
MT TINO NOVELS🥳
January 21, 2025 at 08:48 PM
Mt Tino
Follow the MT TINO NOVELS channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaN09W3GJP8NewVPqi2Z
*MT TINO's Channel please kubva pa1 follow that Channel 👆 and other books available there*
*Hot Collaboration*
*💓 UNLIMITED LOVE💓*
*MT TINO*
To778592426
To775665363
&
*Liliosa Chiwara aka Lillie's of the valley*
*Please Read and share*
*Chapter 8*
*Ku channel kwa MT TINO kune moto hoyoo manhayi munoona*
" Chitonyarara sahwira izvi ndozviripo , ndozvakutoitika just learn to accept the reality "
Aiva Mufaro aiva auya muspare mandaiva ndavharirwa muya , aiva andivigira chikafu ini ndikachiramba , ndichingochema chete pamwe nekunamatira mumoyo kuti dai mwana wevaridzi akasafa hake .
" Saka uchasvika riini uchiramba chikafu nhaiwe apa hauna kana kugeza hako unomboziva here kuti uri kurara wava kumurume nhasi chaiye , simuka ipapo unogeza kana kutogezera munomu mudish wochinjawo hembe dzinoonekera remember wava kunoita mukadzi waBusiness Men kaa uko kune makwikwi vakadzi vacho vese vanogeza zvecompetition chaizvo "
Aitozvinetsa hake nekutaura sahwira wangu ini ndaiva ndisinei nazvo zvese izvozvo zvaaindiudza ndaida kunyatsa kuenda ndakadaro neutsvina yangu ndaida kuvanyadzisa Ivo Baba vangu naJekanyika wavo .
Chikafu chacho ndakachiramba zvachose raiva sadza nenyama yehuku yakatsvukira asi moyo wangu waiva wakasviba kuti tsvaa ndiangochema chete .
Chimwe chinhu chakandiratidza kuti Baba vangu aiva Satan paamire kuda kutorambidza Mai vangu kupinda mandaiva kuti vataurewo neni kekupedzisira .
Baba Mufaro ndivo vakazoti
" Sahwira varege vapinde kani ukadaro zvoita sekuti unoda kuparadzanisa Mai nemwana "
Ivo Baba vangu vakati
" Rudo haumuzivi iwe , ipapa pamwe anenge achida kuronga tumazano twekuti mwana atize manje hamubudirire "
Kana Iko kushaya mumukanwa kwacho , Baba vangu vaizvinyanya kubva vadeedza Mai vangu nezita ravo pamba paine vakwasha .
" Mama ndiri kurwadziwa ipapa mwana wevaridzi amwa mushonga hamenoo akararama Kudzi wangu ndodiiko ini "
Ndakaita kuisa musoro pamakumbo pamai vangu ndichichema Ivo vakanditi
"Ndatovhundukawo pandazviudzwa naMai Mufaro ufunge , haa naiye Kudzi azvinyanya munhu wemurume shuwa kumwa mushonga haa àtadza kungozvisimbisawo here "
" Anga asina kuzvitarisira Mama , ini akangofa neniwo ndakutonwawo poison ndife zvangu tonosangana kudenga nemukomana wangu "
Mama vakamhanya kundibata maoko angu vakati
" Iii please dai Tanga tisiri mubad situation ndaikukwatura Ruru , handide kuunzwa muromo iwoyo no matter what haufanire kupererwa kusvika pakuda kuzviuraya , matambudziko anouya muupenyu hwedu achidarika mwanangu "
Vaingondisimbisa zvavo Mai vangu but ndaitoona kuti naivowo vari pakupererwa .
