
MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
February 9, 2025 at 11:37 AM
SERENITY
https://whatsapp.com/channel/0029VaLcDGY9xVJpFXBJQk3k
Chapter 1
"Shake hands hanzvadzi yangu wadadisa chimhandara chaamai,ndaisazvitarisira izvi ufunge ndaiti zvimwe uchatinyadzisa wotevera matsimba eshamwari dzako dziri kungopihwa nhumbu dzichisiiwa wadadisa mwana wamai kana ivo vabereki vedu ndofunga varikufara kwazvo nezvawaita Mwari vakuitire zvidhafu dhafu."Ndakazviseka pandakapepuka ndiani zvake aizodawo munhu akaita seni Serenity zvake.Chikoro chaicho handina kunge ndapedza ndichibva ndangogumira panzira sezvo mari yainge yaramba kutamba.Vabereki vangu vese vakashaya vakandisiya ndiri mudiki kwazvo.Hanzvadzi yangu inova ndiyo dangwe mumba medu vakaedza nepavanogona napo kutsanziridza kuti ndiendewo kuchikoro asika zvakaenda nepamwe mushure mekunge varoora vanga vavewo nemhuri yaidawo kuchengetwa ndipo pandakabva ndasiya chikoro ndokugara zvangu pamba.Mumba medu takazvarwa tiri vatatu hanzvadzi yangu inova ndiyo yakandichengeta kubvira ndichiri kasvava kusvika nhasi uno ndakurawo ndakuzvionera.Wepiri ndisisi vangu vanova vakatoroorwa zvavo vatovawo nemhuri yavo ,kozoti ini gotwe .Hanzvadzi yangu yakarwa imire kusvika pandiri nhasi.Chero hqngi ndisina kupedza chikoro handishori nezvavakandiitira.Vaikanya zvidhinha kuti ndidye ,ndiendewo kuchikoro.Sisi vangu vainge vatoroorwa zvavo asi havana kucheuka kwavainge vabva.Sezvamunozivawo kuti munhu kana achigara kudhorobha imi murikumusha munogara muchingodemba kuti dai ationawo ndizvo zvandaiita ini ndaigarotarisira kupera kwemwedzi wega wega kuti dai vanditumirawo zvandoda asi zvaisaita sekudero.Zvisinei sezvo ndaingogara nehanzvadzi yangu tiri vaviri chete ndakaguma ndakutobatsirawo nepandogona napo kuti tirarame.Ndaiti zviya kana hanzvadzi yangu yaenda kuzvidhinha ini ndosarawo ndichienda kubindu kodiridza.Zvaiti batsira kwazvo ndiyo mari yakandidzidzisawo kusvika ndave fomu 2 panova ndipo pakabva paroorawo hanzvadzi yangu ndichibva ndagariswa pamba.Handina kuzotsika kuchikoro zvakare.Handina kubatikana zvaive nani ndainge ndambodongorerawo musiwo wechikoro.Ndakagara pamusha kwegore rese tanga tawanda manje tave four maiguru vangu nekamwana kavo kamusikana kainzi Ruvimbo.Rimwe zuva tichitocheka muriwo wekufusha takangoona bamnini vangu avo vaigara kuHarare vachisvika takangorarisana nehanzvadzi yangu sezvo vainge vave nemakore vasina kusvika kumusha.Vakasvika tikakwazisana ndokuzongotaurawo dzimwe nyaya ndipo pakataurika yekusaenda kwangu kuchikoro vachibva vatoti vaitozoenda neni ndonodzidza Harare fees vaizobhadhara zvavo.
