
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 8, 2025 at 06:59 AM
Varikuda book kubva pa one follow my WhatsApp channel
https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709
Follow and like my Facebook page
https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL
Join my WhatsApp group
https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho
INCESTUOUS
Tinah Munyengeni
O787336898, O786192322
C 12.
Christopher.
Ndakangovasiya vakamira vakashama muromo mama kwakutobuda muroom mangu macho ndichitoenda kunotsvaga food semunhu aiva angosvika hake nekurara. Zvekuti vandirove ndaiva ndapokana hangu nazvo nekuti chandaiva ndatadza chaicho ndopaiva pasina saka ndairoverwei? I sighed ndichiona pasina kana chaiva chatomboti chabikwa vanhu vacho vaitoratidza kuti vaiva vachangosvika. "nhaiwe Chris kubva warova mama?" Akabudikira achidaro Sandra ndofunga ndizvo zvaaiva audzwa namama vacho. Ndakaramba ndakanyarara akati, "wakamborarepiko kwaunobva uchiita seusina kukwana kudaro? Ungarove mama sure?" Ndakamucheukira ndikati, "kana ndakanyarara handide kutsvagwa, murikutoona sendakapusa?" Ndakadaro akati, "hezvo! Nhaiwe? Wakaba mari, after that wakutoda kutityisa? Urikumbonyanyotembei nhaiwe Chris?" I laughed ndikati, "urikundibvunza wakamira saniko apa? Mari yacho imbori yababa vani?"
"And zvakaoma!" Akadaro kwakurovanidza maoko ake akati futi, "ndirikutofonera hangu sekuru vamama" akadaro ndikati, "do i look like i care? Humm?" Ndakadaro akati, "ndirikutovaudza kuti warova mama, haunyare here ipapa?" Ndakabva ndatobuda hangu mukitchen macho ndichinotora makeys emota kuroom kwangu. Ndakabuda ndichida kunodya hangu food out. Ndakavasiya vachinyararidzana namama vaiva vakutochema ndikangoti ndezvavo zvema drama avo. Ndaiva ndisina kumbovarova saka ndaiva ndisitorina hangu mhosva chero ivo vaiva vatondipomera.
Hupenyu hwangu hwacho hwakanga hwakutoita kunge movie, ndaiva ndakuita kunge ndisiri inini nekuti ndichikura handina hangu kumborarama hupenyu hwekushupikana kudaro. Ndaitonzwa hangu kutosvotwa ne environment yemuZimbabwe zvekuti ndakatoshuva kuti dai ndandine mari hangu ndaitodzokera kuNamibia. Ndakanotenga food ndikadya kwakutombogara hangu mukati imomo ndichiona hangu ka TV kaivamo. Paiva ne action yakatondinakidza zvekuti ndakatozobudamo late ndakuenda hangu kumba uko kwandakasvika ndakatomirirwa naivo sekuru vamama. "makadiiko sekuru?" Ndakavamhoresa zvine ma manners ndakatobatanidza maoko angu vakaramba vakanditarisa kwakuseka havo zvakaita nditi, "ko mukuseka tichikukwazisai?"
"Asi wakuita zvema drugs here Chris?" Vakazongodaira kuvamhoresa kwandaiva ndavaita newavowo mubvunzo ndikatura hangu mafemo ekutosvotwa. "handisi kuita zvema drugs" ndakadaro vakati, "zvekurova mai zvinoitwa nemunhu anenge ari sober?" Vakadaro ndikati, "zvekuvarova hangu handisi kumbozviziva, ndangovabata kuti vasandirove chete nekuti vanga vachida kundirova apa ini ndisina hangu mhosva" ndakadaro vakati, "Chris Mai ndimai wanzwa? And handikunyepere, ukaita basa rekujunga mhanza yaamai unofa uchipfeka masaga wanzwa? Hazvina kana kunaka, misodzi yaamai iyi inokusimudzira mhepo wanzwa?" Vakadaro sekuru ndikatongonyarara hangu nekuti ndaitonzwa kuda kuvadaira zvisina musoro.
