MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
MAMA SHANNELLE NOVELS& CHIKAPA STORIES📚🖋💚🇿🇼
February 12, 2025 at 05:22 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLcDGY9xVJpFXBJQk3k React before you read SERENITY Chapter 5 Amai Lee(Raviro) Handina rugare mukati memba yandakaroorwa.Zvose ndinozviwana, mumba mangu hamudyiwe chinovava mufunge.Kana dziri hembe aiwa ndinopfeka fashion yese asika mufaro chaiwo mumba handina.Ndinogarodemba chandakaroorerwa kure kwakadai.Dai paiva pedyo ndaipota ndichimhanyawo kumba kwedu.Dzimwe dzenguva ndombofunga kutiza ndotorongedza bag rangu pandinoti ndakubuda munhu anobva atosvika.Kana zvadero ndinochiona chakatadzisa imbwa kuseka kunyenama ichigona.Ndinorohwa ndichirairwa sendumure hama dzangu. Kana riri bonde handizivi kunaka kwaro ini it's either anondiita hwejongwe kana kuti anondisungirira oita zvaanoda neni kana zvake zvaita anobva angondipushira kwakadero uko ondisvipira kunge ndinonhuwa.Asi iye munhu anga ari pamusoro pangu. Dzimwe nguva ndongobatwa nehope ndichichema havana kana han'a neni kuti ndinonzwawo sei?Zvavafunga kuita neni ndizvo zvavanoita.Ndakatanga ndichinyara pandaisunungurwa nemwana makuseni mushure mekunge varara neni vakandisungirira.Kiss chaiyo ndinoita sendichadhumira patv nokuti ndipo pandinoizivira ini ,ndinotoshuvawo kubatwawo nemurume wangu asi haana nguva iyoyo as long zvake zvaita chete.Pamwe ndini ndiri kumhanya vadikani ndizvo zvamunoitwawo here mamarried woman mudzimba dzenyu ndibatsireiwo pamwe moyo wangu unganyevenuka. Ndakambonyora tsamba rimwe gore kuhanzvadzi yangu ndikati ndimubatisewo dambudziko randinaro mumarriage mangu haana kuda kuvanza kana kutenderera akangonditi, "Shingirira mwana wamai ndiko kukura, imba imwe neimwe ine mutemo yayo kana manguwo ndine mutemo,zvekuti tumirawo mari izvo usazvinetsa zvako chikuru uchidya uchiguta uinewo anokuchengeta. Tarisa ndiri mwanawo anoda kuchengetwawo zvino mese mukandiunganira zvobuda here?Takadya pfuma yemurume wako mwana wamai shingirira handina kuti handikudi hanzvadzi asi chokwadi ndechekuti ndinotopererwawo kuti, zvatingoriwo vana tega ndianiko achatinzwisisa.Atleast zvose unozviwana uchidya uchiguta shingirira uvake musha wako nerimwe zuva zvichanaka." Ndakanzwa kurwadziwa nemashoko aya ndipo pandakagutsikana kuti kana uri nherera hauna rugare panyika.Hama dzangu regai ndikutaurirei chinhu chimwe chete chandave kunzwisisa ini pache zvangu ,itai madanha kana vabereki venyu vachiri vapenyu shingairai nepese pamunogona napo kuti ufadze vabereki vako.Vamwe vana hatina kupiwa mukana wekuyema chaiwo vabereki vedu vakafa ndine 10 years kana zviso zvavo handitozvizivi iwewe zvako utori navo vese vakakwana mari urikuibata asi kuti uvapewo unonzwa kuti ndatambisa ngatisaderoi mufunge.Makambozvionawo here kuti mubereki kana aripo pedyo anokuvhumbamira zvekuti chero muvengi chaiye anova nekutya kuita zvaanoda pauri .Zvino kana usina wangofanana netsviyana yashaya mai vayo inoswera ichingonyaudza ndizvo zvakaita nherera haina wekuchemera nhunha dzayo varoyi ndipo pavanoitira maexperiment avo ipapo. Mazuva haamire nokuti urikutambudzika handina wekuchemera ,handina wekuudza so l have to be strong for my children handidi zvangu kuti vazoona nhamo yandiri kuona iyi.Rimwe zuva