MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
February 9, 2025 at 06:21 PM
SERENITY
https://whatsapp.com/channel/0029VaLcDGY9xVJpFXBJQk3k
Chapter 2
"Orders from who?"Ndakabvunza ndichiita kudedera chaiko ndianiko anga andifungura mweya wakaipa kudero.Akaburitsa $50us achibva andiratidza."ko ndeeiko nhai Eddy ndiro raiva zita ragarden boy.
"You see this money my dea ndaipihwa namadam so that l can sleep with you then you get pregnant kuti vawane kukudzinga because bamnini vako varikudzoka next month saka vakawana wave nenhumbu zvinoita nyore kukudzinga so that vanozoti iwe waiva usingaende kuchikoro waiswera wakavharirwa nemablesser."
"Ini mablesser api andoziva munhu akabva kumusha zuro uno?"
Munoziva ndakachema kusvika pakubvunza Mwari kuti ko yangu mhosva yaiva yeiko?By the way bamnini vainge vabuda out nebasa hameno kuSA kwavainzi vakaenda ini zvizhinji ndaisazvitsvaka chikuru ndichifema chete.Ndakachema paya ndokukumbira Eddy kuti asandidero ndaizoita zvangu chese chaada besides kurara neni.Ndakaona achipfugama pandaive achibva andipukuta misodzi yangu ndikanzwa ave kuti,,,
"Ndiregererewo Sere handizivi kuti ndanga ndapindwa nei chokwadi money is the root of all evil handina kunge ndazvifunga kuti ko dai iri hanzvadzi yangu iri kunzwarwo ndainzwa sei?Ndinobvawo kupoor family saka ndanga ndatoti mari iyoyi ndototumira mai vangu vari kurwara kumusha uko asika handingadiridzi mufaro wangu nemisodzi yeumwe l 'm sorry my sister ndakutonzwa kuzvinyarira izvozvi hameno kuti ndanga ndapindwawo nei inga wani vabereki vangu vakangondikudzawo zvakanaka wani?Kushaya kwandoita hazvirevi kuti ndoita yese yese kuti ndirarame.Chitora mari iyi wozobatsirika l know kuti urikuswera nenzara hapana chaunodya muswere wese wezuva."Akadero achirazidza kurevesa kwazvo ndikati,"Noo tumira amai vako kumusha vatenge mapiritsi ini l will pretend kukamhinha so that vanofunga kuti ndarara newe."
"Be careful darling hauzive next move yavo."
Eddy akabva abuda ndokusara ndichizvibvunza kuti ko dai ndabatwa chibaro,,zvaizofamba sei?Ndakabva ndatozviona kuti upenyu hwangu hwaitova panjodzi chaipo.Ndakasvika pakubatwa nehope ndiri pafloor ndakazopeputswa nebhutsu yandakakahwa ndichibva ndanzwa parere moyo ndakavhunduka zvakanyanya ndichirotomoka ,"Please Eddie don't do this to me,please,,,,!"Handina kupedza kutaura ndaive ndapihwa gwati ndichibva ndadonha ndichinorovera pacorner yekitchen unit ndakayuwira nemarwadzo.
"Basa rekurara pano uchitadza kuita basa Eddie wauri kudeedza manga muchitoita sadaka mumba mangu ka nonsense."
Ndakazonzwa Feli mwana wavo musikana wenumber 3 achideedzera,"Hamuzi makuzvinyanya here mhamha atadzeiko mwana iyeye zvimwe zvacho munozozvinyanya imi munotiona zvedu takanyarara hazvirevi kuti hationi kutadza kwenyu chimbomuregaiwo azorore".
"Iwe vhara gaba rako ndini ndotonga pano pano panoti ini."
