Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 7, 2025 at 09:28 AM
Follow and like my Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL Follow my Whatsapp channel kana muchida ma previous Chapters https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709 Join my Whatsapp group https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho INCESTUOUS. Tinah Munyengeni O787336898, O786192322 C 10. Christopher. Ndakadzokera kumba ndichitonzwa kufara nekuti munhu wacho ndaiva ndazokasika kumuwana. Ndaiva ndangobuda zvenharo zvekuti Mai Chris vaitofunga kuti ndaiva kubasa nekuti vaiva vasara kumba musi iwoyu. Ndaitomhanyisa mota kuti ndikasike ndasvika kubasa vasati vaudzwa kuti handiko. Waigona kungodzingwa basa ka usina kana mwedzi wapinda, apa ndaiva ndatombopihwa warning nekuda kwemari yandaiva ndanotora zvenharo ku serve station. Mari yacho yese ndiyo yandaiva ndanosiira hangu Rufaro kuti mama vake vasazonyanye kuomerwa. Zvaiva zvisati zvanasorongeka saka ndaida kumbotanga ndagadzirisa nyaya dzemari ndozoita zvemaziso ake. Pandakasvika kubasa ndakatosvika Sandra achitobuda mukati ana mama vake namukoma wake. Mama vake ndagara ndaivaziva as well nebrother yacho. Ndakadzokera mumota ndisiri kuda zvekutomhoresana navo kwakukiya madoors ese ndikagara ndakavatarisa. Hameno zvavainongedzerwa nemwana wacho. Ndakatozoshamisika nemota yavaiva vakananga kuti ndiyo yavaiva varikufamba nayo. Yaitoratidza kuva new apa iri latest zvekuti ndakanasoona kuti vanhu vaiva vakutorarama soft life nemari yedu. Vakapinda mumota yacho ikabva yabuda ndikasarawo ndichiburuka kwakutevera Sandra ndichimhanya ndikati, "iwe mota iyo mama vako vakaiwana kupi?" Akacheuka ndokuti, "ndokusvika pabasa uku?" She asked achindi scanner ndikati, "imbondipindura zvandabvunza, iwe asi urikuita basa rekutopa hama dzako mari?" She frowned ndokuti, "one week uri PA panapa wakutoda kutonga?" "Ndirikubvunza shaa, I deserve to know" ndakadaro ndichaitevera mumashure make akati, "well I don't feel like you deserve to know, ingoita zvebasa rako wakanyarara" akanopinda mu office make kwakuvhara door ndikasara ndakamira. Ndakazobvapo ndakuenda ku office kwamama kwakunoitawo zvebasa rangu. Mari ndiyo yaitondinetsa kuti ndoiwana sei nekuti munhu wacho aitoona zvekufambiswa kwemari ndiye Sandra iyeye. Kwaingova kushandawo but ndisina kana changu, ndaitonyengerera kuti ndizongopihwawo kamari. Ndakabata phone yangu yakarira ndikati, "new number hello" ndakadaira ndikanzwa voice remusikana richiti, "ndi Chris?" Ndakambonyarara zvema seconds ndikati, "yeah ndini, who's this?" Ndakadaro akati, "ndi Shania, wazodii paye?" Akadaro ndikabva ndati, "oh apa ndatova kumba, ndamuona hangu Rufaro" ndakadaro akati, "ah wabva watozongoenda usina kutionekawo?" Akadaro ndikangoseka zvekutanda nyadzi ndikati, "ndanga ndiri kutomhanyira kubasa, ndokumbirawo uudze mama kuti hanzi maitabasa" ndakadaro nekuti ndivo vaiva vatoita ndizoone Rufaro. "oky iriboe, wosaver-wo number yangu" ndakaitwa kudaro ndikatozongoti ok zvechirango. Ndakaenderera mberi nebasa rangu kusvika time dzekuenda kumba dzakwana. Ndakalocker office kwakubuda hangu ndikasvika Sandra akandimirira kumota. "Ko yako yawauya nayo waisa kupi?" Ndakabvunza akati, "yaenda kunogadzirwa, hameno kamwe ka funny sound kayanga irikuita" akadaro ndikati, "ingoimirira ka nekuti inini