SMAILAH NOVELS
SMAILAH NOVELS
January 18, 2025 at 11:37 AM
https://chat.whatsapp.com/K5VGUzqE0pE4D5heG8vbEk https://whatsapp.com/channel/0029VaFWIrG3GJP3iso8x63f _you need the book from chapter 1 and you don't have anywhere to get it ,don't worry i have got you covered, use the link above to follow my channel❤️🫶_ *ONE MORE CHANCE💛* _diary ka portia_ *STORY BY::* *XAVIER* _note andipe book ku inbox so let's follow muchannel muwane book rese_ *078 065 9318* *CHAPTER 7* *NARRATION* _At Portia's residence_ Jessica akabuda mumba akabata chi bucket chaiva ne wet ,achiidira mutoilet yavo yegomba ,sezvo kuma round kwaiva nema blair toilets, ava kubva ku toilet akadeedzwa na Mai Puro vaigara paside pavo *MAI PURO::* Nhaiwe Jessica mukuswera muchi javula pano pamusha siku nesikati ko mwana aripi *JESSICA::* Muri kubvunza mwana upiko nhayi mhai nekuti ndikanyatso kurangarira zvakanaka pano pamusha hapana mwana mudoko *MAI PURO::* Hezvoo nhaiwe Jessica unoti wakakwana here iwe ,saka iwe unoti Portia uya ava munhu mukuru here handi ndiye mwana wamai na baba vako mudoko here ,zvaava nemazuva akati wandeyi asingaonekwi *JESSICA::* saka zvaasingaonekwi murikuti ini ndomuonawo pamweya ndava muporofita here ini ,handi Portia wacho ane vabereki here nhaimi mai imi kana zvakwidza indayi kaaa imi munomutsvaka zvimwe atori kuchikomana chake vana vemazuva ano tingaziva here nhaimwi ndanga ndichitoti mune zvitsvene zvamukuda kutaura neni zvee ini *MAI PURO::* Imwi vana munondishamisa semukova imwi ,saka hamudosi worried kana kumbofunga kuti umwe wenyu aripi here ,kana kuti kwaari ari sefu here aiwa ndapa kutenda hangu ,ivo vabereki venyu vachamboziva kudzoka pamusha here kana kuti zvangova zvibhonda *JESSICA::* aaah hezvo ndingazivawo here kwavari endai munovatsvaka kana muchivada ,kumabin ndokwavanotambira kana dzanyatso kukuruka hwahwa hwapinda mumusoro aagh Akadaro achipinda muimba yavo ,yaiva yeround ,akabva agara pasi aakufunga mwana wa baba vake , ano pretender seasingadi Portia but mukati memoyo wake holds that special position akusi kumunzwira tsitsi asi rudo rwasisi chairwo pana Portia ,anoita zvaanokwanisawo semunhu asingashande sekumupawo mari yema pads neye lunch nekumutengerawo zvichikafu zvekupota achibika pamba ,zvino pakangotanga kushaikwa Portia haana kumbobvira ayenda kuma boyfriends ake akamirira mwana wamai vake *JESSICA::* wherever kwauri mwana wamai vangu ita udzoke ndakakumirira ini sisi vako ,i know handinyanyi kukutaridza rudo gwangu kwauri asi ndinokuda munin'ina wangu please dzoka kumba uri mutano ,ndiri kuda kuzama kuita sisi kwavo and ndoda kutsvaka basa ndiwane zvekuita neupenyu hwangu ,zvekuramba ndichivata nevarume vevanhu handichadi ,ndaneta ini ,ndakauraya ropa rakawanda through kubvisa nhumbu i can't even stand myself right now, dzoka Portia munin'ina wangu maybe ndingawana simba rekuti nditangewo kutsvaga basa ndichiziva kuti ndine wandiri kushandira ,kwete kushandira mari dzedoro zvandaiita Idzi dzaivawo pfungwa dza Jessica uku misodzi ichiyerera nematama ,achifunga Portia uyo aitovawo mubishi rekurwira upenyu hwake hwaiva patambo ,mu rank vana vepa Midlands vanga vabuda chikoro vavakuenda kudzimba dzavo , baba Portia vanga vari pachibhawa chinonzi Dawela vakadzvinya bhodhoro re Black Label uku vachitsava radio zvisina ani nani akamboona Umwe wevana vechikoro noticed kuti ndibaba va Portia ,she is not that well known pachikoro chavo but almost ¾ of the school know her and her household situation, the guys started laughing taking videos of him dancing *THAPELO::* Iri roinda pa tik tok chete iri boys ,roda kuiswa svi back up sound svekuti kasongoyeee ungari nanga Vose vakaseka vachitora maphone avo umwe neumwe akatanga kutora video nephone yake, vanhu