" Usazoti Mai vakandiranba vakandisiya ndichienda nedhara wega unongoonawo mamirire azvakaita handina chandingakwanisewo kuita asi mashoko angu ndeekuti wotodzidza kumira wega mwanangu sezvo usina sisi kana munin'ina uye kwauri kuenda uko kubarika hauna shamwari yauchanoita nekuti muri pakurwirwa murume mese saka hapana achakupa rudo rwechokwadi seni Mai vako , wona chauchaisa mumuromo kuti chabvepi nekuti unogona kutodyiswa poison , ngwarira upenyu hwako mwanangu , usanoita shasha yepamuromo ikoko nekuti ndinoziva kuti kuchatukanwa , chero vakatii iwe nyarara uye udzidze kunamata pese pauri taura naMwari uchinanatira mumoyo "
Aiva mashoko ane simba akabuda mumuromo maMai vangu asi vakamapedzisa vava kuda kuchema neniwo misodzi yaingoerera , vakabva vadeedzwa kunenge kwaidiwa kuti vanyorese hembe dzavo dzeumai vakabva vapukuta maziso avo vakabuda zvavo .
Zvemarooro zvacho zvakazopera kwatosviba , ini ndikanzi ndichibuda Bag rangu Robby ndiye akauya kuritora kwakunoisa muboot , ini muviri wangu waiita kudedera ndaisava nesimba rekufamba , Mufaro ndiye akandibata naRobby kunondiisa mumota ndichibowa mhere kunge munhu afirwa , ndozvimwechete naMai vangu vaichemawo zvekuti manext door dai aisaziva zvaiitika aigona kufunga kuti pamba pedu paitika mariro.
Mumota ndakapinda ini naMai Mufaro ndivo vaiva vakumbirwa kundiperekedza vanomira saTete nekuti Baba vangu havana kana hama yavo yavaiva vamboudza .
Ivo vaJekanyika nemunyai wavo vaiva vakagara kumberi vachitotaura nyaya ini naMai Mufaro tiri kumashure , Mai Mufaro vaingova busy kundinyararidza.
" Ko Mai Mufaro mazuvano hanziiko marova hamuchade kuona vamwe kani "
Vakabvunza vaJekanyika tiri mumota muya Ivo Mai Mufaro vakazhinya zvavo vachiti
" Imi vaJekanyika ndimi musiri kubatika kubva pakafa fon yangu kana kuzombotaura neni "
Kamusekere kaiita Mai vaMufaro nenhaurirano yacho kwayaiva yakarerekera , ini ndozozvibatanidzawo nemakuhwa kuhwa andainzwawo nevanhu kuti Mai vaMufaro vanenge vaiva umwe wemagerofurenzi avaJekanyika asi vaizviita privately ndega ndakatoona kuti dzinenge dzaiva chokwadi .
" Asi mazviitirei imi vaJekanyika mwana uyu mudiki uyu"
Ndipo pega pavakataurawo zvakandifadza Mai vaMufaro iro Jekanyika riya rikati
" Ah handisini ndakati ndinomuda ini , Baba vake ndivo vakauya kuzondichemera kuti nditore mwana wavo ndichivapawo mombe uye kupedza nzara pamba pavo , saka sezvaunongoziva kuZimbabwe hakuna chemahara I have to take the offer chero dai Baba Mufaro vakauya vakati vaJekanyika torai henyu Mai Mufaro ava mundipe mombe nditoita sekudaro "
Nxaa raiita kunge rinomborwara nenjere zimudhara irori ndainzwa kurivenga zvakanyanya zvekuti ndiro raiva trouble causer rakaregerei kuramba offer yaBaba vangu .
Ipapa mudiwa wemoyo wangu ari muchipatara hamenoo kuti anopabuda here kana kuti , and haaimbotadza zvake kumwa mushonga wemakonzo chero dai ndirini ndainge ndanzwa kuti Kudzi aroora ndaitomwa Roga chaiyo .
"Yah tasvika tasvika "
Ndopakachinyatsa kurova hana yangu manje ndichiona gedhe richivhurwa pfacha pfacha paJekanyika Estate ndozvaiva zvakanyorwa pachi Poster chaiva pagedhe , kubva ndichikura munzvimbo medu ndaiva ndisati ndakambopasvika pamba apa ko paisangosvikwa nana pongwe kaa.