Vakapopota sadza harina kupakurwa vakabva vabuda ndokunorara mutemo wepamba apa waiti amai ndivo vanopakura saka kwaitova kurara nenzara mufunge.Hope hadzina kubata nekuda kwenzara ndakademba kumusha kwedu.Hongu taitambura asi hapana pandakamborara nenzara mufunge.Ndakamuka nenzara dzangu ndokunohodha chingwa kuma4 chaiko ndichienda apo ndaienda netsoka.Ndaifamba ndakabatira ura mumaoko ndaida kunobata line rechingwa palobels sezvo chingwa chainetsa kumadrinks kwaisanetsa zvako ndaive ndakumbirawo vamwee bhudhi vaishanda pacoca cola kuti vandichengetere vakabvuma.Ndichifamba kudero ndakazongoona ndakombwa nevarume vatatu zvekuti ndakapererwa ndakatanga kashort prayer kangu pavakada kusvedera pedyo neni ndakabva ndaona mumwe musoja aitozvifambira zvake vakomana vaya vakabva vangotiza zvekuti ini wacho handina kuda kuzomira ndakatevera vamusoja vaya sezvo vaienda kwandaiendawo.
Ndaiti ndawana vemutemo vasina huwori ko ndaizivei kuti baba vacho vaitondifungirawo parefu.Ndakangoona mberi kwangu kusisina munhu ndichibva ndangozvishingisawo kufamba ndakazongonzwa ndabatwa muromo zvekuti ndakatadza kana kudeedzera chaiko.Chero dai ndaideedzera ndiani aindinzwa panguva idzi.Ndakada kurwisa asi zvino simba rabvepi munhu akarara asina kudya apo ziso rangu rairwadza zvakaipa ndaiva ndarovera panguva dzandakarohwa.Handina kuzorwisa zvangu ndakangoti,"Chingoitai henyu zvipere ndibve ndafa ndosvikepi ndichirarama hupenyu hunorwadza kudai vezera rangu vakarara kutaura kuno asi ini ndiri pano ndirikumbeya mumaindustry ndosvika kupi ndichidai ndapererwawo ini ndachema ndashaya kuti ndingaudza ani angandinzwawo?"
Ndaitaura izvi ndiri mumauswa mandaive ndawisirwa,ndakazongoona munhu achisimuka ndokukwiridzira trouse rake achibva andimutsa zvikanzi,"Muka hako ndikuperekedze kwauri kuenda".Ndiro zuva randakadzidza kuti Mwari akafanirwa kunamatwa.Tarisai mhani muone pandanzvengeswa naMwari wangu.
Ndakazoenda kubasa kwangu ndokuswera ndichitengesa as usual kana iri nzara handichatauri ndototendawo umwe mukomana akatenga drink achibva ati keep change ndipo pandakamhanya kotengawo kasadza ndanga ndave nemazuva ndisingarizivi .Ndakati ndapedza kudya ndokusimuka ndichida kunogeza maoko ndichifamba kudaro ndokuona vakomana vachinditarisa vachiseka ndakatoshayawo kuti kwauyei munongo huzivawo hunhu hwemahwindi ndaive ndonyara zvino.Ndakazongoona mukomana wekeep change uya achindivhara nejacket rake .Ndakacheuka ndichida kuona kuti chii ndokuona haikona skirt iri piriviri apo iri yewhite futi.Ndakabva ndatorongedza kuenda kumba chaiko ndanga ndave kunyara ini.Ndakasvika pamba pakati zii asi door risina kukiiwa ndakabva ndangovhura ndichibva ndasangana neshura chairo.Ndakamboti zvimwe ndrikurota ndichibva ndazvitsunya ndokunzwa kurwadziwa ndikaziva kuti zvaiva mberi kwangu raisava shura asi kuti ndochokwadi.
Eddie aiva akarara nemanhede achiratidza kuti anga asitorina simba zvaro chakandinetsa mainini vanga varipamusoro pake vachiita kunge munhu arikutaura nendimi uku vachiita kushinyira vakatsinzinira tuziso zvikati twaiva tudiki.Ndakapedza,chinguva ndakamira ndichiedza kubatanidza kuti vangava vari kuitei chaizvo pamusoro paEddy ndakazonzwa voti ,,,,"thats it,Oh my God you are so swe...."Handina kuzoda kuramba ndakamira ndakabva ndatoziva kuti vaitoita zvedenga zvavo hameno kuti Eddy wacho anga aitasei chaizvo.Ndakamhanya kubath ndokusvikogeza nekukasika ndisati ndaonekwa ndaitya kuzvindikitwa zvangu ini.Ndakatoti ndiri pakati pekuugeza ndokunzwa vanhu vaikakavadzana kusitting room ndichibva ndangopfeka chero kupukuta handina ndokumhanyirako ndichibva ndasvika ndichidongorera.Ndakarohwa nehana ndichiona Eddy akangoti rapata pasi apo amai nemwana vachiudzana magara moyo.
