MAMA NATIE ZIM๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ SHONA NOVELS
MAMA NATIE ZIM๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ SHONA NOVELS
February 12, 2025 at 05:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaFbTiBGufIuI1fU6u2y *Chapter 03 to 05* MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜ A short story by Mama Natie ๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’ Chapter 3 Dean My name is Dean Dube. Ini ndini first born mumba medu matakabarwa tiri vakomana 3 ne1 girl. Baba vangu vanowanza havo kudamwa nezita relast born yavo Devine. Ini chikoro changu ndakapedza kare so ndakanga ndangomirira kushanda and handiwanze kugara muno ndinenge ndri abroad nevafana vangu kwavari kudzidza. This holiday ndipo pandakauya ndachinjirwa zvinhu namudhara vakundiudza zvekuti I must marry this girl. Ini hangu kutaura chokwadi zvekuroora hazvisati zvava mandiri and futizve zvekuroora a village girl like uyu wandanga ndakunzi ndiroore maya zvachose. Musati kuti handide kuroora village girl kutuka vasikana vekumusha noo asi pane zvakamboitika few years ago kufriend yangu aita zvekungotsvakirwa musikana nevabereki seizvezvi. Akaroora village girl wake ndokubva amugadzirisa kusvika akuonekera akubwinya veduwe asi akangoti achitanga kuonekera ndokubva atanga ayotanga nekuonawo zvaaisaona ane nhamo. Akatanga kuona vamwe varume ndokutanga kuhura kusvika pakumuuyisira chirwere murume. Kutaura kuno shamwari yangu atova pachirongwa nekuda kwawo mavillge enyu aya. Vanonyepera kupfava kana vachanyengwa asi kana vazova murelationship vakuonekera vanokangamwa zvese izvo voita zvavanoda zvavo. Inini daddy vangu handikwanise kuvarambira so zvandichaita is to play magames angu zvakangwara and ndinotoyenda kogara naye hazvindinetse zvavabvuma havo kuti ndinoyenda naObert ndiye wandichapa mari kuti amupfimbe vadanane ivo and ndinoda amupe nhumbu ndigobva ndawana kutiza nyaya yacho plus ini ndinaye musikana wangu Tecla wandinotoda nemoyo wese wandinotodazve kuroora futi. Patakasara nemusikana uye ndakamuudza kuti urongedze ndoyenda newe ndokubva ndatobuda hangu. Manheru akasvika daddy ndokubva vaudza mama kuti I was moving out and vakataridza kufara zvinova zvakatondinetsa kuti why mama vafara kudaro. Mama ndinovaziva vasingade nonsense dzakaita seidzi asi apa vakafara ndikangotiwo hameno. Manheru iwayo I packed my things ndokupedza hangu ndokuyenda pawhatsup ndokuudza Bae wangu zvandanga ndarongerwa. Akamboda kubatikana asi akazofara ndamuudza kuti iwe unotouyawo mangwana iwayo kumba kwacho because ini zvekuroora that girl handide so huya ndikupe nhumbu tingobva taroorana. Mangwana takamuka ndokubva tatoyenda kumba kuye nadaddy. Imba yacho yanga yakatorongeka everything zvaivako Takasvika daddy ndokubva vambotipa mashoko ekuraira havo and vakataura mashoko akadzama zvawo zvekuti dei vaitaura ndiine munhu wandinoda ndaigona kupurudza manje apa kwaingova kutamba netime. Daddy vachibuda ndakasara ndokufonera Tecla ndichimupa madirections ekwandaiva akabva atoti anouya hake manje manje. Musikana uye ndakanga ndisina kumbotaura naye so ndakabva ndamudaidza kwaaiva ikoko ndokuva ndamuti huya pano . Haana kutora time akabva atouya. Kamusikana kacho kakanga kakanakawo yaingova nhamo asi akanga akasikwa mwana uyu I wish achazowanawo murume anomuda not ini. Akauya achibva apfugama pamberi pangu looking innocent ndokubva ndati Mellissa ini hangu kuti uzochema neni mangwana handide ini handife ndakakuroora chero zvoita sei. Wawakaona