Saka yaitova first time yangu chiona kunaka kwapaiva pakaita Iwo malights akangoti ngwee kuita kunge mudhorobha .
Vanhu vaimhanya mhanya vachingopesana vamwe ndovakauya kuzondigamuchira kumota.
" Tigamuchire Mainini , tigamuchire Mainini "
Ndizvo zvega zvandaingonzwa vanhu vachindimbundira asi vainhuwirira freshness zvekuti nekusageza kwangu ndainge ndava kutozvinyarira zvangu .
Takanopinda mumba macho maiva mudining ko zvaiva zvatosiyana zvee nekwedu kunonzi vaenzi vanopinzwa mukitchen aiwa uko kwaiva nedining raiva rakakura zvekuti apa maiva makazara vanhu ini ndaiva ndisina nezambia rese , Mai Mufaro ndivo vakazobvisa ravo vakandipa since vaiva nedress rakareba .
Ko naMama vangu vaiva vakangamwawo kundipa Zambia here kana kuti vaiva vavhiringika zvakanyanya .
Takapinda tikanogara pasi naMai Mufaro vamwe vese vaiva pamasofa , Ivo vaJekanyika vaiva neravo zisofa raipenya penya zvaionekwa neusiku .
Murume uya aiva munyai ndiye akatanga nema Introduction kubva kumukadzi mukuru nevana vake kusvika pane wekupedzisira anenge aiva wezera neni asi aitova nenhumbu already , pavakadzi vese vandaonapo iyeye mudiki wechinumber 7 ndiye aiva asina mufaro plus aiva akaonda kuda aiva asati abvunwawo nemari sevamwe .
Chikafu chakauya chaiva chakatsvukira chichinhuwirira asi moyo wangu waisada ndakada kuchiramba asi Mai Mufaro vakanditsunya ndikakasika kugeza maoko ndikadya and chainaka chikafu chacho iyo nyama yacho kuwanda vaiva vanyatsa kutiisira sevanhu vari kupakurira vaenzi chaiko , habva Mai Mufaro kunyatsa kuidya vanenge vaidyirawo kuti havasi Tete vangu chaivo kana nyadzi dzekusiya something muplate vakadzishaya , takapurumutsa sadza nenyama kuita kunge tichati some more , seni ndainge ndaswera nenzara kaa muswere wese .
" Huyai Tete tikuratidzei muroom mamainini "
Akadaro mukadzi wavaJekanyika wechinumber 3 iyeye aiva aintroduswa achinzi Madhuve nekuti aiva asina mwana saka aingonzi vaMadhube.
Takasimuka naMai Mufaro totevera mukadzi iyeye nemupassage nhai Mwari imba yaiva yakakura zvayo iyoyo ndakaitadza kuverenga kuti aiva maroom mangani kusvika tasvika kumacheto ndiko kwaiva neroom yacho akasvika akavhura mukadzi iyeye achinyemwerera zvake aingova munhu anodika so aiva atouya akandibatira bag rangu kubva kudining "
" Eh ndiyo bedroom yenyu Mainini , masheets machena tatowaridza Baba vanouya muno nhasi bathroom iyo mosana mageza "
Musoro wangu wakatenderera pandakangoziva masheets ewhite zvaaireva nhai Mwari ndaizodii ini umhandara ndakapa Kudzi .
" Ah kwete nhasi musikana achiri kunguva yake saka motombomupa mazuva atange apedza ozosangana hake naBaba nhasi ndinombovata muno naye "
Vakadaro Mai Mufaro ndikanzwa kurerukirwa kutura mafemo chaiko ndaimbovavengera kutaurisa nekungwarisa asi apa this time vaiva vandi saver.....
Stay tuned
In God Hatiperi
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
💚
124