Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 6, 2025 at 11:42 AM
Follow my Whatsapp channel, kana muchida book kubva pa one ririko ku channel https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709 Join my Whatsapp group https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho Follow and like my Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL INCESTUOUS. Tinah Munyengeni. O787336898, O786192322. C 07. Christopher. Nguva yekuti timboenda kuroom kwangu ndiyo yatakazoshaya manje nekuti tese takanga tavakuda kuita zvaivapo. Ndakanga ndisisiri mumood yekubvunza futi zvakawanda ndakuda kungoita zvaaida zvacho. Mu kitchen imomo chakatsva akabatirira pa kitchen counter, ndaiva ndisina hangu kumborara nemunhu aidziya sezvaiita Sandra. She wasn't my favorite hake but she was really good at her things. Ainasoziva zvekuita zvacho kuti murume adzungaire, ndizvo zvandaiva ndaitirwa ipapa ndaiva ndaita kunonzi kutenderedzwa musoro. Pfungwa dzaiva dzisisina zvimwe dzangozara kuita zvisina musoro izvozvo. Takatorova dzokororo mukitchen imomo zvichiita kusvika nekugotsi kwese uku ndikati why mwari muchiti vanhu vatisingade vanake kudai. Kana wangu musikana Charmaine ndaisatombotaura nezvake hake pana Sandra nekuti Sandra akandipedza mongo. "Nhaiwe urikutoda kundiuraya?" She complained atoona ndichida kechithree, ndakangonhanzvira muromo wangu ndisiri kutomudaira ndiri busy kuzvitsvagira nzira yangu kupinda futi mukati-kati. "Chris iiiweee" akadaro nekuti kwacho kwandaiva ndasvika haimbotadza kushaya voice. I banged her from behind makumbo ake akasvika pakushaya simba akatanga kudedera. Ndaka offloader futi kechithree ndikafemereka ndakamutarisa akati, "maita basa madyira, ndaita kunzwa kuti ndapera. Hapana henyu pamasiya, masvika kwese daddy" akadaro achindipukuta iye ndikati, "arikupi Rufaro?" "Ah futi? After everything zvaitika apa you're still asking for Rufaro Chris? Hahaha I can't believe this" ndakabvisa maoko ake pandiri ndikati, "handei tinotenga piritsi" ndakadaro nekuti drama remimba ndorandaiva ndisati ndava ready naro. Kumuitisa mimba inenge itori imwe nhamo yandinenge ndatutsira pamusoro peimwe iyoyo so in order to avoid that drama I had to make sure that she prevented the pregnancy. "Ndakabaiwa kare DEPO ini" akadaro achizvipukuta ega ndikati, "usandinyepere ka? I'm not ready for drama" ndakadaro akati, "ukuti ndinganyepe here nhaiwe Chris, hapana kana mimba yandinomboita ini" ndakaramba ndakamutarisa ndichitoona kuti ndaiva ndatambisawo hangu nguva yangu ndichinyengedzwa nechokwadi chandaiva ndisiri kuzoudzwa. "Wakuda kuendepi?" Akadaro ndikati, "une hutsinye, akuudza kuti ndinoda Rufaro ndiani chauri kurambira kundiudza kwawamuisa chii? Ndirikuda kuzama kubatsira munhu iwewe wakutoitawo zvako? Ingondiudza ka kwaari nhai Sandra ndinomuisa kumba kwavo Rufaro?" Ndakadaro akati, "ndanomusiya muroad inoenda kuChinhoyi ini, hameno uko tadarika Mapinga" ndakaramba ndakamutarisa akati, "apa handisi kunyepa, unonobvunza vamwe vakomana vanoita zvehove ndipo pandamusiya. You should