Tanny's Online Novels
Tanny's Online Novels
January 22, 2025 at 08:56 PM
*WRITTEN BY TANNY M(MUZUKURU WESHAYA)* https://whatsapp.com/channel/0029VaDYeL6IHphKZdYP1O25 *Book redu rinosvikira muchannel umu saka gara vaita follow munyori haape mabooks kuinbox* *🟣LOVE AND LEGACY 🟣* https://chat.whatsapp.com/IGZ9r8Q049c5RxO1E11wRP *For comments* Book📚19 *App/Call 0️⃣7️⃣8️⃣0️⃣2️⃣9️⃣7️⃣4️⃣0️⃣0️⃣* *Chapter Eight* Mirikano Bhinzi yangu yaigwadza zvomene asi ndakashingirira kumuka ndichichisa hembe dzafather makuseni. Father vainge vakanyarara hawo hameno mhere mhere yandakaridza ndazvimedura vainge vasina kuinzwa here sezvo vainge vakarara mumba macho. Vakamuka kuseni woenda hawo kwanga kune vamwe wawo. Mbuya wangu vakaknocker vachibva vapinda. "Mamuka sei mbuya " Iwo vainge vakasviba makumbo awo hameno vainge vamukira kuita basa rei. "Ko makumbo kusviba kudaro kwakanaka here mbuya ". Iwo vakagara zvawo pasi vakatambarara itwo tukumbo twawo twaiita setwemhara asi kumusoro vari sidhuzha chaiyo. "Ndanga ndichikutsvakira mushonga unomisa mutundo wako sewedhongi iwowo haunzwe kusvoda here hee Mirikano !!! ,uchabhururutsa shiri nekuda kwekupunguruza ikoko ahiii !!! Idzi inhokwe dzetsuro yomusango unonwa usati varara uye iyi imwe yacho ndoda kuti upwanyire mumafuta ekuzora hakusi kuroyaba uku asi kugadzira hupenyu hwako. Handiti unoziva kuti tsuro magen'a yakangwarira inongodika so ndizvo zvandinoda kuti iwe muzukuru wangu Mirikano uite.Pano vakagara pavakagadzikwa hapana anokuvhiringa ,ooh ewuuu !!! ,eem bhasi mamuka !! ". Vakadaro vachiisa chiphone chawo chimbudzi panzeve zviya zvakaita kunge zvidhinha. "Hayii kwakanaka bhasi mativi ose akanaka mukomana ndakamuisa pamaikirosikopo haaa vakachanaka eehoo eeh...". Hameno ndiani aitaurwa ipapo uye vaitaura nani. Vakati zvakare "Hayii izvozvo chidotutsira imwe eem eehh iya yakarohwa noinfuresheni haina zvayakashanda eeh ....aehwa ukasada kututsira ndomubvisa pamaikirosikupo ahiii....!!!". Ndakaseka hangu ndorongedza hembe dzafather muwardrobe. "Aehwa musikana uripo asi ndakaisa bhaundari yes bhasi trust Mbakwe !! ,eem at work ehoo kanenge kapinda kaareti kacho ...". Vakabvisa phone panzeve wotikinya phone yacho. "Ndatohasura so mazana matatu apinda unoda chii tone mbatya doisa bag racho apa tone ". Ndakabudisa bag rangu muwardrobe ndichibva ndawapa mbuya. "Manaiti dhuresi hamunaka umu !!! Hayii zvimwe fungawo Mirikano ngwarira ,mbuya wako ndiani daira tinzwe !! " "Mambakwe ". "Gudhu geroo areti yapinda mira ndinobudisa mari iyi yemarema ndiyo ichakurera kana pane chashota bata ini mbuya wako ,ndinzwe kuti vakumbira Edha mari ahii !!ndinorivhuna huro eem eeeh chii chimwe yokutenderedza muhapwa uchiri nayo here ,handuredhi inokwana yasara totumira Petu kumusha wopedzisa manishoni ehunde inofana kupera uri kuita here zvandakakudzidzisa uri kuti dzedzii here hohodoo unotaika bhureni gore rino !! ,uri muzukuru wani iwe !!! Gegege seka hako shava iwe ,humm Mirikano kuda kumeura bhinzi yemukwasha iweka !!! Manje ndava kuda kukupinza puroguramu yemuno mudhanduru iri kusvika nguva yacho. Kachiri kare kangu chiuno ichi ndaichipepeta kuti petu !! petu !! ndichitenderedzera asekuru wako ndokusaka bamudiki wako ndakamuti Petu ndipo pazvakabva ipapo....". Vakadaro mbuya woseka hawo vakati zvakare "saka ndati handuredhi yako ndokupa wonotsvaka manaiti dhuresi