uye ndiye musikana wangu and ndiye wandinoda kuroora uye saka zvava kwauri kuti wodii. Pano handikwanise kukudzinga because maagreements evabereki vedu hatimazive iwe pano kana ukanzi uyende kuchikoro it's fine unoyenda ukawana anokudawo ikoko feel free kupfimbiwa even ukaita mukomana wako kana ukada kuzonditaridza I don't mind zvangu ini newe zera redu rakanyanya kusiyana saka chero newe handizive kuti uchibvuma kuti unozoroorwa neni waifungei Her: firstly let me tell you this. POVERTY IS THE WORST kana ukava murombo unoitwa yese yese nevanhu. These were not my plans asi my daddy 's plans. I am not ready for that marriage thing and I am now happy that you are not interested with me. Zvese zvamukutaura zvekuti ndikwana anondida is like history kwandiri I never imagined my self dating anyone until I fulfill my wishes. Kana ndikayendeswa kuchikoro ndingafara sei zvangu zvekuroorwa izvi handina kana hanya nazvo ini Me: handide hangu uzonetsana nemukadzi wangu pano because akuuya nhasi pano Me: kana iye akasataura neni togona kungopedza gore pasina ataura nemumwe saka musandityira henyu Me: ndizvo zvandanga ndakudaidzira izvozvo nothing much Akabva asimuka kuyenda zvake kuroom kwake kwaanga abva ndokusara ndokumborara zvangu. As time goes ndakazofonerwa naTecla achiti asvika ndokubuda kunomutora hangu. Ndakanotambira Bae wangu aitova nemonarch rehembe dzake. Takapinda ndokunanga kuroom kwangu straight ndokubva tanorongedza hembe dzake muwadrope mandanga ndaisa dzangu. Teckla akazondibvunza kuti arikupi musikana wacho ndokubva ndamuudza hangu kuti haana pressure nemunhu saka musiye but ndakatoona kuti Tecla aitoda nezvake. Ndakazomudaidza kuti abike hake Mellissa ndokubva ati haagone kushandisa stove ndokubva ndati enda ndouya ndokudzidzisa zvaizoita here kuti nditi Tecla enda. Ndakayeneka Tecla ndokubva ndatevera kukitchen kwaiva naMellisa ndokubva ndatosvika ndikatanga kumubatsira zvaaida kudzidziswa zvake. Akanga asinganonoke kubata zvake. Ndakazobudamo ndikamusiya achiita zvaaita hake mwanasikana ndokuyenda kunabae wangu ndokunotamba zvedu tuchimirira chikafu. Chikafu chakaita ndokubva Mellissa adaidza vanhu kutable ndokubva tayenda hedu ndokunogara takudya. Mellissa akanga azviisira yakewo plate patable ndokubva zvanzi naTecla Babe this thing must go kunodyira kukichen kwete patable nesu soo hazviite izvozvo. Please may you leave the table like now Me: babe Mellissa is a good person Inga wani ndakakuudza everything and chokwadi chiri paground ndakuudza saka reason yako yekuda kunetsana naye ndeyeyi remember she is not a maid pano so respect kuva nehunhu kwake ndokuti zvifambe Tecla: if you love me she must go kwandataura nothing much zvenhoroondo zvatova zvako Dean ngaabve tione sekutaura kwandaita. Handina kuzopindura zvangu nekuti iye Mellissa wacho akanga atosimuka kuyenda kukitchen kwaanga audziwa asi face yake yakayenda ichireporter kubatikana zvisingaite. Takasara takudya ndokupedza hedu naTecla tichipedza akabva ati lets go korara babe without cleaning the table ndikatomuti babe asi wakangamwa kubvisa maplates aya ndokubva ati anouya kubviswa naMellissa. Handina kumutaudzazve ndakangotora mandiro aye ndokunoisa kukitchen kwandakawana Mellissa asina kana kudya chikafu chake achichema akatsikitsira musoro wake patable yaiva mukitchen. Ndqkambofunga kuda kumutaudza asi ndakazongosiya zvangu ndokubuda hameno zvaada ndozvaanoita and kana akafunga kubva ndizvozvo nekuti ndikada kuramba ndichizbiswededza padhuze naye