handisi kuda kuenda kumba, ndirikuda kumbonoona musikana wangu tinasopedzerana nekuti takuda kuti tirambane" ndakanyepa kuri kusatongoda kufamba naye akati, "hazvina basa tongoenda tese" I sighed feeling defeated ndikapinda hangu mumota iye akapindawo ndikamutsa mota yacho kwakungonanga kumba. "ko zvawanga uchiti tichaenda nemutown?" Ndakamutarisa ndikati, "ndamboti ticha here ini? Ndanga ndichida kuenda inini kwete newe" ndakamudaira ndichitonzwa kusvotwa akati, "hausi kana kumbochinja Chris, asi chii nhai Chris chaungati wakavenga pandiri? Chii chandisina?" Ndakambomutarisa ndikati, "love is all about feelings, kana inini ndichiti ndikakutarisa I won't feel anything ndozvinetserei? I don't feel anything for you Sandra. Mumoyo mangu chaimo hamuna kana chako iwewe, tinganyeperane kuti ndikapedzerana nemunhu wangu togona kuita zvishande but kunyeperana. Inini hangu handina kana pandichakuda Sandra and ndirikutokuudza chokwadi" ndakataura zvandainasofeeler chaizvo akangoti, "and zvakaoma!" Kubva ipapo ndakabva ndatonyarara kwakudriver hangu ndiri zii. Takasvika kumba akasvika nekuudza mama avo vakabva vanditi, "kana uchiona kuti hausikuda zvekuterera zvakasiya zvataurwa nababa vako stop going to work. Urikushanda ikoko wakamira sani iwe ...." "Ndirikushanda ndakamira sa Mr Jorge, ma companies ababa vangu ndorambidzwa nani kushanda? Nekuti handide Sandra ndonzi usashande manje?" Ndakavadaro mama ndazviudza kuti enough is enough. "urikutiiko iwe? Are you talking back to me?" Vakadaro mama nekuti mhinduro yacho vaiva vasina kuitarisira ndikati, "kubasa ndiri kutozoenda mama, and handisi kuzorega. Month-end mari yangu ndinenge ndichitoida, ipapa ndirikufana kunge ndichiwana mari pandadira but nekuti ndinotokupai respect hazvireve makufana kunditora sebenzi ka?" "Nhaiwe Chris?" Vakadaro ndikati, "makeys eoffice ndini ndinawo, kana ndikada kutoti handide nawo munondidii? Munonoshanda muchipinda nekupi?" Ndakavadaro vakabva vatarisana naSandra wavo ndikati, "I'm not your toy, I've tolerated you guys enough. Handisi benzi inini, ndinotoziva zvandirikuita manzwa? Kana ndikati munhu handimude ndinenge ndisingamude" ndakataura ndichienda kuroom kwangu ndichinzwa kuti vakangonditarisa. Ndakanomaisa pasi pe mattress makeys acho kwakutonogeza hangu ndikadzoka ndichienda kunotsvaga food. "anenge anga atoendako nhasi, ndizvo zvirikumupa kushaya mumuromo kudai. Ndirikuda kuzvipedza zvese izvi" ndakavanzwa vachitaura naSandra mama variku sitting ndikati, "ndezvenyu izvo" ndakanotsvaga food kwakudya ndakatomira hangu ndichizviudza kuti handichade kudhererwa. Rufaro. "Ndafonerwa zvikanzi your days are numbered" vakadaro mama ndikati, "madii kuenda kupolice mama?" Ndakadaro ndakutotya vakati, "yanga iri private number iyi, ndainoti kudii? But haa usatye hako ndiripo ini mwanangu" vakadaro mama zvekuda kundisimbisa but ndaiva ndakutya hangu. "vanhu vanenge vachingoda kutityisidzira hako iwe" vakadaro mama ndikati, "but mama zvinhu zvakadai zvinoda kugara zvangoiswa ku police" ndakadaro vakati, "zvakaitika futi ndipo pandinenge ndakudaro. Nhasi vanhu varikutenga kunge zviri kushura kudai nei?" Vakadaro mama ndikati, "vanhu vagara vanotenga wani mama?" "Nhasi zviri worse, ndogona kutodzokera kuno order futi ka apa?" Vakadaro and vanhu vacho ndaivanzwa kuti vaiuyawo zvesure. "zvapera nhaiwe" vakadaro