Liliosa Online Novels
Liliosa Online Novels
January 28, 2025 at 06:27 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK *SOPHIA* WRITTEN BY LILIOSA CHIWARA AKA Lillies of the valley 💐* Main group https://chat.whatsapp.com/Lu8dgdQQdCG5IyJ5iiPEqa *CHAPTER 7* *SOPHIA* Ndaiva ndava kuundurwa nacho chando ndakagara paverrandah apa mosquito ikati gogoiwo pano ndaiva ndabuda kaa ndichitiza ndisina kana kutakura chero jarket . The bad part of it ndaiva ndisina kana number dzehama yake kana 1 yekuti ndaifonerawo kuti vauye vataure naye plus fon yacho ndaiva ndatosiya mumba imomo . Ndakasimuka ndikano nocker pawindow ndaiva ndakungwenda nechando manje akatora time asina kana kuvhura kwabva azouya pawindow paye akati " uri kudei" "Ndivhurirewo Travis sorry hako" " ndati enda kumba kwenyu " Nguva idzodzo Mai vepaNext vakabva vadarikawo vakabata mavergy avo vanenge vaitobva kubasa vakandinzwa ndichichema ndaiva ndabatwa neshungu dzakanyanya ndava kutofunga kuti Saka Travis haachatondide , ndakangouya hangu kuzogara naye mahara ondibvisa humhandara onditi ndidzokere kumba kwedu shuwa. "Chiiko muri kuwirirana here apo " Vakabvunza mother vaye ndikati ndawedzera kuchema misodzi ine manyawi kaa kana ikaona vanhu . "Ari kundivharira panze kubva pandabva kubasa" "Iwe Travis vhurira mwana wevaridzi apinde Mumba ko Ari opondewa nematsotsi pano panze DZ unongoiziva" Akaramba akamira akanyarara asiri kuvhura door Mother vaye vakati "Hazvinetse kana usiri kuda kuvhura ndava kuenda naye kumba kwangu onorara hake nevasikana momuka muchitaurirana mangwana pane kuti mwana wevaridzi arare panze , asi sisi vako ndosvika ndochivafonera " Ndipo paakazovhura door akanditi " pinda " Ndakangoti Kuna Mai vaye "maita basa " Ndaitotya kuti achandirova asi ndakatoona akundivigira sadza ndikariramba moyo wangu waiva wasviba ndainzwa kuti handina kunyatsa kuchema , ndakaita kupfugama pasi chaipo ndikascreamer on top of my voice zvekuti Travis akavhunduka akada kundibata but ndaiva ndava kunzwa Simba rakawanda Mandiri ndakanhonga chair yaiva padhuze neni ndikatanga kumuzhaka nayo ainzvenga hake asi pamwe pacho airohwa akazonditorera chair iye akada kundibata ndipo paakairasa ipapo nekuti Simba randaiva ndava naro ndaiva ndatova munhu rume chaiye . Ndakamusimudza sekapepa kesugar ndikamurovera pasi ndikamunzwa kugomera ndikamugarira ndigotanga kumupa zvibhakera kusvika ndaneta nekurova munhu ndakazongonzwa ndava kupera Simba zvishoma nezvishoma asi ndainzwa kutsva ndakasiya Travis uya ava kutobuda ropa kumeso ndikanozvidira mvura mubathroom ndipo pandakanzwa kuti ndadzoka kuva Sophia asina zvakamugara . Ndaiva ndava kunyara manje kana kuti nditi sorry ndakakonewa aiva ava kugeza ropa kumeso kwake . Ndakangopinda muma blankets ndikazvirarira hope . Iyewo akauya akarara akatarisa side hapana zvaakazotaura. Mangwana Acho ndakamuka kugadzirira zvekuenda kubasa iye akamukawo asi aiva akazvimba dama rese iri hamenoo kuti chii ndakaerekana ndaputika nekuseka iye akati "Pane chinosetsa here pakurova murume une mangoromera chaiwo and hauna kurairwa akakuudza kuti murume anorohwa ndiani"? Ini ndikamuti "Ko iwe