ndozvekuzopedzisira ndamupfimba mongoiziva miyedxo kuvarume zvainoita. Madays akanga akufaamba zvawo and Mellisa aingogara ari down zvisingaite asi pabasa yaiva simbi zvayo zvese ndiye aiita kusanganisira washen yedu ndiye aiita. Mama kubva zvandanga ndabva pamba havana kana kumbobvira vanditsvaka zvavo pafoni zvimwe nemabrothers angu. Daddy ndivo vaifona here and there and vakanga vadzokera kupurazi kwavo so vakanditumira mari kuti nditsvakire Mellisa nzvimbo yechikoro MuHarare imomo ndokubva ndavaudza zvekuti ngaayende kuboarding school nditoitirawo pangu ini. Daddy havana kuramba zvavo vakabva vaita mari dxacho pamwe neyemauniforms ndokubva ndadzifambira nyaya dxacho kusvika ayenda kuchikoro zvake. Takange tasara tiri 2 zvedu naTecla and ini ndaisayenda kubasa zvangu ndaingoswera pamba mari taipiwa from daddy and I can't complain zvangu vaindipa inokwana zvese zvandaida. Kubva zvakanga zvayenda Mellisa Tecla akatanga kuti handikwanise kuita basa ndorwara what what. Ndakanga ndakuita mahouse chores manje ndirini and marwadziro azvinoita kuitira munhu basa akagara soo ma1 chaiwo. Mumwe musi ndakamboshanya naTecla kwana mama ndaitoziva mama vakanga vasina basa nezvakanga zvarongwa nadaddy izvo zvaMellissa. Takasvika zvakanaka zvedu and mama havana kunditambira nemufaro wavo wandinoziva uye hameno chii. Mama vakanga vatondichinjira ini even Tecla wacho havana kunbotaridza mufaro wavo. Patakanga takuyenda vakazondidza mashoko akandipedza chaiko hanzi Next time kana makuuya pano munifanirwa kutanga mafona not kungonyuka uku kwakoita remember mava nekumba kwenyu kwete kuita madiro nepamba pangu Me: mama kubvira ini here kudaro or pane zvimwe zvatovapo hazvo Her: I think you herd me Dean and there is no need for me to repeat myself safe journey Hezvo ndakangobuda asi ndakanga ndatova confused chaiko hama dzangu how could she talk like that to me. What's wrong with her. Uuum hameno regai tione kuti chii chichatevera. Takadzokera kumba naTecla wangu ndokunogara zvedu. Madays aiita kufamba zvawo kusvika this day daddy pavakangokaruka vasvika zvavo vasina kufona kuti ndri kuuya. Ndakarohwa nehana chaiko nekuti ndaiziva kuti tichatokonana zvedu maringe nenyaya yaTecla. Ndakavatambira zvakanakisa zvangu ndokupinda navo mumba umo maiva naTecla anga akarara pasofa. Daddy vachimuona vakataridza kushamisika because vaitomuziva zvavo. Vakangonditi Dean is this what you are doing my son Me: am sorry daddy but the truth is what you are seeing. As for Mellissa am sorry I can't marry her sorry for the loss yemari yenyu asi ndizvo zviripo daddy End of 3 Love you team https://chat.whatsapp.com/F0KWT92xD1j4pjJQf26Qis MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’˜๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜ Story by Mama Natie ๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’ Chapter 04 Benjamin (baba Devine) Ini ndinoitwa baba Devine or Benjamin. Ini ndakakura ndrini mwana mumwe chete kuna amai vangu asi kwababa vakazoroora mumwe kukadzi akazovaitira vana vakati wandei sezvo Mai vangu vakangoguma neni chete. Ndakakura ndikadzidza zvikoro zvaidhura mai vangu vaimira Mira zvavo pakutsvaka zvinoita ndifare nekuti baba kubva zvavangoita mumwe mukadzi havana kuzomboda kucheuka nezvangu. Baba ndaisava neshungu navo nekuti vakanga vakutora masides saka kubva zvandakanga ndakuziva zvandinoita ndichiona baba vachinetsa mama handina kumbobvira ndavafarira hangu. Pandakapedza chikoro changu ndakabva ndatangawo kushanda zvangu and ndakabva ndavakisira