Tanny's Online Novels
January 18, 2025 at 07:39 PM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)*
https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox*
*🟣LOVE AND LEGACY 🟣*
https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments*
Book📚19
*App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣*
*Chapter Two*
*Mirikano*
Patakasvika pamba pacho tichivhurirwa door mbuya vangu vakabva wati
"Eho Katsito ndauya naye muzukuru wangu ".
Ini sezvo ndainge ndarairwa tsika ndakabva ndatopfugama pasi chaipo ndoti
"Makadii ambuya " .
Vakagadzirisa pahuro pawo
"Haiwa simuka mwanangu izvozvi unozviita kana zvikomana izvi zviripo tiri tega pano kudai so ndiri bhururu wako sandizvo here Mambakwe aiwa chakanaka chimuzukuru chako ".
Mbuya wangu vakaseka woti
"Zvese zvakanaka vasahwira vherifaidhi vakachena " .
Vakasekedzana hawo vachitaura nyaya dzawo dzemachembere.
"Dzedu nambuya wako hadziperi chihande ndinokuisa kuroom kwauchange uchigara uri kusvika ndaona kuti nhinhi idzi dzinoti kudii asi sekuru wawo anovagona chete ".
Vakadaro wotora bag rangu.
Zita rekuti Katsito rinenge rakabva pakuti iwo vainge vakati ndoo zvemashuwa shuwa kuita tsubvu yasvika yakanunira chaiko.
Ndakafamba ndoenda kuroom kwavanga vachinditungamirira vachienda .
Mainge makanaka zvomene mune mubhedha mukuru ,mbuya vangu vakabva vandigadza ziso randakaona ndega kuti raireva kuti usambozviedza hako kurara nekutunda mutundo wepikerere zvino pasi pacho handiti ndaingotunda here.
Manheru ndinombozama kumuka ndichiita muchibhaketi asi ndinongomuka magumbeze ese atota hameno kuti zvinombonyatsofamba sei chaizvo.
"Ndimo muno mwanangu chigeza nekuti apa tichaenda kunoona sekuru wako kuchipatara uko vanoda kukuona " .
"Zvakanakai ambuya ".
Ndakadaro ndichityora muzura ndikaona Mambakwe achiti sharp hayii zvambuya wangu so !!
Zvese izvi ndainge ndarairwa nezuva rimwe chete bedzi.
Ndakabudisa taura rangu nyowani rainge rauya naiwo mbuya ndichibva ndapinda mubathroom nekuti yaingova imo mukati.
Ini ndanga ndajaira yokwedu kumusha kwaChendambuya.
Mushower macho ndakatadza kuzvishandisa zvinhu kwakubva ndapinda hangu mubhavhu ndichivhurira mvura yangu.
Ndaisava netsvina sezvo ndainge ndakaitwa operation muramba tsvina naMambakwe.
Ndichipedza ndakabuda hangu ndisina kupfeka ndichibva ndapfekera rokwe rangu rakareba kwazvo mubedroom nekubhurasha tubvudzi twainge twatadzikwa kubatwa pakuruka nambuya wangu.
Ndaisaita zvemakeup asi ndakazora kemufa yangu yakasiya chiso changu chichiyewedza.
Pandainge ndapedza mbuya wangu vakapinda ndokubva varova pamubhedha padivi nawo kuti ndigare nawo.
"Vamuonaka Katsito .Ehe vakasviba kuti zviii ungati chigutsa chararira kupfutwa pasowe " .
Ndakabva ndatanga hangu kuseka .
"Gegegege vakasviba vamuona seyi ,hayii asi moyo wake muchena chena kwazvo asi haadi zvisina basa zvese zvandakurairidza ndizvo ita Mirikano zvimwe unogona kuita raki rako ukazotichengeta ndiwe.
Marondera yose ndinosekwa kuti ndiri house geroo zvino iwe muzukuru wangu ndiwe uchandichengeta kana ukaterera mirairo yangu iyi ine gumi.
Chiterera apa tichaenda kuchipatara.
Svika kupfugama worereka musoro wokwazisa Edha mukuru usamuringe kumeso hwiiba ita hunhu hwako hwakanaka.Pausina kunzi taura nyarara !!