akasvionaka worara vakapfeka iwayo ". Ndakavati "asi mbuya mari yemarema muri kuiwana kupi ". Vakandipa ngofo mumusoro woti "Ndahasura chiita ubude kunotenga manaiti dhuresi dzedzii vanoda kutambwa nawo kana vari pamusha kwete kungoti goo uri ipapo. Ita kawara !! kawara !! somusikana Mirikano. Uchimuka muno mumba nanga kwavakachekera bhinzi yomukwasha uko wogeza muviri nomazino wochena wotanga kuita mabasa ako.Maiwii !! Varume havadi tsvina mukadzi ita simati eeeh ndichakutengera mhete dzokuisa panzeve uri pano pana mbuya wako Katsito dhuku rinogara riri mumusoro wopfeka zvakatsiga. Vanokushora asi hapana murume unoda kudya chinhu chinofamba chakasasikwa panze seshure yegudo ,eeh sikini yako iri kugurowa haiwa zviri kuita uchamuona hako ini mbuya wako ndiripo ,rega ndinobika ita upedze kuchisa mbatya idzi dzakaiswa siterisoft here idzi hembe dzadzedzii ehe dziri kunhuwira ndaenda ini...". Vakasumuka wodhanaira hawo mbuya wangu. Nguva nguva father vakabva vapinda. Vaita kunge pane zviri kuvadya moyo. "Shumba ..". Ndakavadaro ndagara paside nomakumbo awo ainge akarembera pasi musana uri pamubhedha. "Mother ". Ndakawati "pane chiri kunetsa here ndinoisa tea here ". Akamuka oramba hake akanditarisa ndobva ati "Do you know kuti uri kuroodzwa kwandiri apa .Are you aware of that. I know for sure kuti vagara vanga une munhu wako asi ariko here ?..". Akadaro akanditarisa neside eye. Ndakamedza mate ndoti "Ndiri kuzviziva uye handisi kupokana nazvo uye handina munhu vandinaye kunze kwenyu imimi daddy ". Akambobata kumeso kwake akakuvhara nemaoko maviri ndobva azoti "But ini ndine munhu wangu vandinoda Amelia handidi kukunyepera saka uchaita sei ". Ini ndakavatarisa ndoti "Asi ini hamundide here shumba wangu ". Akatura mafemo ndobva ati "Kundikuvadza mother muri kuzama ". Akafamba achienda hake kutoireti. Kutaura chokwadi father ndainge ndonzwa kurwadziwa pahwendefa yemoyo wangu ndikaona vasipo senge pavainge vabuda vasina kundiudza kuti vari kuenda kupi. Asi iwo havandide here ??? Ndakarongedza zvinhu zvangu ndoenda kukitchen kunobatsira mbuya kubika asi vaisawako saka ndakabva ndatanga kubika ndega. Edina akabva apinda achida mvura yekunwa. Ndakamutorera mufiriji ndikamupa. Paakapedza akabva ati "NaEdha mati marara mese here". Ndakaita sekuti handina kumunzwa akati "Ndiri kutaura newe wati vakw*rwa naEdha here " Ndakapukuta maoko angu ndobva ndati "Zvamuri kubvunza izvozvo ndezvepakati pangu nemurume wangu ". Ndakabva ndanyarara iye akati "Ndiri kukubvunza nekuti ipapo vakatsika mumba musiri menyu we are the owners here " Ndakamuti "Endai munobvunza Edha wacho ". Ndakada kufamba kubuda mukitchen macho ndobva andibata ndobva ati "Hasha dzako ndedzemunhu asati atsimbirirwa idzi taura chokwadi". Ndakamurova ruoko irworwo ndomuti "Pano ndobatwa nashumba wangu daddy Edha chete mukandibata futi zvamaita izvi ndiri kukubamurai ". Ndakamusiya achiseka kumashure ini ndofamba kuenda kuroom kwambuya wangu kunovatarisa. Ndakasvika waine kabook pamberi vachinyora nyora vachiverenga zvakare mari yaiwa pamubhedha pawo. "Hezvo amancube mukaita semakatsamwa maitwei ,ndanga ndava pasisihadhuredhi " Vaidairo vachivhara kabook kawo. "Edina anga achindibvunza zvinhu zvisina basa hanzi wati varara naEdha here". "Zvatanga !!! ". "Mati mbuya ". "Umm eem hapana vabika here ndiri kuuya usamupindura unotsamwidza