
Liliosa Online Novels
January 29, 2025 at 02:46 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAkulRKbYMVngP8t51U
GARA WABAYA FOLLOW BEFORE YOU READ USAZORASIKIRWE NEMAMWE MACHAPTERS ETHIS BOOK
*SOPHIA*
WRITTEN BY
LILIOSA CHIWARA AKA
Lillies of the valley 💐*
Main group
https://chat.whatsapp.com/Lu8dgdQQdCG5IyJ5iiPEqa
*CHAPTER 8*
*SOPHIA*
Takanodzikira painzi paPabherisoni pamashops hapana wakatakawana akatimirira pabus Saka ini ndakabereka setchel raiva nehembe dzedu taiva tangorongedzera mubag 1 nekuti taisanogarisa kaa taida kudzoka kuti tiende kumabasa.
Travis akatakura chisaga che grocery pafudzi tikatanga kufamba .
Panhu pacho paiva pakareba imi ndakademba chandaiva ndauyira makumbo ava kupisa nekufamba Aya .
"Tinosvika riiniko ndaneta ini "
Ndaiva ndajaira kwedu kwaMurehwa taiti tikangobva pabus stop pamba panenge pari padhuze dhuze .
"Tava kutosvika babe apo pamba patakatarisa apo "
Takafamba tikasvika pamba pacho paiva pasina dzimba svinu dzekuti ungatonongedzera kusara kwekitchen hombe ndimo maitaura vanhu imomo zvimwe zvidzimba zvaiva zvimafour corner zvakapfurirwa nehuswa zvisina kana nezano .
"Gogoi"
Ndiye Travis akadaro mukabuda mukadzi wechikuru vakatevedzana neumwe musikana mutsvuku wandakaona kumuchato nezvivana 2.
" Ndiwe hako Travis haiwa dai ndaziva ndisina kumbosimuka pandanga ndakagara , wazouyawo nhasi nekuti zvadii "
Ndakashamisika nemubvunzo wavo ndaiva ndangoti kwati naye Travis wacho nekuti situation yacho was very tense .
" Ndatonyara zvangu muenzi wawauya naye uyu , chipindai Mumba"
Takapinda Mumba maitobvira moto mune poto pamoto hamenoo kuti zvii zvaikwatiswa imomo anenge aiva manhanga chete nekuti ndakanzwa kunhuwirira .
" Makadii Mama "
" Ndazova Mai vako nhasi here ndisiye , ndakakuti hauchazi mwana wangu kubva pawakabva kujeri wakambondinzwa ndichikutsvaga here ini "
Ndakavhunduka veduwee Travis , kujeri aiva akasungirwa nyaya yei .
" Mama ndakakumbira ruregerero wani , apa muri kundidaro ndakuvigirai Muroora ndatova munhu kwaye ini "
Ndakapfugamawo semwana akarairwa ndikati
" Makadii Amai "
Mai vacho vakati
" Ndinofara zvangu , kutokunzwira tsitsi nekunaka kwako wakanyengedzwa nerombe rangu iri kuti akuroore , zvaunomuona kudai haasi munhu zvachose , akatorwa nehanzvadzi yangu apedza form 4 kuti anoita form 6 kuHarare asvika kuya munhu tana kuramba kuita form 6 iya ndikati mudzosei kumusha akaramba , hanzvadzi yangu ikaita shungu kuda kumuendesa kuchikoro che driving paakangogona kudriver kwakusiira chikoro pakati kwakutanga kuba mota dzehanzvadzi yangu mugarage achitengesa zvemadhiri , akazotsvaga dziri mbavha kuuya kurober hanzvadzi yangu Mari iye aripowo pateam ndiko kuzobatwa kwaakaitwa kupinzwa mujere akagara 6 years iniwo ndakasara ndichiraswa nehama dzese kutambura kudai ndaichengetwa nehama dzangu asi nekuda kwake hama dzakacheka ukama neni "
Vakapedzisa kutaura vava kuchema Mai vaye ini ndakanzwa hasha kuti dai akandiudza kuti aiva akabva kujere ndisina kumbobvira ndabvuma kuroorwa necriminal yakaita saye , ipapa Hana yangu yaiva yava kurova kuti ko kana akazotsvaga matsotsi anono rober shop yemunin'ina wangu nhai Mwari.
Travis wacho aiva angoti tsiki tsiki kuri kunyara nyaya dzake dzaiva dzavendenurwa and Mai vake vairatidza kuti vakamutsamwira kusvika kwekupedzisira .