Ndakafara veduwe kuti ndakuzoenderera mberi nechikoro ko ndaizivei kuti kwaiva kufarira n'anga neinobata mai.Hanzvadzi yangu yakazviramba asi ini ndakachema kusvika vazoti ndiende.Ndakaenda nabamnini munin'ina wababa vangu kuHarare uko kwavaigara kuCraneborne.Takasvika kunze kwatosviba chaiko ko mufambo uripo ka kubva Gokwe pane nyaya.Takasvika vakatogara zvavo pamasofa nevanasikana vavo vachidya chips and chicken uku vachiona zvavo tv.Maziso angu akabva angonanga patv apo paibuda musikana nemukomana vachitsvodana ndakanzwa kunyara ini ndichibva ndabvisa meso angu ndipopakabva pataurawo mainini,,,,"Tototi wakadii ka isu pane kuti upfugame utikwazise nhai Sere",Vakadero vachimonya miromo yavo zvekuti ndakashaya kuti chave chii zve futi ndichibva ndangopfugama nekutovakwazisa pakare.Takazodya nekunorara asi ndaive ndatoudzwa mitemo inegumi.
Mazuva akafamba ndichigara pamba apa handina zuva rimwe zvaro randakanzwa vachitaura zvekuenda kwangu kuchikoro.Basa rese repamba ndini ndaiita vana vavo vakagara ndainzwa kurwadziwa kusvika pakadzika pemoyo wangu asi wekuudza hapana.Ndini ndaipedzisira kunorara ndamaker sure kuti zvese zvakarongeka here?Rimwe zuva ndapedza basa ndakuti ndakunorara ndokunzwa bamnini vachiti,,"Nhai mai fortue saka mati mwana uyu ogara pamba shuwa vamwe vake vachienda kuchikoro inga tanga tawirirana wani kuti anotanga mwedzi uno zvino handina kuona gadziriro yamakamuitirawo ini zviri kumbofambasei chaiko?"Ndaida kupfurira asi ndakatoona kuti regai ndinyatsonzwa nyaya yacho sezvo ndaiva involved."Inga arikuenda wani nhai ba Fortue akatotanga last week ndezvekuti hamuzvione nokuti pamunodzoka kubva kubasa anenge asodzoka kare."Ndakabatikana veduwe ndichinzwa manyepo akadero.Ndianiko wandaizoudza nhunha dzangu akandinzwa.Mangwana acho ndakaona ndavigirwa mabook 5 bag nebhutsu ndakafara veduwe finally ndakudzokerawo kuchikoro.Zuva iri ndakaswera ndichifara basa chairo harina kutombondirwadza ndaiita nemazvo.Ndakazoti ndotarisa zvinhu zvandaive ndatengerwa ndikati regai ndipime bhutsu dzangu hama dzangu moziva ndakapererwa ndichiona ari nasandack aya ane mashoe lets .Ndakazvinyaradza hangu chikuru ndichiendawo kuchikoro nevamwe.
Makuseni ndakafumo bata jongwe muromo ndaida kusiya ndapedza basa rese ndozoenda kuchikoro.Ndapedza basa rangu ndokugeza ndokupfeka uniform yangu ndichibva ndamirira mainini kuti vauye vandiperekedze.Havana kunonoka zvavo vakabva vatouya,,vakabva vati nditore mafreezits aiva mufridge ndiise mucooler box ndichibva ndaita sekudero pedzezvo ndichibva ndanzii ndinoisa mumota umo mandakasvikoona muine chingwa chakawanda kwazvo pamwe nemadrinks acho.Vakazouya tichibva tapinda mumota ndokurova pasi.Ndainzwa kamwe kamufaro kasingatsananguriki so kuti ndini here ndakudzokera kuchikoro.
Takati tati fambei zvishoma ndokunzwa mainini vachiti taive tasvika.Zvakandinetsa ini panzvimbo pacho painge pakazara vanotengesa chete paisatomboratidza kuti pangava nechikoro pedyo.Ndakatozonzwa ivo voti,,"Burutsa zvinhu zviri mumota chisikana tasvika pacollege".Ndakaburutsa zvinhu zviya vachibva vati,"Ndiro basa rako iri rauchange uchiita kutengesa zvinhu zvese izvo bamnini vako varikuziva kuti uri kuchikoro kwete kuzongobomoka zvausina kubvunzwa ndoda kuti zvinhu izvozvi zvipere chako kutengesa kwete kudya zvinhu zvangu".Naiwayo vakabva vapinda mumota ndokurova pasi,ndakasara ndichieredza misodzii ndikazvibvunza kuti ,,asi wekuudza zvanetsa moyo wangu ndiye wandaiva ndisina?
