Liliosa Online Novels
Liliosa Online Novels
January 25, 2025 at 06:15 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK *SOPHIA* WRITTEN BY LILIOSA CHIWARA AKA Lillies of the valley 💐* *CHAPTER 4* *SOPHIA* "Mama ndakuenda " Ndakaoneka Mama vangu ndichienda kaa kunosangana naMr Handsome kuti tiende kumuchato kwacho kwandaiva ndainvitiwa. Ndakaita kuhire tax ndisingade zvekusvibisirwa dress rangu . NaMr Handsome taitaura hedu over the phone achindiudza kuti vaiva vakandimirira kuna forth , ini nechemumoyo ndakangofunga kuti pamwe ane mota yake but ndakashamisika kutosvika kuona mujaya aiva asina mota aiva akatogarawo kumashure mumota yehama yake , ndimo maakandivhurira door ndikapinda imomo . "Mukoma uyu anonzi Sophie she is my friend, eh Sophie meet my brother" Akaita maIntroductions tikakwazisana kwabva mota yasimudzwa kuenda kuVenue kwacho yaiva isiri Venue inoshamisira zvayo vaichatira paChurch yeAFM kuRuwa Kunonzi KuCharis Gardens , takadzika mumota vanhu vaiva vatozara zara music ichirira muchato waiva wava kuda kutotanga. Akabva andibata ruoko hake mwana wevaridzi tikafamba tichinogara kuMachair ehama dzemukadzi yaiva Cousin sister yake yaichata . Muchato wakatanga vanhu vacho vaigara zvavo zvainakidza ndakatotanga kufungawo uri wangu muchato naMr Handsome . Pakabva pasvika vamwe Tete vake vakatanga kuti "Ah Travis wamubepi mwana wevaridzi akazvinakira uyu hee , unomupei , hes hako mwana iwee " Ndakavakwaziza asi handina kunzwisisa zvavaireva ini zvekuti unomupei mwana wevaridzi , asi aisaenda kubasa here . " hande kaa tinomhoresa ana Mama vangu " Ndakasimuka naye ndikaenda paiva nana Mai vakapfeka maSuits tikavakwazisa vaiva vakasunguka havo asi vamwe vacho ndivo vakazoti "Munoenderana zvekuti dai matoroorana " Iye akati "Handina kuti musikana wangu ndati ishamwari yangu wani " Vamwe Mai vacho vakati "Imi munomukuza kuti aroore anomupei mukadzi wacho kunge anoshanda " Ah ndakaita kunge ndichakachidzwa ko munhu musvinu wese uyu aiva asingaende kubasa here. Ndakamutarisa neziso rine mubvunzo patakabva paiva nana Mom's vaye iye akati "Ndinoshanda hako iwe usanzwa ana Moms ava vanenge vachingoda kuganza chete " "Unoshandepi"? Ndakamubvunza iye akati " ndinongoita zvekukiya Kiya asi handina hangu Mari yakawanda but ndokuda Sophie " Ndakatoona kuti uyu asina Mari ndiye aienderana neni kwete zvana Luis vanobva kudzimba kune Mari aizogona kundidadira. Takatozobva kumuchato tava kutodanana naTravis wangu . Monday yacho akauya kubasa kwangu aiva akachena zvekuti ndaitoshaya kuti sei hama dzake dzaiti haashande iye achipfeka hembe dzakanaka kudaro. Akaita munyama kuwana Privy aripo nenhumbu yake yaitaurisa . "And makanaka Bamukuru Saka munoshandepi " "Ndinongokiya kiya nines " Akapindura achinyara nyara and haana kugarisa akabva aoneka nekuti Privy aiva akubvunzisisa hee Saka kumusha kwenyu ndekupi , ko vabereki venyu varipi , ini musikana wake ndaiva ndisati ndatomubvunza izvozvo and ndipo pandakatozivirawo kuti anobva kuMasvingo kwaGutu ndikwaigara vabereki vake. Paakabuda Privy akasara akati " anoita setsotsi uyu munhu wenyu sisi Sophie, makamboona munhu anoti anokiya kiya asingataure basa chairo raanoita here inenge mbavha iyi " "Kana uri mbavha ndinongomuda akadaro , murombo munhu wani" Ndaiva ndatobheja kuti uyu ndiye weLevel rangu kwete vakadzidza vane Mari dzavo bodo . Aitoratidza kuti aivawo serious nerelationship yedu nekuti aifona everyday asi aisambondiisirawo airtime plus chero paaiuya aiuya asina kana lollypop zvaro. Ndakamunzwisisa zvangu kuti kwaisava kuomera asi anenge aiva asina mari yacho zvake aitozvitamburirawo . Mama ndakavaudza nezvake Ivo vakati "Munhu asina basa svinu anonetsa mwanangu unofa nenhamo ini ndinoku advisor kuti tsvaga murume anogona kutsvaga Mari kusecure future yevana vako " "Mama varume vanoshanda vanonetsa akazoda kukudadira kumberi uko unokaura manje ndikaroorana naTravis wangu tiri varombo tese