PachopisaTv🔥📡Secrets & Hot🔥Confessions🫷
PachopisaTv🔥📡Secrets & Hot🔥Confessions🫷
February 4, 2025 at 07:45 PM
hide id king Tisu hedu tatumwa necompany paneimwe den kuma Red Roofs Ku malbrough kunoisa ghedhi , Mukadzi wepamba apa ainge arimunhu Ari free zvekuti plus Mai iyoyo yainyemwerera vakuru ini semunhu Aida zvemarokwe ndakabva ndatofunga kuti momz iyi pamwe iri weak coz yaiti kana uchitaura newe yaita kuswedera padyo yakakutarisa mumaziso chaimo.The following day momz yakazonditi ndiitengere mufushwa kughetto ndiivigire third day tainge tatojairana ndopandakaudza munwe mudhara wataishanda naye kuti momz iyi ndaida ndotoihwina chete mudhara uye akati hona mupfanha unitikanyira basa plus mukadzi wemunhu ndakati mudhara unongokwata mira uone isu maghetto youth tichidiwa ,break time ndakabva ndawona moms iye ichidiridza maruva iri nechekuseri kwemba ini svikei pairi svitsei shoko yakabva yati ichazondiudza mhinduro pa launch ndakafara zvikuru but zvakandinetsa kuti pa launch murume Wacho aiwanzo dzoka odyira lunch paden lunchtime ichikwana ndakabva ndawona ziprado remurume Wacho richisvika ndakatoti dai adya nekuchimbidza adzokera.mukadzi uyuaitibikira lunch mufunge takazoti tagara tose paverandah takudya zvakanzi mufunge henyu Baba Tino avo mukoma vakapfeka red overall vati vanondida mufunge ndakabva ndanzwa mukanwa kupisa musova wesadza uchidonha pasi apa ma workmates angu angonditarira manje vachiratidza kushamisika zvakanzi nababa Tino vacho mupfanha wafunga kundigara nhaka ndichirimupenyu here ndokubva vangonyarara havo ndakangoti simu semunhu arikuda kugeza maoko ini gedhi budei ndiye pote na old mazowe road ndichinopinda muna lomagundi apa ndainge ndine hovhorosi nemagumboots chete hembe nebhutsu zvasara ndakazongotanga kufamba ndichi attacker nzira yekuenda kucity center team rekubasa rakazondipicker pa greencroft randiwana ndakavagarira apa ndaneta akomana nyadzi dzinokunda rufu apa ndakagonekwa big tym
😂 😮 😢 ❤️ 👍 💔 😁 🙌 🙏 🚮 165

Comments