mai vangu musha wavo kwavo vega ndokubva pana baba kwavakaita vakasiya mukadzi mudiki ipapo. Mukushanda imomo I meet Faith mai vaDean ndokudanana naye till ndatomupa nhumbu. Paakaita nhumbu yangu ndakabva ndatoshandisa mari yandaiva nayo kutsvaka imba kuHarare ndokumutora ndokumuisa ikoko ini ndichiitawo zvangu zvekushanda. Mukadzi wangu aishanda basa rine mari kudarika rangu asi aisazvitarisa mari yake akahora aindipa ini ndichironga sababa yechikafu chaiyo taitobvisa kana taita mabudgeties edu akwana . Mukadzi wangu chero aishanda kudaro aitoti akafunga kurukwa aitondiudza kuti daddy ndoda mari yekurukwa ndomupa pamari yandinenge ndinayo. I love the way my wife respected me hangu nekuti izvezvi mumwe mukadzi kana achiyenda kubasa nemurume mumba vanomirisana chaiko especially achitowana mari yakawanda kudarika yako soo yaa unochiona chakonesa imbwa kuseka iyo kunyenama ichigona. As months moved ndakazoyenda kotaridza mama mukadzi wangu and vakafara zvisingaite. Kunababa ndakayendakowo kuvataridxa chero vaisandiita semwana wavo hangu asi ndakayendako ndikanovataridza mukadzi wangu. Mukadzi wababa mudiki musi uyu akataridza kundifarira zvandakatoshayawo kuti zvabvepi hangu asi ndakangoti pamwe munhu anochinja hake. Pandakanga ndakubva pamba apa ndakabva ndapiwa manumber namainn vangu ndokudzokera kwedu. Mazuva haamire mukadzi wangu akanga akurirwa zvake and mainn vakanga vakundinetsawo vachida nditsvakire mwana wefriend yavo basa saka ndakazongobva ndati regai ndimutore nditi ashande hake pamba pangu since mukadzi wangu akanga akurirwa. That is when we start to stay with Veronica. Pamazuva akauya Veronica ini hangu ndaisafarira zvaaipfeka especially kana ukamuka makuseni waisanganidzana naye akapfeka bumshort pamwe achitoita basa mukitchen kana achitokusaver breakfast akadaro. Ndakamboda kumutsiura but mukadzi wangu akabva anditi ndimusiye humwana hwakamuwandira plus akati anenge asati adhinhiwa nekupfeka zvakadaro rega ambopedza shungu kana aneta acharega ega. Uuum ndakabva ndatonyarara zvangu ndokusiya zvakadaro. Mukadzi wangu akapiwa maternity leave kubasa kwake so ndakabva ndayenda komusungira kumba kwavo ko handi yaiva mimba yekutanga here Ndakamuti ayende naVeronica asi akarambisisa akati no babe sara naye achikubatsira iwe ini I will be fine ikoko kwandiri kune vanhu vakawandisa. Takasara naVeronica uye hama dzangu zvinhu zvakatanga kumira zvisizvo. Veronica uyu aitova miyedzo chaiyo kwandiri. Semurume ndaizama kushinga asi dressing yake yakanga yakundipa mufungo usiwo. Ndakatomboudxawo friend yangu rimwe day ndokubva anditi iwe kana zvichikunetsa try beer woyenda wakadhakwa wosvika uchitorara usiyane nemuyedzo iyoyo but mukadzi wako achingosvika ibva wamusiyisa basa racho. Zveshuwa ndakayenda nekuhwawa ndikanorimwa doro riye ndokubva ndazodriver kuyenda kumba. Ndakangoti ndichisvika kumba ndakabva ndasanganidzana naVeronica mukitchen apa tarisa zvaanga akapfeka zvacho. Ndakangumutarisa kamwe ndokubva ndatonzwa mutrouse kuvhuta nekuda kwezvaanga akapfeka. Handina kumbomirira kutanga ndafunga ndakabva ndatomunamira ini kissing her everywhere kupedzisira tatova kubedroom takutonakirana zvedu. Husiku hwese ndakaita kuvatira chaiko ndichikashanda kamwana kadiki kanoda zvinhu. Pandakamuka makuseni hwapera mumusoro ndipo pandakaona zvandakanga ndavata ndichiita mahusiku kuti hazvina kana kumbonaka zvachose. Kuti ndichidii kana kudii handina zvandanga ndichaita yakanga yatodeuka zvayo. Ndakangoti kuda zvaperera ipapo izvo kwete