ndichitotsvaira yard zvangu ari makuseni yanga itori weekend munhu wese aivapo pamba ndakaona Lee mwanasikana wangu mukuru achimhanyira pamaruva ndokusvikorutsa ari ipapo.Ndakanyahwaira ndokusvikomubata bendekete zvekuti akavhunduka kwazvo. "Inhumbu kaiyi Lee?" Ndaiti zvimwe achakakama ini, kwaingovawo kutaura asi ndaisava nechokwadi chezvandaitaura asi ndaingoti Mwari itai kuti zvisava izvo zvandiri kufunga. "Yes mom ,2 months gone now."Akadero hake ndikati,"Watii?" "Zvandataura mazvinzwa mom ndaona iri iyo nzira yakanaka yekuti ndibve pamba penyu ndaneta nemadrama enyu nadad maybe munotosara naLinah uyo hunge asinawo kuneta nezve pano pamba."Ndakapererwa airatidza kurevesa kwake kwese.Achitaura kudaro ndakanzwawo Linah achiti,,," Pamwe ndini ndichatotanga kuenda iwe usati waenda because i'm pregnant too."Ndakashama muromo kunge gatahww ndikati,,, "Nhai Mwari wangu?Ndinopararama here pano pamusha.Ndoibuda here iyi yakora muto kudai?Vanga vazondigona zvavo vana ava ndaisavafungira kuti vangaita hunhu hwakadai nekuziva kwavaiita baba vavo. SERENITY Ndakaparara panze mosquito dzichindidya kwete zvekutamba.Ndakazomuka nguva dzangu dzemazuva ese apo ndaitoshaya kuti ndopinda mumba macho sei ndakatofara ndaona door rakashama ndichibva ndangonanga kuroom kwangu ndokunopinda ndichibva ndapfeka nekutotanga basa.Ndakaita basa rangu nekukasika ndokubuda ndakananga kohodha chingwa.Ndakachiwana ndokuenda kotengesa pangu pamazuva ese.Ndakati ndichitotengesa zvangu ndokuona mukomana uya wekundipa bhachi randakavharisa mabiribobi angu,pfungwa dzangu dzakangondiudza kuti auya kuzotora bhatye rake ndakabva ndanzwa kutya kuti sezvo rainge ratorwa namainini ndaizomuti chii manje. Ndakasimuka ndichibva ndanohwanda seri kwetoilet yepacoca cola paya.Ndakatora nguva yakareba ndriko zvekuti vanhu vaitodeedzera madrinks vachishaya anovatengesera.Ndakazosvika pakubatwa nehope ndripo paseri ipapo ndakatozomutswa nemunhu akandizunungutsa ndakarohwa nehana ndichiona vari bhudhi vebhatyi ravo. Veduwe hameno zvazvinongoita kana wangodyaira kuvhurumutswa so,,,ndakatanga kurotomoka kutaura kwandisina kusvera,, "PLEASE hanzvadzi yangu ndiregererewo bhatyi rako ndouya naro mangwana usandinyadzisewo pazere vanhu kudai." Ndakataura misodzi ichitoyerera izvo zvakaita kuti vanhu vaungane pataiva tiri vachida kuona chaitora nzvimbo. "Sorry hako kana ndakutyisa handina zvandokuita ini ndatouyawo kuti tizotandara zvedu nothing more". "Whaat!"Ndakadero achibva ati,"Umm asi hausi kuda ndiende zvangu?" Ndakabva ndatura befu ndaive ndamufungira parefu chaipo.Vanhu vakazotanga kuti mwanda mwanda vaona takuwirirana. "Handina kumbodaro." Takafamba kudzokera pabasa pangu tichibva tasvikogara tichitaura nyaya zvedu.He was a good person zvake.Takagara kudero pakabva pasvika munhu aida drink ndakarohwa nehana ndichiona mucooler box musina kana chinhu madrinks angaaenda ndakangoshama muromo wangu ndapererwa nemashoko.Pakarepo foni Ezra yakabva yarira(mukomana webhatyi)achibva angoti,,, "Ndokuona Sere ndafonerwa kubasa". Akabva amhanya achienda.Ndakasara ndikabata musoro ndainosvika ndichiti chiiko kumba namai vaya?Ndaivaudza kuti madrinks avo aenda kupi?Apo zveloss ndizvo zvavaisatombodawo zvavo. End of chapter 5 More comments more fire 🔥
❤️ 👍 😢 🙏 😮 😂 130

Comments