"Dai asiri Susan mwana wangu akazomutora abva kujere akatanga kukuchengeta dai achingofamba nenyika uyu , basa chairo akatsvagirwa memukwasha murume waSusan hanzi akati Kuna industry kunorwadza nekuti ajaira kuba zvee mbavha haide kushanda "
Vakataura futi Mai vake vachipukuta musodzi iye Travis akati
." Mama muchandirambisa zvese zvamuri kumuudza zvine basa rei past is past ndakachinja now "
Mama vake vakati
"Ko ndikazomuudza kuti kuno kwacho wakamboba mombe hangu yeumai yakabva kuna Susan aroorwa ukaitengesa "
Haa pane chakasara here vaiva vava kubatsirana nehanzvadzi yacho yaiva yakadzoka kumurume ainzi Mai Tanyaradzwa vachitaura unhubu hwese hwakakura huchiitwa naTravis takaguma yava kuseka vakazosvika pakubvunzawo nezvangu
"Hooo mati munobva kwaMurehwa , haa ndizvo chaizvo zvakaporofitwa Madzibaba vachiti ndaona maunzirwa Muroora mumusha anobva kwaMurehwa asi ane mudzimu uri paari "
Hana yangu yakarova ndikatanga kunzwa wet ipapo ipapo ndikati nhai Mwari ko nechandanga ndichamanikidzirawo Travis kuti tiuye kumusha kwake chionai manje .
Ndakangoti
" Ndisingazozive Ivo vemweya ndivo vanotoona ini handisati ndambozvinzwa "
Ah ko zvaibvumika here kuti ehe ndinawo mudzimu wacho .
Manhanga akaibva tikapakurirwa netea paiva pasina sugar vakatovhura iyoyo yataiva tauya nayo.
Ndakangoita prayer kuti dai vakasanamata munamato wekudya zvandirini zvingandibata ndikanyadzisa and ndakanzwa kurerukirwa vakangoti ngatidyei pasina zvekunamata ndikamwa tea nema nhanga ndakanakirwa .
Ndakasimuka kunosuka panze ndichibatsirana naTete Mai Tanya vaiva munhu akasununguka zvavo vachitondiudza zvekutambudzwa kwavaiitwa nemurume wavo kumereji yavakabva vakatoti
" Mukandinzwirawo basa kuHarare ikoko maiguru mundiudzewo ndanzwa nekushanda house girl mudzimba dzema ticha umu apa maticha Acho haabhadhare uku ndine vana vaviri ava vanotoda kuenda kuchikoro "
Takadzokera Mumba tikabva tapiwa huku yevaenzi ndikaicheka ndikaundura ndokubva ndacheka Tete vakandibatsira kuibika ndaiva ndava kuchema maziso nechiutsi ko ndaiva ndisina kuzvijaira kaa zvekuendwa neutsi mumaziso .
Takabika sadza remanheru tikadya tikarara tasuka naTete, ndipo pakatora vamwene vangu chigubhu chemvura vakati
" Pamusoroi timbokushawo mvura yedu yemuteuro yatakabva nayo kwaMadzibaba "
Hana yangu yaiva isisina kugadzikana zvachose vachivhura kagubhu kavo ndaiva ndava kutya Mudzimu wangu , asi ndakanunurwa nefon yangu yakaringer ndikainhonga ndikabuda panze vaiva Mama vaifona ndikati
"Eh Mbuya vaJuju "
" Masvika zvakanaka here varoora vekwaGutu "
" Ehe tasvika zvakanaka hedu, tagamuchirwa nerudo chose "
"Ah tinozvikudza munhu ndewekuitawo hunhu chikafu hachipedzwi chese mundiro kudya kunge benzi zvako zviya "
Ndakaseka ndikavati
" Handiti ndozvamaifanirwa kundiudza nezuro ipapa mava busy kundiraira asi ndatopedza kudya kare "
Takaseka zvedu naMai vangu vakandiudzawo kuti vaiva vaitirwa surprise maPrivy nemurume wake vangouya nemota ine New Property yemumba from TV sales, masofa makitchen unit , mawardrobe mubhedha nema kitchen chairs ndakafara zvangu ndikati Jamal aiva mukwasha akarongeka zvino benzi rangu raizozvigonawo here nhai Mwari wee ndaiva ndakaita wrong choice ini.
Ndakapedza kutaura naMama pafon ndikazvigarira panze ipapo ndaiva ndava kutya kupinda mumba makushwa mvura yemuteuro.
Travis ndiye akazonditevera panze paye akandiwana ndakati undundu pacorner
" Asi watsamwa here babe nezvawaudzwa naMama don't mind her vanongotaurawo zvinhu zvakudhara "
"Handina kumbotsamwa ndiri kuvaviwa maziso handei tinorara hedu handichade kudzokera mukitchen mune utsi "
Ndakanyepa zvee ko zvaitaurika here kuti ndiri kutya kupidiguka neMudzimu .