be grateful kuti ndamusiya pavanhu otherwise ndaimusiya musango chaimo" akabuda mukitchen ndikasara ndakangomira. Ndaiva ndiri kutotya kuti zvimwe aigona aitondinyepera futi ndoendera ikoko mahara ndosaka ndaitoramba ndakamira. Ndakabuda panze zvekutoshaya simba chaizvo, kurara kwandaivawo ndaita na Sandra kunenge kwaiva kwatoita kudrainer simba rangu nekuti ndaitonzwa makumbo kurera. Ndakanomira ndakazembera mota yangu ndakuzvibvunza if I had made the right choice by sleeping with Sandra. Aiva arikugona kutozotora advantage kuti ndaiva ndatomborara naye. Chokwadi chacho chandaiva ndararira naye ndaiva ndisiri kana kutombochitemba. Ndakapinda mumota ndazviudza kuti zvirinani kungoenda ndinoona kuti ndizvo here. Time dzandakamutsa mota pane mota yakaridza bell pagate ndikaburuka ndikanovhura gate. Ndakaramba ndakaitarisa mota yacho vachipinda mama with a latest GD 6 yavaiva varikufamba nayo. "Ko wanga urikuda kuenda kupi nemota iyi?" Vakadaro vachiburuka mama mumota ndikati, "maswera?" Vakaseka vachiti, "Chris handina kuti usiyane nemota dzangu here pano? Kana usina kuita zvinhu zvatakawirirana mota dzangu imbosiya" I sighed first before saying anything ndikati, "mama mota iyi haisi yakatengwa pa birthday rangu ichinzi ipresent here?" Ndakadaro ndichiisa makeys muhomwe vakati, "handina basa neizvozvo ini, dad vako vakatenga mota iyoyo ndivo vakatosiya vati ndisakupe kana usina kutora mukadzi wavakasiya vakuroorera. Handina kana chandakambofunga pazviri zvinhu izvi, dad vako ndivo vakato arranger this marriage saka inini ndirikungoitawo zvavakasiya vandiraira" "Musanyepere dad mama, it's bad. Dad havana pavakambondiudza nyaya dzakadaro, vozosiya vazvitaura vachifa? Ivo vakambofa kupi zvandisina kunzwa inini? Ndisina kana kudaidzwa kurufu?" Ndakabvunza ndatova neshungu izwi rakutobvunda vakati, "Saka urikuti size yangu ino ndonyepa kuti baba vako vakafa? Pinda mumota ndinokuratidza guva ravo kumakuva uko" vakadaro ndikati, "guva racho ririkupi?" Ndakadaro vakati, "kana uchida handei ka? Handiti urikuti ndirikukunyepera?" Ndaida kutoriona hangu guva racho saka ndakangofamba kupinda mumota macho ndakanyarara. "tikabva ikoko uchadii kana wariona guva racho? Are you going to organize a wedding with Sandra? Dad vako vakatosiya vati you should marry her moita muchato, kana wadaro you'll become the owner of all the companies nezvese zvadad vako" "Saka murikuti inini ndosiya musikana wangu wandinoda? Mama dad vane pavakatosiya vazvinyora here zvinhu izvi?" Ndakadaro ndisiri kubvuma zvese zvavaiva varikutaura vakati, "wakangobva ku Namibia nekuenda kuMagunje Chris, Tanga tisina kana kumbowana mukana wekutaura. Zvese zvandiri kutaura zvakatosiya zvataurwa nadad vako, audio irimo muflash riri muroom mako, taifana kunge takagara pasi ndokutsanangurira nyaya yaivapo yese asi iwe wakamhanya Chris.Ndaitoda kukuratidza guva rababa vako mune zvakanaka-zvakanaka asi wakandiita benzi. Saka ukuti inini ndinganyepe kuti baba vako vakashaya ndichinyepa? Ndichinyeperei?" Vakadaro mama vari busy kudriver but handina hangu