Veronica uye akanga atora video mahusiku ndichimushanda so akanga akutondithreatena kuti ndikasamufadza chete anouya achiudza mukadzi wangu. Hapachina marambiro andakanga ndichaita kusara kwekungomuita everyday. Ndakanga ndatojaira zvangu zvekuti ndakanga ndakutongoziva kuti ndofanirwa kudai. As days moved mukadzi wangu akabatsirwa and akabva adzokawo ,zvake kumba. My wife was happy kudzoka kwaakaita asi ini manje ndainzwa kunyara kusingaite nezvataisara tichiita asipo. Ndaizama chose kuzvivanza asi aitozviona kuti ndine zvimwe zvandikuviga nekuti aindibvunza everyday. Vero ndakakanga ndakungoti pose pandawanira mukana ndomufadza hangu. Mukadzi wangu akapora hake ndokubva atanga kuyenda kubasa. Mari yedu takanga tachengeta yakawanda nekuti taida kutenga plot toita project yekurima zvedu. Maprices takanga tava nawo so pakangokwana mari yedu takabva tatoyenda kotenga ndokubva tasara neimwe mari yatakatsvakisa zvimwe zvakakosha zvaidiwa ikoko kuplot like fencing it nekutsvakawo zvimwe Mwana wedu aikura zvake akanga atova mu6 months manje. Kuplot taigwisana nako kukugadzirisa ndofunga munongozivawo kuti nzvimbo inake inenge yashandirwa zvakadii. Pakapera 2 years takanga takukwanisa manje kuchitanga kurima kuplot kwedu kwakanga kwachena zvokuti. Vashandi takangoisa vashoma nekuti kana muchitanga mari yacho inoti netsei. Veronica takanga tichingova naye and mutambo wakanga uchingova iwoyo kana kusiya chandakafarira hangu ndechekuti mukadzi wangu haana kana kumbotibata and iyewo akanga akangwara akabva aita zvekuti asaita nhumbu. Pafirst trip yedu kuplot takarima zvirimwa zvinoti mabutter nuts beans nemapotatoes ndozvatakaita izvozvo rimwe side ndokungoriisa nzimbe as for trying. Mwedzi yazvo yekubuda yakasvika and ndakafara sei zvakandipa simba mukurima imomo nekuti zvakatengwa zvisingaite and zvaitorwa nevekunze kwenyika chaiko. Ndiko kutanga kukura kwakaita business rangu zvekuti ini after 3 years ndakabva ndarega basa ndokutanga kumanager kuplot kuye. I remembered this weekend ndichishanyira mukadzi wangu kumba kwaaigara ndokuwana Vero asipo achinzi akayenda kumusha anodzoka hake musi iwoyo. Musi uyu taiita kufaara nemukadzi wangu tichitenda zvataiwana mukurarama. Madam vakazodaidziwa kubasa emergency ndokubva vamhanya ini ndokusara naDee zvangu. Tichitoona TV that is when Veronica arrived apa akaita kupfeka kadress kaitangira makakaguma zvako. Akangosvika achindinama kiss zvake ini kana kuramba handina ndakabva ndatoidavirirawo zvangu ndokubva ndakuti kunaDee chimboyenda kuroom kwako ko handi ndakanga ndatoipirwa here. Achingobuda ndakasara ndakutobvisa munhu wangu ndokutotanga kushandurana pasofa ipapo. We did it zvekuti takakangamwa kuti taiva mumba mevanhu. Kutinditi Faith akasvika nguvai ndinganyepa handina chandakanzwa ini. Ndakazongonzwa akuscreamer achideedza zita rangu. Veduwe ndakakonewa kana kuregedxa Veronica nenyadzi dzandakanga ndava nadzo. Iye Veronica uye ndiye akatoita zvekumuka apa achizvikakata sei hake kuita seaaina zvaaita. Akasimuka ndokumira akatarisa Faith kumeso ndokubva ati Sorry hako Faith but zvangonakira kuti wabata chokwadi iwe neni soon tinenge tatova pabarika because am pregnant for Benjamin so relax my dear the husband is now ours not yours Ndakatarisa Faith ndikaona achitaridza kurwadziwa kusingaite pameso pake. Ndakamuka ndokubva ndakwiridzira mabhurukwa angu ndokubva ndafamba kuyenda kubedroom without any explanation kwaari. Ndaida auye kubedroom titaurirane hedu not mudinning. Ndakanogara mubedroom but