
Liliosa Online Novels
January 23, 2025 at 10:43 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaA5Vic0bIdhhQx9ii0I
Invisible protection.
Story by Felistas .
Chapter 1.
"Especially you Tatenda ndiwe wandiri kunyatsoda ipapo that part suits you very well ,tichitarisa kuti uri munhu asinganyare nyare."
Ndakaramba ndakanyarara hangu ndichizama kuguesser kuti which part manje ?
Ndanga nditori kuhope zvangu ndakasvinura kudaro .
Pfungwa dzaive kure kure kwazvo ndichifunga zvimwewo hangu .
Zvese zvavanga vataura handina kuzvinzwa .
My friend Chiedza akazviona kuti ndarasika achibva anyora kapepa akakadonhedzera pamakumbo pangu ndakadonhedzawo pen ndikaverenga panga pakanzi "Mock wedding ."
Maam vakabva vati
"What's your decision Tatenda ?I don't want to force you .'"
"Uhm ma'am ."
"Is it a yes or a no ."
"A big no ."
Chiedza ndiye akatungamira kuseka vamwe vese vakasekawo .
"Such an amazing opportunity nhai mwana iwe ?ok Saka Tariro will do the part hake since anga a volunteer kudhara come and put your signature here Tari.."akasimuka achiita kunge Ari kuda kubhururuka.
Tariro angafarira mock wedding kudaro no mhani?
I raised my hand ndikati
"Ma'am what opportunity comes out of a mock wedding ?"
Class yese yakaseka ava vandaiti best friend vanga vandiwachisa again .
"Mock wedding ndochii manje ?I am talking about public speaking pari kuvhurwa chimwe chikoro chedu kuMasvingo zve mock wedding wazviwana kupi?."
Yedu yaive private school inodhura ,Saka varidzi vacho vaitofamba vachivhura zvimwe zvikoro countrywide nekunze kwenyika .
Saka mukana wakadaro yaitove jackpot .
"Ok I am sorry pfungwa dzangu dzanga dzarasika , ndoda ma'am please give me another chance ."
I have been dying kuti ndisvike ipapo wangu Chiedza akati unonyepa iwe.
Tariro wacho akabva ati kana apa handisi kuzobva ,waive mukana wakakura kuita public speach pamberi pevanoremekedzwa waigona kupedzisira waakure kure nelife kana kutoenda kumhiri kwemakungwa chaiko .
Wangu Chiedza nekusada kusiiwa akabva ati kana hazviite hauende .
I was like it's ok wahwinha but kana ndakanzi ndinoenda kure ndinotoenda chete nezita rake Jesu .
It was lunch time ,
ndakabuda muclass ndichifambisa Chiedza ndakamunzwa kumhanya achiteera lunch box ichirira mubag ndofunga yairovana ne mabook neruler ko sahwira wangu kurongeka kwaitomunetsawo .
Akasvika nekundihaka padumbu akati
"Sorry my kid sis I can't imagine life without you ,Mira tingopedze chikoro tese kunoku ndosara nani ukaenda ndiwe hama yepedyo pedyo ."
"Chausingazive ndechekuti kusimudzirwa kwangu newewo watopinda ,why are you jelous of me ?"
"I swear I am not jelous of you Tatenda, I am not ."
"Ukanzwika na Tapfuma uchiti I swear shamwari unorohwa ukafa ."
"I know, ndozviita kana ndiri pauri Soo pasina anondinzwa ."
"And God is watching you ,kupika kwakarambwa hanzi ne bible hongu ngaive hongu kwete ngaive kwete ."
"God I am so sorry ."
She said akabatanidza maoko akatarisa mudenga ndikati "nhasi ndiri kunzwa kuda kufamba netsoka kuenda kumba ndosvika zuva radoka hangu yave nguva yekudya ."
"Hii Tapfuma anovhura ziso obva ati mainini Tatenda varipi bhazi rasvika havapo wani ?"
"Ndovafonera bamukuru kuti ndiri kunonoka kupedza nhasi ."
"Vanouya ne Mazda B16 unovawana vakakumirira pagate vachideedzera kuti pedzai mainini tiende kumba . "
Takaseka ndikati "vanatwoo vaya. Muroad munofaya guys unowana time yekusocializer nevamwe ."
"Kusocializer here kana kuti kunyengwa Tatenda ka?."
She whispered ndikati
"Chiinyarara nyaya iyoyo ,punishment yacho hauzoigone kunyengwa kunotangira pa 20 years wapedza A level . "
"And I can't wait ndasarwa ne 3 years ,hameno imimi muchiri kubuda mukaka pamhino ."
"Nyararai nyaya dzenyu idzodzo amai ,ngatitaurei zvebible unovaziva bamukuru vanongo picker chero wava picker kuti leader prayer yemanheru ,mai nhiya apa uri kufunga count down yemakore ekudiwa ."
