Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
Tinah Stories 🇿🇼🇿🇼
February 8, 2025 at 11:51 AM
Guys ma previous chapters inbox handipe vanhu, chero machapters epakati chaiwo. Mukaenda kuchannel munonowana book rese ikoko, so kungobaya view channel monofollower motoona book rese https://whatsapp.com/channel/0029VaEpX4f3mFYFDMD9w709 Follow and like my Facebook page https://www.facebook.com/profile.php?id=100088230793445&mibextid=ZbWKwL Join my Whatsapp group https://chat.whatsapp.com/HhoyED9tNtbI8nDVuHf8Ho INCESTUOUS Tinah Munyengeni O787336898, O786192322 C 13. Rufaro. "Better, unogona kuzongorohwaka nemukadzi wemunhu usingazive" Shania akadaro achinzwika hake kuti arikufara nekuva mu relationship naChris. Nyangwe zvake aifara inini hangu handina kana kumbonakidzwa nazvo. Kwete kuti raiva jealous but kutongonzwa kusatofara nazvo, I feel like Chris ndiye aifana hake ku addresser nyaya iyoyo nekuti ndiye munhu wacho wandaiva ndakutoti I friend yangu. Ndakatozongoti zvakatoitika hazvo, after all i was just a nobody to him saka paiva pasina hapo pressure. "Haa kuti iye Chris anganyepe here? Kungoti inini akanditiwo haana mukadzi hake" ndakadaro kuna Shania akati, "haa kana ini hangu ndozvaakandiudza, kungoti unenge uchitya kunyura munhu okurwadzisa. Iwewe hausati waane boyfriend?" Akazopedzisira nemubvunzo wake wakaita ndiseke hangu. Zvaisava hazvo funny but I feel like kwaiva kutodadirwa kuti munhu anondibvunza zvevakomana iye achinasoziva condition yangu. "Ko ukusekei?" Akadaro Shania ndikati, "iii nhai Shania watobvunza uri serious here apa? Nemoyo unotoda?" Ndakadaro akati, "ehe, ko chii?" Ndakaseka futi ndokuti, "you can't be serious, ndomudii hangu mukomana wacho? Iko anodawo hake bofu ndiani? Ndisiye hangu ini" ndakadaro akati, "ah unogona kutodiwa, kungoti Iko zvinonetsa kuti usingaone wowana mukomana? Haa anenge asitorina mari, nekuti vane mari sana Chris havangambodaro" ndakanasonzwa kurwadziwa nemashoko ake. Saka zvaingoreva kuti ndaiva ndisitorina anondida ka? Ndakatadza kuzopa comment ipapo hangu kwakungoperera mukumedza mate ndikanyarara. Iye ndaimunzwa achipota achiseka ega paphone pake ndikangoti pamwe ndiye Chris aimunakidza. Ndakademba nechandaiva ndakamboenderawo kubasa, apa raiva rakatoita zvekutsvagwa na agent tikatomubhadhara mari ndisingazive kuti ndaibhadhara kunoita bofu. Ndaiva ndakangonoita two weeks chete kubasa ndokubva ikoko ndatova bofu. Ndaiva ndakambotanga ndichifunga kuti one day ndichamukawo ndichiona asi zvaiva zviroto. Nekuzopihwawo mashoko ekuodza moyo anenge aiva achangobva kutaurwa naShania kuti kana uri bofu hapana anokuda moyo wakawedzera kurwadza. Week racho rataiva takamirira kuti tizoenda ndinorapiwa maziso acho rakatondinonokera nekuti ndaiva ndakudawo kuona. Hapana musi waisafona Chris achibvunza kuti ndirisei, aingoti ndandichida kunzwa kuti urisei ozopedza hake nguva achitaura na Shania uyo aita zvekuzvivharira mu toilet votaurira imomo. Kuona Chris asisina nyaya neni zvakanasoreva kuti akanga ava nebasa nemusikana wake. Handina hangu kuda kumbomubvunza kuti ko sei usina kuzondiudza nekuti zvakanga zvisisina basa. Ndaiva ndangomirira kurapiwa maziso ndoona hangu pamwe ndaizokwanisawo kuwana anoda kutamba neni. Week racho rakatosvika ndikaenda kuchipatara ndine hope yekuti ndinobva ikoko ndichiona. Gumbo rakanga rava nani saka ndaiva ndatongoisa shuviro yese kumaziso ndichingoti dai akwanisa kuona. Ndakangosiiwa kuchipatara Mai Shania kwakudzokera havo kumba ndikasara ndichinzwa hana kurova. Kutaura chokwadi I could not wait any longer kuona futi mafaces evanhu. Ndakararapo pachipatara pasina zvaitwa ndikazomuka the next day ndakuitwa op yacho. Ndaingonzwa pachitaurwa zvakasiyana-siyana nenyaya yemaziso angu acho. Ndakaswera ndirimo Mai