Liliosa Online Novels
January 22, 2025 at 06:43 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U
GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK
*SOPHIA*
WRITTEN BY
LILIOSA CHIWARA AKA
Lillies of the valley 💐*
*CHAPTER 2*
*SOPHIA*
Ndakaramba ndakavatarisa Gogo ndikamboda kunyarara ndikazoona kuti ndikavanyararira ndinenge ndavajaidza ndakabva ndavati
" mudziudze hope dzenyu idzodzo kuti hazvife zvakaitika ini kuita svikiro remusha manzwa "
Vaiva nemanyemwe manje Gogo vangu vakabva vaiti kwetsu mhere
" ini here kutukwa nemwana wemwana wandakabereka , vana vako havana respect iwe Jay , ndava kuenda kumba kwangu maiweeee "
Zviri zveku drawer attention Gogas vangu yaiva shasha , vanhu vese maziso aiva ava pandiri zvino vachida explanation svinu yekuti ndaiva ndavaita sei gogo.
"Handina zvandambovaita ndangovati handide kuita svikiro remusha "
Tete vahombe vakati
" unogona kuzviramba hako nhasi asi zvakataurwa nemasvikiro ekumusha uko kuti ndiwe uchatoita zitete remumusha mudzimu uchisvikira pauri "
Dad vangu vakatsamwa vakati vatanga kupopota , lucky enough drama rese rakazoitwa vakwasha vaenda otherwise zvaizonyadzisa .
Hama dzese dzekwaBaba hapana akazomborara pamba Bamukuru vakafonera Driver wavo akauya necomby vakaenda vakatsamwa tikasara zvedu neHama dzaMama .
Gogo vakanyatsa kuti
" muromo wangu hauwire pasi uchazviyeuka rimwe zuva munosvora masvikiro asi zvakataurwa hazvichinje tinoda kuona akaipinda imba yacho "
Ini hana yangu yairamba kugadzikana nyaya yekunzi ndinofanirwa kuita svikiro remusha yakaramba ichindinetsa ndikatangawo kudhipisa ndava kufunga marelationship ese andaiva ndakamboita kumashure uko hapana kana zvisvinu zvaibuda kusara kwekungorambwa kana ini wacho kungoerekana ndasviba moyo nezvemunhu wacho ndotomu blocker.
Handina kurara usiku hwemusi iwoyo ndaiita kufunga zvakawanda wanda njere dzangu dzaiita kupishana chaiko , apa ndaiva ndakarara naPrivy haanawo kurara achitaura naJamal wake pafon vana vaidanana zvavo ivavo .
Mangwana Acho ndakamuka ndakaneta neta kana basa repamba handina kumboita ndaiva ndakagara ndakabata shaya pfungwa dzangu dzaifunga parefu chaipo , Sisi vaMama vakauya vakanditi
"Mwanangu usambofunga zvakawanda , idzo hama dzaBaba vako idzi dzinenge dzakabata mushonga asi hapana chinokunda Simba ramwari , ngatirambei tichinamata zvinopera "
Ndikangogutsurira musoro ndikasimuka ndikanogeza ndaidawo kubuda nemwana waMai vangu Privy kuti tinoonana naWedding Planner nekuti muchato waifanirwa kuitwa in 1 month time saka paiva pasina nguva yekutambisa .
Taiva tisina mota Saka takaita indrive yedu kunopinda mutown umo matainosangana naJamal , musi wacho akauya nethis fine boy aiva akagarawo kumashure kwemota ndokwandakasvika ndikapinda , munin'ina wangu akanogara paMother seat pake .
"gulles meet my Cousin Brother anonzi Luis, babe hanty unovaziva kaa brother vangu Luis"
Ndakatarisa Luis uya ndikatambanudza ruoko kumumhoresa iye akandimhoresa ndokaramba akandibata , ndaiva ndaku feeler uncomfortable ndikazongoti
" tafara nekukuzivai ko sei musina kuuya kumarooro "
Iye akati
" nice to meet you too , gulles Sophie , handina kuuya kumarooro nekuti ndanga ndiri kuchikoro kuSouth Africa asi kumuchato ndatoti handingasarire futi "
Aiva munhu anotaurisa Luis wacho pasina nguva aiva asingachati gulles aiva akundideedza nezita hanzi naye
" wakanaka Sophie "
" mundikwanire Bamunini imi "
"Ndatobva kumba ndakakwana but pandangokuona so ndatotanga kupengeswa newe "
Jamal naPrivy vaifa zvavo nekuseka ndichiudzwa nonsense neCousin brother yaJamal , kubva mutown kunosvika kuMt Pleasant kwatainoitira meeting yedu naWedding Planner wacho .
