Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
January 21, 2025 at 10:35 AM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* *🟣LOVE AND LEGACY 🟣* https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚19 *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Five* Mirikano "Ndafunga kuti vaenda nagogo ko masarirei nhai mother ". Akadaro Edha ndakatoona kuti yaiwa way yekuda kundidzikisa mumota iyoyo zvino mumota make mainakidza kugara umu ndaida kudzika kunokwadziwa mubhazi here. Ndakabva ndaramba ndakanyarara. "Ndiri kutaura nemi ". Ndakagadzirisa pahuro pangu ndobva ndati "Ndanzi ndiuye ndigare muno mumota ". Ameriya wacho akabva ada kundizvuva nedhurezi rangu ndichibva ndamuti paaa !! mbama padama rake. "Rakadhuraka dhurezi rauri kudhonza iri sichupeti wemunhu ,father ndinoda kunobika mberiyo pindai mumota tiende.Kana achida kuendawo ngaajegeree kumashure ini pandagara handisimuke nekuti ndini ndatanga kuuya kuzogara muno ,gumbo rangu raminyuka futi handichagone kufamba ini ". Vakaisa bag kumashure ndobva wati "Nderipi gumbo racho raminyuka ". Vakadaro ini ndichibva ndavasimudzira gumbo rangu rekurudyi ndobva varibata. Ameriya akabva ati "Edha you are not serious ndarohwa and you did nothing about it really !!! Apa uri kubata gumbo rake in my presence are you serious iwewe ". Aida kumubvisa pandiri ndichibva ndati ruoko rwake irworwo paaa !! kambama. "Ndiri kudzimbikana siya ndigadziriswe ayii !!! ". Ndakadaro ndotarisa kumberi ndoteramira maoko afather. Yoowe ndakazoribvisa gumbo racho mumaoko mawo ndava kunzwa muviri kusosonyiwa chaiko.Chiiko chakadaro . Iye akabva aseka hake ndobva ati "Akwara uyu gara kumashure kana kuti enda unojegera mumota maEdina umo ". Akaridza tsamwa Ameriya wacho achinovhura door rekumashure kwakubva agara hake. Ini ndakabva ndaisa seat bheruti rangu ndaitonzwa kunyara chaiko kutarisa father maoko awo aya ane habhurakadhabhura chaiyo. Vakasimudza mota yawo kubva pamba . Muroad mese ndainge ndakanyarara zvangu.Ameriya anga achiseka akatarisa paphone pake akagara kumashure. Father vaipota vachimutarisa nepagirazi remudenga kuti ari kunyanya kunakidzwa neyi vamwe vari pakuchema. Ndainge ndakunzwa weti patainge tabuda muHarare tava muMsasa kuti ndiudze father nemhanyisiro yavanga vachiita mota ndakaona kuri kuvanetsa asi ndainge ndapreswa chaiko. Ndakatanga kusunga makumbo angu kuti isabude.Chokwadi husiku ndotunda rakajeka ndotundazve here .Hee Mirikano uri kuda kunyadzisa father here iwewe heyee !!! "Kwakanaka here mother.."vakadaro father vachiredusa sipidi yawo. "Ndiri kunzwa weti ". Akabva aseka zvishoma ndobva ati "Mira tisvike pastation yepamberi apo ndipo paunobva vaitira ipapo ". Vakadaro hawo asi tumadonhwe twainge twava kudzika pabhurukwa rangu. Apa ndainge ndakapfeka retutambo utwu .Mbuya wangu vainge vanditengera mabhurukwa matsva anga ari fani fani so. Dai zvaiva zvimawater purufu zvangu zvimazadza dama zviya ndaiziva kuti