kuvadaira. "nyangwe Sandra wacho hapana kana pandaizombokumanikidza kuti muroore ini, ndirikungoteedzerawo zvakasiya zvataurwa. Ndikasadaro ndinenge ndisina kutoterera murume wangu" vakadaro mama vakutoita sevaida kuchema. Zvekuvadaira ndakazvishaya nekuti ndaitova busy kuzama ku digester zvavaiva vari kutaura kuti zvakasiya zvaitwa nadad. Hameno kuti dad vacho vaiva vakazochinjawo into someone aitaurwa namama here nekuti inini kukura kwangu kwese navo dad vaiva munhu asingaite zvekumanikidza munhu. Vaigara vachindiudza kuti munhu rarama nema choices ako,vaiwanzoti zvinenge zvichidiwa nemoyo wako ita izvozvo saka ipapa zvaitondishupa kuti vane zvavaiva vakasiya vakataura sure here pane zvese zvavaipomerwa. Takasvika kumakuva kwacho and mama Led me to the grave. Ndakatanga kutonzwa hana kurova ndichiona kunge mama vaitova serious kuti dad vakafa. "Hamilton Jorge" ndizvo zvandakatanga kuona paguva raiva rakanangwa namama ndikanzwa pahuro kupisa pachiomarara. Paiva neface yavo vachisekerera havo dad vacho zvakaita ndione kunge ndivo vaitovapo vachisekerera kuti mwanangu Chris wauya. Paiva pakagadzirwa zvakanaka and the tombstone was nice. "This is where your father is sleeping Chris, zvinondirwadza day and night pandinofunga nezva..." Vakatadza kupedza kutaura mama as she broke into tears zvekutotadza kutaura ndikatura mafemo. Ndaisatoziva kuti ndo reactor sei nekuti zvandaifeeler inini nezvaiva pa situation zvaiva zvakasiyana. Situation yairatidza kuva real and a bit emotional but inini mumoyo mangu ndaitonzwa kunge zvese zvaitika was actually a skit, nothing seem to be real. "Mama chiregai kudaro" ndakatozodaro ndaona mama varikutowedzera kuchema zvekunzwisa tsitsi. I had to comfort her nekuti ndini ndaitofana kudaro ndini ndaiva murume. "I'm sorry mama, I'm really hurt. Handina kumboziva kuti dad vangangoenda vasina kana kundionekawo, kana kunditi Chris mwana wangu ndakuenda, zvirikundirwadza mama" ndakadaro tikambundirana kwakutongochemawo zvekuti mama vazvione kuti ndirikurwadziwa but ndaiva ndisiri kana kumbofeeler that way. Ndaiva ndavhunduka hangu nekuona guva racho but handina kana kurwadziwa. Rufaro. "Ko chii chakaitika nhai Rufaro?" Mai Shania vakasara vakundibvunza after mama vangoenda kwavaiti kunotsvaga ma crutches ndikati, "zvakaoma imi Mai Shania, munoziva ndakatongoti nhamo haibve pane imwe?" Ndakatanga kudaro ndisati ndavatsanangurira kwakuzochivapira nyaya yacho yese. Ndakavaudza zvese zvaiva zvaitika ndikasiya hangu zvekudumpwa nemukadzi waChris panzira vakati, "iiii inga mhepo dzaiva dzakasimuka, inini ndakazongonzwa Mai vako voti hauna kudzoka ndakavhunduka mhoti?" Vakadaro ndikati, "haa ndirikungotenda hangu mwari kuti takasika kusangana. Ipapa ndaiva ndirikutoshaya kuti kana ndikasavaona mama ndichaenda kumba sei?" Ndakadaro vakati, "saka iye mukomana akubatsira ati unogona kuzoona futi?" Ndakamedza mate ndafunga mukadzi wa Chris wacho ndikaona kuti zvakanga zvisiri kuzoitika zvakadaro. Iye Chris wacho handiti aiva atozongoita zvekunyangarika panzvimbo ndikazongonzwa ndasara