Pavanzi taura ,taura zvine hunyoro mukati ,mbuya wako ndiani ".
"Mambakwe ..".
"Umm eeh gudhu geroo rokwe iri ndakaritenga mubhotiki hanzi rinopfekwa nemhenya dzoga dzoga ".
Ndaitoda kuseka asi vakabva wati
"Rinopfekwa nevanhu vakazvibata sewe.Iri gumbo rako rinoonekwa ngemwamuna wako basi muno mudhanduru asi muno uri kungogara hako hameno uchanopinda mani pakati pevakomana awa asi moyo wangu unoda hawo Edha unondipa rukudzo chairwo.Haatarise kuti ndiri mushandi pano uchanomuona mberi kana kudzoka uchimuona pano chirega ndikupe chikafu fokoro and naifi unozvigona here ?? Hohodo kukundwa nambuya wako chembere ino zvisinei unodya nemaoko wobva vanyatsakundinyadzisa hako ".
Ndakabva ndatanga futi kuseka.
"Fokoro and naifi zvandinozivira kupi mbuya makadii kundidzidzisa ".
"Paunodzoka ndobva ndakudzidzisa nekuti pano ndinodhishira vanhu patebhuro imwe chete ndipo pamunodyira ipapo uzovhare muromo Mirikano ".
Ndiyo yainge iri imwe nyaya ndanga ndajaira kungogagadura ndiri ndega kungokirasha ndakavhura muromo wangu.
Bamudiki wangu Petros vaimbocomplainer asi ndaisachinja sekuti ndizvo zvinhu zvandainge ndatojaira hangu.
Zvisinei ndakabuda nambuya wangu kuenda kutebhuro kwavainge vandiisira chikafu.
Ndakagara hangu ndichibva ndatanga kudya.
"Heshi ...".
Kakadaro kamwe kamwana kakomana .
Ndakashaya kuti kainge kabva nekupi.
Ini zvangu vana ndaivafarira saka ndakabva ndakasimudza ndichibva ndakati
"Heshikani shamwari yangu unonzani iwewe ".
Kakabva katanga hako kuseka.
Ndakanzwa voice rechikadzi raiseka kumashure kwangu.
Vanenge vaiva mai wacho.
"Haagone kutaura shona uyu anogona kuti heshi chete ,makadii zvenyu ".
Ndakati "Ndinofara zvangu makadii ".
"Ndiri right zvangu regedzai ndimutore ndanzwa kuti muri kuda kunoona big dhara kuhospital ".
"Aah muregei ndimupe hangu chikafu ari kuita sekuti ane nzara ".
"Ndizvo zvaanoita Adrian haadi kuona munhu anenge akutoti ndawana shamwari yangu ipapa ".
Mbuya Katsito vakabva vauya vakaisa kahandbag kawo pahapwa keruvara rweshato.
"Giselle uyu ndiMirikano ndiye atowa maiguru wako handiti uri kuziva sekuru wako havasi kunzwa mushe.muroora uyu ndiGiselle hanzvadzi yevakomana iwawa anogara hake pano pamwe nesu ".
Ini ndakabva ndati
"Ndafara nekukuzivai tete ,chiregei henyu ndipakise muzukuru wangu uyu musamutora ".
Vakati horaiti ndobva ndaita chimbi chimbi kudya kwacho ndichipakisawo mwana.
Patakapedza pandaida kumuendesa pana mhamha wake vainge vakuona tv akabva aramba mbuya wake vakati regai tiende naye.
"Kungofarirwa chete nemunhu Adrian haazomusiye munhu iyeye.Ava kutobhohwekana kuswera akavharirwa namai wake mumba vanenge vachingochema.
Vainge varoorwa nemukorore wekwa JJ waya vanoita zvezvigonyeti zvino vakatsikwa netrain Amerika saka rava gore asi haasati ahealer.
Tatsvaga nasekuru wacho vanhu vanomubatsira asi zvaramba hazvo aaah vana wedu awa ..".
Vakadaro tichipinda mumota .Iwo ndiwo vaidriver saka ini ndakagara kumashure ndakagarisa Adrian pamakumbo Mambakwe ari padivi.
