SMAILAH NOVELS
January 19, 2025 at 01:43 PM
[01/11, 4:18 pm] null: *WAKANDIGONA 😭📚*
https://whatsapp.com/channel/0029VaguFhnDp2Q4OGtqqs3y
*WRITTEN BY MAI MAPAMBA ❤️*
*NEW BOOK 8️⃣📚*
*PLIZ READ, REACT , COMMENT & SHARE 🔥*
*CHAPTER 1️⃣*
*NETSAI*
Kusaziva kwakafanana nekufa chaiko ndakaita zvandakaita paya kumashure uko ndichiti ndiko kugona kandi ndaisaziva kuti ndiri kuzvikanda mumuromo mengwena
Chokwadi chinhu chinonzi murume ndava boe nacho ini nekuti ndazoibva kuti ndidzokere kwandakabva hakuchaendeki nenhau yekuti ndakavadzikisira chaiko kunyangwe zvavo vaisandida asi ndiniwo ndakaita hupenzi inga dai ndakangobvuma kupusa zvimwe ndinga dai ndisiri pano
Handizivi kuti mwari ndizvo zvamakandisikira here izvi kubva riinhi ndichitambura saka mdakunosvika mukufa here ndakadaro hupenyu hwangu husina kumbochinjawo uuummm
Handina kana wekuturira mutoro unondiremera ndingori ini ndakadai amai vangu kubva chegore riya nanhasi handina kuzombovaona futi kana kunzwa inzwi zvaro uuummm munamato wangu wava wekuti inga dai vachindiudza kune dzinza rangu ndiende zvangu ikoko pamwe ndingawana pekuzororera nekuti izvi ndava boe nazvo.
Ndaifunga kuti kudiwa kwese kuya kwandaitwa ndisati ndauya pano ndichiri pamurume wangu ndizvo zvazvichagara zviri kaa ini asi kwete handina kuziva kuti ndiri kunodangana meumwe mutovo wakapfuura wandaiva uya wandaichema nawo ko paya ndaiva ndigere zveini uuummm
Ndikatanga kudzamisa ndangariro ndinonzwa kudzamirwa chaiko zvakasimba nekurwadziwa, apa chimwe chonyanya kundirwadza Simba wacho haachipo pambuya akaenda uye akanga akupenga kuti ndizive kuti ava sei handina maziviro andingaita kuti zvakazoguma nei
Prince kumuti ndipoo mari ndiende kumba kunoona vamwe unonzwa achiti wafunga kumbonoona murume wako
Ndikati ini asi handi ndiko kune mwana wangu here makore mangani shuwa ndisingaoni mwana wangu zvinobuda here
"Inga dai waiziva kuti uchada kugara uchiona mwana wako sei wakamuendesa ikoko,hapana metsi dzekuda kunoona Simba idzo"
Uuummm ndainzwa moyo wangu kuenda kure chaizvo nemashoko aPrince ndichitanga kufunga kuti ndiye here uya aindibereka.
Kuti nyaya yacho ikurumidze kupera ndaingozosimuka zvangu ndomusiya ndava munhu wacho ndinomuziva haana mumuromo ndingatoswera ndapinda mujira neshangu masikati machena kudai rakacheka nyika
Apa ndinenge ndichiitwa garira neko mai vacho nedivi vana vacho nedivi uuummm kuona kwangu vanotora advantage yekuti handina hama saka vanoita madiro neni zvisinei hazvo mwari ndivo vanoziva
*STAY TUNED 🔥*
[01/11, 8:58 pm] null: *WAKANDIGONA 😭📚*
https://whatsapp.com/channel/0029VaguFhnDp2Q4OGtqqs3y
*WRITTEN BY MAI MAPAMBA ❤️*
*NEW BOOK 8️⃣📚*
*PLIZ READ, REACT , COMMENT & SHARE 🔥*
*CHAPTER 2️⃣*
*NETSAI*
Ndichitanga kugara tese naye zvaiva zvakanaka chose ndaiti apa ndinodiwa ende ndichidada naye shame.
Kubva ndichimuziva handina kugara ndakafungira kuti zvimwe angava munhu ane tunhu twake nekuda kwezvaaiva, handisi kuti ini ndinida mari yake aiwa ini ndakatomuda ari zvaari kudaro.
Ndakashamisika ndichizoudzwa kuti ane imba yake mutown kuMbizo 6 ende atori nezvinhu zvake,asi ini mazuva ekutanga handina kuzviona ini mari yaakaenda nayo kunoroora ndaitofunga kuti aiva aenda kuchimbadzo ndava mari yaakanobisa kwedu yaiva yakawandisa.
Apa kurwadza kwazvo mari dzichidyiwa nevamwe vanhu vasiri mubereki wako vachishandisa kuti ndini ndakamuchengeta apo nguva yese yandaitambura kumashure vanga vasingadi kundiona,mari ine chitema vakatadza kuiramba sekuramba keavakaita pakutanga asi iyi vakagamuchira vachiona kuwanda kwayo.
Akabisa zvake vakasara vachidya isu ndokudzoka kuno,ndipo pandakanga ndakuona rimwe side rakavanzika reumwe wangu randaiva ndisingaoni nguva yese.
Ndakazoziva kuti ane vana vaviri matwins vaskana zvine 4 years ndatogara ndakanganwa nhamo dzese ndipo pandakaziva izvi vana ava aigara navo mutown ikoko, mai vavo vanonzi vakashaika saka vana vake ndiye anogara navo,ava sisi varipo vane zvivana zvavo zvitatu vakadzoka kumurume.