Regai vakuru vakati kusina mai hakuendwe ndakazvionera ndega pamhino sefodya ini.Ndikatarisa vana vabamnini vangu vese vaienda kuchikoro vamwe vanga vatograduater asi yangu dzidzo ndiyo yaisava nebasa zvayo.Ndakasara ndikachema ndikazvibvunza mibvunzo yaiva isina mhinduro.Vabereki vangu ndakasofutsirwa kare,sisi vangu vakaroorwa zvakanaka kwazvo asi kubvirawo zvavabva pamba havana kuzocheuka mashure kwavo ndofunga vakatyawo kuita hwemukadzi waLot kushanduka kuita churu chemunyu,kana iri hanzvadzi yangu ndakatozvidemba kuti dai ndakateerera mashoko ake zvino ndainge ndatiwo ndimbonzwawo kuti dhorobha rinonakidza zvakadini zvino ndezvipi yangova dai ndakaziva misodzi iri nzizi pane angu matama.
Vanhu vakatanga kuuya vachitenga maprices ndaitarisa mubook randakasiirwa iro raiva pamabook angu mashanu aya ekuchikoro.Ndakatengesa veduwe chingwa chikapera madrinks akabva angopera ndokusara nemafreezits chete zvaifamba hazvo kana amai vaiva paside pangu vainge vongondipa ziso zvekuti ndakaguma ndati vandipe zvinhu zvavo ndivatengesere in return vondipawo maputi sezvo nzara yaive yondikuvadza.Ndaive ndakangwarira zvangu zvekuti makombi aiti akamira munhu akadeedzera chinhu ndini ndaitanga kumhanya pasina nguva ndanga ndatopedzerwa zvinhu zvamai vaya.Ndakavapa mari yavo vakafara kwazvo ndakazonzwa voti,,,"Kuti hauna shavi renjuzu here nhaiwe chisikana matengesero awaita apa handina kumapihwa mushe anyway chitora mapiece echingwa ari mulunch umo hapana hapo chekunwisa madrinks ese apera chitotora freezit rawanga wakadisplayer iro unwe ungatodzipwa".
Ndakafara veduwe nzara yanga yondibvubza mutupo.Ndakati ndiri pakati pekudya mainini vachibva vangosvikawo ndakavhunduka veduwe kalunch kachidonha zvekuti mai vandaive navo vakatoshaya kuti chave chiiko?Mainini havana zvizhinji zvavakataura kunze kwekuti ndirongedze zvinhu tiende ndakatotyawo nazvo ini kuti hindava kusandipopotera.Takasvika kumba kubva paCoca cola pandaitengesera ,,ndakati ndichidzika mota vachibva vanditi ndirongedze zvinhu mumba after that ndonogeza so that nditangewo kubika food yemanheru ndiri smart.
Ndakangoti ndazikamwa zve ko ndaizivei kuti chabvondoka.Ndakapinda mubath ndokutanga kugeza zvangu uku ndichifunga nhamo dzangu kutaura chokwadi nzara yaindiruma veduwe pandakasvikirwa handina kuzodya paya.Ndakati ndichitori mudziva remifungo ndokunzwa ndanamwa naro bhandi apo ndakashama ndiri chiberekerwo."Akakuudza kuti unodya food yemastrangers ndiani ko ukafa ndozviudza ani hee?",vaitaura zvavo uku vachindirakasha senyoka yapinda mumba vakatozondisiya ndatsvukira vanzwa kuti zvavo zvaita.Ndakachema veduwe asi ndakashaya akandinunurawo zvake masisters angu aive akatoisa maearphones zvavo .