Patakasvika pachipatara wese vakasara panze ini ndichibva ndapinda muroom mainge muna sekuru Mukumba.
Ndakapinda wane varume vaviri ainge akapfeka suit yeblack neshirt yacho yewhite neumwe anga akapfeka hake hembe dzemhando chaidzo.
Ndakavakwazisa wose ndichibva ndanzi ndigare pacheya.
Ndainyatsoona hangu kuti mbuya wangu dzainge dziri shungu hadzo asi apa ndaisaqualifaya nekuti vazukuru wacho wese zvawo ndanga ndisina chidanho chimwe nawo.
Senge vaviri wekutanga Edina naEdmore ndakanyatsa kuona kuti apa ndadzva mudodo chaiwo.
Senge pandakanzi kuita kunge chembere ya1980 ndaitoda kuseka hangu .
Havaitadza kudaro nekuti dhurezi remubhotiki rambuya wangu iri was not bhotiking at all !!!
"Please go outside munogona kugara panze will tell you kuti vava kunzwa sei please ".
Akadaro doctor wacho achikumbira Edha kuti tibude.
Iwo sekuru vainge vangovhara maziso awo misodzi ichibuda nemumakona maoko awo vakamaisa pamusoro peangu neaEdha.
Iye Edha akakwidzira madzihwa mbijana ndobva ati
"Fine but lm not going anyway ndiri panze ".
Akabva afamba achibuda ,ini ndakatewerawo kumashure kwake.
Katsito naMambakwe vanenge vainge vatoenda nekuti mota yawo handina kuiona.
Kubva ipapa kudzoka kumba kwandainge ndabva ndaisaziva nzira saka ndakabva ndangogara padivi pabhenji naye Edha ainge arereka musoro wake pasi akabatanidza maoko ake.
Ndaisaziva kuti ndoti kudii saka ndakati
"Umm !! Umm !!! "
Ndichigadzirisa pahuro pangu.
Iye akabva asimudza musoro wake ndobva ati "Mother kwakanaka ".
Matauriro aakaita akaita kuti ndiseke ndobva ndati
"Ndinonzi Mirikano ".
Akabva aseka zvishoma ndobva ati "Vanga uchida kuti chii ".
Panguva idzi nguva dzacho kwainge kwakutonhora saka ndainge ndotonhorwa .
"Ndiri kutonhorwa "
Iye anga asina juzi kwaiva kutaura kwekuti andiperekedzewo kumba .
"Manje ini handina juzi unogara kupi ".
Ndakamuti
"Kumba kwenyu ".
Akanditarisa ndobva ati
"Mother ".
Apa ini ndakabva ndamuti
"father ".
Iye akabva aseka zvishoma.Ainge akanaka hake uye aine ndebvu dzayiyewedza chose nemiromo yainge yakanaka kwazvo zvekuti apa ndakamboramba ndakamutarisa hangu.
Mother !!!
Akandidaro ndavarairwa hangu ndakamuti
"Emm eeh father ndiri kutonhorwa ".
"Apa ini handisi kudzoka kumba mira tone kuti Edina kana Edmore pane anouya here woenda nawo kumba kwacho ".
Ndichifunga kusekwa kwandainge ndaitwa nawo vakomana iwawo ndakamuti
"Handichatonhorwe toenda tese kumba kwacho ".
"Mangwana ".
"Ehe ".
Akabva aramba akanyarara ende panze ipapo takambopagara doctor vachibva vazobuda hawo vakati sekuru vava nani pane zvidiki diki zvainge zvaitika.
"Can we see him ".
"Sure ".
Ndakamutewera kuenda kuroom kwawo sekuru wacho.
Vanga vaiswa bandage paruoko hameno vainge vaisirwei.
"Edha ".
Vakadaro vachiita kuti vanyatse kugara zvakanaka.Iye Edha wacho ndiye akazovabatsira.
Vakati "vazoti kudii muzukuru wangu vaonaka kuti ndabva ndaita zvakanaka ".
Edha wacho akabva ati
"Its okay sekuru mukadzi ndotora ".
Vakamboramba vakanyarara wobva wati
"Vazvipira here Edha ".
"Chero zvamunoda kuti ndiite ndinoita sekuru handina option ".