Patakadzika uyu Jamal akabata babe rake ruoko iye Luis uya kwakudawo kundibata ndikatanga ndichinzvengesa zvigumwe zvangu apa vanhu vaititarisa sei ndakazongoguma ndamusiya achibata ruoko rwangu tichinopinda mukati .
Meeting yacho haina zvayo kunonoka kupera Weeding planner iyeye aiva akarongeka and tese takafarira maservices Ake.
After meeting takaenda out for lunch ini ndaiva ndakutonyara kudya ndakatariswa naLuis apa iye wacho manyemwe aaiva nawo kutanga kundidyisawo achitevedzera zvaiitwa nana Privy naJamal vaidanana .
Takadzokera kumota aiva akungondizembera zembera apa achitaura zvekundida ndikamuti
" wambozvionawo here kuti uri mwana mudiki kwandiri , ndine 27 years une 25 years and uchiri mwana wechikoro siyana neni "
Iye akatanga kuti
" Sophie age is just a number ini ndatonyura murudo newe and handisi mwana wechikoro I'm just finishing my Masters degree but ndinotoenda kubasa "
Jamal naPrivy vakati vaitenga nyaya yacho vava kutosimbisawo hee age is just a number chii chii.
Takasvika pakuno dropewa kumba Jamal akaramba kupinda mugedhe hanzi chero ndakaroora handisati ndachata Saka ndinenge ndadheerera Atezvara vangu .
" babe wakutoenda chindipawo hug yegood bye "
Aitaura akaita kundibata ruoko achiramba kuti ndidzike mumota , hug yangu ndakamunyima ndikabuda akasara akarereka musoro zvake.
Taiva neplastic bag raiva nezvima nice zvaiva zvatengwa naJamal achiti tigopa ambuya vake Mama vakasvika vakafara zvavo .
Takabika naPrivy tikapakura zvedu time dzataiva tava kudya sadza fon yangu yakatanga kuringer ndikasimuka neplate yangu ndichinodavira , dzaiva New number ndakatanga nekuti
"Hello ndiani "?
"Babe handisi kukwanisa kurara nekukufunga , chingondibvumawo ndizive kuti you are mine "
Aiva Luis uya ndakaziva kuti Jamal ndiye hake aiva aita musikanzwa wekupa Cousin yake number dzangu pasina kubvumirana neni .
"Siyana neni kamwana iwe ndiri munhu mukuru you have to respect me "
"Hazvisi kuita babe ndatoperera pauri and you have to stop zvako zvekunditi mwana 1 day uchanditi Baba vemwana wako "
Ndakaseka zvangu ndikati
" kata fon Yako ndiri kumbodya you are disturbing me "
"Handisi kuzokata kusvika wandibvumawo babe "
Ndakakata zvangu ndikatanga kudya ndichisekerera ndiri muroom mangu , Privy akazouya late ndikamuti
" asi kuroom kwako kuri kuvava kurara kani Buda muno ndodawo privacy "
"Privacy yekutaura naLuis here Ari kuisa mamessages mufon mangu hanzi talk to your sister andinzwisisewo "
" Ngaandikwanire I don't date younger boys ndotoda munhu mukuru amature asingazindinetse plus ndoda zvekuroorwa ini kwete zvekutambiswa "
"Haasimbori mudiki that much 2 years dzine basa rei asi"?
Handina kuzomupindura fon yangu yaiva yava kuringer aiva ava kufona zvekare Luis
" uri kudei Luis "?
" wapedza here kudya my sunshine "
Aitaura nevoice riri deep zvekuti nguva diki diki ndaiva ndava kutopengeswa naye Luis , takataura kusvika kuma 12 chaiko uyuwo Privy achitaura naJamal wake .
Mangwana acho Privy akaenda kubasa as usual aiva asati atora leave aida kuzotora leave ka1 achienda kuhoneymoon after wedding.
