
Tanny's Online Novels
January 20, 2025 at 01:34 PM
WRITTEN BY MASIBANDA MAMA DELPHY
BOOK 📚📚📖📖 38
USASARE PAMABOOK AMASIBANDA MAMA DELPHY PINDA MUCHANNEL LINK NDIMO MAUNOWANA ESE MABOOK AMAMA DELPHY
HANDIPE BOOK INBOX 📥 SAKA GARA WAPINDA MUCHANNEL LINK BELOW 👇👇⬇️⬇️⬇️
https://whatsapp.com/channel/0029VaLIqqb9Gv7LfU7HwR1j
📖 READ @ COMMENT 📚 📚 AND SHARE
CHAPTER 1
DANAI
Hana yakarova ndichiona mota yadaddy ichisvika pagate apa ndaive ndakamira pagate ndiine mukomana we young sister yangu Felistus . Ndaive ndatumwa naiye Felie Kuti ndimbotaura naye iye achipedza kugeza . Ndakada Kuti ndifambe ndimhanye kunopinda mugate but it was too late mama vaive vatodzikisa window remota vachibva vati
" Usatize hako ndakuona"
Ndakabva ndangomira uku ndakubvunda munoziva Mai vasiri vako treatment yandaipihwa pamba pacho yaive yakatosiyana neyaFelistus . Mai vangu vaive vakapihwa nhumbu nadaddy vangu vakarambwa nekuda kwastep mother vangu ivava ndokuzozvigarira havo vega kusvika ndazvarwa till ndane 2 yrs ndipo pandakazotorwa nadaddy vangu ndakugara navo nastepmother vangu ivava . Saka inini naFelie taive vesame year but ndaive mukuru ne9 months. Mushure maFelie maive nemukomana brother yedu anonzi Junior aive akapihwa zita radaddy .
"Ndozvaunoita nhai Kuti tikabuda wakusara uchiuyisa vakomana pamba . Hunhu rudzii hwaunoita nhai Danai ? Ndiwe wandinoti muhombe pano pamba ,chii chauri kudzidzisa ana Felie huh ?"
Vakadaro mama vachangodzika mumota uku vaita kutsvukisa maziso vaita kufuta nehasha .
"Mama no haasi mukomana wa___"
Handina kupedza ndaive ndapihwa mbama iri strong zvekuti ndakaita kuona nyeredzi masikati kupenya kuti n'ai.
" Shut up wanzwa ,uchativigira mbavha pano zvino nhasi uchaona Kuti chero daddy havasi kuzokusekerera "
Daddy vaive vasvikawo pandaive vachibva vati
" Saka ichokwadi chandinonzwa kuti unouyisa vakomana pano kana tisipo hanty ? Ndakanzwa nyaya dzako dzakawandisa Danai ,ndaikurambira but nhasi ndazvionera Kuti urimbwa nyoro . Ndiani uyu ?"
Vakataura vachinongedzera Denzel ,iye Denzel wacho achibva ati
" Makadii mama nadaddy "
Daddy vakaseka vakati
" Young man unoona ndiri baba vako here inini huh ? Urikuitei pamba pangu ?"
Vaive vakutosimudza ruoko rwavo kuda kumurova ndikati
"Daddy mirai ndikuudzei , Denzel mukomana wa___"
Ndakangamiwa naFelie aive abuda gate achibva ati
" Ko ingovaudza chokwadi Kuti he's your boyfriend zvine basa reyii nhai Sisi Dani. "
Munoziva ndakapererwa chero naiye Denzel akavhunduka kwakutarisa Felie akati
" Felie watii ?"