Vakasekerera hawo vakanditarisa ini hapana chandakataura iwo vakati
"Chienda kumba neumwe wako ndinouya mangwana " .
Takabva tabuda hedu ende patakasvika panze pacho pane musikana akadzika mumota make achibva auya kunomira pamberi paEdha achida kumumbundira asi Edha wacho akanditarisa kwakusudurukira padivi.
"Edha !!! .."
Iye akati "Amelia please ndiri kuda kuenda kunozorora ".
Amelia wacho akati
"What about my money for my girl's trip yandataura ".
"Wati marii ".
"Ndati tiri kuenda kuBahamas saka ukandipa mari inokwana 15k inenge iri nani ".
"Kumusha kwenyu ndekupi Amelia ".
Akabva aseka zvishoma ndobva ati
"Ofcourse kuMasvingo kaa ".
"Ukasvika parank unongokwira chero bhazi rakanzi Mukumba 15k iyoyo ndinoenda ndikanoroora muchato unoita mukurumbira are you serious shaa handina mari yese iyoyo yekutenga malunch ema5 dhorazi ehe kwete 15k ndiri boyfriend kwete murume wako.
Unonditsvaga time time ".
Akadaro akuvhura mota kuti ndipinde.
Amelia wacho akabata door ndobva ati
"Ko uyu ndiani ".
Akangonzi "ndiMother ,mother pindai tone ".
Ini ndakapinda hangu mumota ndakanyarara asi ndine kamwe kakurwadziwa kandainge ndaita.
Edha wacho vaisava mushoma aiwa murume akakwana chaiye.
Akapinda achibva adriver kudzoka kumba.
Muroad mese hapana akataura neumwe.
Tichisvika kumba Addie akabva amhanyira sekuru wake ende vamwe vakomana vainge vatowapo pamba mbuya wangu vainge vakapfeka apron yawo.
Ndakafamba ndikaenda kunopfugama pana mbuya Katsito vakati
"Mavasiya vari sei sekuru "
"Vava nani hawo wati vanouya mangwana ".
Vakati "horaiti mwanangu chienda hako unozorora asi mira tone ...Edha svika pano ".
Edha wacho anga ava busy kutamba naAddie.
"Mukadzi ".
Ndizvo zvaakaita mbuya wake .
Iwo vakaseka hawo vakati
"Vatauriranaka nasekuru wako saka ari kubva apinda imo mumba mako usandibvunza mibvunzo yakawanda zvinhu zvake zvaiswa imo muroom mako ".
Iye akati "Hamusi muri kundimhanyira kumberi here gogo ".
Iwo vakati "Sekuru wako havasi benzi handidi kunzwa zvinhu zvaitika ikoko zvichitaurika pano pamba ".
Akangoti horaiti ndobva afamba achienda kuroom kwake.
Ini ndakaenda kukitchen kwainge kuna mbuya wangu.
"Zvafamba hazvo zvakanaka ..".
Vakadaro vachibudisa nyama muchitofu .
"Mbuya ndiri kutya mufunge henyu vanhu awa wane vanhu wawoka apa abvuma ndiEdha asi ndezvekumanikidza ".
Iwo vakati
"Ndizvo zvazvinotanga zviri enda unomuisira mvura yekugeza ndiri kuisa chikafu patebhuro ".
Ndakabva ndafamba ndobva ndabuda kuenda kuroom kwaEdha kwacho.
Ndakaita zvekuperekedzwa naAddie.
Ndakavhura door iye anga akarara pamubhedha akatarisa mudenga makumbo ake akatsika pasi.
Ndakavhara door ndobva ndaenda kubathroom kwake ndobva ndaisa mvura mubhavhu.
Ndakatora towel rake ndobva ndaisa paside.
Ndakadzoka ndichibva ndamukumura bhutsu ndipo paakamuka ipapo.
"Mother muri kuitei "
"Father ndiri kukubvisai bhutsu ndaisa mvura yekugeza "
Akamuka ndobva anditarisa ini ndainge ndakakotama pasi.
Akaita kunditarisa neside eye ndobva ati
"Thanks ".
Ndobva asimuka achienda kubhavhu kwacho.
Ini ndakabva ndagara hangu ndichimumirira kubuda kwake.
