MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
February 10, 2025 at 05:58 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLcDGY9xVJpFXBJQk3k
SERENITY
Chapter 4
Amai Fortue(Nyevero)
Zuva racho raitevera ndakanonoka kumuka nyama dzairwadza kutaura chokwadi kubva ndigare naba fortue ndaive ndisati ndamboitwa zverudzi urwu.Ndakatoona musiyano pavarume vaviri ava ba Fortue munhu uya murefu ari mugiant kana pari pachiso aiwa zve Mwari vakaratidza hunyanzvi hwavo asika hantie munozvizivawo munhu haanaki kwese murume wangu akanyimwa zvake mutezo wandodisa zvakanyanya kuita kunge kagunwe kedu aka katinoshandisa kutyper aah veduwe zvakaoma mufunge henyu.Regai zvinzi chakafukidza dzimba matenga zvimwe zvacho unotonyatsoona kuti kugarira vana bedzi asi ndiri panzara.Zvino Eddy umm mwana mudiki zvake asi akatakura ndainzwa kuti pano ndirikufadzwa zvemhando yepamusoro kwete kukwenyiwa kwandaiitwa nababa vekwangu kana ivo vana takavawana nenyasha dzedenga nokuti hapana zviripo.Ndakazomuka ndokupinda mubath ndichibva ndazvitarisa pamirror ndakangosekerera ndafunga zvandaive ndaitwa naEddy usiku hwapfuura.Ndakazogeza ndokupedza zvangu ndichibva ndanyatsopfeka hembe dzinoenderana nebody yangu chero zvikanzi ndiri chidhafu nekuda kwekusimba asi zuva iri ndainzwa kuti ndakagarwa ndaida kuti Eddy agutsikane kuti ndiripo ndanga ndatowanawo muponesi wangu panguva yekusuwa zviro zvababa.
Ndakapinda mukitchen umo maitozvipenyera zvamo as usual breakfast yatosetwa kare zvinhu zvese zvanga zvakarongeka handidi kunyepa.Kutaura chokwadi Sere aiita basa rake nemazvo asika mwana asiri wako haafe akazoita wako ,pamberi pake hapana chaaita ndikachirumbidza ndaitoona sekuti ndabetrayer vana vangu.Mashoko erumbidzo airamba kubuda mumuromo mangu chero zvangu ndaiona zvakanaka paari. Zuva iri ndakatopakurira Eddy food yakawanda semunhu anga andifadza chero hazvo ndairwadziwa pakati pemakumbo chikuru ndaburitsa huturu.Ndakanyatsoenda nechikafu chaEddy ndichimodela uku ndichizhinya kunge pfambi yawana wezuva rese. Ndaitofanirwa kunyepera kudzungaira zvangu kuti Eddy asapote achidya panaa Serenity mnxii ndakatombobatwa nekajelous pamwe nekuzvishora kuti ko ndakaitei?Kuti Eddy zvaakaravidza Sere mutambo uyu kuti achada here kuusiya nemachovhero anoita Eddy so potse potse kutozosiiwa ndave ini.Ndofanirwa kuita plan handingadye panodya Sere ini bodo.
Ndakasvika akatovarairwa zvake achitoratidza kuti arimunyika yake ega akatozovhunduka pandakamutsvoda achibva anomira kwakadero uko.
"Mavingei pano hee ,sarinhi pamakambondivigira chikafu imi,,,itai mushe.Bvumai kukura mhani."
"Eddy kani ndozvinoitwa here izvozvo huya tipinde mumba mako umo titaure."
"Taurai nyaya yenyu pano ndaneta nematricks enyu moda kundidhakwisa zvekare kuti ndife.Ndozvamoda here?Moda deliverance amai imi."
Akapopota Eddy uya kusvika ndakunyara,ndakabva ndangokwesvaira ndichidzokera nekatray kangu.Mazuva akafamba Eddy ainge azorambisisa kurara neni zvakare ndakaedza zvese zvikaramba kutowedzerawo salary kani,kutomupawo food yakawanda asi umm zvakaramba.Ndakazongotanga kungonzwa nungo kurara zvisina kana order ndangandoti ndikadya kurutsa apo Eddy ndainzwa kuda kuswera naye asi iye asingadi manje ndainzwa godo pamwe chete nehasha ndikamuona achitaura naSerenity.
