Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
January 25, 2025 at 04:22 AM
Zion Christian Church To: All Church Members Sub: Weekly focus yeMasvohwani Date: 25 January 2025 Tinotenda Mwari weZion neupenyu hwaanotipa. Focus yedu inoti: *1. Vana, tererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munashe (VaKorosi 3 vs 20)* Vana vazhinji mazuva ano vanokwidza vabereki BP nekusaterera. Vamwe vabereki vanotogara misodzi iri pamatama nemhaka yemisikanzwa yevana. Asi isu Masvohwani eZion hatifaniri kudaro. Sevana vanoziva Mwari ngatiterere vabereki vatakapiwa, nokuti ndizvo zvakanaka munashe (Vakorosi 3 vs 20) Kuterera vabereki ndiko kuvakudza, unova murairo une chipikirwa chaMwari chokuti kukudza vabereki kunowedzeresa makore ako okurarama panyika semwana (Exodus 20 vs 12) Awareness campaign: - Sezvo roundup yava kupera muno muZimbabwe, meso edu ngaachitarira mberi, titange gadziriro dzeungano yeEaster iyo inofanira kuvhurwa navanin'ina vedu kureva Sunday school Z.C.C Media www.zccmbungo.org facebook.com/ZCCMbungo M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485 Email: [email protected]
🙏 ❤️ 👍 😢 👏 💖 117

Comments