dzedzii ". Ndakaseka hangu ndobuda mumba mawo. Pandakaenda kuroom Edha ainge abuda hake hameno kuti ainge aenda kupi. " *Potifari* ".vara iri rakadzoka mumusoro mangu panguva dzandakapinda muroom mangu .Ndiro vara randakaona mumunda wemasanifurawaka iri. Potifari harisi zita remunhu here iri ?? Ndakabva ndatomborara hangu sezvo ndanga ndapedza kubika. Hope dzemumasanifurawa dzakabva dzadzoka zvakare asi mapepa aya anga achiita kunge ari kupeperetswa nemhepo. Ndakatarisa kumashure kwangu kwandainge ndabva ndobva ndaona munhu anga akandipira gotsi anga achifamba achiita kakukamhina so hope dzacho dzichibva dzapera dzakadaro. Handisi munhu wekuti ndinorota hope dzakadayi idzi ko aya mapepa eyii uye munhu anga achikamhina angava ani ?? Ndakamuka ndopukuta pfundira ndobata phone yangu. Ndakapinzira father phone ndaida kuziva kuti vari kupi. "Daddy ". Ndizvo zvandakatanga ndichiita . Iye akati "mother maswera sei ndiri kubasa ". Ndakamuti "handisi kunzwa zvakanaka ndokumbirawo musvike kumba izvozvi ". "Aaah mother marwara neyi " Ndakamboramba ndakanyarara ndobva ndazoti "Bhinzi yangu yarwadza shumba iri kusosonya iri kuvavira sorii henyu handina kukuudzai kuti ndakaimedura nechigero chemumusoro zvino ndava kurwadziwa Mambakwe handisi kumuona zvino ndodaidza here Edmore aone ndiye ari kuno ...". "Ndokukwadza ukada kuita zvinhu zvakadhakwa kudaro ndiri kusvika ikoko manje manje ". Bhinzi yaisamborwadza hayo asi ndaida kuti vabve chete iko kubasa kwawo nguva dzichipo. Iko kumba uku ndaisaziva hangu kuti kwainzi chii asi kwainge kune chishop chihombe chaitengeswa hembe nezvinhu zvakawanda. Ndakabva ndatenga hangu zvandainge ndarairwa nambuya sezvo vainge vandipa mari yacho ndobva ndadzoka hangu kumba . Ndichisvika pagedhi ndakasvikirana neimwe mota. Yainge yakanaka kwazvo. Makabva madzika vasikana vatatu vainge vakapfeka madhurezi ainge akafanana asi akasiyana ruvara chete. Painge pana Amelia ndiye vandakaziva vamwe wacho ndofunga vaiva vana vamai wake. Ndaida kufamba asi umwe wacho akabva andimisa. "Apa hauna kutiona here uri kuda kutipfuura ". Ndakavati "makadii ".Ndotyora hangu muzura vachibva wati "Unonzani uye uri kutsvageyi pamba paMukumba ". Ndakaramba ndakanyarara Amelia akati "Edha anomuti mother asi handione sewane hukama vanhu awa ndinenge ndiri kubatwa kumeso vasikana munhu uyu anenge ari kugarira Edha pano hamusi kuzvionawo here ". Umwe wacho akati "Unogara apa uri ani...". Ndakatarira hangu kwandaiona mota yaEdha ichiuya ichifambiswa kwete zvekutamba. Akasvika achimisa mota yake ndobva adzika kuuya kunomira pandanga ndiri. "Are you okay wati hausi fine uri kutsvageyi panze ". Amelia akabva arovanisa maoko ake ndobva ati "Apa Edha vazoratidza rimwe level of disrespecting me ...". Akadaro achibvisa maoko aEdha pandiri. Ini ndakanyepera hangu kukamhina ndopinda mumba Ndakasvika kugara pasi mubedroom medu . Akambotora nguva yakareba asina kuuya ndainge ndakunzwa muchest mangu kurwadziwa chaiko. Pandakanzwa achivhura door ndakabva ndatanga hangu kupfikura . "Asi pari kunyanya kurwadza here ". Akadaro apfugama pamberi pangu. Ndakagutsurira musoro wangu. "Sorry pane zvandanga ndichitaurirana nevasikana panze saka vaisa chii kuti papore " "Ndatya kuisa mushonga ndichiti kanogona kusvauka sezvo kari panyama nhete asi ndiri kurwadziwa ini ". Akaramba akanditarisa . Ndakanyatsa kumutarisawo