"Izvozvi wakuita basa rekusarara pamba urikuda kudii? Ukanzi wakuvadzwa kana kunzi waba unopinza muzukuru wangu busy, wadzoka futi pano woda kutonga? Aihwa muzukuru ngatingoitawo hunhu sehwevana handiti?" Vakadaro sekuru ndikati, "papotseka sekuru, handina hangu kuzorova mama vacho"
"Kutochemedza mama ikoko kunonzi kurova, urikufana kuripa Chris" vakadaro sekuru ndikati, "ndoripa nei?" Ndakadaro ndatoona kuti zvinganetse. "ndichataura navo mama vako, ikozvino ndirikutoda hangu kuti uvakumbire ruregerero" he said vachitarisa mama vacho avo vaiva vakati zii. Ndakafema zvekudhonza mweya ndikati, "sorry mama, I didn't mean to disobey you. Ndanga ndingoriwo nezvanga zvichindinetsa" ndakadaro vakaramba vakanyarara.
"Mai Chris dairawoka mwana asununguke" vakadaro sekuru mama vakati, "ndodaira kuti kudii? Handina hangu chandinodaira ini, ndini ndatova benzi panapa ka ini? Saka kana munhu achinditi baba vake havana kufa arikuti ndakavaisa kupi inini? Ndinganyepe nerufu rwemunhu inini? murume wangu akatondirwadza ini sekuru" vakadaro vatotangidza futi kuchema ndikatongoshaya kuti ndodii. Seems like ndaiva ndazonyanya kurasawo muromo nekuti kuvaona vachichema like that broke me. Ndaiva ndataurisa hangu asi ipapa misodzi yakanga yatotanga kupisa mumaziso nekuti vamwe taisanonoka hedu kuchemawo. I sniffed ndichisimuka kwakunogara hangu muroom mangu sekuru vakatevera imomo.
"Usapota uchidaro Chris, mama havasi munhu wekungotamba uchichemedza" vakadaro sekuru vatevera ndikati, "sorry sekuru, ndirikutozviona ipapa kuti ndakanganisa. Ndanga ndisiri kutoziva zvandanga ndichiita. Ndichatoti ndiripe hangu sezvamataura" ndakadaro vakatanga kutondionesa paye ndikatoona zvesure kuti ndaiva ndarasa muromo. Vakatozoenda kwatodoka sekuru ndikasara ndakugeza kwakuenda kunobatsirana na Sandra kubika kuri kuda kufadza mama. Ndaiva ndisina option nekuti ndaiva ndatadza ndini saka ndaitoda kuti ndikasike kuregererwa zvisati zvashata. Na Sandra wacho taiva tisina hedu nyaya but ndini ndakatongotanga kumubvunza nezvema class mates edu eku primary. Nyaya dzakabva dzatozotangawo ipapo sevanhu vaiva vasiri kunasowirirana hatina hedu kuzonyanya kufarisa. Takatopedza kubika tese mune zvakanaka kwakuserver food tese mama vakatodya ndofunga vaiva vaona kuti takuwirirana.
"Timboona action here?" Ndakamudaro Sandra akati, "inini action inondityisa hako, dai taita hedu zveromantic" she suggested ndikati, "nanhasi uchiri kungoda romantic?" She giggled achigumbatira cushion akati, "I'm a lady, romantic is for Ladies ka" akadaro kwakubva taisa gedu romantic yacho mama vaiva vaenda kuroom kwavo. Takaona movie yacho tichiita tichitaura here and there akazoti, "romantic inoda kuonekwa vanhu makagarisana" akadaro achitouya kuzogara paside pangu ndikangoseka. "That lady is a good kisser" akadaro achisekerera ndikati, "asi wakutomuziva?" She nodded smiling ndokuti, "ndatovawo good kisser, I've watched her movies plenty times" akadaro ndikaramba ndakamutarisa. Ropa rakadziisana ndikati, "imbondikisser tinzwe?"
"Ah iwe" akadaro achitonyara ndikaseka ndichiti, "haugone?" Akabva anditarisa ndokundibata ndikaisa maoko angu pazvidya zvake. She kissed me zvakaita ndiwedzere kuisa maoko angu mudress rake ndichienda muzvidya maiva netemp yakandiisa mumood. Takakissana ndichinzwa kuti zvinhu zvirikuwedzera kutoipa ndikasimuka ndichiti, "unogona, goodnight" ndakamusiya akangogara ndikaenda kuroom kwangu ndichizviudza kuti dzikama Chris. Ndakasvika ndikazvikandira pabed kwakufonera Shania ndikati, "ko ndingataurewo naRufaro here?" Ndiye munhu wandaitoda kumbonzwa kuti arisei nguva iyoyo.
Rufaro.