rinombonwira risati rachururudza pasi. Ndakangoti "ehoi ".ndokubva ndanyarara hangu. Yanga yangowa do !! do !! ndaiita tutsvoti svoti ndaida kudii ini ndanga ndapresiwa. Patakazosvika pastation pacho ndakangodzika ndakaguma kunopinda muchimbudzi asi ndakaweta ishoma sezvo izhinji ndainge ndati tsvoti tsoti ndakagara.Kainge katotota katambo kacho ndakakurura ndoisa muhomwe nekuti kainge kakundiswinya chaiko. Pandakadzoka father vanga vachinetsana nechirungu naAmeriya handina hangu kuchiisa mumusoro chirungu chacho. Mota yakasimudzwa takananga kwaGandanzara.Ndangokunzwa asi ndaisaziva hangu kuti kupi chaiko asi ndofunga kwaiva kudivi rekuBonda . Patakasvika muMarondera father vakati dzikai ndikutengerei chikafu. Ameriya akatora zvimachips ini ndakaenda kuside rinobikwa ndichibva ndatora hangu sadza rangu ndobva ndatorera father rice nebhinzi nekuti iwo handina kuona vachitora zvinhu. Ndiwo vakabhadhara kwakudzoka kumota kwedu. "Ko vamboti gumbo raminyuka apa vafamba sei ". "Rava nani ". Akaridza tsamwa ndobva atanga kudya machips ake. Ndakavhura chikafu chaEdha ndobva ndati "sezvo pane nguva musina kudya ndokupakai muchidriver ". Akati "Handiti vatenga chikafu chako here idya ndiri bho ". Ndakamuti "ndatenga chedu tiri vaviri ndakutengerai rice nebhinzi izvi ". Vakanditarisa ndokuti "Thanks ". Ndakabva ndatanga kuvapakisa vachidriver. Ameriya hapana chaakataura nekuti anga ari tsiki tsiki nephone yake. "Oyii mvura iyi munwe ". Akaseka hake Edha wacho ndobva atambira kagubhu kwakutanga hake kunwa. Ini ndakadhinda sadza rangu ndichibva ndanwa mvura ndogeba ndobva ndabatwa nehope ndakarara kudaro. Pandakazomuka hapeno kuti tainge tawa kupi nekuti father vanga vachimhanyisa mota. Mainge matowa mudhasiti road . Handina hangu kubvunza asi kunze kwainge kodoka hako. Mumugwagwa takatanga kuona vanhu vakawanda vaifamba vainge wane mabag ndakaona kuti tainge tasvika kwaGandanzara kwacho. Ameriya anga atorarawo. "Asi tasvika here ". Ndakabva ndanzi "Ani ". Ndakaramba hangu ndakanyarara iye ndobva asekerera akanditarisa ndobva azoti "Yaa tasvika ndiko kumusha kwedu kuno.Mawandire akaita vanhu aya handizivi kuti kune chikafu chakawanda here kumberi ikoku ". Akadaro achikona nekamwe kadhasiti road kaikwidza nechekumadokero. Imomo muroad ndimo mainge mune vanhu vakawanda. Nekuda kwekupfeka bhareta kwake Edha ruzhinji ndofunga vaiti musoja chete ndosaka vanga vasiri kana kumusimudzira ruoko. Patakasvika pamba painge pakaita kuwanda vanhu uye musha wacho vainge vakakura zvomene. Mota dzana Edina naEdmore dzainge dzatowapo kureva kuti vainge vasvika. "Usafambe fambe enda pana gogo wangu please ". Ndizvo zvaakandiita achibvisa bheruti rake. "Handiti hauna phone ooh kambudzi kangu aka ndiko kaunenge uchishandisa just in case ". Ndakaombera maoko ndoti "maita basa shumba ". Akaseka hake akatarisa panze ndobva ati "okay mother chibudayi " . Ndakadzika nobhegi rangu uye vanhu vakatanga kuuya kuzondimbundira