kumeso kwake ndichinzwa kahana kangu kachirova ende misodzi yakabva yawedzera kubuda. Akandipukuta misodzi yacho ndobva ati "Sorry mummy panopora handiti next time apply cream hamuzomedure bhinzi yadaddy ". Ndakaseka hangu zvishoma. Akabva ati "makuseni paya paya lawyer rasekuru rauya.Hanzi ndofanirwa kunokuroora kutaura chokwadi lm confused handisi kuziva kuti ndodii nekuti kuroora its a life long commitment ". Ndakaramba ndakanyarara hangu ndobva ati "Manzwa here ". "Ndanzwa shumba munoita zvamunoona zvakanaka ,hamuna kundivigira yokonati here ". "Ndakuvigira asi sorry ndatenga gaba ridiki chete ndanga ndisina mari ". Ndakaombera maoko angu ndoti "maita basa daddy ". Ndakaitambira ndichibva ndatanga hangu kudya. Ndapedza ndakati "ADP 8614 number pureti maikanganwaka tangai kutsvaga munhu iyeye kana mazomuwana mondiudza kuti mother ndamuona ". Ndakadaro ndichifamba kupinda hangu mutoireti kabhinzi kacho pandakaita weti kakabva katanga hako kuwawa ....... Edha Mother kaaa !! Ndakadaro ndichinzwa kuti ndiri kufemera padenga. Chokwadi anoda kuratidza ani bhinzi inopenya kudaro ??? Ndakaifambisa mota kubva pabasa kuenda kumba. Muroad mese ndanga ndichimhanyisa mota kwete zvekutamba. Ndakasvika pagate mother vakaita kukombwa naAmelia nemasisters ake. Aida kuonerwa achida kundituka manje ndakamuti "Kana uri pano wotozvipeta handisi mwana wako vaunotaura naye somehow. Ndiri mukomana wako asi hauna right yekutaura neni sekuti uri kutaura nepwere. Izvozvi vasvika muhood mangu pagate pangu nezvavakapfeka izvi unoda kuti hama dzangu dzitarise kupi ?? Dress iri rakagumira parakatangira and yet unouya vakapfeka kudaro kana ini unoda kuti ndifungeyi ". "Usada kuita sekuti uri kutanga kundiona ndakadai " . "Handisi kutanga kukuona but its becoming so irritating kuona vakashama.Kushama sandiko kupfeka ". "Vakuda kundicompeya with that mother of yours ,my sisters are here taura kuti munhu wekupi ". "Vanhu vanogara kumba kwenyu vakamboona ndichiita basa nawo here inini.Do l need to tell you munhu wese anenge apinda nekubuda pano. Mother ihama yangu period ". Akati "Behaviour yako is getting on my nerves Edha my father will hear this ".ndakaramba ndakanyarara ndobva ati "ndati my father will hear this toda kuona kwazvinosvika vakuda kuonererwa nekuguta kunyara murume mukuru. Ndakakumbira mari yekugadzirisa manails angu $75 ukatadzirira kundipa ". Ndakafamba two steps ndobva ndamuti "Handina kana cent zvauri kundiona so.Your father is filthy rich ngaabvise $75 yacho kana zviri nyore.Ndakakuudza kuti I'm your boyfriend not your husband ". Eish ndaisvika bhinzi yamother yaboila mukati imomo hanzi iri kusosonya !!!. "ADP 8614 ". Ndakabva ndarangarira number plate yavakandiudza paya but why ati ndikaona munhu wacho ndobva ndamuudza ?? Mirikano ini zvangu kuita kwake handikuzive kuti anofembera here ?? Kuti aneroya here ?? Ndakasara ndozvibvunza mibvunzo vasimuka achienda. Ndakamborara hangu iye akabva auya achirara bhinzi inenge yanga ichidzimba. Ndakarara ndakamutarisa hangu. Bhatanati chairo !! Ndakadaro ndoseka hangu ndobva ndabatwa nehope chaidzo . Manheru Mambakwe ndiye akabika asi mother havana kudya vachiti vainge vakaguta hawo. Mabrothers angu kubva zvataura Mr Munguni kuti ndofanirwa kuroora Mother havana kuzotaura neni . Mybe ndiri kuoverthinker hangu !! Ndakabva musitting ndonorara