We laughed tikatanga kutaura dzimwe nyaya ,kusvika bus rauya .
Tichingogara paseat akabva asimuka Archiford mukomana mupfupi asi Aine voice gobvu rakazara nyasha dzaMwari .
"Mazviita henyu babaa ,mazviita henyu babaa mazviita henyu babaa mazviita henyu babaa ."
Takapedza kuimba mwana wese aakunamata ,neniwo ndakati "Mwari maita henyu nezuva ranhasi ndikafunga vana vari kurara mumastreets vachishaiwa kwekuenda kana chekudya ,vana vari kurerwa nevanhu vane hutsinye vachirohwa zvakaomarara nekupihwa mabasa anorema ,ini ndinodya chandinoda ndinoenda kuchikoro ndinorara pakanaka .
Makandida Mwari kunyangwe ndiri nherera dai dzisiri nyasha dzenyu izvezvi kutaura kuno dai ndiripi?."
Sezvineiwo zvakabva zvanzi mainini Tatenda tivharireiwo ne prayer tiwane kusimuka .
Ndakasimuka ndikati "Kuna Mwari akatendeka Mwari wemasimba ose ishe wemadzishe ,mbiri nekukudzwa tinodzorera kwamuri panguva ino .
Nekuti ndimi moga makakodzera kupihwa mbiri.
Tinotenda nezuva ranhasi ramaita kuti tiswere zvakanaka ,hapana akuvara ,hapana afa naizvozvo tinoti Rumbidzwai nekusingaperi Alfa na Omega ,Amen ."
Ndichipedza Chiedza akabva ati "Rumbidzwai Jehovhaa Mwari makanakaa ,Rumbidzwai Jehovhaa Mwari makanakaa Rumbidzwai Hossana Mwari makanaka apo pacalvary mafira isuu . ."
Vanhu vese vakadaira tikaimba kusvika taakusvika pahome pedu .
We were all orphans tichichengetwa pahome ,
Mumwe nemumwe aive nehistory yekwaakabva kunze kwangu .
I had no clue kuti ndakabvepi ,ndiri wedzinza ripi ndaingonzi ndakanhongwa pagate reorphanage ndiri kacheche kusvika nhasi panga pasina kana trace yekuti ndakabvepi ?
Kuchikoro kwedu Tanga takangosangana veku orphanagr nevamwe vane vabereki vavo , ,musi we prize giving day taimiririrwa nana Auntie nana Uncle vepa home pedu .
Mumwe wainyatsoona achiberekwa namai vake agona chikoro ,ipapo ndopandaibvunza kuti yes Mai vanogona kunge vakafa kana kundiramba but muridzi wembeu inoyi ndiani ?aripi?
Haasi kuziva here kuti akaproducer .
All I wanted was a family ndaida kuziva kwandinobva kunyangwe kwakazara zvigure kungonziwo ndiri mwana wekwanhingi chete hazvo .
Kudiwa kana kusadiwa I wanted a real surname.
Now 16 years hapana kana hwema hawo hwemunhu anoti ndakasiyawo mwana pamusiwo apo here where is that person haanzwewo mhosva here ok kana akafa haana waakaudzawo secret here ?
Ndanga ndambonamata nezvazvo ndikasvika pakusiyana nazvo ,chero ndaidya ndichiguta but basa taipfidza maweekends taienda kumunda kunosakura ,engine yaivepo but tine nguva yataidiridza nemacan hanzi Toda kuti mujaire zvese mukure muchiziva basa kuitira kwamunozoenda munonoshinga nelife munenge musina kwekuzoti ndodzokera Kuna Mai vangu zvikanetsa. .
Once wango graduater waitsvagirwa basa wotonotanga life Yako wega.
Ukafailure waitsvagirwawo basa remaoko rekuita wonorarama orphanage yaigumira kuchengeta vana pa 25 years ukapfuura ipapo wave an adult waakufanira kuzvishandira uchienderera hupenyu support vanenge vachikupa havo here and there like pakunoroora nepakuchata.
Kana waakuroorwa vatitarisa mumabook voenda kuhama dzakakurasa dzacho ndivo vonopihwa pfuma yavo.
Hameno kuti ini ndaizoita sei ndisina kana ani hake wandaiziva.
I had a sister ainzi Mai Tapfuma vaingonditi munin'ina vanga vakurirawo pa orphanage yekuHarare vasingazivewo kwavakabva nako ,She got married to Brother Tapfuma vaishandira pa orphanage yekwaMutare vakachata ndopavakazouya kuzogara kwaMutare .
Saka pavakanzwa nyaya yangu vakabva vatongoti uri munin'ina wangu .
So vanhu vakawanda vaitongoti mainini Tatenda pahome pedu vachiteedzera tuvana twa Mai Tapfuma .
End of chapter.
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
111