hapana kana problem totangira ipapo pasina zvekudadirana" Mama vakasvikawo pakundisiya ndichidanana nemunhu wangu aingoti anogara kuDZ extension asi ndakatanga kumunetsera kuti ndoda kuuya kuona paunogara ndipo paakazondibudira chokwadi kuti aitochengetwawo pamba pemukwasha achigara nehanzvadzi yake nemurume wayo . Aitonyadzisa chaiko asi ndakati Mama naPrivy handichavaudze vaitozondirambidza kuramba ndichidanana naye . Dumbu remunin'ina wangu raiva rambera veduwee aiva atozouya kusungirwa kumba Saka taiva tava kugara naye vese naJamal wacho aimbodawo here kushaya mukadzi wake paside aingogara akauya kumba . "Gulles mufes wenyu akauya aitokubvunzai" NdiJamal aidaro musi waakauya kumba achibva nekubasa ndikamuti "Mufes wangu upi zvee" "Luis kaa "? Ndaiva ndatokangamwa kaa kuti kune munhu anonzi Luis but mwana aindirovesa nehana zvake iyeye asi the fact yekuti aiva hama yaJamal plus nezvaiva zvakamboitika zvekubuda mademon pamunamato wesadza ndaiva ndangozviudza kuti I have to stay away from Luis chero hazvo ndainzwa kuti ndichiri kumuda . Ndakati Kuna Jamal " Bamunini kaa musaite sekuti hamuzive kuti ndakaita move on ndichatouya navo kuma Intro Bamukuru venyu vanondida kwete zvana Luis pwere inongoti anything chaitika munhu akutotiza kudzokera kuJoni " Jamal akaseka akati "Mugouya henyu navo Bamukuru vangu vacho ndivaone kana Privy angozvara tinenge tava kunogara kwedu tega zvekugara takaungana kunge maIndians handizvide ndoda privacy yangu nemukadzi wangu " Hapana kumbopera 2 days Privy akabva arwadziwa nenhumbu tikamhanya naye kunaBaines kuHospital akasvika akatambura nekurwadziwa mwana waMai vangu 1 full day arimo muHospital achiyuwira Mwari akazomunzwira tsitsi akabva azvara mwana wake mukomana . Vakati vouya vanhu vekumba kwana Jamal vari mhomho neuhwandu hwavo. Ndipo pandakasangana naLuis this time ndini ndaimu avoider hatina kana kumhoresana zvachose ndaingomunzvenga nzvenga. Takaenda naPrivy kumba kwedu tichimirira shona iya inonzi kuperekwa , Jamal akaita kunge achaenda nesu aiva asingachade kusiyana nemwana wake apa aiva akafanana naye sei . Tete vakazofonerwa vakauya mwana ava ne1 month tikavaperekedza kunopereka Privy nemwana wake ainzi Junior Jamal ndivo Dad vacho vaiva vakatumidza . "Ini ndini ndaiva ndava kuto faisa kushop kwaPrivy ndaiva ndazotsvagirwa umwe musikana aindibatsira nekuti basa racho raiva rakawanda zvekuti . Luis aiva akazodzokera kuJoni aiva ambozama kundifonera but ndaimu ignore , semusi waakauya kushop akaita munyama akandiwana ndiri kuperiod ndakamushaudha ndaimudira kuti aikasika kuramwa zvake munhu wacho akabva aramwa akaenda zvake . Na Travis wangu taipisa rudo rwedu zvakanaka naka , akazoti sisi vake vava kuda kuenda kuChando nemurume wavo kwabva ati "sis vangu vati vanoda kukuona " Ndakatoenda iri weekend ndakapfeka dress rangu rine hunhu ko ndaizivei hangu kuti ndaiva ndakarongerwa horror , sisi vake vaiva vatova neweeek vaenda iye ndiye aiva asiiwa pamba saka ndakasvika wanike hapana kana munhu ini ndikamuti "Ko sisi vacho varipi " "Vakaenda avo babe ini ndafunga kuti tingogara zvedu tese tichiunganidza Mari yekuroora" Ndiyo yaiva first time yangu kutombowanawo mukomana anotaura zvemarriage kwandiri ndikati Gogo vangu ndawana mukana wekuvanyadzisa zvino . Ndakabvumira padenga zvakatondishamisawo Travis wacho anenge aitofunga kuti ndicharamba asingazive madire andaiita kuroorwa . Ndakasendera Privy message ndikati "Uudze Mama kuti ndatizira " Akabva afona ipapo ipapo ndikadavira "Ko sisi chii"? "Ndaenda kwana Travis kunoroorwa ini Privy asi kubasa ndicharamba ndichiuya " "Ko matizira nekushayei adii kuunganidza kana shoma Mari mozoenda henyu " " ndatombomuwana anoda kundiroora wacho ah zvemari tozozviona kumberi shaa, uudze Mama vasazoite worried" Ndakabva ndakata zvangu Privy aiva akuda kutondivhiringira mufaro wangu manje nezvimashoko zvake.... Stay tuned *In God Hatiperi*
❤️ 😂 👍 🙏 😮 😢 809

Comments