akakuudza kuti mwana wevaridzi anorohwa ndiani hausi murume wangu iwe wakandiroora here wakabvisa marii kumba kwedu " Akabva aramba Ari zii neniwo ndikanyarara zvese zvataisiita zvekusienda kubasa necomby 1 zvaiva zvapera ndakatanga kubuda iye akazoteverawo . "Ko dama renyu rakatsvuka wani sis kubatanidzira neziso iro makaitwa sei"? Aiva musikana wandinoshanda naye akadaro ndikamuti "Ndakakuvara nezuro ndakadhumhira mucomby" Iye akati "zviri kunyatsa kuonekwa kuti imbama chaiyo " Ndakanyara ndikashaya zvekuramba ndichinyepa ndobva iyewo angoinyararawo nyaya yacho . Palunch time Jamal akauya achiti aiva atumwa naPrivy nedzimwe hembe dzaiva dzabva kusvika , ndakazama kuvhara vhara dama rangu asi akazviona haana hake kutaura chinhu akaoneka akaenda. After work ndakaenda kumba ndikasvikirana naJamal umwe neumwe aingoita yaaiita hapana aitaura neumwe but takazonzwa hooter panze ndikadongorera ndakaita kunge ndichazviitira wet ndaona ari Jamal naPrivy ko avawo havagone here kugara kumba kwavo vanongoshanya vasina kutaura Seiko . Ndakamhanya kuvhara curtain ndikatarisa Travis aiva akazvirarira pasofa hembe yakavhurwa mabutton ndikati "Iwe pfeka mushe taita vaenzi " Ndakanzwa yava nock padoor uyuwo airwisana nekuvhara hembe mabutton ndikaenda kunovhura door vaiva vauya nepizza nema drinks ndimatambira vaenzi tikapinda Mumba paye. Travis ndaifunga kuti achandinyadzisa akatsamwira hama dzangu but akasimuka akafarirawo vaenzi akatotora mwana mumaoko aJamal akagara naye pasofa vachitobvunzana mufaro . Mwana wamai vangu Privy hamenoo kuti maziso Ake aiva amamhanyisa nguvai ndakanzwa akuti "Ko Bamukuru asi makasangana nematsotsi kani sei makazvimba kuface uko " Jamal akanditarisa akati "Ko Gulles kwenyu kufess makaitwa sei asi makapindirwa nematsotsi kani pamba pano " Ndakaziva hangu kuti Jamal aiva anoita guhwa ndiye aiva aona dama rangu masikati . Hapana akapindura pakati pedu Travis aiva busy kutamba naJuju ini ndainyepera kubayawo fon yangu , Jamal akati "Bamukuru na Maiguru hakusi kuti ndauya kuzokutongai munogona kufunga kuti ndizvo zvatafambira asi tauya zvedu kuzoshanya nemufaro but situation yekuzvimba kwenyu iyi iri kutaura yega kuti makarwa , hakuna imba isinganetsanwi zvayo isu naPrivy tinonetsana zvekuti tichishaudhana kana kutomboramwa chikafu but hatisati tamborovana , kana matadzirana handiti munongotaurirana " Jamal akagutsurira musoro akati "Maita basa Bamunini nemashoko but ndokumbirawo mutaure nagulles venyu ava look ndiye akatondikuvadza akandirova zvisingaite hamenoo kuti anosvikirwa here" Ini ndikati "Iwe taura chokwadi handina kukurova ndakakudzorera ndiwe wanga watanga kundirova apa ukandibudisa panze" Jamal akati " Chimbonyararai gulles besides chero zvikanzi marohwa nemurume imi hamuna right yekumisidzana naBamukuru muchivadzorera" Privy akati "Newewo Jamal hausi wava kudzvanyirira here Saka ukandirova unofunga kuti ndinongomira kudai ndisingakudzoreri here" Vanhu vese vakaseka zvikanzi naJamal "Horait let's just say hatide vanhu vanorovana kana manetsana tauriranai mugadzirisane chatova chikumbiro marriage yenyu ichiri tete zvekuti mukatanga kurwa