Shania vakazouya pa visit yemasikati vakati, "hanzi anoita hawo boe, pamwe mangwana ndopauchabuda" vakadaro ndikati, "sure here? Maitabasa mama" ndakadaro vakati, "ah tese-tese tirikutoda uone mwanangu" vakadaro ndikati, "neniwo ndirikuda kutozokuonai futi mama, ndasuwa face yenyu. Kuti ndichaiziva here inini" she laughed as I giggled ndikati, "ndogona ndisisatokuzivei, six years veduwe" "Haaa haumbondikanganwe" vakadaro ndikasekerera ndichiti, "I hope so, Shania ndiye asara achitengesa?" I asked vakati, "ah zvaShania here? Hameno kwaendwa naChris uko. Auya akatorwa naChris makuseni hanzi tirikuenda out" vakadaro ndikati, "oh, ah that's good regai vamboona nyika" "Haa sure, kungoti mwana wako kana anemunhu anenge Chris haumbovhunduke. Chris munhu kwaye hake, handina kuzokwanisa hangu kumuona nhasi Chris wacho nekuti anga achimhanya asi ndangoona mota yake. Pamwe vachapfuurawo nekuno vachikuona" vakadaro ndikangogutsirira musoro. Visit payakapera vakaenda mama vaShania ndikasara hangu ndava ndega ndakangotarisa mudenga. Ndaiva ndisina kana chinondivaraidza saka kwaingova kufunganya chete. Visit ya 3pm ndipo pandakazonzwa Shania auyawo achiratidza kufara. "babamukuru vako vanditumidzira nemafruits aya" akadaro Shania ndikati, "oh asi ivo vatoenda?" "Ehe, anga achimhanyira kumba. Mai mwana taswera kuMazvikadei ndichidiwa, aihwa Chris anopa rudo rwemufirimu" ndakangoseka hangu akatanga kumupraiser Chris wacho zvichinzi, "apa hanzi next time tirikuenda kuMazowe, wuuu Rue I can't wait iwe" airatidza kufara zvekuti ndakazvinzwa. Ndakangotiwo zvako une luck, Chris wacho akanga atova murudo zvekutadza kana kuuya kuzondionawo ndirikuchipatara? Ndakazongoti zvaiva normal semunhu akanga avawo murudo hapana paaizoramba akaita take take neni. Akazooneka Shania ndokuenda ndikasara ndava ndega hangu ndakamirira kuti zuva racho rinotevera ringosvika nditangewo kuona vanhu. Ndakararamo muchipatara ndichinamata nechemumoyo kuti zvingoite. Ndaida kuzoverenga tsamba yangu ndega nekuti Chris akanga akusatoita kuverengesa iye aiva atotanga kuzvi distancer. Ndakangorara zvema hours mashoma chete kwakutopepuka futi ndichiti zvimwe kwaedza but ndakagara ndikaneta. Pandakazonzwa doctor vapinda muward yandaiva vachitaura na nurse wavaiva naye vachiti, "zvakaoma Mujuru, inini maziso aya ndakatomaona musi waauya pano kuti ndezvechivanhu, pane zibepa ririkungoita serakaiswa pamberi pemaziso, zvimwe zvinoda chivanhu unoziva?" Christopher. "Achiri kuchipatara here Rufaro?" Ndakabvunza Shania uyo aiva amukira kundifonera. Ndiwo wakanga watova mugariro wake kuti she would wake me up with her phone calls. Apa aiva asina hake nyaya dzine musoro kwaiva kungondibvunza kuti arisei mukadzi wako. Zvaitondibhowa but ndaiva ndisina option ndaingodairirawo kuti zvindibve. Ipapa aiva andimutsa futi necall ndikati ndimubvunze hangu nezva Rufaro uyo aiva anzi akaenda kuchipatara for op yemaziso ake. Ndaiva ndatongomirira ma results acho hangu even though ndaiva ndakamupromiser inini Rufaro kuzomurapisa. Ipapa ndaiva ndiri busy kuzama kunyengerera mama ndichiita zvakawanda-wanda to impress her saka time yekuti ndinomuona Rufaro ndopaiva pasina. "Arikufana kubuda nhasi, Saka hameno kuti anenge akuona here?" Akadaro Shania ndikati, "I hope kuti anenge akuona, ndirikutoda kuti aone, pain yekuita bofu iwe waimboona haimbojairike" ndakadaro akati, "uhumm, haaa kungoti iye wacho haana faith Rufaro nekuti nezuro aitoti dai mari iyoyi manditengera grocery, haasikutodawo hake zvekurapiwa" I laughed ndikati, "anenge achingotyawo hake, but haa akangorapiwa zvikaita ipapa uchamunzwa achifara" "Yeah, Saka iwewe uchauya kuno rinhi?" Akabvunza ndikati, "ndouya ndichizotora Rufaro pa weekend ndine kwandirikuda kumbomuendesa" ndakadaro nekuti ndaiva ndatozviudza