Ladies Talk Official🇿🇼
February 14, 2025 at 02:44 PM
*REMEDIES tichibatsiran*
*NATURAL HERBS* *AND* *FOOD* *REMEDIES*
*MUFANDICHIMUKA*
Gwenzi rinobatsira kumutsa zvipo zvako zvakaparadzwa kubva uchiri mudiki, rinobatsira kuvana vaye vane pfungwa dzakadzikira muzvidzidzo ,rinobatsira kusimudza dzimu rako kana rakatsipikwa , igwenzi zvakare rinobatsira kudzorera rudo rwapera mumba
Maitirwo nemashandisirwo munondibata
*MUFAKANYA*
Kune vanoshanda mabasa emaoko kana bizimusi ,mabasa ekutengesa ,kune vanouya wovhara basa rako kana kuti usatengerwa kunge unotengesa sewage , ndiro basa regwenzi iro kuvhura nekuchenura basa rako risamiswa nevane godo neshanje ,igwenzi risina mhiko , rinoshanda zvakare mukati memba yemukati kusungawirirano ,mashandisirwo munondibata
*CHIVHUNO*
Urimunhu anongoshorwa pese pese kana dai ukaita zvakanaka pangave pabasa
Iro igwenzi rinopa chiremera chako nekusimudzirwawo uchionekwa semunhu kwete rushoro ,mashandisirwo munondibata zvakare
*MAFUTA EHAKA*
Haka kana kuti pangolin ukaiona musango ichifamba une mhanza huru ,haionekwe nemunhu wese wese , mafuta acho anodudza hushe hwako ,kuvhura mhanza yako nemanake ,mafuta asina mhiko , mashandisirwo munondibata zvakare
*CHIFUMURO*
Gwenzi ratinoziva tose ,chifumuro chinoshanda kufumura pawarongerwa rakaipa ,kufumura hudyiswa ,kuvhura makope akavharwa , kusunungura zvakare pose pane zvikwambo kana zbidhoma kana pawakateiwa ,mashandisirwo munondibata zvakare
*MURUMANYAMA*
Sezita regwenzi iri rinoreva roga ,muviri wemunhu mutano haufanirwe kunetezeka kunge wechembere yapera basa ,muviri unoda kugwinya, kwete kufemedzeka ukangofamba kachinhambo kadiki ,muviri wemunhu ngaureruke Asi wakasimba kwete kufemera mudenga senders
*MUPEDZADUMBU*
Hero kuvarume nevakadzi ,kupedza zvimbamutekwa kukura kwedumbu iwe usina mimba, igwenzi rinoshanda kupedza dumbu ,muviri unofanirwa kurereka uye kuva muviri wawakazvarwa nawo unofitwa nezvipfeko semabudiro awakaita mudumbu raamai
*MUTANDANGOZI*
Munhu haungatakudzwe kana kudeketererwa ngozi yausina kupara ,mushonga wengozi huiripa asina kana usiwe wakauraya munhu haungaripe yausakapara ,ngozi ngaidzokere kuvene vakatsakatisa mweya usina mhosva ,mashandisirwo munondibata madziro Aya anenzeve
https://whatsapp.com/channel/0029Va9ECquGE56jlNyqPQ1K
Gogo chiremba binga 🦅
*MUKUNDANYOKA*
Nyoka inorehwa haisi yemusango ,inyoka dziya dzemudumbu dzinorehwa kududza ura hwako ,kune haha vanouya manyoka ane ropa kubuda musana kana anonzi ma piles igwenzi rinoshanda zvomene
*MUKUNDAVAROYI*
Hakuna kusina varoyi uye varoyi vanopinda check pakakiiwa nemazikii anorema , asina ungatadziswa here kurara nekufara pahupenyu hwako ,mhosva yako ndeyei ,igwenzi rokuti ukasvika pane varoyi havamuke vanokanganwa kumuka kusvika kwayedza ,havasvike pedyo newe kana kukugumha
Rinoshanda zvakawanda maringe nekukunda pane chakaipa kana paungano
*MUVHURAMHANZA*
Igwenzi rekuvhura mhanza yakaiswa munyama ,kune vane munyama uri pahuma sechitsinga ,hakuna anomboda kukuona kana kukutarisa kutanga kune wehukama kusvika kuvatorwa, isiri mhaka yako wakatoroiwa , kunyambotsvaga basa kana kuyedza kuita icho zvose zvinovira pasi wogara uchingoti wangu munyama
Mashandisirwo munondibata ndokuudzai
*FODYA YEMATARE*
Hakuna asisaizive kana uri pakufamba nerechivanhu
*CHAMBWA*
Chinoshanda kusumira kuvene venzvimbo ,chinoshanda kugadzira fodya yose yatinoona ,chinoshandiswa kuputsa mhiko dzewakaipa ,chinoshanda kushamba kana Ari matare makuru
*FODYA YEHONDO*
Hondo kududza madzudzo ,tinodzo Hondo muhupenyu hwedu Asi fodya iyi kana yakayereswa zvayo chikwapuro , mashandisirwo akawandisa maringe nedare munondibata kuseri
*MUDHOMBO*
Fodya inoonekwa kuti yakabikwa ,inoshndiswa kukumbirira kumachembere nemadziva ehuyerwa hwepasi