vachichema. Kungoti ini hangu misodzi yangu yaiwe yepadhuze ndakabva ndairidzawo mhere tichidairana nevanhu vanga vagara varipo. Mukunyarara kwedu ndakaona mbuya wangu wouya kwandiri. "Masvikaka amancube ,heyaa !!! Varoora wemuno mumusha inyapura chaidzo sungira zambiya rako uende kumapoto uko mutumbi vasekuru vava mudhuze murume wako kutobuda uko ndofunga kutoenda kunovachingura " Ndakati ehoi mbuya ndichibva ndavapa bag rangu kwakuenda kumoto kwacho. Vanhu havana hawo kubvunza kuti ndiani ndakasvika ndoona pane garani raida kuiswa sadza rana sekuru ndiro randakabva ndatanga kupambira iroro. Kunze kwacho kwainge kutoda kunaya chaiko saka vanhu takabika tawa kumhanya mhanya. Mukupedza ndidzo nguva dzanga dzichisvikawo mutumbi vasekuru. Chiitiko chekuchipatara chakadzoka mupfungwa dzangu nezvavakataura paya vachiti sorry muzukuru .misodzi yakabva yatanga kudzika.Kufa kwakaoma hama dzangu. Ndakakwidzira madzihwa toenda painge pamira mota yacho yekuDoves. Bhokisi rakadzikiswa roiswa mukitchen yaiva yohuswa. Vanhu wekumasowe ndiwo vayiimba asi vanhu wemunharaunda vairatidza kuti wane zvawo zvavaida kuimba ende kuchurch kwacho kwakanzi hakuurayiwe zvipfuyo parufu saka aiwa matemba asi pana baba vainge vakafana nasekuru vakati mbudzi nehuku zvibatwe nekuti sekuru Mukumba vaiva munhu wevanhu kuti vanhu vadye matemba parufu pawo hazviite. Katsito vakamboda kuti izvozvo hazviite parufu rwemupositori asi sekuru iwawo vainge vakashinga mukutaura kwawo zvipfuyo izvozvo zvakazourawa vanhu vakatanga kuzvibika. Vanhu wekuchurch vaiimba vari mukitchen. Munguva dzechikafu mapositori akangoenda pawo pane matemba uye vanhu wekunyika vakaenda kunyama. Ndakaona mbuya wangu vachiuya vachisvipa svipa. "Hezvo mava nemimba here mbuya " Vakaseka woti "haiwaa!! tibvire itiraka Edha mimba yacho.Ndiri kusvipa zvitemba izvi haiwa zvabikwa zvakashata rega ndinokurura gamenzi iri ndipinde muraini renyama bhasi vangu vaisawa wenhamo nhamo ...". Vakafamba woenda hawo kunokurura zvedi gamenzi racho. Handina kuzoona kuti vakafamba sei sezvo ndainge ndava kupa vanhu chikafu. Kunze pakwainge kwakunaya vanhu vakamhanya manga makaita kunge muhoro munenge maichengeterwa chibage. Kunze kwainge kwatosviba. Mbuya wangu vakabva wati "Unoda kuenda kupi murume wako vadya here iwe Mirikano ??.Ndinoda munhu vakangwarira.Tambira dovi iri mugadzirire muriwo une dovi izvi zvechikafu chevanhu haabate ndizvo zvaiita sekuru wacho ". Apa kunze kwacho kwainge kwakunaya. Kuti ndirambire mbuya wangu iwo vanga vauya vakagadzirira negaba redovi zvaisaita hazvo. Ndakati choo !! choo!! Mumvura imomo kunotanga kuisa kapoto kesadza nekemuriwo kacho . Ndanga ndisina kana juzi uye pandaiva pachoto pacho painge pava kuenda mvura asi ndakashingirira kufuridza kuti zvinhu zviibve.Ndainge ndotobvunda. "Tambira sumburera iyi usanaiwa akagara apo pane madzisekuru ake unosvika wopfugama womupa chikafu chake wodzoka hako ". Mbuya wangu vaida kundishandisa