Masikati ndakatozvigarira mudining ndichifungawo nhamo dzangu imwe pfungwa yaiti tsvaga basa chero remushop zvekuswera pamba wazvinyanya Sophia , imwe pfungwa yombofunga kudzokera kuchikoro ndaiva ndava pakati manje , ndakabviswa mundangariro nefon yangu yakatanga kuringer.
"Luis ndakakuudza kuti give me time ah "
" ndiri pagedhe penyu ndokumbirawo kuti ungobuda ndoda kungoona your beautiful face chete"
" ndiri busy"
" chatova chikumbiro please im not leaving kusvika wauya "
Lucky enough ndaiva ndakageza hangu ndakangoenda kuroom kunosonera Mama ndikavati
"Ndava kumbosvika pamashops kunotsvaga mapush "
"Ko wadii kutumira munin'ina wako akuvigira from town kwakachipa "?
Vakabvunza Mama ndikangotsenga tsenga mukanwa handina zvisvinu zvandakapindura zvangu ndikabuda ndikamuwana aripo pagedhe neBenz yeSilver yaiva yakanaka , wega waingoona kuti yah apa paita zvemari apa .
"Pinda babe "
Ndakamboda kuramba but ndakazofunga kuti vanhu futi vaizondiona ndakamira nemunhu makuhwa haatane kufamba ndakapinda ndakarova serious iye akamutsa mota iya achisekerera .
" chimira wava kuendepi neni "
" ndiri kuenda newe kumba kwedu kuti uone kuti I'm serious about you "
.ndaiti Ari kutamba kaa ini ndione hezvoo zvatatova kuWestgate ndikati
" aewa kumba kwenyu handisi kuda kuenda hona zvandakapfeka ndozouya hangu weekend please"
Akandinzwisisawo akanoparker paEastgate Mall paye tikadzika tikanotenga chikafu tikadyira mumota achindidyisa , akaisa ruoko rwake pachidya changu , rumwe rukabata padama apa ndikanzwa muviri wangu kuti zhwarara nema goosebumps mudumbu umu ndichivhinyukira ndobva anditarisa mumaziso akati
" zvingaita kunge ndiri crazy zvangu nekuti takaonana nezuro but ndine speed ukangondibvuma nhasi chero kuti ndikuroore mangwana I can because ndaita kunyura murudo newe "
Handina kukwanisa kupindura ndakavhara maziso ndikanzwa miromo yagumhana ndakambokangamwa zvese zvekuti hee mwana mudiki kwandiri ne2 years ndaitoona tiri masame age ndakakisswa zvekuti dai taiva panzvimbo ine enough privacy handizive kwazvaigumira .
Ndakazotanga kunyara nyara manje ndakuti
" ndidzosere kumba kwedu ndonorohwa naMama"
Akabva andipa kiss yepadama akati
"Thanks babe I love you"
"I love you to Luis " ndakaerekana ndadaro tikambodzokorodza kukisser futi kwabva azomutsa mota akanondisiya pagedhe pedu .
Ndakanonokerwa nekuti mwana wamai vangu adzoke kubasa ndimuudze zvese ndobva ndaita wekufonera , iye karatidza kufara , ndakazofonerwa naJamal akati
" gulles maita sei brother yangu iii mukomana Ari kufara angosvika kumba kuudza munhu wese kuti ndazodiwa netsvarakadenga ndiri kuuya naye for introductions paweekend"
Mukomana aifamba nespeed yakanyanya 1 week chete tichidanana weekend akutouya kunditora for introductions ndainzwa kunyara but vanhu vekumba kwavo vaiva vanhu vakasununguka vaingondida semadire avaiita wangu munin'ina.
Chikafu chakasetwa patable tagara paye Gogo vacho vatanga kunamata long prayer munamato wesadza kunge munamato wekuChurch kudaro .
Handizive kuti chii chakandibata ndakangoerekana ndasimuka uyu Luis akazama kundibata kuti ndigare pasi but ndainzwa Simba rakawandisa ndaingonzwa kuda kuseka nekutaura zvandaitaura ndaisazvinzwa kusvika ndadzima kuti dziii ndava kungooona madzengerere chete .....
Stay tuned
*In God Hatiperi*
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
898