Ndaibva ndatomudeedza ndomurova ndaimukumurisa hembe ndonyatsorova ipo pacho panoda varume mxii.Ndakazoona ndonyanya kurutsa ndichibva ndaenda kwadoctor ndakangoitwa zvimatest zvewiwi,,pakati papera chinguva vachibva vati ndizvo zvinoita nhumbu kana ichangobata izvozvo.Hana yangu yakarova ndipo pandakarangarira kuti ndaiva ndabviswa jadel ndichiti ndakuda kumbochinja pakaenda ba Fortue ndakangozvirasira kure ndichiti sezvo ndisina murume pedyo.Ko ndaizivei?
Handina kuzviteerera zvisina basa ndakabva ndangonanga kumba ndokusvika Eddy achitodiridza handina kuda kuswerotaura zvekunyengerera ndakamuudza zvaivepo ndaiti acharamba zveini ndakashamisika achitonditi,,,,,
"Wandigonera wena wena mukadzi wedu".
Ndikati ndokudiwa zveuku.Ndakatozoshamisika achinditi,"Be prepared to answer all the questions to Mr Taruvinga kuti nhumbu yakabvepi? Don't even try to involve me munyaya dzenyu pedzeranai mega.Usatomboedza zvako to abort the baby l swear l will sue you".
Nhai Mwari chimkomana ichi zvachine moto ko ndanga ndichiti ndachigona ndopihwa zvandoda panguva yandada izvo kwani atori nemoto zvino zvazvadai,,,ndodii?
.
Amai Lee(Raviro)
Ini ndini sisi vaSerenity ndinogara kuChitungwiza nemurume wangu ndine vana vatatu vatokura Linety ari kuUz,Linah form 4 naLiberty grade 7.Ndakaroorwa zvakadadisa chaizvo zvekuti ndakademba kuti dai vabereki vangu vari vapenyu vazvidyira zvavo pfuma yavo.Murume wangu ndigold buyer hapana chandinoshaya pamba pangu zvese ndinozviwana asika ndinodawo yangu yemuhomwe semudzimai asi kwekuiwana handina.Munogona kusazvinzwisisa zvenyu kuti sei ndisina kubvira ndatumirawo mari kana shuga zvayo kumusha kuhanzvadzi yangu kuti abatsirike nemwana.Hama dzangu chakafukidza dzimba matenga,ukaona munhu achifamba apo unogona kuchiva life yake usingazivi kuti akatakura kurema.
Ndaisapihwa kana coin zvaro mufunge.Kana riri grocery ndaingonzi nyora chese chisipo murume ouya boot remota rakagara pasi.Zvino rimwe zuva ndakapinda mupantry ndokutora grocery ndokumhanya kumabhazi ekumusha kwedu kuti nditumire hama dzangu ndakati ndichisvika pambare ndiye dhumha naba Lee.Vakangondidhonzera mumota tichibva taenda kumba hapana aitaura neumwe.Takasvika kumba ndikarohwa senyoka yapinda mumba ndipo pavakandibudira pachena kuti handina mari inoenda kumusha kwenyu hapana changu chavanodya.Pfuma yavakadya yakakwana.
Ndairohwa hama we zvekuti vana vakaguma votya kugara pamba.Rimwe zuva ndakatora mari yaiva mumba ndokupinda mutown ndokuhodha tumapants twevana kuti nditengesewo ndigotumira Sere mwana wamai vangu.Ndakanonoka kusvika kumba sezvo ndakafamba ndichitengesa ndakawana baba vatovepo pamba vakagara zvavo.Vakati vachingondiona chete vachibva vandidhonza ndokuenda neni mubedroom hamawe kusina mai hakuendwe ndakarikitwa ndikasara ndanaka tupant tuya tukatorwa tukapiswa ndokusara ndangoti tuzu.Ndapedza kurohwa kudero ndakabva ndasungwa maoko nekumusana makumbo akasungwa ndakashadaburiswa munhu achibva aita zvaanoda neni.Ndakatanga ndichachema kusvika ndangoti zii.Ndaigarodemba chandakaroorerwa ini ,dai zvaibvira ndaitiza zvangu zvino any silly move unotochiona.Dai zvainzi munhu kana achikupfimba paya ainyora profile waingoenda pane ane maqualities aunoda.Manje ini ndakaita kuya kunonzi kuwira chaiko.Regai zvinzi rinonyenga rinohwarara rozosimudza musoro rawana.Waisamufungira murume wangu always cool zvake asi zviri mudzoro imvura chete.Ndinombosvika panguva yekubvunza Mwari kuti ko ndakatadzeiko kupihwa bhinya remurume rakadai?
End of chapter 4
Malikes ngaauye zvawo tiende mberi
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
193