chaiko. Sadza racho ndainge ndaisa mudheka. Ndakafamba kuenda paanga ari pacho. Ndakasvika ndichiisa pasi ndichibva ndakwazisa madzisekuru ake .Dzinenge dzaiva hanzvadzi dzaKatsito. "Ndauya nesadza renyu ndanzwa kuti hamusati madya ". Iye akabva ati "maita basa asi sadza rinenge rabikwa nevanhu vandisingazive pamoto apo rinondirwarisa ". Sekuru wacho vakadairira vachitsinhira kurufu kwaakamborwara Edha wacho ini ndakamuti "Ndini ndaribika manje manje apa mune muriwo une dovi itsunga ". Ndainge ndakatarisa hangu pasi ndichitobvunda nechando chaicho. "Ok vaita basa huya tone ndiri kudzoka ana sekuru ". Vakasara hawo vachiseka madzisekuru acho. "Uri kutonhorwaka vadii kurega kubika ndaizozviona mangwana iwewe vadya here ". Ndakamuti "kudya mangwana imi mune nzara here ini ndadya ". Akaramba akanditarisa ndobva ati "mother ". Ndakamuti "father "zvikanzi "apa uri kudederaka apa ini ndiri kutotonhorwawo ndodii juzi rako riri kure ??..". Ndakagutsurira musoro wangu ndobva akumura rake racho ndobva andipa. "Maita basa ndakuenda ini ". Akati okay ende akamuita sekuti aisada kuti ndiende asi ndakafamba ndikabva ndanorara pavharanda sezvo mumba manga mazara. Mangwana kuseni kwacho takamuka kumathree chaiko kutanga kusuka apa kunze kwanga kuchichochodza kunaya. Vanhu vaimira mira vaiwa wemunharaunda wese vamwe vanga vasipo hawo. Takabva tabika chikafu chishoma sezvo panga pahayiwa vanhu wecatering . Ini nguva yekugeza handina kuyiona sezvo ndaingomhanya mhanya uye ndanga ndisati ndatombopfeka bhurugwa. Vanhu wekumasowe vakaita zvavakaita zvekuchurch kwawo ini ndichibva ndanogezawo. Ndakapfeka gamenzi rangu ende ranga riri resize. "Manga muchitsvaga nemuzukuru wepano mukomana webhareta ". Vakadaro vamwe mai. Ndakafamba kuenda panga pakamira Edha pacho. "Vanga vaenda kupi ..". Akandibvunza akaita kakusimudza voice rake ndobva ndamuti "kunogeza " Akaramba akanditarisa ndobva ati "handidi munhu anofamba famba ,ndageza ndopfekei " . Ndakaseka hangu ndoti "Imi moda kupfekei makadii kutakura mega mbatya dzenyu ". Akandirova mumusoro mangu kangofo ndobva ati "ndotakura ini ndine mukadzi here.Nezuro paya mother makasimbiswa nemadzisekuru angu kuti ndokuti mukadzi manje pavakandipa sadza paya kutaura chokwadi ndakafeeler kachiremerera so ". Ndakangosekerera hangu ndichiziva kuti mabasa aMambakwe iwayo. "Ndakatakura trouse rinoiswa mupono ndakarichisa ndikatakura reblue rekubasa kwaMukumba nehembe yacho yekumusoro saka ndokupai zvipi ". Akati "apa ndiri kuda kuenda kuri kunongechetwa sekuru saka ndipe worksuit ". Ndakati ehoi ndonotora zvinhu zvacho mumba ndichibva ndavapa paiva neboxer rawo ipapo. Nguva dzakafamba vanhu vakapa humbowo hwawo pamusoro pasekuru.Katsito vanga vafenda achifeniwa nevanhu. Ndakanzwa moyo wangu kudzimbikana kwazvo ndotanga kudororotsa misodzi. Vanhu vakazoita body viewing.Vanhu vaichema kani .Imo munharaunda sekuru vainge vakasimudzirawo vanhu vakawanda vaiona kurewesa