hapana munhu akauya. Ndakadzokera ndokuwana asimo Faith maingova naVeronica aiva mukitchen . Ndakabuda panze kutarisa mota yake but ndakawana isipo meaning akange abuda. Ndakagara about 45 minutes ndiri panze mumota mangu ndichifunga way forward. Ndakati ndakatogara that is when I receive a call from someone telling me ndikudiwa kuhospital Faith have involved in a car accident so aiswa kuchipatara. Ndakangomutsa mota yangu ndokubuda ndichiyenda kwandanga ndaudziwa zvangu ndokusvika ndikawana chiri chokwadi mukadzi wangu akanga asangana netsaona and akanga akuvara zvisingaite. Doc paakandiona akabva ati We are sorry Mr Benjamin mukadzi wenyu makuvariro aaita aya haaite and anenge akangomirira imi kuti mweya wake uzorore. Hatide hedu kuti mutambise mari muchitsvaka kana chii zvacho asi parizvino sekutaura kwake ati anoda kuona imi so kasikai muyende anotaura zvaanoda ndiko kuti tizokwanisa kukuudzai makuvariro aaita Ndakapinda maaiva and akangoti achindiona achibva aita kusekerera zvake ndokubva ati Welcome babe Me: but why Fay why Her; am sorry but I think it's just time Me: you can't talk about time Fay why you choosed this way Her: Benjamin time is running out am sorry I will not be able to answer all your questions but kunoku ndakudaidxira about mwana wangu. Even where I am going Dean is my happiness so please try by all means to make him happy. If you failed you will regret cheating on me Me: you are not going anywhere Faith please I have to explain Her: a bit too late my love good bye take care of Dean zvimwe zvese will sort out myself Neiwayo mashoko akabva atondisiya ndakangomutarisa. Doctor vakazosara vakudzoka atova chando zvake. I cried zvandisati ndakamboita hama dzangu shuwa after cheating my wife akungofa ndisina kana zvandambotsanangura shuwa. Ndakabva ndafonera hama dzacho ndichidziudza hangu. Everything was processed kusvika pakuvigwa kwaFay. I shared some goodbyes pagrave rake nekuti akanga achengeterwa kumusha kwake ndokuzodzokerawo kubasa hangu. Dean akasara achigara naVero hake kusvika patopera 6 months Vero akazotangawo kunetsa achiti mwana anoda kusimbiswa. Hongu musoro wanga wakaremerwa but ndakangopedzisira ndakuyenda kwaari ndichinosombisa mwana wacho. Akazotanga kunetsera kuroorwa but ndakamuti ambomira it was too early. Akabatsirwawo mwana musikana watakapa zita rekuti Delight. After 2 years ndakabva ndazonomuroora and as for vana ndakamutsindidza zvangu kuti vana vangu havabatwe zvakasiyana chero zvidii noo. End of chapter Mama Natie loves you all guys makakosha kwavari nemacomments enyu neetym yenyu rambai makadaro https://chat.whatsapp.com/F0KWT92xD1j4pjJQf26Qis MY PARENTS FORCED ME TO MARRY HIM BECAUSE OF POVERTY ๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’”๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜๐Ÿ’˜ Story by Mama Natie ๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’๐Ÿ’ Chapter 05 Benjamin Nekufamba kwenguva mwari akatipazve vamwe vana vakomana and Veronica ndaiona aibata mwana wangu zvakanaka hake ndaisaziva zvaiva mumoyo make. Mazuva akafamba vana vangu vakanga vakura and vakura kudaro Dean haana kumboziva kuti Veronica havasi Mai vake chero neni handina musi wandakambotaura nezvazvo chamdakangoita kuchinja mapapers eplot kuisa muzita make nekuti raivawo simba ramai vake aifanirwa kudya nhaka yavo. Ndozviziva kuti hazvingazomborambe zvakadaro zveupenyu 1 day ndinomuka ndakafa mwana wangu akasiiwa pachena zvake. Vana vangu vakanga vakudzidza abroad zvavo akatanga