hangu. Ndakasvika mumagumbeze mother vavata vakapfeka night dress . Rainge rakwira richisiya chivakashure chake panze chaiwa choround. Ndakadzungudza musoro mybe I'm hallucinating kaa !! Am l seeing round nyash!!! apa yainge yakapfekedzwa gstring chairo. Mwari ndiri munhuwo ini !! Ndakadaro ndotura mafemo kubuda mugumbeze chaiko. Muedzo vakadayi uyu unodarika nyoka yemuEdheni chete ayiii !! So this is what is kept under those long dresses !!! Sekuru you are my witness are you seeing this !! Ndakaenda kushower kunogeza kuti bhoki acoole down nekuti vainge vamira kuti twii !!! Pandakapedza hangu kugeza ndakabuda ndoona mother vakarara hawo zvakanaka asi bhatanati shure was still out !!! I was tempted to touch asi ndakanzwa ego ichiti no Edha you say you love Amelia asi hauchamude here !! Mother vaida kundipondera musaga sekatsi ndanga ndava bho hangu. Ndakapinda hangu mugumbeze ndobva varara hawo nedumbu. Munhu wacho vaipinduka padiki padiki !! "Mother ....". Ndakadaro ndichinzwa kuti muviri wangu uri kudedera nehukasha hwekuda kudayi !! Haana kumuka anga akafa hake nehope. Ndakaona kuti kumumutsa kunenge kuri nani but vainge vakafa nehope ndofunga ndozvinomuita kuti arare achichururudza . Ndakamboedza kurara asi mararire aakazenge akaita shure yake ainge akayiisa pamberi pangu chaipo. Izvi zvaida mavhesi ekuchurch kumasowe chaiko uyu ndiye vandaizozhaka hangu. Mother eish mwana uyuka !!! Ndakamuka ndopfugama hangu pasi ndofunga mavhesi ekukunda chaiko. "Baba Gabhurona tivhenekere tikunde nyika nesimba raYeso ...!!! Baba !! Gabhurona tivhenekere tikunde nyika nesimba raYeso...." Ndakadzokorora three times ndobva ndadzoka zvangu ndichirara mumagumbeze. Ndatombobatwa nehope ndipo pandakamuka ndanzwa munhu anga achiita kakushinyira. "Mother !! " Ndakadaro iye ndobva ati "Iri kuswinya bhinzi yacho iyi father ndamukawo kuti ndiite weti husiku asi kabva katanga kuvava honai ooh ....". iii Mwari ?? Vhesi rekundiso ndaimba wani. Ndakanzi "ooh honai patorine karonda zvino hakasi kupora kari kuwawa chaiko ". Ndakakwidza nekudzikiridza maoko angu kumeso kwake ndofunga kuti avete asi vainge vakasvinura hake. "Ndoita sei mother apa kutaura chokwadi uri kundikwadza Mirie handichazvigone ini unomboziva kuti ndiri murume here ". Akaseka hake oti "handiti ndimi maida kuona ooh onai henyu shumba ....". Ummm !!! yaaa !!! Mwana uyu ndakamunzwira hangu tsitsi ndozvizivira zvandakasenga ini uye kuti ndinyatse kumushanda zvinhu zvakadayi ndakaona kuti ndinenge ndamhanya chaiko.Iye nyadzi dzinenge dzainge dzadzoka akabva apinda hake mugumbeze otanga kuzvifena nemaoko.Phone yangu yakarira ndichibva ndaidaira. "Ndiri kutaura naEdha here ". Voice rechirume rakadaro ndichibva ndati "hongu ". Zvikabva zvanzi "Ndine hurombo route yekuBeitbriadge kwaitika accident ndiani asaina kuti bhazi iroro ripinde paroute nekuti ranga rine manga musina kugadzirwa ". Panguva iyoyo mother vakamuka vachigara. Ndakati "l was supposed kurisignira asi ndabva ndadanwa kumba handisi kuziva kuti ndiani between Edina and Edmore ". "Pakaipa nekuti vanhu vakwara pari kudiwa mari yekuti vanhu vakwanise kurapwa nekuti vakwara zvakaipisisa ". Ndakatura mafemo knowing kuti tanga tisina kana mari inobatika yakawanda yekuti iyi iri apa saka inobva kupi ..... *Stay tuned*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🤗 🥰 🐓 👏 1.2K

Comments