Akambotora nguva achigeza ndobva azobuda akasungira towel.
"Ndokubudisirai hembe dzakaita sei ".
"Mati munonzani mother "
"Mirikano ".
"Hooky Mirikano ini zvinhu zvangu ndoita ndega. Handiti vaona musikana uya ndiye munhu wangu.Apa ndangobvuma kuti sekuru vangu vapore vakura saka havachazive zvavari kuita.
Iwewe unenge vangounzwa pano asi hausi kuzvifarirawo handiti ".
Ndakamuti
"Kunyangwe ndikasazvifarira asi ndati ndikubudisirei hembe dzipi manje manje munenge makudiwa kutebhuro uko "
Akabva aseka hake ndobva ati "They want to kill me before my time ndiri kuzviona.Ndipe bottom reblack netshirt yemeruni ".
Ndakamuti "horaiti ".
Ndakavhura wardrobe ndichibva ndatsvaga hembe dzacho ndobva ndamupa .
"Mother "
"Mhaa .."
"Asi ndiri kupfeka zvakadaro handina chinhu mukati umu ".
"Ndomawana kupi amuri kuda acho ".
Akandinongedzera drawer ndichibva ndatora boxer imomo ndobva ndamupa.
Akaseka hake ndobva ndabuda hangu.
Ndakaenda kukitchen ndichida kubatsira mbuya wangu asi iwo vakaramba.
Mbuya wangu vakura asi basa rawo vanorikoshesa zvakanyanya.
Ndakanogara patable.
Vanhu wese vanga vari busy nemaphone awo.
Paakauya Edha aida kugara kune mabrothers ake asi akanzi nambuya Katsito
"Hausati vafa zvekuti anogara ega padivi pake pasina munhu ".
Mabrothers ake akaseka ndobva ati
"Ini ndatoona kuti iyi itrap a weapon formed against us ,l reject it in Jesus name ".
NdiEdina akadaro zvakaita kuti ini ndiseke hangu.
Mbuya vakati "Vasiye muzukuru wangu havana meso awa Edha gara padivi naye tone".
Akabva auya achigara paside pangu.
Vakabva vatanga hawo kutaura nyaya dzebhora kusvika mbuya vauya nechikafu.
Ini changu chaiwe chishoma iyi yaitowa punishment chaiyo.
Raiva rice nenyama yehuku ine cabbage rine kirimu.
Ini ndaisarifarira hangu.
Addie akanamata vanhu wobva vatanga kudya.
Ini ndaidya zvishoma ndichiedza kuti ndisaitire vanhu noise .Handina kuchipedza ini ndakachidzosa kukitchen hangu .
Pandakabva ndasuka maplates anga ari ikoko ndobva ndazobuda ndichienda kuroom kwangu.
Ndakasvika Edha asati auya.
Ndakaenda kunoita weti ndichibva ndadzoka ndichirara pamubhedha.
Iye Edha wacho akazouya ndobva ati
"Swedera uko uyu mubhedha wanguka uyu mother ".
Ini ndakamuka ndichigara ndobva ndati
"Hapana mamwe magumbeze here ndirare pasi "
Kwaiva kutiza kufuma ndakaita weti.
Iye akati "Hapana handiti vabvuma uchinzi vava mukadzi wangu.Mbuya wangu vanogona kupfuura nemuno saka tinorara tese pano asi hapana zvatinoita ".
Ndakamuti "ehoi ".
Ndobva atora phone yake ndobva atanga kuyibaya baya.
Ini ndakasvika hangu pakurara aripo paphone pake ipapo.
Nekunakidza kwayiita pamubhedha pacho kurara handina kana kumuka iyo weti yacho ndinenge ndakaichochodza rutatu rutatu nekuti pandakamuka ndainge ndiri nyakata uye rimwe side rebottom raEdha ndainge ndaritundira futi .
Ndaida kumuka kuti ndinogeza asi iye Edha akabva atendeuka achinditarisa .Akabata paside pake ndobva abata futi pandainge ndakarara ruoko rwake rwakabva rwatota nekuti sheet racho rainge ranwira haro mutundo.
*Stay tuned*
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
🎉
💖
💙
💚
871