"Asi nhai mhamha muri munhu akaita sei chaiko atadzei mwana wevanhu ko kana akakufirai munozviudza ani?Dai mwana aisarudza mubereki waanoda asati azvarwa ini ndaisambokusarudzai ini you are a disgrace to womanwood .Chokwadi nezera renyu iroro kutochemerera pamwanana akadai?Munombovatora seiko baba vedu imi vamungasanganisa nagarden boy mune....
"Iwe ndibvire uko kunge usingazvidewo unoti ndingatofa nenyota makumbo arimumvura kuti ndopenga here?Baba vako vave ne 3 months vasipo pano saka unoda ndiite sei?Ndaona zvirinani kuti nditambe neava vasati vaziva zvakawanda ava pane kubuda kunze."
"Manje panongouya dad chete ndiri kuvaudza zvese moda kusungiswa imi irape iyi dai musina kumupa drug azvisarudzira ega zvaiva nani hamuoni kuti maita hutsinye here ipapo."
"Hey,,,shut up!Haundiudzire zvekuita ka,,iwe zvawakabvisa nhumbu kusvika wabviswa nechibereko chese hantie ndiko kuda pakati kwacho iye zvino wakadzingwa nemurume nekuti hauzvare wani.Ndoda kuti uvaudze baba vako ivavo tigoona kuti vanoigona here kuidzosera mari yawakabvisirwa pakurooorwa vachiswero rooresa mvana yakadya chibereko nekuda varume."
Iiii dzimwe nyaya so ndakademba chandaiterera nyaya dzevanhu.Ndakaona sis Fortue vachibvapo misodzi ichiyerera.Ndakazobudikira vachibva vandiona vakabva vatonditi ndisimudze Eddy ndinomuisa kuroom kwake.Hama wee zvimwe zvinhu zvinongoda kufunga veduwe ndipo pandaizomugona here Eddy wacho ndiri one.Ndakaita zvandaive ndaudzwa asi yaisava nyore nokuti anga asina simba uku achingorembuka.Ndakamuzvuzvurudza kusvika tasvika kucottage kwaaigara ndakasiya ndamurarisa ndokubuda.
Ndakafamba ndokupinda mumba kuti ndiite basa rangu chero zvangu ndaiisiya ndagadzira mumba ndichienda kubasa pandaidzoka ndaiwana makaita upside down vanhu vacho vaisasema tsvina zvavo.Ndaita basa rangu ndokupedza ndaida kumbozorodzawo nyama dzangu dzaindirwadza ini chida pasi peguvhu ndaiita kusuka ndakagwadama pasi chaipo.Ndakati ndapedza basa ndakuti ndizororewo ndipo pandakatambidzwa washen kuti ndiwache apo ndairwadziwa ini ndainzwa kunge pane zvaida kubuda kuzasi kwangu asi zvichirambira mukati.Ndakashingirira asi ndairwadziwa ndaipota ndichimborara nedumbu pazvinenge zvoitawo nani ndosimudzira.Ndakazonzwa zvanyanya ndichibva ndazvishingisa kuti regai ndinoudza sisi fortue zvimwe vaizondibatsirawo.Ndakanoka ndichibva ndanzi ndipinde, ndofunga vaiti ndauya nefood yavo sezvo vakamhanyira kundibvunza chikafu chavo mushure mekunge vaona pasina chandanga ndakabata.Pamba apa paitwa mazvake mazvake munhu aiita zvaanzwa moyo wake uchida.Pane 4 girls hapana mukomana padinner time ndaifamba room by room ndichivaendesera chikafu saka ndofunga ndizvo zvakaita vandibvunze ndaisatenderwa kungopinda nje.