*GUCHU MIXED*
Iguchu rine makwenzi ose anokwana kusvika makumi maviri nematatu 23 ,makwenzi akasanganiswa anorapa zvakasiyana siyana mumuviri ,kune vasingadye ,vakaondoroka zvose zvinenge zvirimo kuitira kuumba muviri wakasimba
*KAMHANDARA*
Munhumba munodawo kuramba uri kamhandara
*WETI YEGUDO*
Gudo harirare kunze ,kunyangwe rikanopambara kure manheru rinodzoka chete pachiro parinorara ndipo pamba ,idimikira kumadzimai ,inoshanda zvakare pakudzosa zvakabiwa ichisanganiswe nemamwe makwenzi ,mashandisirwo munondibata kuseri
*WASH PIPE*
Patinosangana mudzimba pabonde apa ,kune zvirwere kana tsvina inotapuriranwa inoda kuti isukwe ,ndiyo tsvina inovhara tsinga gumisire wawane prostate cancer kuvarume kana cancer yemuchibereko kuvakadzi ,vakuru vedu vaigara vachisuka tsinga dzawo ,nhasi nezvimwe zvatoodya zvechingerengere zvinoda kusukwa zvobuda mumuviri
*MAKWENZI E CANCER MIXED*
Chirwere chapedza wakawanda hachidi kuregererwa
*MAKWENZI ANORAPA GOSORO RISINGAPERI*
Kune vanobatwa negosoro gobvu remunhu ane chikundu ,unogara unine kachigubhu kemvura kuti chiserere Asi hachiibve , gwenzi iro rinopedza gosoro kusvika rati hwaa
*SLIM BODY MIXED*
Miviri yakangofutunuka zvisina zera ndicho chikwapuro unoonda kusvika paunoda
*MAKWENZI EKURUTSA KUBURITSA DYISWA*
Kune vane hudyiswa hwakare hunonetsa nanhasi zvokugara uri murwere ,gwenzi iro rinotsvaira kuburitsa hudyiswa hwose kusara Wanaka ,kunetswa nemusoro ,kuzvimba dumbu kana makumbo kusvika pakurohwa nestroke humwe hudyiswa
*Hot body*
Muviri haufanirwe kugara wakatonhora senyoka
*Moto pabonde*
Imo mumba munoda kufarwa mazuva ose ,nhasi dzimba dzoparara nenhau iyi , hero gwenzi mufaro wauya
*ZUMBANI*
Rinoshanda zvakawandisa ,kuburitsa mhepo mumuviri ,kurapa gosoro ,kusimbisa muviri nezvimwe
*MBANDA*
Ko iwo musha unoitwa dambiro nevaroyi ,mazizi ,zvidhoma ,nyoka nemapere musha rudziiko , mbanda chikwaturo kuti zvigarire kure newe nemusha wako ,kwete kutsikirirwa mazuva ose
*
*NYASHANU ( BACK TO SENDER** )
Iri igwenzi rehondo , rinoshanda zvakanyanyisa , kudzosa mhepo kwayabva yonoita shamhu kune atumira , kusunungura midzimu kana hushavi kana zvipo zvakasungwa , kuvhura makope ,uye kubvisa munyama nerishambwa ,
Mashandisirwo munondibata kuseri
*MUBAYAMHONDORO*
Gwenzi remandorokwati. Kutanga pakushanda segwezvo , kuvhura mhanza ,kubvisa munyama ,uye kufumura zvakaipa ,kusunungura dzimu rakatsipikwa kana chipo chakatsipikwa ,rinoshanda zvakare sembanda pakudzinga zvivanda ,zvidhoma kana zvishiri , igwenzi rinoshanda kubva pamakwati ,pamudzi ,mashizha kusvika paminzwa zvichienderana nedare ,mashandisirwo munondibata kuninga
*NDIRIRI*
Gwenzi iri rinenge diki asi iguru , ndiro gwenzi rine masimba pamamwe makwenzi ose ,ndipo Saka rakanzi ndiriri ,variko vanofamba nemishonga yakashata yekuda kutyiwa ,kutora Mari ,kana kuba nemishonga ,kana kukotsiriswa ,ndiri chiororo rinopedza zvose , mashandisirwo munondibata kuseri
*SUKAVAKADZI*
Munhukadzi anenguva yokuteera kuti Ave mutano ,ukasateera mangwana hurwere kana kukura dumbu ,kurwadziva nemusana kana kuzvimba makumbo , gumisire unogona kutotadza kuzvara , sukavakadzi igwenzi rinoita zvifambe nenguva pasina dzudzo mberi , mashandisirwo munondibata henyu
*MASUNUNGURE*
GWENZI rekusunungura kana panonzi pakasungwa sei pahupenyu ,mudzimu ,mhanza ,mabasa ,kana zvipo zvako , sezita raro ndimasunungure , pakasungwa nerukati rinosunungura zvoyendeka manake
*MUCHECHENI*
GWENZI rinoburitsa vari vari muhusungwa panze ,igwenzi reminana zvokwadi ,kune vakapomerwa asi vasina kudzipara mhaka
*CHANGAMIRE*
KUNE vaya vane mudumbu munorira rira ungati mune chinofamba , ma acids kana kuti nyon'o ndicho chakwapuro chazvose
Gogo chiremba 🦅
🙏
❤️
👍
👏
💝
6