kupedza ndiDean asi kubasa akanga asati akuyenda zvake ndakanga ndichingoti panovhurwa zvikoro zvevamwe obva ayendawo nekuti ndaiziva kuti akagara pamba nrkabehaviour kanga kava naVero aigona kubudirwa musaga zvake mwana wangu. Chokwadi kana achizichiziva achachiziva hake asi kwete mamwe maudzirwe asingaite. Musikana achingopedza chikoro akabva anoroorwa hake ndokusara neboys manje. Mumwe musi vana vakanga vasipo zvavo varikuchikoro kwavo ndakanga ndatoshanya kumba apa ndakanga ndisina kana kumbotaura zvangu. Pandakasvika ndakawana Vero aine shamwari yake vachitaurirana mashoko akandisiya ndiine question mark. Vaitaura pamusoro pekuti why ndakaisa Dean paplot and vaitorangana zvekuda kumudhiriza chaiko. Mashoko awa akabva andibata chaiko zvekuti ndakanzwa kuvenga Veronica. Ndakazongonyepedzera kugadzirisa pahuro ndokubva ndapinda zvangu mumba. Pandakasvika asahwira ava havana kuzogara vakabva vatobuda ndikasara ndichiudza Vero kuti maplans ako ndamanzwa and pakawana chinowana mwana wangu unondiona hako. Akatanga kukumbira ruregerero hake achiti kufurirwa neshamwari ndokubva ndazongosiyana naye. Ini hangu semunhu aiziva hunherera hwemwana wangu ndaiva nechido chekuti chero paacharoora aroore mukadzi anomuda nemoyo wese asingade pfuma yake noo. Pamari yaibuda kuplot ndaimanager kumugadzirira future yake vamwe ava ndaingovaisawo pashoma pashoma not kuyenzanisa naDean. Ndakazomutengera imba asingazvizive muHarare imomo. Mukufamba kwemazuva ndakabva ndafunga kutsvakira mwana wangu mukadzi wekumusha chaiye zvemumwe musikana wake waanga akambonditatidza ndaisazvikoshesa kana kamwe kamwana ikako kakangoita kanzenza nzenza soo hakanzwisisike zvakari. Papurazi ndaiva nemumwe murume wandaiwirirana naye ndiye wandakapirawo nyaya yangu and akabva andiudza zvemwana wake musikana waaiva naye. Yea musikana waaitaura ndakambomuona zvangu but pandakamuona akanga asati anyanya kukura. Takataurirana ndikati ndokubatsira nekumupinza chikoro plus I promised to open him a grocery shop ndokubva tawirirana kusvika pandakanotora mwana uye paholiday. Veronica ndaitozviziva kuti haambonobvume hake kugara nemusikana uye and ndizvo zvakasvika zvichiitika. Zvese ndakazviita asingazive so paakamurambira kuuya kumain house ndakabva ndati zvakanaka ndaida kutanga ndataura naye Manheru tarara ndipo pandakatanga nyaya yangu manje Me: Mai Dee musikana uye wamaona uye wamukurambidza kupinda muno mumain house kana zvikafamba sekushuva kwangu achava muroora wepano Her; muroora wepano achiroorwa nani nhai baba Dee. Shuwa mongoti mukasangana nevanhu vemumugwagwa motononga shuwa. Let's hope munopa henyu mwana wenyu kwete vangu vangu vana vanoroora high class savo kwete zvenyu izvi Me: Veronica how many times ndichikuudza pamusoro pevana ava. Handide vana vangu vanopesaniswa pano zvekuti wako mwana zvabvepi. Saka wakutopatsanura vana here iwe Her: hezvo baba Dee pandakamuchengeta ndichimuti ndiri Mai vako pakakwana ikozvino ngaazive chikwadi chiripo and.he must move out ava munhu mukurusa uyu hatingarambe tichichengeta mudhara akadaro achitadza kutsvaka basa chikoro akapedza akutoita zvekutamba hake. Me: yea mune dama rakanaka chose asi zivai kuti zvinhu zvizhinji zviripano ndezvamai vake. Pano achagara kusvika asingachade basa anotsvaka kana plot yadhakwa isisapinze mari. Kana mari ichiri kubuda I will pay him kugara ikoko Her; ndosaka ndakuudzai kuti akufanira kuziva chokwadi manje. Vangu vana mari yenyu vanoita yekupanga asi uyeyu munomupa pese pamadira kuti zvidii manje kana