SMAILAH NOVELS
SMAILAH NOVELS
January 23, 2025 at 04:25 PM
*NYARADZO* https://chat.whatsapp.com/HNYyS4N0WgZBHc6TPwiuQh *Story by* Mama Raylene Book 11 Chapter 01 "Ah ah imi tete Nyarie mukai muchiri makavatisa chii ipapo haa mukai izvezv musuke ndiro uko chivanze chese ichi mapedza moenda kumotema masanzu ekusosera garden kwete kuda kudya muvete ipapo." Ahhh maiguru vangu waiguta nemashoko nenguva dzavaikwama kudaro kwanga kuri kuma half 3 am chaiko uku muri muna June muye ndakasumuka hangu zvekushingirira zviye nekuti ndaitonzwa kuneta ne churu chandainge ndakatimba nezuro wachoni. Ndakapfeka zvima pata pata zvangu kwakubva ndaisa mwana wangu kumusana sezvo pasina aizosara achimutarisa. Ndinonzi Nyaradzo Dube ndaigara kumusha kwedu kwachirumanzu nana bhudhu vangu two Baba Nenyasha na Ba Wayne vabereki vedu vakafa ndiri zvekuma grade three uko kwakusara ndichigara nana bhudhi sezvo vabereki vakafa vana bhudhi vangu vapedza chikoro vaitoshanda ku Town kuchikoro ndakaguma form 4 ndikatopasa mwana wangu ndanga ndakaita zvekumitiswa nemukomana wangu wandakadanana naye kubva ndiri form 1 asi Satan akazofamba Ryan kwakundisiya hake akaita kuramba nhumbu kuti bhee hanzi nekuti ndaisave virgin apa ndiye mukomana wangu wekutanga chaiye handina kumbo bvira ndakarara neumwe mukomana asi hameno why ndisinawo kubuda ropa. Ndakabuda muchikwere che huku mandairara kwakubva ndaita mabasa ese epamba ndakaenda kunotema masanzu aye uku maoko anga akaita kuoma ne chando chaiko ndakapedza kwakubva ndatonososa ndanga ndaneta but ndakashingirira nekuti ndaizono chiona nana maiguru vangu. Ndakatsvaga zi svinga rehuni kwakubva ndabereka mwana wangu sezvo ndanga ndambomuradzika pamumvuri nguva dzaisosa garden. Ndakaenda kumba ndakawana varoora vangu vagere zvavo pa verandah reimba hombe vachiita kurova chikwee chaimzwikwa neaive kumagirosa chaiko. Ndakasvika kwakubva ndatoudza kuti ndivese moto ndibike tea sure unopererwa kuti vanhu vanga vasarw vachiitei chaiko. Ndakabvisa dota kwakubva ndavesa moto Nenyasha akapinds ne loaf re chingwa nemazai. Ndakabika mazai aye ndichifara nekuti ndanga ndasuwa chingwa ndaizivei kuti ngoma ndiyo ndiyo handide ndakabva ndatonzi ndibike chi one cook changu chiye chekupidigura chisina mafuta chinoiswa hupfu pasi handina kutsamwa nekuti ndanga ndajaira. Mwanangu anga ane three months but nekusanyatso dya aive kadiki chaiko uye ini mukaka wangu waibuda mushoma. Ndakapedza zvese kwakubva ndatora washen yemunhu wese kwakuwacha hangu. Vana bhudhi vangu ndinoshaya vaindivengerei kubva ana mhamha vachiripo vaisandifarira chida nekuzo mitiswa uku yakaita nyaya. Ndaienda me zvinhu zvakashota kuchikoro ndaitoita zvekupihwa nevamwe hangu kumaricho ndairambidzwa hanzi unoshayei apa ivo hapana chavaindipa zvinova zvakaita ndikasike kuita mukomana nekuti ndaida kutengerwa hapana chaaisanditira Ryan zvekuti kurara naye handina kumanikidzwa semunhu wandaida handina kuziva kuti zvaizo zvimbira kudaro nhaimi. Vanhu vese vekumba kwavo hapana anga achads kunzwa nezvangu kushaya kuti ndakatadzei. Munharaunda ndaitovengwa hanzi ndinozotora varume vavo. Ndaimbofunga kuenda kubasa asi ndaifunga kuti mwana wangu ndomusiya nani. Mazuva akafamba umwe musi ndakaenda ku garden kuno sima madomasi ndakanzi na maiguru Mai Wayne ndisiye mwana ndikatofara chaiko. Ndakashanda hangu kwakudzokera kumba zuva rave kupisa ndakatsvaga zvihuni kuti ndisanotukwa ndave kusvika kumba ndakatanga kunzwa kuchema kwemwana ndakamboda kuzvishingisa ndichiti haazi wangu but aitove Kayla mwana wangu ndakafambisa uku skirt ichida kudonha but ndakaibata ko ndanga ndakaita kubuda mabhonzl zvee nekuonda ndakawana mwana wangu aripanze pasaga pasina kana tauro uku achichiborwa ne huku ndakanzwa guru rangu kupisa chaiko. Ndakangokanda huni kwakadaro ndokuti ndimhanye pa mwana wangu maiguru Mai Wayne vagoti vakatanga kupopota hanzi siya mwana ajaire pasi nhaimi mwana mudiki iyeyu. Ndakaita nharo vakabva vandirova pakati pemusana ne huni ndakatadza ku balancer ndichinododa luck Nenyasha akakasika kufamba mwana tingadai takataura zvimwe ndakango simuka paye misodzi ichiyererera kwakutora mwana wangu ndichiisa kumusana ndakabva ndatora zvigubhu ne bhara kuti ndiende ku mvura uku ndainyatsonzwa kuti handina kana simba ndakadarika nepa dombo rataimblgara ma Ryan tichiri kudanana ndakanzwa chigodo chichinoti mbiii pahuro pangu kunzwa moyo kutsva zvekuti ndakamedza mate anopisa. Ndakasimudzira hangu ndoenda kumvura ndakawana paine vakomana Ve mombe vaidhaira mombe dzavo vakabva vatondi dhaira havo. Ndakaenda kumba asi ndaifamba ndichizorora ndichifunga ndinosvikepi ne life yakadai ndainge ndakatadzei asi. Ndakasvika kumba kwakubva ndaisa mvura mu drum kuti zvigubhu zvipinde mumba ndanga ndanzwa me nzara ndave kupinda ndakanzwa maiguru Mai Nenyasha voti "Tiri kuzama hedu asi chokwadi chinogona kubuda tarisai mufaniro wakaita mwana wacho na baba vake asika.... " Handina kuzonzwa kuti vakatii nekuti ndakabva ndapinda mumba "Maswera sei ana maiguru ndanzwa me nzara." Ndakataura ndakazvininipa chaiko zvino ndakanzwikwa nani nhaimi vese vakabva vatanga kundituka vachiti ndaisazodya zuva iri uku mwana wangu anga ave kuchema nzara ndakamuburutsa ndakazama kusvinidzira mazamhu kuti abude mukaka asi haana ndakaguma ndave kutochemawo ini vakabva vatovana maoko kwakubuda hameno vaienda kupi nekuti vanga vakachena mu kitchen maisave nechekubika kusara kwe hupfu chete ndakatora kwakurungira mwana wangu zvi porridge ko ndaigodii kakaita kushamira chaiko veduwe kupedza chindiro chese ini ndakangonwa mvura kwakutanga kuita rimwe basa.. End of chapter 01 Mama Rayie🩵❤️
❤️ 😢 😮 🙏 17

Comments