"Urikudei muno ndakakuti chii nenhau yekupinda muroom mangu kasika kubuda,ndati buda tione."
Ndakakwesvaira ndokudzokera kuwashen apa ndipo pandakazochemaa manje.Ndairwadziwa ini.Ndakachema kusvika ndabatwa nehope ndiri mumarwadzo imomo.Ndakazopeputswa nemvura yaitonhora yandakadirwa.
"Go back to business."
Vakadero mainini vangu vachibva vabhidhaira vakananga kuroom kwaEddie apo kunze kwanga kwasviba zvino.Ndakawacha ndikapedza wani zvakaoma kudero apo mosquito dzichiruma zvakaipa.
Pandakati ndipinde mumba ndizorore mainini vakabva vangonditambidza kabucket kemvura vachibva vati,,,
"Enda unotova Eddie kusvika amuka izvozvi."
Chadaive ndakatadza ndakatochishaya ini munhu aita mabiribobi ake pedzezvo oti ini ndigadzirise aah zvakandiomerawo veduwe.Ndakatora bucket riya ndokunanga kuroom kwaEddy.Munoziva ndakarohwa nehana ndichivhura door rake ainge akangoti rapata sekumusiya kwandaiva ndamuita ndakarwadziwa ndakamutarisa paari paisaratidza kana hupenyu zvahwo.Ndakatanga kumutova asi haaana kana kuedzesera kumuka.Ndakatanga kuchema ndichingotova chete apo ndainge ndichiri kurwadziwa pasi peguvhu ndakasvikawo pakuneta ndichibva ndangobatwa nehope ndiripachipfuva chaEddy.Ndakatozomutswa naye mushure mekunge avhunduka achibva angondisunda ndichibva ndanotovera nemusoro pachisingle bed chake apo ndechesimbi.Ndakayuwira nemarwadzo ndikagomera ndiripasi ipapo. Ndakaona munhu achiuya pandiri akarova serious zvekuti ndanga ndave kutya pamwe chete nekurwadziwa pandiri akasvika achibva angobata kadress kandaive ndakapfeka achibva akadambura kukaita mamvemve chaiwo.
"Haunzwe Sere urikutsvakei muroom mangu hee manje today l'm not going to spare you ndrikutonzwa kuda munhu chaiko."
Akanditaridza mudenga apo achiita kuyerera ziya chaiko in short aiita semunhu avekupenga.Akakurura hembe dzake ndaiva ndangoti tuzu ndakavhura ziso kunge richabuda ndaiva ndangotarisira zvese zvese hangu.Ko ndaiidii hangu panguva yakaoma kudai.
"I can't do it Sere,,,please help me before l become insane ndanzwa ini."
"Saka ndokubatsira sei?Tarisa condition yauri haisi kufadza zvachose."
"Buda muno Ruru ndisati ndakubata chibharo."
"But why Eddie?"
"Buda Sere zvandiri kunzwa ndini ndinozviziva."
Ndakangobuda ndakashama kudero nokunogara pachicorner chemba ndakatanga kuchema ndiri ipapo.Ndaizosvikepi nhai Mwari ndichirarama hupenyu hunorwadza kudero?Ndongotenda Mwari nekundirwira dzimweni dzenguva dai Eddy akaita sadaka chairo.Ko aikoneswa nei ini ndakaenda ndega.Ndakagara kudero ndokuona Eddie achibuda akananga kumain house apo aita kufamba achitaura ,"Nhasi mai fortue vanondiona aah kundinwiiisa drug manje nhasi tinopedzera regai muone".
Nyaya yacho yanga yatokora muto ndakabva ndangozvimbandidzira mukona ndichibva ndatobatwa nehope ndakadero.Hameno zvaizoitika mukati imomo ini ndinenge ndisiko.
End of chapter 2
❤️
👍
😢
😂
😮
🙏
114