mukadzokera musina kumuudza chokwadi ndosara ndichimuudza ini kana achizvisungirira achazvisungirira Me; OK everything is OK.Dean ndiye acharoora musikana iyeye it's fine Her; and anobva aziva kwekuyenda naye Me: ok Ndakasiya zvekutaura zvangu ndokubva ndarara kusvika makuseni. Ndakatora Dean ndikayenda naye kumusikana uye ndokubva ndanotaura zvandakataura ndokubva ndabuda hangu. Kana malans andaiva nawo ekuyendesa mwana uye kuchikoro ndakabva ndstombosiya paside ndakanga ndatofunga kuvayendesa kwavo Vega I know achanojaira hake munhu wake. Zvese zvakafamba zvakanaka ndokubva ndamuyendesa zvangu kumba kuye ini ndokubva ndadzokera kubasa kwangu. Kubasa kwaifanba zvakanaka chose kuna Dean mari ndaitumira pese pandinenge ndaiwanira. Dean ndiye nyakundiudza zvekuti Mellissa achiyenda kuchikoro ndokubva ndagadzirisa zvese zvinhu. Mellisa akayenda kuboarding ndiko kwaanga akudzidza. Foni ndakati atavakirwewo kuitira akawana dambudziko anokwanisa kukasira kutizivisa. As time goes ndakambofunga kushanyira mwana wangu hangu ndaida anondiudza kuti akazofungei about musikana uye kuti ava kumuda here plus musi uyu ndakanga ndayenda ndiine chinangwa chekuda kunomuudza chokwadi. Zcandakasvika ndikasangana nazvo ikoko zvakandipedza simba hama dzangu. Ini ndinotofa kuti mwana wangu anoroora Mellissa izvo iye akatosengana nekaya kanjapisi kandakamboona kaye. I was broken hama dzangu handikuudzei nhema apa oandakazozama kuti ndigare naye pasi titaure zvaqkandiudza zvacho soo. He told me kuti musikana uyu akanga ane nhumbu yake so akati zvaisaita kuti abate Mellissa iye ane imwe mhosva kudai. Ndakambozama kumuonesa asi akaramba zvake kusvika ndatozvisiya asi ndakamuudza kuti asabvisa Mellisa pamba atange apedza chikoro kana apedza ndichaona plan hangu since ndrini ndakamubvisa kuvabereki vake. Ndichibva ipapo ndakayenda nekumba zvangu uko kwandakasvika ndichitowedzera kutemeswa musoro naVeronica. Hanzi zvino zvamaiti mwana wenyu anoroora munongiwa akazomuroora here hee Idzi dzinenge mhepo chaidzo shuwa. Ndakangosiyawo zvangu ndokubva ndadzokera kuplot zvangu. Pandakasvika ndakabva ndafunga kutora Dean auye agare kuno and ndinoda kumupa treatment yakaoma. Ndinoda kuti ndokupa ndima yekurima zvako wega nekukadzi wako and handina vashandi vangu vandinomupa.noo ndongomupa pekushanda iye nemukadzi wake kana kakarwadzwiwa nebasa kachabva kaziva kwekuyenda. Manheru iwayo ndakabvanda tomuoinzira call mukomana Dean: gd afternoon daddy Me: eeh son I don't have much etym I just called to inform you that as for this month's mari handina yekukupa so ndanga ndati zvirimwa zvazvinotengwa nemari yakanakisa wouya kuno nemukadzi wako ndokupai penyuwo moita zvenyu kana zvaibva market ndini ndoziva kwainowanikwa Him: daddy ko zvakaipei hazvo kuti nditsvake basa than kuuya ikoko Me: that a great idea my son you can do what you want chimwezve ndandichida kukuudza kuti mutombobuda mumba ndiise malodger ndimbowedzera mwari mainputs akunyanya kundishotera kuno Him: ok daddy I will Ndakabva pacall and madaviriro aakaita pekupedzisra akandiratidza kuti akanga atotsmwa Dean and kana akatsamwa anoita zvinhu asina kana kufunga zvake. Moyo wangu wakatomborwadza kuti shuwa ndaitei mwana wangu ndakatombononga foni kuda kumufonera kuti am joking asi ndakazongozvisiya ndikati he must learn what is life plus aone kuti vakadzi vemuchirungu vaanokudza havana kana neshumo yese End of 05 Love you team โค ๐Ÿ’™ โ™ฅ ๐Ÿ’“ ๐Ÿ’•
โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ 18

Comments