Zvino ini ndaingosiwa pamba apa iye Prince achienda kutown aingondiudza kuti ndiri kuenda kubasa chete ini ndosara onopedza pamwe 5 months asina kudzoka ini ndichingoti baba vari kubasa izvo vagere nemhuri yavo.
Yakazosvika nguva yekuti akanga akuti ndakuda mukadzi wangu padhuze ndipo paakauya akanditora ndokuenda uko kumba kwacho kwandakanosvika ndichirohwa nehana nezvandaiona mumba macho,zvana zvaingofinyama finyama zvakanditarisa kuita kunge zviri kuona tsvina yemunhu.
Ndakangopinda ndikaduka pasi zvee ini ndaifunga kuti zvimwe pamusha wevaridzi ende ndakagara ndakatarisira kuti ndichaona pachibuda mukadzi asi hazvina kuita sekudaro,ndakazoshamiswa nevana vaya manje vakutaura..
"Ndivo mainini vamativigira here Daddy
"Ndivo vanangu vari sei
"Aaah ivo vanenge vakanyararisa ava apa honai kugara pasi uuu ini havandiitiri hangu teverai mainini Liner vadzoke Daddy
Unopererwa hama dzangu zvaitaurwa apa ndakatadza kana kubatanidza kuti kuti kunzi chii nekuti ndaiva ndongobvunda ndigere pasi
"Handi ndinokukwidza uende unotora mwana wako handi wakati unoda kuendako,zvino enda unomutora azogarira kuno nekuti handizoiwani mari yekuti chero pawafungira kana wazvimbigwa nesadza wotaura kuti ndinoda kunoona mwana wangu,simuke uende kuno mutora ende udzoke nhasi usagara wavatako"
Ndaizvibvunza nechemumoyo kuti ndiye here Prince aindibereka uyu akundidai, ndakasimuka ndikaona obuda akabata makey airatidza ndeemota uuummm
"Ndinodzoka manje manje ndichambopinda mutown musare zvakanaka ndiri kuuya munoda ndiuye nei
"Aaah Daddy muchangosvika makubuda futi muchingotisiya tega ipapa muchauya mahusiku tarara"
"Inini hangu handidi kusara handei tose handi tiri kuenda nemota here
"Chibudai tiende kwacho
Zvakaoma zvana zviya zvakabva zvabuda paya kuti tiende baba vacho ndokuvhara mikova takupinda mumota ndakati zvee ndigare kumberi kuya iiii hamuna chamakaona imi ndakashurwa newandinoti ndewangu
"Inga wakazviregerera iwe ibvapo apa panogara vana vangu ava vauri kuona unoda kugara paunoda unoziva kuti mota iyoyi ivepo yakauya sei pano haaa ibvaapa
Ndakakwesvaira ndichibva paya ende ndiwo maudzigo andakaitwa kunzi vana vangu apa ini nguva yese ndaingozvibvunza mibvunzo isina anopindura, ndakangoona....................................................
*STAY TUNED 🔥*
[01/12, 8:17 am] null: *WAKANDIGONA 😭📚*
https://whatsapp.com/channel/0029VaguFhnDp2Q4OGtqqs3y
*WRITTEN BY MAI MAPAMBA ❤️*
*NEW BOOK 8️⃣📚*
*PLIZ READ, REACT , COMMENT & SHARE 🔥*
*CHAPTER 3️⃣*
*NETSAI*
Ndaikaifunga tsumo iya hameno kuti itsumo here kana kuti idimikira inotaurwa nevakuru yekuti imba yako ndeyekutanga yepiri angova madzanira
Ndizvo chaizvo zviri kuitika pandiri ndinodemba dai ndakaziva haitungamiri hama dzangu.
Ndakangozoona mota yamira ndakunzi chiburuka uende, veduwee hamuna chamakaona imi ndakaburuka ndokukwesvaira ndichienda pamabus ndokunopinda mukati,kana kutenga hake kagirosari kekutiwo ndisvike ndakabata asi kungopiwa yekudzoka yega kuti nditi yechikafu ndinodyei ndinorarama nemyewa chete here uuummm ndabvuma hangu Prince yava mhuka chaiyo
Apa ndagara ndiine stress yangu yekuda kuziva kuti vana vaya ndevake here kana ndevehama yake zvinhu izvozvo zviri kundishungurudza chaiko kuti ndibvunze hazvibvunziki nekuti munhu wacho akutoita kunge tisingapindi tese mugumbezi ende ari kutondiratidza kuti haasi kuda kuti ndimujairire uuummm
Asi hazvina kunaka chaiko nekuti ini inga wani akangondida achiziva kuti ndine mwana uye anotomuziva ko iye chakamutadzisa kundiudza chii zvinhu zvacho zvinoita sekuti zvinohwandiswa hwandiswa kubvira kuvabereki vacho kana umwe akambotaura nezvenyaya iyi kana kundiudza uuummm kureva kuti apa pane nyaya apa
Ende pfungwa dzangu dzakutondiudza kuti maybe kunditora kwaaita aiva nechinangwa nekuti hazvisi kundiitira chaiko
Ndakangodaira hangu zvaitaura ndobva vatosimuka vakaenda ini ndokusara ndakati tuzu paya.
Bus rakazosimuka nenguva yaro nenguva isipi ndaiva ndava muGokwe kwakutopinda dzinonanga kumba chaiko.
Ndakasvikira kwaSekuru vakanditambira kuendako kwandakaita zvaingova zvekurovera moyo padombo sezvo vaiva vakati havachadi kana kuona tsoka yangu,takabvunzana mufaro ndokuvaudza chifambirwa kusvika ndaoneka ndokupfuura kuenda kuya uko kwandakanosvika ndichiwana...................................................
*STAY TUNED 🔥*
❤️
😮
3