Achibva ati
" Ko zvinebasa reyii kutaura chokwadi nhai Denzel "
Mama vachibva vati
" Daddy ndakakuudzai kuti uyu Mwana wenyu arikuita nhumbu pano makatarisa.lkozvino maneighbour anoona akamira nemukomana pagate anotii ? Ini handidi kusvibisirwa pamba pachinzi pamba pemahure . Danai ngaabve pano anogara nemunhu wake vanonyatsopedza shungu ikoko not pagate pangu . Haana chaanodzidzisa vadiki kwaari Mwana wenyu uyu . Zvaita zvakanaka Kuti tese tamuona saka ngavaende havo pano hapasi paguest house pekuitirwa chihure "
Ndakatanga kunzwa musodzi yazara mumaziso zvekuti kuti ndidaire ndakashaiwa simba. Ndaitarisira kuti baba vangu vachabvunzawo zvakanaka kuti ndiani ndovaudza. Felistus aive andishamisa kuti sei akuramba mukomana wake pachena achiti ndewangu. Chero kuri kutya kuti daddy vanorova aidai asina kuramba mukomana wake achiti ndewangu.
" l think you're right Mai Felie , Danai ngaabve nemunhu wake pano handichada kuona tsoka yake pamba pangu. Munhu akamirira maresults eform 6 akundiitira mashura akadai ,no ngaabve pano "
Vakadaro daddy vakarova serious zvekuti ndakatanga kuchema
" Hapana chaunochema apa unoda kuita samai vakamitiswa ndizvoka ?"
Mashoko avo mama akandibaya pamoyo chaipo ndakufunga Kuti ndivo vakakonzeresa kuti Mai vangu varambwe nadaddy vachizotorwa ivo .
" Pamusoroi daddy ndokumbirawo kumbotaura nemi paside "
Akadaro Denzel akatarisa daddy akazvirereka ,mama vakati
"Unoda kutaura kutii navo ? Why usina hunhu unofunga kuti ungavanyepere zvinhu zviripachena . Torana nemunhu wako ubve pano wanzwa ? Unoda ndikudeedzere police here kuti mbavha kana uchida kuti zvikunakire toranai mubve pano. Iwewe Felie pinda mugate uvhure gate we're tired tirikuda kuzorora, daddy pinzai mota mugate uyu tatopedza naye "
Daddy vakandipa ziso vachibva varidza tsamwa kwakufuratira vachinopinda mumota. Felie akavhura gate mota ikapinda ,mama vachibva vanditarisa vakati
" Ndikuone gumbo rako mugate mangu uone zvandinokuita Mwana wehure "
Ndakachema zvekuti ndakanzwa shungu mandiri. Vakabhidhaira vachipinda mugate mama kwakuvhara ndikanzwa vakutoseka naFelie vachienda mumba .
Denzel akazunguza musoro akanditarisa achibva ati
" Soo she's not your mother right?"
Ndakagutsurira musoro uku ndichingochema achibva ati
" Sorry ndini ndakukanganisira dai ndaziva kuti ndizvo zvichaitika ndisina kuuya kuno. Ndaifunga kuti munin'ina wako anondida but nhasi andiratidza kuti haandide . Why aita zvaaita kwauri ,Inga ndiye akuti sara uchitaura neni anoda kumbogeza . Why ati ndirimukomana wako ndarwadziwa unoziva friend yangu aindiudza kuti pana Felie you're wasting your time nhasi ndagutsikana. "
Handina kudaira ndaive ndakungochema , achibva ambonyararawo kwekanguva akazoti
" Let's go "
Ndakamutarisa ndikati
" Kuendepi newe ?"
Akati
" Danai handingakusiye pano nezvandaona , zviripachena kuti Mai ava havakude vanga vachishaya way yekukudzinga nayo pamba pavo . Saka handei zvakawanda tinozotaura usisacheme"
Ndakamboda kuramba asi neshungu dzandainzwa ndakaona kuti better kutomboenda kure pamwe ndinganzwe zvakanaka. Denzel aive asiya mota yake kumashops arikudhuze nekumba kwedu saka takafamba tichienda ikoko. Muroad ndaingochema zvekuti vese vaindiona vaitoshaya kuti ndaichemeyi.