mukuchema kwawo vanhu wacho. Ini ndakavatarisawo sekuru tichibva tanzi titakure mabhaketi emvura kuenda kumakuva. Nyama yangu yainge yawa kurwadza asi takatakura mabheketi acho kuenda kumakuva. Ameriya nehama dzake vainge vakapfeka magirazi vakagara pamacheya. Bhokisi rasekuru rakazouya kumakuva vachibva vachererwa hawo.Asi vainge vasiya vanhu neronda chairo. Sezvo kwainaya vanhu vazhinji vakabva vaparara musi uyu kusanganisira ana Ameriya akabva aenda.Pakasara hama chete . Manheru acho ndakapinda kunorara hangu nambuya wangu awo vakazoti hembe dzichipedza kugoweva mangwana acho ndokuhutuka kuenda kuHarare naKatsito sezvo kwanga kune mapaper anga achida kunogadziriswa. Mabrothers aEdha vakabva vaendawo pamba pakasara ini naEdha nehanzvadzi yake tete Gisiri nemwana purazi vamwe vanatete vakuru nevanin'ina vasekuru. Ndini ndakabika manheru acho uye ndakazokasika kunorara. Ndakarara muroom manga muna Edha. Ndimo mandakanzi ndirare imomo natete Gisiri. Ndakarara kudaro ndinotanga kurota ndichiita kunge ndiri mumunda memasanifurawa !!. Ndakatenderedza meso ndokuona kuti masanifurawa acho aisawa nemagumo. "Tarira mberi kwako !!!". Rinodaro inzwi munzeve dzangu. Ndinotarira mberi ndoona kuti pakati pemunda paiva pasina chinhu masanifurawa ainge abva nechepakati ipapo. Ndinoswendedza meso angu pedyo ndoona pane murwi wemapepa machena chena asi rekutanga racho ndinoona rakanyorwa nemavara matema rakanzi *rifatipo* ndinonzi "Tarisisa !!! ". Ndinoona mavara aya amira zvakanaka kuti *Potifari* ". Ndinopepuka kubva kuhope ndichiita kakuvhunduka. Ndanga ndaita zvekurara ndakatsimbira ruoko rwaEdha saka pandakapepuka iye akabva aisa maoko ake kumusana kwangu. "Chii ...". Anodaro ini ndoti "Hapana ihope chete ". Anoramba kanditarisa sezvo mumba macho maiva nemwenje. "Vanga uchirotei " Ndinomutarisawo ndoti "Handichazive ",ende zvokwadi dzakabva dzatiza kubva mumusoro mangu hope idzodzo. Anoramba akanditarisa ende ndainge ndonzwa kahana kangu kurova nematarisire aanga akandiita. "Mother chii...". "Hapana ". "Really !!! ..". "Ehe ..". "Thanks nekumira mira kwako kwese you really worked hard kuti zvinhu zvifambe zvakanaka ". Ndakaramba ndakanyarara iye oti "Manzwa here ". Ini ndobva ndati "ndakunzwai ". "Saka unoti chii kana vandinzwa ". "Ndinoti horaiti daddy ". "Eishh....". Anodaro achida kubuda mumagumbeze ini ndobva ndamuti "kwakachasviba muri kuenda kupi ".. Akadzoka mumagumbeze ndobva ati "muri kundikwadzisa mother ..". Ndakaseka ndoti "neyi ". Iye akabva ati "hona ". Anodaro achinongedza pamberi petrouse rake . Ndakabva ndazviputira mujira ndichinzwa kunyara. Kumuka kwemangwana takamuka vanhu vava kugadzirira kudzoka kudzimba dzawo asi sekuru wake Edha munin'ina vasekuru wake anobva ati "Edha ndakanzwa kuti vava kuda kuroora mwana wekwaMupfumi zvinhu izvozvo ngazviitwe nekukasika kuchengetedza zita rasekuru wako ....". *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 💃 🤣 🥰 🎉 821

Comments