naiye mukadzi wake wehutsinye. "Aidaro hake but handione zvichibudirira ini Mai Shania, munhu anogona kuzenge akuda kumboita zvefamily yake" ndakadaro vakaseka ndokuti, "asi anzi ane mukadzi?" Ndakadzungudza ndokuti, "handizive, but haa hameno. Pamwe zvichaita but handina kana kumusiira number ini dzekuti angafone achinditsvaga, anondiwana kupi inini ndingori ini ndisina kana phone zvayo" ndakadaro ndakatarisa mudenga vakati, "ah zvinongozviita zvega Rufaro iwe, kungosangana ikoko ndiko kuchaita musangane futi" "But Mai Shania?" Ndakadaro vakati, "hee mwanangu?" I smiled nemaitiro avakazviita ndikati, "mama vanga vachida kutii pandazomuka. Ndanzwa kunge vati vakasiya vaudzwa something namama vangu?" I asked ndadzikisa voice vakati, "ah wakanganisa kunzwa, Mai vako pane anotombovaziva here nhai Rufaro mwanangu? Urikungonyanya kufungisisawo hako saka unozoguma wonzwa zvisina kutaurwa" ndakabva ndambonyarara vakati, "usafungisise, and usambotye hako". "Ndingatadze kutya nhai Mai Shania ivo mama vachitaura zvekuti ndikapora handichafambe nema bus? Handiti kwatova kuwedzerawo kuvaomesera?" Ndakadaro Mai Shania vakati, "hapana mutoro iwe Rufaro, tiripo isu hauna chaunoona wanzwa?" I slowly nodded ndichitoona kuti hapana chokwadi chavaaiva havo vari kundiudza ndikabva ndanyarara. Vakazenge vakungoita havo nyaya neni but ndaingodaira apo neapo kusvika mama pavakadzoka. Vanenge vaiva vamawana ma crutches acho nekuti vakauya kuzondipa tikabva tatooneka Mai Shania tikaenda kumba uko kwatakasvika mama vakatanga kumhanya-mhanya kuita zvekubika. "Ndirikutofunga kusiya musika kutown ndiitire pano, toswera hedu tichitengesa apa tiri two" vakadaro mama vari busy kubika ndikati, "mama? Manje kuno kunotengwa here?" Ndakadaro vakaseka ndokuti, "don't worry mwanangu, kana mwari vada havo panototengwa ipapa. Regai ndipedze kubika udye ndikugezese ndimbotsvaga vakomana vangandiitira chimusika chacho panze apo" vakadaro ndikatoona kuti ndaisakwanisa kuvamisa so ndakazongonyarara. Vakabika ndikadya ndikazoseka ndakuita zvekugezeswa naivo mama. "Veduwe?" I complained zvikanzi, "nyarara hako ndiite basa raamai, ndichatokugezesa kusvika wanasotsvukirira mwanangu" I laughed ndikati, "aihwa mama zvakunyadzisa ah imi" takaseka tese ndikatogezeswa kusvika vapedza ndokubva ndanozorwa mafuta nekupfekedzwa vakabva vandisiira phone yavo ichirira kuti nditerere music ivo ndokubuda. Yakasara ikaringer phone yacho zvakaita ndimbomira kuita sing along kusong ya Blessing Shumba yandainzwa ndikazama kudaira. Ndakabaya-baya pandaifungira kuti ingadaira ikabva yavibrator kwakunzwawo munhu akati, "Vanessa?" Ndakanyarara nekuti raitova zita ramama raidaidzwa ipapo and voice raiva radaidza racho rakaita familiar kwandiri ndikamedza mate. "wakazotadza kuisa mwana wandakati uise ku orphanage nhaiwe? Urikuda kutondibhowa here? Wakanyarara hako but I know ukundinzwa, kana uchida zvekunzwanana neni endasawo mwana iyeye ku orphanage zvandakakuudza" Stay tuned. End of chapter 07.
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 68

Comments