"Mai Tanya huya utiratidzewo pekurara shamwari mukadzi wangu ava nehope plus aneta "
Tete Mai Tanya vakabuda vakati
"Havangambotadze kuneta zvee vasikana kwaBherisoni kwamadzikira kure uko dai masara paManasa pamukwidza paye zvaiita nyore kuuya kumba "
Mai vacho vakabudawo vachiti
"Morara makagadzirira mangwana makuseni tichazoenda kwaMadzibaba umbononamatirwa mademon ekuba abve pauri iwe "
Hana yangu yakati tibvu kurova ndaiti acharamba kaa iye Travis zvekwamadzibaba zvacho habva akatonyatsa kugutsurira musoro wake akati
"Ewoi Amai "
Takapinda kunorara Mumba maiva magadzirwa naTete Mai Tanya paiva pasi hamenoo kuti ndaiva ndakaguma kurara pasi riini muupenyu hwangu ndakangoona kuti vanhu vanorara upenyu hunogozha chaiko kana vachigara kumusha .
"Sorry wakurariswa pasi "
Akadaro hake Travis anenge aishaya pekutangira ini ndikamuti
"Ko sei sisi vako vane imba kuHarare vasina kuvakira Mai vavo imba yekugara yakanaka "
Iye akati
"Susan akaroorwa nemurume uya ane Mari dzake Saka haana kana cent raanowana ava kutotangawo kutumira ikezvino nekuti Ari kushanda kuChando uko otherwise paanga Ari muHarare aitongotsva moyo kuona Mai vachotambura iye achidya achiguta "
"Hoo Saka waida kuzondiudza riini kuti wakabva kujere"
" Zvanga zvisina basa ko iwe wakambondiudza past yako here "
Yah zvaiva zvakangofananawo neni ndaimuvanzira kuti ndine mudzimu uri pandiri hapana aiva mutsvene pakati pedu.
Travis akazama kundibata Bata ndikamusandidzira ruoko rwake kure uko ndaitova nestress dzanguwo dzekuti mangwana Acho taiendeswa kwaMadzibaba .
Ndakarara hope dzetsuro chaidzo kungoti rare rare ndotomuka kutarisa time ndakazoona kwava kuma 5 am ndikati regai ndimuke kunoita basa , imwe pfungwa ikati nyepedzera kurwara ugosiiwa wakarara vamwe vachienda kumasowe , ndikazofungazve kuti nedzungu rina vamwene vangu vanogona kutofonera vari Madzibaba vacho kuti huyai ndaita urwere .
Ndakanga ndapusa zvino ndarara ndakatarisa mudenga ndokumutsa mwana wacho kuti anondiratidza pekutangira .
" Ndava ne10 years ndisina kumbodzoka pano , enda unomutsa Mai Tanya "
Ndakaenda kunomutsa Tete vakauya kundiratidza paiva nemutsvairo ndikatsvaira chivanze ndikaisa mvura pamoto ndikavapa yekugeza zemutemo , ndikapawo Vamwene vangu ndikagezesa vana Tanya kumeso ndikakandirwa $3 dollars yangu mubucket .
Ndakaisa rice pamoto ndikabuda navamwene vangu vainotsvaga huni tichiita nyaya ipapo ndipo patakatanga kusangana nevanhu vese vaiudzwa kunzi mukadzi waTravis vaizviramba vamwe Mai vakatoti
"Benzi riya kutoroora mukadzi musvinu akadai"
Ndakashaya kuti Travis akambokura Ari munhu akaita sei zvekusvika pakuvengwa necommunity yese kudaro .
Takadzoka kuhuni tikawana Tete Mai Tanya vatoisa rice riye dovi vatogadza gava retea pamoto .
"Mama musangofamba nemukadzi wangu acharoiwa "
"Ndiye anditevera achida kuona nyika zvino dai ndamudzinga aizoti vamwene havandide "
Takapedza kumwa tea kuma 9 vanhu vakatanga kugadzirira zvekuenda kumasowe mudumbu mangu makatanga kurwadza zvekuda kuchaya ndikamhanya mutoilet kunochaya ndikabuda face yangu yasvava , murume wangu akazviona akati
" Babe uri kurwara kaa maybe imvura yemumugodhi iyi yakuitisa mudumbu chigeza tidzokere kuHarare zvekumasowe tozozviita patinodzoka "
Vamwene vangu vaizvinzwa vakati
" Watii Travis hauna kwaunoenda zvako usina kunamatirwa hazviite simuka uende kunogeza tiende kumasowe mungatozobva henyu paChurch Moenda kumacomby anonokusiyai maGutu mutown mozokwira mabus eHarare ".....
Stay tuned
*In God Hatiperi*
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
1.3K