makadai kuzoti mava nevana sesu " Travis akati "Maita basa Bamunini next time tikatadzirana totaurirana nemuromo kwete kushandisa maoko " Takazodya pizza nemadrinks tava kutotaura nyaya zvedu , vana Jamal vakazooneka kuma 7 chaiko taiva tatandara zvekuti . Vachingoenda ndakadzokera mumood yangu yemazuva ose ndikapinda kunogeza ndikaona chibaba chatevera kumashure kwangu zvikanzi " Ndokumbirawo kugeza nemi" Ndakaramba ndiri zii ndichiona munhu akutokururawo hembe dzake achiuya pandaiva zvekugeza takambotsveta paside ndikatanga kukisswa , ndichiudzwa masorry sorry , munhu akandibatisa kumadziro akatanga kundishandira zvake kunge akasvikirwa . Nechemumoyo ndakatenda Privy nemurume wake dai vasirivo vakauya taisambogadzirisana tega. Takazogezesana wani but ndaingoti ndikatarisa paaiva akazvimba ndainzwa kuda kuseka zvangu asi zvimwe zvandinomboita soo. "But babe taura chokwadi unosvikirwa here nemudzimu " Hana yangu yakarova ndikamuti "Hezvoo wazviwanepi izvozvo" "Ndafonerwa naMama kumusha vakanditi vane muporofita akavaudza kuti mwana wenyu akaroora svikiro akaita zvekutamba achaurawa nekurohwa " Ini ndikadzungudza musoro wangu zvenhema ndikati " Muporofita iyeye anonyepa zvake handina masvikiro andiinawo ini" Ndaingoramba zvangu asi ndakaziva kuti chokwadi chaiva chataurwa ndakatozviona ndega kuti ndiwo mudzimu iwoyo wakandipa Simba rekurova murume wangu nezuro . Ndakashaya kuti ndoita Seiko ini zvemasvikiro izvi zviri kungoramba zvichinditevera kwese kwandaenda why . Usiku hwemusi wacho Travis aitova muginger chaimo but ini moyo wangu waiva watosvibiswa nezvemasvikiro izvozvo ndakazongomusiya hake achiita zvaanoda nebody yangu but iye akatozviona kuti I wasn't myself akati "Babe chiiko inga ndati sorry wani uri kuita kunge ichiri wakatsamwa iwe" " Handina kutsamwa ini " Mazuva achifamba zvinhu zvaiva zvadzoka kuita normal but ini ndini ndaiva ndava kutonetsera kuda kuona hama dzemurume wangu ndaiva ndaneta nekungoitwa mukadzi asina kana Ani anomuziva . " Tionenda kumusha kwacho kana ndatambira kwaGutu kure babe" "Mari ndinayo hande chero mangwana chaiye " Ndozvandakamuita akaramba akati zii akazoti " Tozviona Month end babe plus imwe nyaya I'm not in good books nevabereki vangu Saka ma1 " Ndaingoramba ndichimupa pressure paakatambira pacho akazosvika pakubvuma kuenda kwaGutu kwacho. Ndiyo yakava first day rangu kufonera Mama vangu kubva pandaiva ndatizira . "Helloe ko mazotifungawo nhasi ndaingonzwa kaa naPrivy kuti uriko uchirova murume " ZvaMai vangu so zvaiva zvakatooma ndakavati "Mama kani chimbomirai ndiri kuda kuti mundinamatirewo ndinofarirwa mangwana ndiri kuenda kwavamwene vangu kwaGutu " Mama vakati "Wakautoendeswa kwavamwene usati wabvisirwa inga muri kuita zvine production. " " Mama ndati ndinamatirei kani " "Horait mofamba zvakanaka " Takamukira kumabus hedu tikatengawo kagrocery kaienderana nemari yataiva nayo kwabva bus rasimuka mumbare kunosvika kwaGutu , Hana yangu yaiva isina kugadzikana zvachose . Ndaingoti dai ndikanotambirwawo zvakanaka nhai Mwari.... Stay tuned *In God Hatiperi*
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 1.2K

Comments