Takasvika pamashops akavhura mota tikapinda akamutsa mota akangonyarara. Ndaisaziva Kuti arikufungei nekuti aingotura mafemo all the way. Pfungwa dzangu dzaive kure zvekuti ndakazovhunduka akuti
" Tasvika ngatidzike"
Ndipo pandakavhunduka ndichisimudza musoro kwakuona takatomira muyard yaive nemba hombe.
" Tasvika pamba pedu Danai ngatidzike tione kuti todii nenyaya iyi "
He said achibvisa seat belt achibva anditarisa ndakatura befu ndikati
" Vabereki vako unovati chii nhai Denzel?"
Akambonyarara akazoti
" Vabereki vangu havapo vakaenda kumusha vanodzoka nextweek tinenge tatopedza nyaya dzese"
Ndakangomutarisa kwakuvhura door remota ndikaburuka.
Takafamba tichipinda mumba iye aripamberi pangu. Takapinda musitting achibva ati
" Gara zvako pacouch apa ndirikuuya"
Achibva afamba kuenda kuroom yekumberi. Ndakagara ndichingobuda musodzi . Ndaive ndasiya fon kumba zvekuti dai ndaive nefon pamwe ndaikwanisa kufonera mama vangu ndavaudza situation yandiri. Mai vangu vanogara kusouth ndokwavanoshanda.
Ndakanzwa Denzel aripafon achiita kupopota ndikaziva kuti aive Felistus waaitaura naye . Ndakanzwa akuti
" Why are you calling me after what you did huh ? "
Zvaakapindurwa handina kuzvinzwa ndikanzwa akuti
" It's over , don't call me urimbwa yemunhu iwewe namai vako "
Achibva atokata call yacho , akauya musitting mandaive achibva ati
" Munin'ina wako arikundifonera hanzi sorry Denzel ndaive ndapererwa kuti ndotii kunadaddy. Saka ngatitaurirane kundiita toy rake inini "
Handina kudaira ndakaramba ndakanyarara achibva ati
" Ndokupa chii chauri kuda kudya ?"
Ndakazunguza musoro ndaisatoda chero kudya kwacho
" Ndokumbirawo kuti utaure naFelie upihwe fon yangu l want to call my mother"
Ndakadaro uku ndichipukuta musodzi achibva ati
" Sorry l deleted her number l blocked her kwese handidi kumuona muhupenyu hwangu futi , you can use my fon kana uchidziziva nemusoro number dzamama dzacho"
Ndaisadziziva nemusoro saka ndakabva ndangopererwa ndikati
" Handidzizive nemusoro l think rega ndidzoke kumba kana vachiuraya ngavandiuraye havo "
Akazunguza musoro akati
" No haudzoke kumba ikoko kwawadzingwa . I will make a plan don't worry. Unoziva mudhara wako andibhohwa kuitiswa nemukadzi zvekuti unodzinga Mwana wako . Mudhara wako anenge akadyiswa zvaaita paye zvandibhohwa. Kana uchiramba kudya unoda ndidii nhai Danai?
Ndakazunguza musoro uku ndakutosimuka
" Rega ndiende kumba kana vakandirova it's fine . Ndinoda kuona Felie nditaure naye anofanirwa kuudza daddy chokwadi. Ndaneta nekungopomerwa nyaya dzandisina kuita. Kana vasisandide it's better ndiende kuna Mai vangu havambondirambe . "
Akandibata ruoko achibva ati
"No Danai mira ndine zvandafunga , trust me ndipe nguva ndione kuti zvandafunga zvinoita here ,gara pasi ndiri kuuya "
Akandigarisa pasi achibva atotora makey ake emota achibva abuda.
Ndakangosara ndakatuzura mumba mevanhu ndaisaziva kuti Denzel aive achifungei .
End of chapter 1
Kuti unzwe zvizere mubook iri just join this Channel link
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
🚮
62