kuti chero akuona ndaiva ndirikuda kumbomuendesa out to cheer her up. Aisafana kunyanya kusurukirwa zvaizomupa kufunga mama vake so I wanted to make sure that she's happy. "Wow urikuda kuendepiko naye?" Akadaro Shania ndikaseka mbichani ndikati, "i surprise yaRufaro, ndichatotanga ndauya kuzokumbira mama nekuti ndirikutoda zuva rese naye" ndakadaro ndikanzwa ati zii ndikati, "wazvinzwa? Ndati I surprise yaRufaro" ndakadaro akati, "oh yeah zviriboe futi, handiti wati weekend? Ndogara ndasanotaura namama kuitira kuti chero ukasvika vasipo unongomutora. Mama vanowanzobuda weekend saka ndichagara ndakumbira on your behalf but hameno unenge wakundipei?" I laughed ndikati, "haaa zviri fair here izvi? Ok ndokuvigirawo something tabva kwatinenge taenda naRue" ndakadaro akati, "airtime yapera" handina kuzombopihwa mukana wekudaira munhu atokata. "Ndomusikana wako?" Sandra akadaro akamira padoor pangu ndikaseka ndichiti, "musikana upikowo iwe, unopenga. Watopedza here kusorta breakfast?" Ndakadaro akati, "ehe, ndatouya ka ipapa ndichiti ndimutse munhu ndopandirikunzwa zvekuenda out. Ndokumbirawo kujoiner ka tongoenda tiri three, handiti tinenge tiri kuenda naRufaro?" I laughed ndichidzika pabed ndikati, "apa tirikumboenda tiri two, then iwewe tozokutorawo next round" "Haaa boe, ita tibaye kubasa" akadaro kwakuenda ndikasara ndichienda mubathroom kunogeza. naSandra taiva takungoita zvataiita zvekuwirirana ndisati ndaenda kuNamibia. Ndaiva ndatongonasomutsanangurira kuti ndaida kungobatsira Rufaro and anenge aiva akanzwisisa hake zvakaita ndimutore back kumuita friend yangu. Mama vairatidza kufara vakationa tichifara nekuita nyaya kudaro saka ndaida kutongoti zvirambe zvakadaro inini ndichimboita zvekuona Rufaro kuti ava boe. Sandra ndaida kutozomunyengerera tiri two pasina mama ndomuudza kuti inini naye hazviite, and I hope aiva ari kuzonzwisisa sezvaiva aita pa issue yaRufaro. Ndakageza ndichingosekerera nekuti ndaiva ndakamirira good news musi iwoyu kuti Rufaro arikuzoona. Ndakapfeka ndokuenda kukitchen kwaiva naSandra ndokubva tazodya tese tichitoita nyaya nekuseka. Tapedza takabuda kwakuenda kubasa ndokunoswera hangu ndiri busy nebasa. Nguva yekufonera Shania ndakazoiwana palunch kwakufona ikashaya anodaira. Sandra akapinda ndiri busy kuzama phone yacho isina arikudaira akati, "ndiye uya arikugara naRufaro?" Akadaro achiisa ma takeaway patable ndikati, "ehe shaa, apa haasi kutodaira hake musikana wacho. Ndatova worried unoziva?" Ndakadaro akati, "unoziva the best kungotengera Rufaro phone? Wobva wamusettera kuti anodaira ne fingerprint, unongoisa number dzako chete muline racho, music woisa yaanoda yekuti anongoridzirwa nevacho vaari kugara navo otoswera achiterera. Hameno kuti unozvionawo sei, just my two sense" we laughed ndikati, "two sense kudii zvinhu zvakatonaka izvi, wauya ne idea yakanaka wena but mari manje?" "Yawakaba wakatopedza?" She jokingly asked achivhura drink rake ndikaseka ndichitora rangu ndikati, "iwe mari haigare pamunhu mhani, unondikweretawo ka ndozokupa kana ndahora muface wangu" takaseka futi akati, "ok, todarika tichitsvaga phone yacho, then chikwereti chacho unozorara hako muroom muroom mangu two days chete" akadaro kwakunditarisa ndokunditsonya ndikaseka ndichiti, "urikuda ndimbokuita here?" She laughed ndokuti, "ndazvisuwa zvawakandiita paye to be honest, unopedza bhora" ndakaseka ndichiisa food mumuromo ndikaona iye achisvipa chake chikafu chaiva aisawo mumuromo ndikati, "ko chii?" She frowned achibata muromo wake ndokuti, "chimbishi, chiri kutonhuwa ha..." Haana kupedza kutaura kwakumhanya mutoilet yemu office mangu ndikanzwa akurutsa imomo zvekuti ndakapedzisira ndamutevera kwakutanga kumurova-rova kumusana. Stay tuned. End of chapter 13.
❤️ 👍 🙏 😂 73

Comments