Zim Trending Gossips 🇿🇼
Zim Trending Gossips 🇿🇼
February 15, 2025 at 09:33 AM
*Kuuraya kwandakaita mukadzi wangu ndafurirwa na marwei* ini handizive kuti ndaswera here kana ndakafa nezvandakaita.2020 ndakanetsana nemukadzi wangu we 18years taroorana pamusana pekuti airamba kuenda kunobatsira amai vangu kurima kumusha saka ndakafunga kuti kumupfidzisa kuita girlfriend izvo zvakaita kuti ndidanane nemumwe mukadzi aigara muraini repaseri akanga arishamwari yemukadzi wangu infact zvakatoita tidanane patainetsana mkadzi wangu aitaurira shamwari yake masikiretsi ese emumba medu saka zvaizopindura mukadzi wangu iye aizouya ondiudza kuti mukadzi wako atoti handisi gejo kuendeswa kumusha,mumwe musi akazouya ndakagara mumota ndavanemazuva matatu ndichimudhurirwa na madam nekunyimwa bonde akasvika akandibata nhengo yangu zvakaitika zvikaitika ndopandakatoita chijairira kugara ndichirara naye.ndakazongosvotwawo naye ndobva ndakutanga kumuignowa ndikabva ndadzokera kumukadzi wangu ndikatokumbira ruregerero uya nekurwadziwa akutanga kuudza mukadzi wangu zvakaitika kare asi mukadzi wangu akanga achizviziva zvake saka paakawona kuti zvaramba kubudirira akauya kuna vadzimayi vangu ndokukumbira ruregerero vakamuregerera ndikatovatiwo konhai mazviitireiko zvikanzi ndonamata zvino chakava chijairira kuuya kumba kusvika tavakudanana zvakare izvo zvakazosvika pakuti ndivenge mudzimai wangu kusvika ndamuti chibva pano asi airamba girlfriend yakazouya nezano kuti kuna ambuya vaiva kuShamva vakati ndiuye nenhumbi yake yemukati munhu anoenda asina kutumwa zvediwo ndakamupa pant remudzimai wangu akaenda naro paakadzoka naro zvikanzi ridzorere pawakaritora ndikadaro ndini nyakutoti kumukadzi apfeke nekuti rakamufita chaizvo iye zvakatomushamisa nekumuvenga kwandakanga ndakaita mazuva iwayo kuti koizvi zvabvanekupi akaripfeka manheru iwayo akatanga kunge orasika njere achingotaura zvisinganzwisisike akazoti ochirwara manje imika imi hamuna chamakaona akungosvapuka makanda kumeso nekuzasi uku mwedzi mitatu apa girlfriend ahachabatika phone ahichaita mukadzi wangu akafa atambura vakomana imi akasiya vana vedu vatatu😭😭😭mai matwins ndinoti sorry zvako mukadzi wangu asi iwewe Sheila kwauri ikoko ziva kuti wakandibaya pamwoyo nerakagomara ruchiva rwakandisvitsa pandiri nhasi ndakusemesa munhu aitombovawo nemakombi ndangova hari yofanzirokufa;mainini vangu varimuno mugr0up ndiregerereiwo ndakatadza zvangu posta hako c0nf£ssi0ns iwe ndingakupedzere nguva nekuti inzwisa chete ndondo ndiyo yandirikuona yandisina kudoma thank you very much ndatenda
😢 😂 😭 🙏 5

Comments