mama ndikaseka ndichiti, "iiiii" she laughed too ndokuti, "handei ndikusiye uri mukati ndinotora zvimwe, haaa nhasi I blessed day redu mwanangu" vakandibatsira kufamba tikaenda mumba. "uchengete tsamba iyi, hameno kuti uchazoivhurawo rinhi but ndirikungoda ugare nayo" vakadaro tapinda mumba macho ndikati, "munei?" "Handizive, I love you Rufaro. Rega ndiende kunotora zvimwe handiti?" Vakadaro ndikaramba ndakavabata ruoko ndikati, "mama regai kuenda, hana yangu irikurova. Mozoenda mangwana" she laughed a bit ndokundi hugger vakati, "ndirikudzoka, handisi kumbonogarisa wanzwa?" Vakadaro but ndaiva ndirikunzwa hana kurova. Vakandisimbisa vakasvika pakubuda ndikasara ndichinetseka. Tsamba yacho ndaizopa ani kuti aiverenge? Ndakademba ndikazvirega ndichiona kuipa kwehubofu hwangu. I wanted to see kuti maimbova nei chaiva chatadza kungotaurwa nemuromo sezvazviri. Ndakazongofunga kuti Chris aivako ndikatozvisimbisa kuti ndiye munhu wandaida kuzoverengesa tsamba iyoyo. Time moved mama vasati vadzoka ndikatoshaya kuti ko ndokudzoka manje manje kwacho here. Ndaiva ndisina hangu time asi kugara kwandaiva ndaita kwakandiudza kuti vaiva vatononoka kudzoka kwacho pane zvavaiva vamboita pakutanga. Ndakagara ndichizviudza kuti vanouya havo mama nekuti vaiva vatoti ndirikudzoka. Ndakagara ndichiimbirira hangu but mama havana kubatikira zvakatanga kuita kuti hana yangu ichitanga kurova. Ndakasimuka ndikambomira ndichifunga kuti ndochidii? Ndakanzwa panze pava nenoise pakuita sepaiva pasvika vanhu ndikatoshaya kuti zvava zvipi. Ndakadzokera kugara pasi ndichida kunzwa kuti zvaifamba sei. Voice ramai Shania ndiro randakanzwa rakuuya mumba vachiti, "atouya nepamusika pangu akati utarise Rufaro, ko ndamboziva kuti ndiko kuenda here? Ndamboziva here kuti ndiko kundioneka uku Vanessa?" Ndakatoshaya kuti ko vaiva vanditizirei mama zvekuti vaiva vakuda zvekuti ndichengetwe namai Shania. Vanhu vacho vakapinda mumba vachiratidza kuti aiva madzimai emuraini vachingotaura zvakasiyana-siyana. "Mai Shania maswerasei? Mati mama vangu vaenda kupi?" Ndakadaro ndichinzwa hana kurova vakauya kuzondimbundira Mai Shania ndikatonzwa kuti she was sniffing. "Mai Shania imi vayendepiko Mai Rufaro?" Ndakadaro ndakutodawo kuchema vakati, "sorry mwanangu, mama vatisiya. Apa ugoona vatodarika nekumusika kwangu uku vachiti ndikutarise, ndamboziva kuti munhu kutoenda here?" Ndakatowedzera kuva confused ndikati, "handisi kunzwisisa ini, ko vatisiya vachienda kupi?" Ndakadaro ndikanzwa umwe mukadzi achiti, "asikana, apa mwari abirira hake. Anozvigamuchira here izvozvi mwana uyu?" "Chiiko chirikuitika imi?" Ndakadaro ndichisimuka Mai Shania vakati, "sorry Rufaro, mama varohwa nemota vakaf....." I laughed ndikati, "ndimama vani manje ivavo?" Ndakadaro ndichinzwa muviri wese kudikitira vakati, "mama vako Rufaro, varohwa nemota vatoendeswa kuchipatar..." "Vanga vakunoitei kuchipatara ivo vatonditi ndirikudzoka manje-manje? Vaenda kuchipatara ivo vanga vasiri kurwara here?" Ndakabvunza kudaro ndikaisa ma crutches kwakadaro kwakutotsika pasi pacho zvenharo gumbo rikati unonyepa. "mama kani!" Ndakachema nemarwadzo asangana zvese neezvendaiudzwa. Ndaizama kuzviramba asi marovero aita hana yangu zvese nekurwadza kwayaiita zvaindipa kutya. Stay tuned. End of chapter 10.
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 68

Comments