vakavanzwira tsitsi vamwe ndivo vaitaura zvavonoda not knowing of this family's dynamics *MAN::* This man kasi dzakatodambuka kahi ,ipapa munhu arikubuda ziya achiita kufa nekutamba kudaro pamwe izvezvi kumba akutorina kana shuga ,haa ndopaunoona kuti vamwe varume i losii dzana baba kuita kunonzi kushoresa varume ndiko kwaari kuita uku aah chero mukadzi wacho anenge achiti murume aripi achidayib *WOMAN::* Iiiih bamunini regayi kutanga majaja bhuku nekuda kwekavha rekuzhe chete ,tangayi maona zviri mukati ,makatarisa baba ava do you think kuti kuda kwavo here nhaimi dzimwe dzedzingori mhepo dzinoitisa munhu kuti ashaye zvekuita neupenyu hwake ,mhuri yemurume uyu yose inomwa doro zvinosiririsa bamunini musatanga kujaja imi amuzivi kwavanobva Vakadaro vamwe mai vanotengesa ma drinks murank ,ndobva vatodzokera pamusika wavo ,and murume uya anga ataura akasara aakufeeler guilty kuti ko chaanga aakurasira muromo chii ,he tried to walk away but something pushed him kuti aende kuna baba Portia, akabva avatora *BABA PORTIA::* Iwe mukwenyani unoda kuyenda kupi neni iwe ndisiye ndoda kuzvifarira ini ndisiye ndimwe nhamo dzangu ,ndisiye iwe ndozvivuraya mama mama huyai oooh honayi anoda kundirova mama Vakatanga kuchema baba Portia vachizvuviwa nemurume uyu ,vachiita zvinhu zvaiva dramatic vamwe vanga vava kunzwa tsitsi ,akabva avaisa mumota make and locked the door achienda kudriver's seat and drove off leaving dust dangling in the air Lesley's father walked in the police station, and found an officer aiva pa front desk *BABA LESLEY::* Can i talk to the officer in charge of my daughter's case *OFFICER::* Sure sir ,he's busy in the interrogation room ,he will be with you in the next thirty minutes *BABA LESLEY::* olk bhoe Vakadaro vachienda kunogara pasi vakamirira mukuru wemapurisa wepa Zvishavane camp, after thirty minutes the captain was done and he came to assist the old man *BABA LESLEY::* sure thing He said that paying for the bail ya Les and he even paid captain wacho kuti nyaya yacho ingotsikwa tsikwa zvipere without anything traceable and the captain promised him kuti nothing will come back to him Baba Lesley vakabuda vakananga kuchipatara kwaiva nemwana wavo ,vakatenga zvekusvika vakabata ,vakawana mwana wavo akasungwa nenjema and he shouted at the officers there kuti vamusunungure and she was set free akamhanya kubata dumbu rake *LESLEY::* I know daddy dumbu rangu ranga risati rakura asi why is it so flat ,did i maybe miscarry mwana wangu daddy ,where is Pride i need him daddy ,i need him by my side daddy murume wangu aripi daddy ,and mwana wangu ndomuda ini Akadaro achiridza mhere kuita semunhu aakupenga ,izvi zvakadzimba moyo wababa Lesley seeing his one and only daughter in this kinda of situation, he sighed rubbing the bridge of his nose ,and rubbing his hands together *BABA LESLEY::* Prida isn't around *LESLEY::* What do you mean he is not around dad ? *BABA LESLEY::* I mean that Lesley, he is not around, he is in South Africa right now..... *LESLEY::* That must be a sick joke ,daddy wanvu pride haadaro ,he is outside call him in ,ndoda pride daddy *BABA LESLEY::* Unoda ndikuudze seyi nhayiwe Les i told him to come back amheno akawuya unongomuziva mukomana wako ane nharo and haade kuudzirwa ,dayi wakaita zvandakakuudza usati waroorwa naye dayi izvezvi ari pano manje iwe waimisa mapandauko ako uchiti heee ini daddy handidyise murume or kokana zvikazondipandukira kumberi uko ,chitarisa uvone pawuri izvezvi handi dayi izvezvi ari pano sometimes unoita seusingafungi iwe Les akaramba akanyarara achidzeya mashoko a baba vake and for sure akaona kuti akaita hubenzi and she....... *END OF CHAPTER* *STAY TUNED*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 82

Comments