Zion Christian Church Official - ZCC Mbungo
January 29, 2025 at 04:53 AM
Zion Christian Church
To: All Church Members
Sub: Weekly focus yeChitatu
Date: 30 January 2025
Tinotenda nyasha dzaMwari weZion unotipa upenyu. Focus yedu iri pashoko rinotevera:
*1. Nhai vana Mai, dzimba dzenyu dzinombounganawo vanhu vachinyengetera here, kana kuti mako mumba munoungana vemakuhwa nekuputsa [Mabasa 12 vs 12]*
Nhai vana mai, ndiani une mumba munganzi iyi iimba yekunyengetera, seimba yaMaria yaigara vanhu vachiunganamo vachinyengetera [Mabasa 12 vs 12]
Vamwe dzimba dzavo hadzina vanomboungana kuzonamata, kana patoungana vanhu either vauya:
- Kuma kuhwa
- Kuzonyofura
- Kuzorangana zvakaipa
Muvhunzo woti, kana mumba mako muchingounganiwa nevanorangana zvakaipa chete [Mapisarema 1 vs 1) saka maropafadzo angapindamo sei?
Ivo vanhu vano favor imba yako sei kuzorangana zvakaipa? Izvozvo zvoga zvinofanira kukubata saMai veRuwadzano kuti sei?
Imba yemuZion ngaiwanikwe vanhu vanonzi vauyawo kumunamato weCell, kana wetabera, kana mugidhi chaiwo, ndiko kuti iropafadzike.
*Awareness campaign:*
- Zvatatarirana neEaster, ngatiite nhange mutange kubata maKota titange nekupedza maKota nemhuri dzedu
- Ngatironge kuti vana vose veSunday vasasara kumusha paUngano yavo yavanovhura ungano yeEaster
- Vana vose vane makore mashanu (5) zvichidzira vane raviro yeCup imwe chete yeBlack Coffee kudzivirira denda remudumbu yakadaidzirwa paHarare. Ngatiende pamaWellness centre nevana vaitirwe raviro iyi.
Z.C.C Media
www.zccmbungo.org
facebook.com/ZCCMbungo
M: +2638688006187, +263788816609, +263778638485
Email: [email protected]
🙏
❤️
👍
😂
🇿🇼
📅
😢
😭
😮
🤣
91