozvo unenge wakutombotanga warara neni ndokuudza kwandanomusiya, wazviona here kuti macrutches angu ndanga ndadzoka nawo? Urikuti arikufamba nei izvezvi, ndatodzoka nawo"
Stay tuned.
End of chapter 05.
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
87