DStv Zimbabwe

DStv Zimbabwe

301.5K subscribers

Verified Channel
DStv Zimbabwe
DStv Zimbabwe
February 16, 2025 at 10:51 AM
Hi Admin, show yenyu I blew it hmmm yandifungisa nguva yangu yehukorokoza. Vedu takamborarama hupenyu hwemufirimu. Ini ndinobva kwaRusape, ndiri nherera ndakararama hupenyu hwekuita maricho kuti tikwanise kutenga zvokudya nekubhadharira hanzvadzi dzangu fees. Neshamwari yangu takango risker tikati regai tiende kwaMutare timboedza zvechikorokoza. 2 months life yakachinja taibata mari, Mutare yese yaiziva kuti vakomana vauya. Mumabhawa vaitiziya kuti biri raisvika $500 tichitengera vanhu doro. Problem tese naasahwira tanga tisina kudzidza so zvekuita invest or kutenga property hatina kuzvifunga. Chataigona kudya mari nekutenga mota, madhiri akazosunga. Haa zvese zvakabva zvadhakwa kana imba handina, hmmm kudzokera kumusha usina chawakabata kwakangooma. Chandakagona kuendesa hanzvadzi dzangu kuchikoro. I regret it all dai ndakatanga business kana kugadzirisa pamba zvapo. Mari inoda chikoro hameno kuti munobvumirana nazvo here 👍 or 👎? #iblewit at 1930 on ZTNPrime ch294.
👍 😂 ❤️ 🙏 😢 👎 😮 ✔️ 👏 299

Comments