"NdiChris" akadaro Shania auya nephone ndikaisa panzeve ndikati, "hello" ndakadaro akati, "hesi nhanha wedu? Urisei?" I giggled ndikati, "ah imi handisi nhanha ini, makadii?" He laughed calmly ndokuti, "ndabva ikoko nhasi, zvinonzi maswerasei?" He said zvakaita ndiseke zvishoma ndikati, "asi ndakumhoresai henyu" ndakadaro akati, "ehe hazvo, saka uriboe?" I sighed ndichitadza kutoziva kuti ndaiva boe here. "Ndiriboe" ndakazodaro akati, "I know you're not ok but it's ok wanzwa? It's going to be ok Rufaro, its alright" ndakaudzwa kudaro ndikagutsirira musoro.
"Mwari vanenge vane zvavakaronga, hatingakwanise kuzvisandura. Ndokumbirawo usanyanye kufungisisa handiti?" He said ndikamedza mate ndokuti, "it's hard, handisi kutogona kuzvitambira. Ndirikutongoti mama vaenda kuno order varikudzo...."
"It's going to be alright Rufaro, don't go there. I know it's not easy to accept it but it's ok. Dai wanga wapora ndaienda newe out everyday" akadaro ndikaseka ndichiti, "zvinoshanda here veduwe ndisingaone kunaka kwakaita nzvimbo dzacho?"ndakadaro ndichitonzwa kurwadziwa mumoyo akati, "hazvina basa, plus ndikaswera ndinewe ndichiona hangu hunyanzvi hwakaitwa namwari pauri, mwari vakaita hunyanzvi pauri nekuti you're cute, unotonakidza kutarisa"
"Ah" ndakadaro akaseka achiti, "sorry, ipapa ndafona ndichida kungokuti urare boe nekunzwa kuti urisei. Goodnight nhanha wedu" akadaro ndikati, "thank you" ndakatambidza Shania phone yacho uyo akadaira achitodzokera kwaaiva akagara namama vake. Inini ndaiva ndatova hangu muma blankets nekuti zvekutandara ndaiva ndisiri kutoda. Kutaura naChris kwakatoita ndimbonzwa zvirinani nekuti zvaindipa hope yekuti ndine munhu anondi supporter. Kungoziva kuti aiva achiri nebasa neni zvakandipa kahope kekuramba ndichienderera mberi nehupenyu chero zvahwo hwaiva huri kurwadza.
Ndaiva ndisina kuzokwanisa kumupa tsamba yangu Chris wacho saka ndakangoti ndichamupa kana adzoka futi. Ndaiva ndirikunzi ndaifana kuenda kunorapiwa maziso week raitevera namai Shania nekuti vaiti vaiva vakasiirwa mari yacho namama. Kutaura chokwadi I couldn't wait to regain my eyesight. Ndaitozoda kuonawo zvakaita face yaChris, ndaitodawo kuzoona futi zvaiva zvaita nyika. Shania akadzoka achiti, "iriboe, urare boe" akauya pabed ndokurara paside pangu akati, "hanzi nababamukuru vako sei usina kuvaudza kuti urikunorapwa maziso" I giggled ndikati, "babamukuru vapi? Inini newe takaenzana ah hausi mukuru" ndakadaro akaseka achiti, "urimudiki mafana, babamukuru Chris. Haana kukuudza kuti takudanana?" Ndakashamisika nenews idzodzo ndikati, "Chris iyeyu abva kufona?"
"Ehe, ko ukushamisika?" Akadaro achiseka zvakaita ndisekewo ndikati, "ah kutoshamisika kuti sei manga musina kundiudza nhaimi vanhu imi? Apa ndini ndakakusanganisai, ndirikuda mari yekukusanganisai" we laughed Shania akati, "tichakupa mafana, babamukuru vako vane mari ka vaye?" Akadaro achiratidza kufara apa inini ndaiva ndichiri ndakatoshamiswa. Zvaiva zvisina kungondiitira boe, ko aiva atoona Shania nekutomuda zvekuti vaiva vakutodanana? Ndakapedzisira ndazviudza ndega kuti, "dzikama Rufaro, uri bofu saka unoti Chris anokudii usingaone? Plus hauna kana hama saka anokudii Chris?" Ndaiva ndisina kutarisira kudiwa hangu naye but ndakatongozviudza kuti dzikama.
"Wazvinzwa here Rufaro?" Akadaro Shania akutondizunguza ndikati, "humm, watii?" She laughed ndokuti, "ndati handiti babamukuru vako havana mukadzi ka? Handide kunyeperwa" ndaiva ndisina kutombofara nazvo hangu but ndakangoseka ndikati, "ah inini akanditi haana mukadzi"
Stay tuned.
End of chapter 12.
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
67