Ndakabuda ndokunopfeka ndichibva ndanobika.Ndakabika sadza nemufushwa wenyevhe une dovi apo poto yacho yandakabikira kaitova kadiki zvako ndakatarisa mhuri yaivepo ndikaona zvisingabude.Ndakapedza kubika vachibva vapakura katadha chaiko yangu plate panga pasina zvikanzi ndidye raiva mufridge no kudziisa nokuti stove yavo yaizofa.Ndakaita sekudero sezvo ndaiva nenzara ko maida ndidii nhai hama ini ndisina wekuudza nhamo dzangu.
Mangwana acho ndakamukira chero hazvo nyama dzairwadza nekuzvindikitwa kwandakaitwa ndakashingirira kusiya ndapedza basa rese ndisati ndaenda kucollage school kwangu.Ndakaperekedzwa zvakare ndichiratidzwa nzira vakati ndaifanirwa kujaira kufamba nokuti hapana pavaizondiperekedza everyday.Ndakaratidzwa kwekuhodha kana zvandinenge ndinazvo zvapera.Ndakatengesa zvakare ndokupedza apo ndanga ndabva ndisina kudya kumba futi.Ndakasimuka ndokunohodha dozen rechingwa ndichibva ndabvisa 2 slices paloaf rega rega ndichibva ndatsvaka kapaper ndokusungira ndiyo yakava food yangu yemusvere wese wezuva iyoyo.
Mazuva akafamba ndichirarama life yekuchema chete,,rugare chairwo ndaisava narwo ndaichema siku nesikati asi mainini vangu havana kuchinja hunhu hwavo hwekundibata neseri kweruoko.Ndaishandiswa sedonkey marwadziro acho masisters angu anenge akagara zvawo kusuka kuwacha chaiko vaisatozvigona chavaigona kuita iyo make up chete zvimwe zvese ini maid wavo ndaivaitira ndairwadziwa zvangu asi ndaizviudzawo ani zvangu ini nherera isina mai nababa.Dzimwe nguva ndaigara pasi ndodzamisa dzangu pfungwa ndozvibvunza kuti saka kudenga kuna Mwari here?Kana variko seiko vasingandionewo ingawani shoko zvarinoti ndiri Mwari wechirikadzi nenherera ko seiko vaisandionawo iniwo zvangu.Ndairarama upenyu hune marwadzo ndaimbopindwa nemweya wekutiza asi zvino ndaitiza ndichiendepi sepane kwandaiziva yaitongova gomera uripo.Ndainge ndazotindivara zvino nenhamo kusvika pakuita man'a munhu ari mudhorobha mufunge chida nesandack randaipfeka kunyangwe kuchitonhora ndainzwa parere moyo.
Rimwe zuva ndakati ndapedza kubika ndichibva ndagara zvangu mukitchen sezvo ndaisatenderwa kubatidza tv chero kuona zvako ndaive ndakati zii ndichifunga nhamo dzangu.Pamba paisava nemunhu zvapo ndakati regai ndimborara mbinjana.Ndakati ndrikuhope ndokunzwa kubatwa batwa mazamo ndakambofunga kuti zvimwe ndiri kurota ndakazonzwa ndakubatwa zviri rough ndokubva ndangosvinura ndakabva ndaona ari garden boy zvake.Ndakrohwa nehana ndokusimuka pandakada kutiza akabva anditi,"Tinongori two chete pano darling noone is here madam vaenda kudinner nemhuri yavo so lets do it ".Ndakapfugama pasi ndokudetemba nhamo dzangu dzese misodzi nemadzibwa zvichierera iye achitokurura hembe dzake ndipo pandakaona kuti pangu pandiperera ndakanzwa oti,"l can't buy your story my friend,l am only following orders".
"Orders !!"From who?"Ndakabvunza achibva ati,"Amai Fortue ndivo vandituma.Ndaizova hangu kuti vaisandida aso handina kunge ndavafungira kuti vangandirongera hora yakadai.
End of chapter 1
❤️
👍
😢
🙏
😮
😂
176